2017
Kuputira neRudo Avo Vanotsauka
Gumiguru 2017


Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Gumiguru 2017

Kuputira neRudo Avo Vanotsauka

Nemunamato dzidza chinyorwa chino uye wotsvaga femero yekuziva izvo zvekudzidzisa. Kunzwisisa chinangwa cheChita cheRubatsiro kunozogadzirira sei vanasikana vaMwari kuwana maropafadzo ehupenyu husingaperi?

Mufananidzo
Relief Society seal

Rutendo Mhuri Rubatsiro

“Chokwadi ndechekuti hakuna mhuri dzakarurama zvakakwana,” vanodaro Mutungamiri Dieter F. Uchtdorf, Mutevedzeri weChipiri muHutungamiri Hwekutanga. “Angava api zvawo matambudziko arikusanganikwa nawo nemhuri yenyu, zvingava zvipi zvazvo zvamunofanira kuita kuagadzirisa, mavambo nemagumo egadziriso yacho rudo rwakadzama, rudo rwutsvene rwaKristu.”

Nezve avo vasiri kutora chinhano zvakazara muvhangeri, Linda K. Burton, aimbova Mutungamiri Mukuru weChita cheRubatsiro, akati: “Baba Vekudenga vanoda vana Vavo vose. … Zvisinei nekuti ndekupi kwavari—kuti varikutora chinhano zvakazara muvhangeri kana kuti vakabuda muChechi—Vanoda kuti vadzokere kumba.”2

“Zvisinei nekurasika kungange kwakaita [vana venyu], … apo pamunotaura kana kukurukura navo, musataure navo mukushatirwa musataure navo zvine hasha nemaitiro ekushora,” vakadzidzisa Mutungamiri Joseph F. Smith (1838–1918). “Taurai navo zvine tsitsi.”3

Elder Brent H. Nielson veMakumi Manomwe vakadzokorora rairo yeMuponesi kune avo vane mashereni esirivheri gumi uye vorasikirwa nerimwechete: “Tsvagai kusvikira mariwana. Kana uyo akarasika ari mwanakomana kana mwanasikana wenyu, mukoma, munin’ina kana hanzvadzi yenyu, … mushure mezvose zvatinokwanisa kuita, tinoda munhu iyeyo nemwoyo yedu yose. …

“Ndinovimba kuti imi neni tinogashira chakazarurwa chekuziva mabatsiriro akanakisisa atingaita avo vari muupenyu hwedu vakarasika uye, apo pazvinodikanwa, tive nemwoyo murefu nerudo rwaBaba vedu vari Kudenga neMwanakomana Wavo, Jesu Kristu, apo patinoda, nokutarira, uye nokumirira muparadzi.”4

Mutungamiri Henry B. Eyring, Mutevedzeri Wekutanga muHutungamiri Hwekutanga, vakati: “Ndakanamata nerutendo kuti mumwe munhu wandaida azotsvaga uye agonzwa simba reRudzikinuro. Ndakanamata nerutendo kuti ngirozi dzevanhu dzaizouya kurubatsiro rwavo, uye dzakauya.

“Mwari vakaronga nzira dzekuponesa mumwe nemumwe wevana Vavo.” 5

Zvimwe Zvinyorwa Zvitsvene neRuzivo

Mateo 18:12; Aruma 31:35;3 Nifai 13:32; D&Z 121:41–42

reliefsociety.lds.org

Zvimwe Zvinyorwa

  1. Dieter F. Uchtdorf, “In Praise of Those Who Save,” Liahona, Chivabvu 2016, 79, 80.

  2. Linda K. Burton, in Sarah Jane Weaver, “Sister Burton, Sister Wixom Visit Church’s Pacific Area,” Church News, Kubvumbi 2, 2013, lds.org/church/news.

  3. Teachings of Presidents of the Church: Joseph F. Smith (1998), 254.

  4. Brent H. Nielson, “Waiting for the Prodigal,” Liahona, Chivabvu 2015, 103.

  5. Henry B. Eyring, “To My Grandchildren,” Liahona, Mbudzi 2013, 71.

Dhinda