2017
Kuyeuka Ishe Mazuva Ose
Gumiguru 2017


Vechidiki

Kuyeuka Ishe Mazuva Ose

Shamwari, mabasa ekuita, basa rechikoro rekuitira kumba, Tii Vhii—pane zvinhu zvakawandisa zvinoda nguva yedu. Asi svondo rega rega, tinovimbisa Baba Vekudenga “kuti [tino] yeuka nguva dzose [Mwanakomana Wavo, Jesu Kristu]” (D&Z 20;79).

Mutungamiri Eyring vanotaura kuti tinokwanisa “kuita sarudzo zuva rega rega” idzo dzinokwanisa kutibatsira kuyeuka Muponesi. Funga kuita chinangwa mwedzi uno chekuyeuka Muponesi zvakanyanya zuva rega rega. Unokwanisa kugadzira karenda uye wozvipira kuchinhu chimwechete pazuva chekusimbisa hukama hwako Naye. Mutungamiri Eyring vanodorongodza zvinhu zvakaita sekuverenga magwaro matsvene, kunamata murutendo, uye nekushandira Muponesi nevamwe. Panewo kuchengeta jonari, kupinda misangano yeChechi, kuteerera kumusangano mukuru, kuenda kutemberi, kuimba nziyo—pane zvimwe zvinhu zvakawanda zvinokwanisa kudorongodzwa. Apo patinoyeuka Muponesi zuva rega rega, Mutungamiri Eyring vanovimbisa kuti “maropafadzo … anozouya zvishoma nezvishoma uye nguva dzose … [uye] anozotikurudzira kuti tive vadzidzi vechokwadi vaIshe Jesu Kristu.”

Dhinda