2017
Kuva Vadzidzi Vechokwadi
Gumiguru 2017


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Gumiguru 2017

Kuva Vadzidzi Vechokwadi

Mumusangano wesakaramende wega wega, tine mukana wekuvimbisa Baba Vekudenga kuti tinozogara tichiyeuka Muponesi uye nekuchengeta mirairo Yake kuitira kuti tigova neMweya Wake kuti uve nesu (ona Moronai 4:3; 5:2; D&Z 20:77, 79). KuMuyeuka kunozogara kuchiuya kwatiri sechinhu chemazuva ose apo patinotora zita Rake patiri. Tinotora zita Rake patiri nenzira dzakawanda asi kunyanya apo patinoshandira vamwe muzita Rake, patinoverenga mashoko matsvene Ake, uye patinonamata kuti tizive izvo zvaAngade kuti tiite.

Zvakaitika kwandiri apo pandakaita rubhabhatidzo rwemumwe mukoma wechidiki. Ndaiziva kuti ndakanga ndadaidzwa nevaranda vakagadzwa veMuponesi semushumiri kuti ndidzidzise vhangeri Rake uye kuti ndipupure neZvake uye nezveChechi Yake yechokwadi. Mufambidzani wangu weushumiri neni takanga tavimbisa mukomana wechidiki uyu kuti aizocheneswa kuburikidza nesimba reRudzikinuro rwaJesu Kristu apo paaizotendeuka nerutendo muMuponesi uye obhabhatidzwa nemumwe wevaranda vane mvumo Vake.

Apo pandakasimudza mukomana wechidiki uyu kubuda mumvura dzechidziva cherubhabhatidzo, akazevezera munzeve mangu kuti, “ndachena, ndachena.” Muchinguva ichocho, ndakayeuka rubhabhatidzo rweMuponesi naJohane Mubhabhatidzi muRwizi rweJordani. Pamusoro paizvozvo, ndakayeuka kuti ndakanga ndichiita basa reruponeso reMuponesi akamutswa kuvakafa uye anorarama—ndichibatsirwa neMweya Mutsvene, sekubatsirwa kwakaitwa Johane.

Kwandiri nekune mumwe nemumwe wedu, kuyeuka Muponesi kunokwanisa kudarika kuvimba nendangariro yeruzivo nezviitiko zvedu Naye. Tinokwanisa kuita sarudzo mazuva ese idzo dzinotiswededza padyo Naye iye zvino.

Sarudzo iri nyore zvikuru ingangova yekuverenga magwaro matsvene. Nekuita izvozvo, tinokwanisa kuwana manzwiro ekuva padyo Naye. Kwandiri, kuva padyo kunowanzouya kazhinji zvikuru apo pandinoverenga muBhuku raMormoni. Mumaminetsi ekutanga ayo andinoverenga muzvitsauko zva 2 Nifai, ndinonzwa mupfungwa mangu mazwi aNifai naRihai vachitsanangura Muponesi sekunge vainyatsoMuziva ivo pachavo. Manzwiro ekuva padyo anouya.

Kwamuri, dzimwe nzvimbo muchinyorwa chitsvene dzingangonyanya kukuswededzai kwaAri. Asi kuri kupi zvako uye rinhi zvake pamunoverenga shoko raMwari, nechido chakaninipa uye chechokwadi chekuyeuka Muponesi, munozowedzera chido chenyu chekutora zita Rake pamuri muupenyu hwenyu hwezuva rega rega.

Chido ichocho chinozoshandura nzira yamunoshandira nayo muChechi yaIshe. Munozonamata kuna Baba Vekudenga kuti muwane rubatsiro mukukudziridza kunyange izvo zvamunofunga kuti idaidzo isina kukosha. Rubatsiro rwamunozokumbira nderwe kwaniso yekunangisa pfungwa panevamwe kunze kwako pachako uye wonyanya kunangisa pfungwa paneizvo zvinodiwa neMuponesi kune avo vamunodaidzwa kushandira.

Ndakanzwa kurudziro Yake uye kuvapadyo Kwake mumushandiro wangu nevana vedu apo pandainamata kuti ndizive mabatsiriro andingavaita kuti vawane runyararo urwo rwunounzwa chete nevhangeri. Panguva dzakadaro, ndaiva ndisina hanya nezvekuda kuonekwa semubereki akabudirira, asi ndaiva nehanya yakadzama pamusoro pekubudirira neugaro hwakanaka zvevana vangu.

Chido chekupa avo vatinoshandira izvo Muponesi zvaangapa kwavari chinotungamirira kuminamato inova yekuteterera kuna Baba Vekudenga, zvechokwadi muzita raJesu Kristu. Apo patinonamata nenzira yakadaro—muzita reMuponesi, nerutendo maAri—Baba vanopindura. Vanotumira Mweya Mutsvene kuti utitungamire, utinyaradze, uye utikurudzire. Nokuti Mweya unopupura nguva dzose nezveMuponesi (ona 3 Nifai 11:32, 36; 28:11; Eta 12:41), kwaniso yedu yekuda Ishe nemwoyo wedu wose, pfungwa dzedu dzose, nesimba redu rose inowedzera (ona Marko 12:30; Ruka 10:27; D&Z 59:5).

Maropafadzo ekuyeuka kwezuva rega rega uye nguva dzose anouya zvishoma nezvishoma uye nguva dzose apo patinoMushandira, patinoita mabiko pashoko Rake, uye patinonamata nerutendo pazita Rake. Uye kuyeuka uku kunozotikurudzira kuti tive vadzidzi vechokwadi vaIshe Jesu Kristu muhumambo Hwavo panyika pano—uye panguva inotevera naBaba Vavo munyika inoshamisa ichauya.