2017
Musatya Kuita Zvakanaka
Mbudzi 2017


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Mbudzi 2017

Musatya Kuita Zvakanaka

Ishe vanotitaurira kuti apo patinomira nerutendo pamusoro pedombo Ravo, kusava nechokwadi nekutya zvinoderedzwa; chido chekuita zvakanaka chinowedzera.

Mabhuratha nemasisita angu anodikanwa, ndinonamata zvakaninipa kuti Mweya waIshe unozova nesu apo pandinotaura nhasi. Mwoyo wangu uzere nokutenda kuna Ishe, uyo anova muridzi weChechi ino, nefemero yatanzwa muminamato yakadzama, mharidzo dzakafemerwa, nekuimba kunenge kwengirozi mumusangano uno.

Kubvumbi akapfuura, Mutungamiri Thomas S. Monson vakapa shoko iro rakabata mwoyo yevanhu nepasi rose, kusanganisira wangu. Vakataura nezve simba reBhuku raMormoni. Vakatikurudzira kuti tinzvere, tifungisise, uye tishandise dzidziso rayo. Vakavimbisa kuti kana tikapira nguva zuva rega rega kukunzvera nekufungisisa uye nekuchengeta mirairo iri muBhuku raMormoni, tinozova neuchapupu hwakakosha hwehuchokwadi hwaro, uye uchapupu hwatinozogashira hwaKristu anorarama hunozotibatsira kushingirira zvakanaka munguva dzedambudziko. (Ona “The Power of the Book of Mormon,” Liahona, Chivabvu 2017, 86–87.)

Sevazhinji venyu, ndakanzwa mashoko emuporofita seizwi raIshe kwandiri. Uyewo, sevazhinji venyu, ndakasarudza kuteerera mashoko iwayo. Zvino, kubvira pandaiva mukomana mudiki, ndakanzwa mumwoyo mangu uchapupu hwekuti Bhuku raMormoni ishoko raMwari, kuti Baba neMwanakomana vakazviratidza uye vakataura naJoseph Smith, uye kuti Vaapositora vakare vakauya kuMuporofita Joseph kuzodzorera makii ehupirisita kuChechi yaIshe.

Neuchapupu ihwohwo, ndakaverenga Bhuku raMormoni mazuva ese kwemakore anopfuura makumi mashanu. Nokuti ndakaita izvi ndingadai ndakafunga zvine musoro kuti mashoko eMutungamiri Monson akanga achireverwa kune mumwe munhu kunze kwangu. Asi zvakadaro, sevazhinji venyu, ndakanzwa kurudziro yemuporofita nevimbiso yake ichindikoka kuti ndiedze zvakanyanya kusimba. Vazhinji venyu makaita zvandakaita: makanamata nechido chakawedzerwa, mukafungisisa gwaro dzvene nechido chakanyanya, uye mukaedza zvakasimbisa kushandira Ishe nevamwe kuitira Ivo.

Magumo anofadza kwandiri, uye nekune vazhinji venyu, akave izvo zvakavimbiswa nemuporofita. Avo vedu vakagashira zvakadzama rairo yakafemerwa iyi takanzwa Mweya zvakajekesa. Takawana simba rakakurisa rekukunda chiedzo uye takanzwa rutendo rukurusa muna Jesu Kristu akamutswa kuvakafa, muvhangeri Rake, uye muChechi inorarama Yake.

Munguva ino yekuwanda kwemhirizhonga munyika, wedzero idzodzo muuchapupu dzinodzingira kunze kusatenda nekutya uye dzotiunzira manzwiro erunyararo. Kuteerera rairo yeMutungamiri Monson kwava nemimwe migumisiro miviri kwandiri: Kutanga, Mweya wavakavimbisa waburitsa manzwiro etariro yakanaka pamusoro pezvichaitika mune ramangwana, kunyange apo mhirizhonga munyika painoratidzika kuwedzera. Uye, chechipiri, Ishe vakapa ini—nemi—manzwiro akatonyanya kukurisa erudo Rwavo rweavo vari mukutambudzika. Takanzwa chido chakawedzera chekuenda kurununuro rwevamwe vanhu. Chido ichocho chiri musimboti mukuru mumharidzo nedzidziso zveMutungamiri Monson.

Ishe vakavimbisa rudo kune vamwe uye ushingi kuna Muporofita Joseph Smith naOliver Cowdery apo mabasa aiva mberi kwavo paakaratidzika kuva akarema. Ishe vakati ushingi hwavaizoda hwaizouya kubva kurutendo rwavo maVari sedombo ravo:

“Musatye kuita zvakanaka, vanakomana vangu, nokuti pane chose chamunodyara, icho ndicho chamuchakohwawo; naizvozvo, kana mukadyara kunaka, muchakohwawo chakanaka semubairo wenyu.

“Nokudaro, musatye, imi vegungano diki; itai zvakanaka: regai nyika negehena zvikukutsiranei, nokuti kana makavakira padombo rangu, hazvikukwanisei.

“Tarisai, handikutongei, endai nenzira dzenyu uye musatadzezve; itai muchiziva zvamuri basa randakakurairai.

“Tarisai kwandiri mupfungwa yose; musashaya chokwadi, musatye.

“Tarisai maronda akabaiwa parutivi rwangu, uye nemavanga ezvipikiri ari mumaoko netsoka dzangu; ivai nerutendo, chengetai mirairo yangu, uye muchagara nhaka yeumambo hwekudenga” (D&Z 6:33–37).

Ishe vakataurira vatungamiri Vavo veKudzorera Chechi, uye Vanotaurira isu, kuti apo patinomira nerutendo pamusoro pedombo Ravo, kusava nechokwadi nekutya zvinoderedzwa; chido chekuita zvakanaka chinowedzera. Apo patinotambira kukoka kweMutungamiri Monson kwekudyara mumwoyo yedu uchapupu hwaJesu Kristu, tinowana simba, chido, neushingi hwekuenda kurununuro rwevamwe tisina hanya yezvidikanwi zvedu pachedu.

Ndakaona rutendo irworwo neushingi ihwohwo nguva zhinji apo Vatendi veMazuva Ekupedzisira vanotenda pavakatarisana nezviedzo zvinotyisa. Semumwe muenzaniso, ndakanga ndiri kuIdaho apo pakaputsika Dhamu reTeton musi waChikumi 5, 1976. Mudhuri wemvura wakaduruka pasi kubva mudhamu iroro. Zviuru zvevanhu zvakatiza kubva mudzimba dzavo. Zviuru zvedzimba nemabhizimisi zvakaparadzwa. Nechishamiso, vanhu vasingadarike gumi nevashanu vakauraiwa.

Zvandakaona ikoko, ndakazviona apo pose Vatendi vaMazuva Ekupedzisira pavanomira vakasimba padombo reuchapupu hwaJesu Kristu. Nokuti vane chokwadi chekuti Anovatarira, vanova vasingatye. Vanokanganwa zviedzo zvavo pachavo uye voenda kunobatsira vamwe. Uye vanozviita nokuda kwerudo rwavo kuna Ishe, vasingakumbire kana mubairo.

Semuenzaniso, apo pakaputsika Dhamu reTeton, mumwe murume nemukadzi wake avo vaiva veVatendi vaMazuva Ekupedzisira vakanga vachifamba, uye vava makiromita mazhinji kubva kumba kwavo. Apo pavakangonzwa nhau dzacho paredhiyo, vakabva vakurumidza kudzokera kuRexburg. Pane kuti vaende kumba kwavo pachavo kunoona kana yakanga yaparadzwa, vakaenda kunotsvaga bhishopi wavo. Akanga ari muchivako icho chakanga chichishandiswa senzvimbo yokurongera mabasa eruponeso. Akanga achibatsira kutungamirira zviuru zvevabatsiri avo vakanga vachisvika nemabhazi echikoro eyero.

Murume uyu nemukadzi wake vakaenda kuna bhishop uye vakati, “Tichangodzoka. Bhishopi, ndekupi kwatingaende kunobatsira?” Akavapa mazita eimwe mhuri. Murume nemukadzi wake ava vakagarapo vachibvisa madhaka nemvura kubva mudzimba dzakawanda. Vakashanda kubvira mambakwedza kusvika kwasviba kwemazuva akawanda. Pakupedzisira vakazozorora kuti vanoona nezve imba yavo pachavo. Yakanga yayeredzwa nemafashamo, achisiya pasina chinhu chekuchenesa. Saka vakadzokera nekukurumidza kuenda kuna Bhushopi wavo. Vakabvunza kuti, “Bhishopi, mune mumwe munhu here wekuti tibatsire?”

Chishamiso cheushingi nerudo rwakadzama zvinoitwa nerunyararo—rudo rutsvene rwaKristu—zvakadzokororwa pamakore mazhinji uye nepasi rose. Zvakaitika mumazuva akaipisa ekutambudzwa uye ezviedzo panguva yeMuporofita Joseph Smith muMissouri. Zvakaitika apo Brigham Young paakatungamirira kubuda kwevazhinji kubva kuNauvoo uye akazodaidza Vatendi kuti vabve kunzvimbo dzese dzekumadokero kweUnited States, kuti vanobatsirana kumisa Zioni raIshe.

Kana mukaverenga zvinyorwa zvemujenari zvevatangi ivavo, munoona chishamiso cherutendo chichibvisa kusava nechokwadi nekutya. Uye munoverenga nezveVatendi vachisiya zvemaererano navo kunobatsira mumwewo munhu kuitira Ishe, vasati vadzokera kuhwai dzavo pachavo kana kuminda isina kurimwa yavo pachavo.

Ndakaona chishamiso chimwechetecho mazuva mashomanana akapfuura ayo mushure mekuparadzwa kwakakonzerwa neDutu Guru Irma muPuerto Rico, Saint Thomas, neFlorida, uko Vatendi vaMazuva Ekupadzisira kwavakabatana nemamwe machechi, zvikwata zvevagari vemunharaunda, nemasangano emunyika kuti vatange mabasa ekutsvaira nekuchenesa.

Seshamwari dzangu muRexburg, mumwe murume nemukadzi wake vasiri nhengo dzeChechi yedu avo vanogara muFlorida vakananga pakubatsira vagari vemunharaunda mavo pane kushanda pamusha wavo pachavo. Apo vamwe vavakidzani veVatendi vaMazuva Ekupedzisira pavakazvipira kubatsira nemiti miviri mikuru yakanga yavhara nzira yavo yekupinda pamba nemotokari, murume nemukadzi wake ava vakatsanangura kuti vakanga vakundikana nokudaro vakanga vasarudza kunangisa simba ravo pakubatsira vamwe, vaine rutendo rwekuti Ishe vaizovapa rubatsiro rwavaida pamba pavo pachavo. Murume wacho zvino akagovera kuti nhengo dzeChechi yedu dzisati dzasvika nezvido zverubatsiro, iye nemukadzi wake vakanga vachinamata. Vakanga vatambira mhinduro yekuti rubatsiro rwaizouya. Rwakauya mukati memaawa mashomanani mushure mevimbiso iyoyo.

Ndakanzwa shoko rekuti vamwe vakatanga kudaidza Vatendi vaMazuva Ekupedzisira vakapfeka matiisheti eyero eMaoko Erubatsiro kuti “Ngirozi dzeYero.” Mumwe Mutendi weMazuva Ekupedzisira akaenda nemotokari yake kuti inogadzirwa, uye murume akamubatsira ikoko akatsanangura “chiitiko chemweya” chaakava nacho apo vanhu vaiva vakapfeka masheti eyero pavakabvisa miti kubva muchivanzi chake uye zvino, akati, “vakaimba rumwe rumbo kwandiri pamusoro pekuva mwana waMwari.”

Mumwe mugari wemuFlorida—zvakare asiri wechitendero chedu—akarondedzera kuti Vatendi vaMazuva Ekupedzisira vakauya kumba kwake apo paakanga achishanda muchivanzi chake chakanga chaparadzwa uye achinzwa kukundikana, achipiswa zvakanyanyisa, uye avapadyo nekuchema. Vapi verubatsiro ava vakaita, nemumazwi ake, “chishamiso chaicho icho.” Vakashandira kwete chete neushingi asiwo nekuseka nekunyemwerera, vasingatambire chinhu semubairo webasa ravaiita.

Ndakaona ushingi ihwohwo uye ndikanzwa kuseka ikoko apo, zuva ravakunodoka uri musi weMugovera, ndakashanyirana nechikwata cheVatendi vaMazuva Ekupedzisira muFlorida. Vapi verubatsiro ava vakamira basa ravo rekuchenesa kwenguva yakareba zvakakwana zvekuti ndikwazisane chishanu navo. Vakati nhengo makumi mapfumbamwe dzesiteki yavo muGeorgia dzakanga dzaita chirongwa chekuti dzitore chinhano mubasa rokununura muFlorida usiku hwakanga hwuchangopfuura.

Vasimuka kubva muGeorgia na4:00 mangwanani, vakatyaira motokari kwemaawa mazhinji, vakashanda nemuzuva rese uye nemuusiku, uye vakanga varonga kushanda zvakare zuva raitevera.

Vakazvitsanangura kwandiri zvese vaine kunyemwerera nenyambo dzakanaka. Shungurudzo imwechete yandakaona yaiva yekuti vaida kuti kutendwa kuchimiswa kuitira kuti vadzokere kubasa. Mutungamiri wesiteki akanga atangisazve mushini wake wekuchekesa uye akanga achishanda pamuti wakanga wadonha uye bhishopi akanga achibvisa mapazi emuti apo patakapinda mumotokari medu kuti tiende kunoshanyira chikwata chevanunuri chaitevera.

Pashure zuva iroro, apo pataibva paneimwe nzvimbo, mumwe murume akafamba achiuya kumotokari yedu, akabvisa nguwani yake , akatitenda nevapi verubatsiro ava. Akati, “handisi nhengo yechechi yenyu. Handikwanise kubvuma zvamatiitira. Mwari vakuropafadzei.” Mupi werubatsiro weVatendi vaMazuva Ekupedzisira akanga akamira parutivi pake akapfeka sheti yake yeyero akanyemwerera uye akakwidza mapendekete ake sekunge akanga asingakodzere rumbidzo.

Apo vapi verubatsiro vakabva kuGeorgia pavakanga vauya kuzobatsira murume uyu akanga asingazvibvume, mazana eVatendi vaMazuva Ekupedzisira vaibva kunzvimbo yakaparadzwa iyoyo yeFlorida vakanga vaenda mazana emakiromita kumaodzanyemba kune imwe nzvimbo muFlorida uko kwavakanga vanzwa kuti vanhu vakanga vatambudzwa zvakanyanyisa.

Zuva iroro ndakayeuka uye ndikanzwisisa zvirinani mashoko ehuporofita eMuporofita Joseph Smith: ekuti, “Munhu azere nerudo rwaMwari, haagutsikane nekuropafadza mhuri yake yega, asi anotsvaga nemunyika yose, achida zvikuru kuropafadza rudzi rwevanhu rwese” (Teachings of Presidents of the Church: Joseph Smith [2007], 426).

Tinoona rudo rwakadaro muupenyu hweVatendi Vamazuva Ekupedzisira kwose kwose. Nguva yega yega yapanove nechiitiko chine njodzi kupi zvako panyika, Vatendi vaMazuva Ekupedzisira vanopa zvinhu uye vanozvipira kumabasa eChechi ekubatsira vanhu. Chikumbiro chekupa rubatsiro kazhinji hachidikanwi. Pachokwadi, panedzimwe nguva, tinotokumbira avo vanozoda kupa rubatsiro kuti vamire kuenda kunzvimbo dzinorongerwa zveruponeso kusvikira avo vanotungamirira basa racho vagadziria kuvatambira.

Chido chekuropafadza muchero wevanhu vari kutambira uchapupu hwaJesu Kristu, vhangeri Rake, Chechi Yake yakadzorerwa, uye nemuporofita Wake. Ndicho chikonzero chinoita kuti vanhu vaIshe vasashaye chokwadi uye vasatye. Ndicho chikonzero chinoita kuti vashumiri vazvipire kuno shandira mukona yese yepanyika. Ndicho chikonzero chinoita kuti vabereki nevana vavo vanamatire vamwe. Ndicho chikonzero chinoita kuti vatungamiri vakoke vechidiki vavo kuti vatambire nemwoyo wose chikumbiro cheMutungamiri Monson chekuti vanzvere Bhuku raMormoni zvakadzama. Muchero uyu hauwuyi kwete nokuda kwekukurudzirwa nevatungamiri asi asi nekuda kwevechidiki nenhengo vachishanda parutendo. Rutendo irworwo, rwaiswa muchiito, chinoda kuzvipira kusina chindingoveni, rwunounza shanduko yemwoyo inovabvumira kuti vanzwe rudo rwaMwari.

Mwoyo yedu, zvisinei, inoramba yakashanduka chete kana tikaramba tichitevera rairo yemuporofita. Kana tikamira kuedza mushure mekuedza kukuru kumwechete, shanduko iyoyo inozopera.

Vatendi vaMazuva Ekupedzisira vakawedzera rutendo rwavo muna Ishe Jesu Kristu, muchokwadi chekuti Bhuku raMormoni ishoko raMwari, uye mukudzorerwa kwemakiyi ehupirisita muChechi Yavo yechokwadi. Uchapupu hwakawedzerwa ihwohwo hwakatipa ushingi hukurusa nehanya huru kune vamwe vana vaMwari. Asi zvinetso zvacho nemikana zviri mberi zvinozoda zvakanyanya zvakawanda.

Hatikwanise kufanoona zvazvakanyastoita chaizvo, asi tinoziva zvichaitika mune ramangwana. Tinoziva kuti mumazuva ekupedzisira, nyika ichava munyonga nyonga. Tinoziva kuti mukati mematambudziko api zvawo anouya, Ishe vachatungamirira Vatendi vaMazuva Ekupedzisira vakatendeka kuti vaendese vhangeri raJesu Kristu kurudzi rwose, hama dzose, ndimi dzose, nevanhu vose. Uye tinoziva kuti vadzidzi vechokwadi vaIshe vanozova vakakodzera uye vakagadzirira kuMugashira apo paAnouya zvakare. Hatifanire kutya.

Saka, kunyange tiri takatovaka rutendo neushingi mumwoyo medu, Ishe vanotarisira zvakawanda kubva kwatiri—uye nekubva kuzvizvarwa zvemumashure medu. Vanozofanira kuva vakasimbisisa pamweya uye vakashingisisa nokuti vachazoita zvinhu zvakakurisisa uye zvakaomesesa kupinda zvatakaita. Uye vachatarisana nepikiso yakawedzerwa kubva kumuvengi wemweya yedu.

Nzira yekuwana tariro muneramangwana apo patinofambira mberi yakapihwa naIshe: “Tarisai kwandiri mupfungwa yose; musashaya chokwadi, musatye”(D&Z 6:36). Mutungamiri Monson vakatitaurira maitiro aizvozvo. Tinofanira kufungisisa nekushandisa misimboti inowanikwa muBhuku raMormoni nemumashoko evaporofita. Namatai nguva dzose. Ivai munotenda. Kushandira Ishe nemwoyo wedu wose, nekugwinya kwedu kwose, nepfungwa dzedu dzose, uye nesimba redu rose. Tinofanira kunamata nesimba rose remwoyo yedu kuitira kuti tigowana chipo cherudo rwakadzama, rudo rwutsvene rwaKristu (ona Moronai 7:47–48). Uye kupfuura zvimwe zvose, tinofanira kutsiga nekushinga mukutevera rariro yehuporofita.

Kana nzira yakaoma, tinokwanisa kumira nevimbiso yaIshe—vimbiso iyo Mutungamiri Monson yavakatiyeuchidza nezvayo pavakatapa kazhinji mazwi aya eMuponesi: “Anizvake achakugashirai, ipapo ndichavepowo, nokuti ndichaenda pamberi pehuso hwenyu. Ndichange ndiri kurudyi rwenyu nokuruboshwe rwenyu, Mweya wangu uchange uri mumwoyo yenyu, uye ngirozi dzangu dzakakukomberedzai, kuti dzikusimudzirei pamusoro.” (D&Z 84:88).

Ndinopupura kuti Ishe vanoenda mberi kwehuso hwenyu apo pese pamunenge muri pabasa Ravo. Dzimwe nguva uchange uri ngirozi inotumwa naIshe kuno simudzira vamwe pamusoro. Dzimwe nguva uchange uri iwe wakakomberedzwa nengirozi dzinokusimudzira pamusoro. Asi muchazove nguva dzose neMweya Wavo kuti uve mumwoyo menyu, sekuvimbiswa kwamakaitwa mumusangano wega wega wesakaramende. Munongofanira chete kuchengeta mirairo Yake.

Mazuva akanakisisa ari mune ramangwana kuhumambo hwaMwari pano pasi. Pikiso ichasimbisa rutendo rwedu munaJesu Kristu, sezvayakaita kubvira mamazuva eMuporofita Joseph Smith. Rutendo runokurira kutya nguva dzose. Kushanda pamwechete kunoburitsa kubatana. Uye minamato yenyu yeavo vanoshaya inonzwika uye inopindurwa naMwari vanerudo. Havakotsiri uye Havavati.

Ndinopa uchapupu hwangu hwekuti Mwari Baba vanorarama uye vanoda kuti muuye kumusha kwaVari. Iyi iChechi yechokwadi yaIshe Jesu Kristu. Vanokuzivai; Vanokudai; Vanokutaririrai. Vakaripira zvitadzo zvenyu nezvangu uye zvitadzo zvevana vese vaBaba Vekudenga. KuVatevera muupenyu hwenyu uye mumushandiro wenyu kune vamwe ndiyo nzira chete yekuupenyu hwekusingaperi.

Ndinopupura uye ndinokusiirai ropafadzo rangu nerudo rwangu. Nemuzita rinoyera raJesu Kristu, ameni.

Dhinda