2017
Vanasikana Vatatu
Mbudzi 2017


Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Mbudzi 2017

Vanasikana Vatatu

Hudzidzi hwedu pachedu huri mumaoko edu, uye hazvina—kana chimwe chinhu—chekuita nenzira yatinobatwa nayo nevamwe.

Masisita anodikanwa, shamwari dzinodikanwa, kutanga musangano mukuru nechikamu chemasisita epasi rose chinhu chinokosha uye chakanakisisa. Ingofungidzirai: masisita emazera ose, emamiriro ose, emarudzi ose, uye endimi dzose akabatana murutendo nemurudo rwaIshe Jesu Kristu.

Apo patakasangana munguva pfupi yapfuura nemuporofita wedu anodikanwa Mutungamiri Thomas S. Monson, vakataura kwatiri madiro avanoita Ishe. Uye ndinoziva kuti Mutungamiri Monson vanotenda zvikuru nerudo rwenyu, minamato yenyu, uye nekuzvipira kwenyu kuna Ishe.

Imwe nguva refu yakapfuura iyo munyika iri kure maigara mhuri yevasikana vatatu.

Mwanasikana wekutanga akanga akasuwa. Zvinhu zvese kubva kumhuno yake kusvika kuchirebvu chake uye kubva kuganda rake kusvika kuzvigunwe zvetsoka zvake zvairatidzika sezvisina kunyatsonaka zvakakwana kwaari. Apo paaitaura, mazwi ake dzimwe nguva aibuda zvisirikwazvo, uye vanhu vaiseka. Kana mumwe munhu akamushoropodza, kana kurega kumukoka kune chimwe chinhu, ainyadzwa nazvo, osuduruka, uye otsvaga nzvimbo yakavandika apo painotura mafemo akasuwa uye achishamisika kuti sei upenyu hwakanga huchiwodza mwoyo uye husingafadze zvakadaro.

Mwanasikana wechipiri akanga akatsamwa Aizvifunga semunhu akanga ainenjere zvikuru, asi nguva dzose paive nemumwe munhu aitsvunha zviri pamusoro mubvunzo kuchikoro. Aizvifunga semunhu ane nyambo, akanaka, anopfeka mbatya dzakanaka, uye anonakidza. Asi nguva dzose, zvairatidzika kuti kune mumwe munhu aive nenyambo dzirinani, akanakisa, anopfeka mbatya dzakanyanya kunaka, kana ainyanya kunakidza.

Akanga asiri wekutanga pachinhu chipi zvacho, uye izvi akanga asingakwanise kuzvitambira. Upenyu hwakanga husingafanire kuva nzira iyi!

Dzimwe nguva aipopotera vamwe, uye zvairatidzika kuti aigara nguva dzose aripadyo nekushatiriswa nezvinhu zvakawanda.

Hongu, izvi hazvinakumuita kuti anyanye kudiwa kana kukurumbira. Dzimwe nguva airuma mazino ake, opfumbata zvibhakera zvake, uye ofunga kuti, “Upenyu hahwuna ruenzaniso!”

Zvino paive nemwanasikana wechitatu. Mukusiyana nemadzikoma ake suwa, natsamwa, akanga—ari anofara. Uye zvakanga zvisiri nekuda kwekuti akanga aine njere dzakanyanya kana kuti akanyanya kunaka kana kuti aikwanisa zvakanyanya kupinda madzikoma ake. Kwete, vanhu dzimwe nguva vaimunzvenga kana kumuona seasipo. Dzimwe nguva vainyomba zvaainge akapfeka kana zvinhu zvaaitaura. Dzimwe nguva vaitaura zvinhu zvakaipa pamusoro pake. Asi haana kumbobvumira zvese izvozvo kuti zvinyanye kumunetsa.

Mwanasikana uyu aida kuimba. Akanga asingaimbe zvakanyatsonaka, uye vanhu vaiseka nezvazvo, asi izvi hazvina kumumisa. Aiti, “Handizi kuzoita kuti vamwe vanhu nezvavanofunga zvindiregedzese kuimba!”

Chokwadi ichocho chekuti akaramba achiimba chakaita kuti mukoma wake wekutanga asuwe uye mukoma wake wechipiri atsamwe.

Makore mazhinji akapfuura, uye pekupedzisira mwanasikana mumwe nemumwe akasvika pakupera kwenguva yake pasi.

Mwanasikana wekutanga, uyo akaona nguva nenguva kuti kwakanga kuine zvigumbu zvakawanda muupenyu, pekupedzisira akafa akasuwa.

Wechipiri, uyo zuva rega rega aiwana chimwe chinhu chitsva chekusada, akafa akatsamwa.

Uye mwanasikana wechitatu, uyo akapedza upenyu hwake achiimba rumbo rwake nesimba rake rose uye nerunyemwerero rune ruvimbo pachiso chake, akafa akafara.

Hongu, upenyu haumbofa hwakava nyore, uye vanhu havambofa vakafanana uye vasingashanduke sevanasikana vatatu ava munyaya ino. Asi kunyange mienzaniso yakanyanya sei iyi inokwanisa kutidzidzisa chimwe chinhu pamusoro pedu. Kana wakaita sevazhinji vedu, ungangodaro waona chikamu chako pachako mumumwechete, muvaviri, kana zvimwe vese vatatu vevanasikana ava. Ngatitarisisei pane mumwe nemumwe wavo.

Mutadzirwi

Mwanasikana wekutanga aizviona semutadzirwi—semumwe munhu aitongerwa. 1 Zvairatidzika sekuti zvinhu zvinji zvairamba zvichiitika kwaari zvaimuita kuti ashungurudzike. Nemaonero akadai ehupenyu, akanga achipa vamwe simba pamusoro pemanzwiro emwoyo nemaitiro ake. Apo patinoita izvi, tinozungunusirwa kwese kwese nemhepo yese yezvinofungwa—uye muzuva rino renhepfenyuro dzeindaneti dzinowanikwa kwese kwese uye dzinoshandiswa nemunhu wese, pfungwa idzodzo dzinokwanisa kukurumbira zvikuru uye dzichitorwa zvakasimbisisa.

Masisita anodikanwa, sei muchifanira kupa rufaro rwenyu kune mumwe munhu, kana chikwata chevamwe vanhu, vasina hanya nemi kana nerufaro rwenyu?

Kana mukazviwana muchinetseka pamusoro pezvinotaurwa nevamwe vanhu pamusoro penyu, ndingape zano remurapo iri: yeukai kuti muri ani. Yeukai kuti muri veimba yeushe hweumambo hwaMwari, vanasikana veVabereki Vekudenga, avo vanotonga pasi nedenga rose.

Une kwaniso yekuva saMwari. Une zvipo zvinoshamisa zvakabva mukusikwa kwako kwemweya uye zvakakudziridzwa munguva yakareba zvikurusa yeupenyu hwako usati wauya panyika. Uri mwana waBaba vedu Vekudenga vane tsitsi uye vasingaperi, Ishe veHondo, Avo vakasika zvose pasi nedenga, vakaparadzira nyenyedzi dzinotenderera nemukupamhamha kuru kuru kwedenga, uye vakaisa nyika munzira madzo madzakasikirwa .

Uri mumaoko Avo.

Maoko akanakisisa.

Maoko ane rudo.

Maoko anotaririra.

Uye hapana chimwe chinhu chinofa chakataurwa nemumwe munhu pamusoro pako chinga shandura izvozvo. Mazwi avo haareve chinhu mukuenzaniswa nezvakataurwa naMwari pamusoro pako.

Uri mwana Wavo anokosha.

Vanokuda.

Kunyange apo paunotadza, kunyange paunobva paVari, Mwari vanokuda. Kana uchinzwa wakarasika, wakasiiwa uri wega, kana wakakanganikwa—usatye. Mufudzi Akanaka achakuwana. Achakusimudza pamafudzi Ake. Uye Achakutakura kuenda kumba.2

Masisita angu anodikanwa, ndapota regai zvokwadi zvehumwari izvi zvidzike zvakadzama mumwoyo yenyu. Uye munozoona kuti pane zvikonzero zvakawanda zvekuti musa suwe, nokuti mune magumo asingaperi ekuzadzikisa.

Muponesi anodikanwa wenyika akapa upenyu Hwake kuitira kuti mugokwanisa kusarudza kuita kuti magumo iwayo aitike. Makatora pamuri zita Rake; Muri vadzidzi Vake. Uye nekuda Kwake, munokwanisa kuzvipfekedza nenguo dzekubwinya kwekusingaperi.

Muvengi

Mwanasikana wechipiri akanga akashatirirwa nyika. Semukoma wake akanga akasuwa, ainzwa kuti zvinetso zviri muupenyu hwake zvose zvaikonzerwa nemumwe munhu. Aipa mhosva kumhuri yake, shamwari dzake, mutungamiri wake wepabasa uye vamwe vaaishanda navo, mapurisa, vavakidzani, vatungamiri veChechi, zvipfeko zvaivako nguva iyoyo, kunyange simba rekupenya kwezuva, uye munyama ungori pachena. Uye akapopotera kwazviri zvose.

Akanga asingazvifunge iye semunhu aneutsinye. Pane kudaro, ainzwa kuti akanga ari kungozvidzivirira chete. Vamwe vanhu vese, aitenda kuti vaikurudzirwa nechindingoveni, zvinhu zvisina basa, neruvengo. Iye, nerimwe divi, aikurudzirwa nezvido zvakanaka—ruenzaniso, hunhu hwakanaka, nerudo.

Kuipa kwazvo ndekwekuti, nzira yemafungiro emwanasikana akanga akatsamwa anowanika kazhinji zvikuru. Izvi zvakaonekwa mudzidzo yenguva pfupi yapfuura iyo yakaongorora kurwisana pakati pezvikwata zvino pikisana. Sechikamu chedzidzo iyi, vatsvagi veruzivo vakabvunzurudza maPalestinian nemaIsraeli muMiddle East, uye maRepublican nemaDemocrat muUnited States. Vakaona kuti “divi rimwe nerimwe rainzwa kuti chikwata chavo pachavo [chakanga] chichikurudzirwa nerudo kupfuura ruvengo, asi apo pavakabvunzwa kuti sei chikwata chavo chevapikisi [chakanga] chichitora chinhano mukurwisana vakanongedzera kuruvengo sechinhu chaikurudzira [icho chimwe] chikwata.”3

Nemamwe mazwi, chikwata chimwe nechimwe chaizvifunga icho pachacho “sevanhu vakanaka”—vaneruenzaniso, vanetsitsi, uye vanechokwadi. Mukusiyana, vaiona vapikisi vavo “sevanhu vakaipa”—vasina ruzivo, vanonyepa, kunyange vakaipa.

Mugore randakazvarwa, nyika yakanga iri mukati mehondo yakaipisa iyo yakaunza kutambudzika kunorwadza uye nerusuwo rukuru kunyika. Hondo iyi yakakonzerwa nerudzi rwangu pachangu—nechikwata chevanhu chaiona zvimwe zvikwata sezvakaipa uye chikakurudzira revengo kwazviri.

Vakanyaradza avo vavakanga vasingade. Vakavanyadzisa uye vakanyepa kuti vakanga vakaipa uye vari mhondi. Vaivaona sevaripasi—kunyange vari pasi pekuva vanhu. Apo pamunongodzikisira chikwata chevanhu, kazhinji munowana chikonzero chekuenzanisa mazwi nezviito zvechisimba kwavari.

Ndinodedera pandinofunga pamusoro pezvakaitika muGermany yezana remakore rechimakumi maviri.

Apo mumwe munhu paanopikisa kana kusawirirana nesu, zvinokukwezvera kuti usvike pakufunga kuti panofanira kuve nechimwe chinhu chakaipa pavari. Uye kubva ipapo zvirinyore chaizvo kuisa zvinangwa zvakaipisisa kumazwi nezviito zvavo.

Hongu, tinofanira nguva dzose kumirira izvo zvakanaka, uye pane dzimwe nguva apo patinofanira kusimudza mazwi edu kuzvitsigira zvinhu izvozvo. Zvisinei, apo patinozviita nehasha kana neruvengo mumwoyo yedu—apo patinopopotera vamwe kuti tivarwadzise, tivanyadzise, kana kuvanyaradza—zvingangova kuti hatizi kuzviita muururami.

Muponesi akadzidzisei?

“Asi tarisai ini ndinoti kwamuri: Idai vavengi venyu, muropafadze vanokutukai, muitire zvakanaka vanokuvengai, munamatire vanokutambudzai nekukushorai;

“Kuti muve vana vaBaba venyu vari kudenga.”4

Iyi ndiyo nzira yeMuponesi. Ndiyo nhano yekutanga mukupunza zvimhinga mipinyi zvinokonzera kushatirwa, ruvengo, kupesana, uye nekurwisana munyika kwakawanda kudaro.

“Hongu,” mungangoti, “Ndingada kuda vavengi vangu—kana chete vachida kuita zvimwechetezvo.”

Asi izvo hazvinyanyova nebasa, zvinaro here? Hudzidzi hwedu pachedu huri mumaoko edu, uye hazvina—kana chimwe chinhu—chekuita nenzira yatinobatwa nayo nevamwe. Pachokwadi tinovimba kuti vanozonzwisisa uye vainetsitsi kwatiriwo, asi rudo rwedu kwavari haruneyi nemanzwiro avo kwatiri.

Zvimwe kuedza kwedu kuda vavengi vedu kuno pfavisa mwoyo yavo uye kwovakurudzira kuita zvakanaka. Zvimwe hakuzovakurudziri. Asi izvo hazvishandure kuzvipira kwedu kwekutevera Jesu Kristu.

Nokudaro, senhengo dzeChechi yaJesu Kristu, tinozoda vavengi vedu.

Tinozokurira hasha kana ruvengo.

Tinozozadza mwoyo yedu nerudo rwevana vose vaMwari.

Tinozonanavira kuti tiropafadze vamwe nekuvashandira—kunyange avo vangango “titambudza nekutishusha.” 5

Mudzidzi weChokwadi

Mwanasikana wechitatu anomiririra mudzidzi wechokwadi waJesu Kristu. Akaita chimwe chinhu chinokwanisa kuoma zvikuru kuita: akavimba naMwari kunyange mukusangana nekunyombwa nedambudziko. Neimwe nzira akachengetedza rutendo rwake netariro yake, zvisinei nekuzvidzwa uye kusatenda zvakanga zvakamukomberedza. Akararama azere nemufaro kwete nokuti mamiriro ezvinhu ake akanga azere nerufaro asi nokuti iye akanga aine rufaro.

Hapana mumwe wedu anofamba nemurwendo rweupenyu asingapikiswe. Nevarwisi vakawanda varikuedza kutisudurutsira kure, tinochengeta sei zvinangwa zvedu zvakanangiswa parufaro rwunoshamisa rwakavimbiswa kune vakatendeka?

Ndinotenda kuti mhinduro inokwanisa kuwanika muchiroto icho chakava nemuporofita zviuru zvemakore zvakapfuura. Zita remuporofita uyu rinonzi Rihai, uye chiroto chake chakanyorwa muBhuku raMormoni iro rinokosha uye rinoshamisa.

Muchiroto chake, Rihai akaona munda mukuru, uye mauri maiva nemuti unoshamisa, wakanga wakanaka zvinopfuura tsanangudzo. Akaonawo zvikwata zvizhinji zvevanhu vaifamba vachienda kumuti uyu. Vaida kunodya muchero wawo waishamisa zvikuru. Vakanzwa uye vakavimba kuti waizovapa rufaro rukuru nerunyararo rusingaperi.

Paive nekanzira katete kaitungamirira kumuti uyu, uye parutivi pako paive nedanda resimbi rakavabatsira kuti varambe vari mukanzira aka. Asi kwakanga kuinewo mhute yerima iyo yakadzikatidza kuona kwavo zvese nzira nemuti. Uye zvimwe, njodzi yakanyanya kukura yaiva ruzha rwekuseka kukuru nekunyomba zvaibva muzimba guru uye rakapamhama raiva padyo. Zvinovhundutsa ndezvekuti, kunyomba uku kwakatopwisa vamwe vanhu vakanga vasvika pamuti uye vakadya muchero unoshamisa kuti vatange kunzwa kunyadzwa uye vakadzungaira vachibva pauri.6

Zvimwe vakatanga kusava nechokwadi chokuti muti uyu wakanga wakanaka sezvavaimbofunga. Zvimwe vakatanga kubvunza huchokwadi hwezvakanga zvaitika kwavari.

Pamwe vakafunga kuti vakabva pamuti, upenyu hwaizoita nyore. Pamwe havaizonyombwa kana kusekwa zvakare.

Uye chokwadi ndechekuti, vanhu vaivanyomba vairatidzika sevanhu vaifara zvikuru uye vaine nguva yakanaka. Saka zvimwe kana vakasiya muti, vaizotambirwa mugungano rezimba guru rakapamhama uye vagorumbidzwa nekufunga kwavo, nenjere dzavo, nekutsvinda kwavo.

Rambai muri paNzira

Masisita anodikamwa, shamwari dzinodikanwa, kana mukazviona zvakaoma kubatirira zvakasimba kudanda resimbi uye muchifamba makashinga makananga kuruponeso; kana kuseka nekunyomba kwevamwe avo vanoratidzika sevanoziva zvavarikuita kuchikuitai kuti muzunguzike; kana muchinetsekana nemibvunzo isina kupindurwa kana dzidziso dzamusati mava kuzwisisa; kana muchinzwa kusuwa nokuda kwezvigumbu, ndinokukurudzirai kuyeuka chiroto chaRihai.

Rambai muri munzira!

Musambofa makaregedza danda resimbi—shoko raMwari!

Uye kana mumwe munhu zvake akaedza kukuitai kuti munyadziswe nekutora rudo rwaMwari, musamuteerere.

Usambofa wakakanganwa kuti uri mwana waMwari; maropafadzo akapfuma akakumirira: kana ukakwanisa kudzidza kuita kuda Kwavo, uchagara Navo zvakare!7

Vimbiso dzerumbidzo uye dzekubvumwa nenyika hadzina kuvimbika, hadzisi dzechokwadi, uye hadzigutse. Vimbiso dzaMwari dzinoitika, ndedzechokwadi, dzine rufaro—iyezvino uye nokusingaperi.

Ndinokukokai kuti mufunge chitendero nerutendo kubva mumaonero epamusoro-soro. Hapana zvinopihwa muzimba guru uye rakapamhama zvinokwanisa kuenzana nemuchero wekurarama vhangeri raJesu Christu.

Zvechokwadi, ”izvo zvisina kuonekwa neziso, kana kunzwika nenzeve, nezvisina kupinda mumwoyo womunhu, ndizvo Mwari zvaakagadzirira vanomuda.” 8

Ndakazvidzidzira pachangu kuti nzira yehudzidzi muvhangeri raJesu Kristu ndiyo nzira yekurufaro. Ndiyo nzira yekudziviriro nerunyararo. Ndiyo nzira yekuchokwadi.

Ndinopupura kuti nechipo nesimba reMweya Mutsvene, munokwanisa kudzidza izvi pachezvenyu.

Parizvino, kana nzira ikava yakaoma kwamuri, ndinovimba muchazowana utiziro nesimba mumasangano edu akanakisisa eChechi: Puraimari, Vasikana Vechidiki, neChita cheRubatsiro. Akaita senzvimbo dzezororo munzira, umo mamunokwanisa kuvandudza ruvimbo nerutendo rwenyu rwerwendo rwuri mberi. Dzimba dzine dziviriro, uko kwamunonzwa manzwiro ekuvaweko uye kwamunogashira kurudziro kubva kumasisita enyu nevafambidzani venyu muhudzidzi.

Zvinhu zvamunodzidza muPuraimari zvinokugadzirirai kuzvimwezve zvokwadi zvamunodzidza sevasikana vechidiki. Nzira yehudzidzi yamunofamba mumakirasi enyu eVasikana Vechidiki inotungamirira kuhufambidzani nehukama hwemuChita cheRubatsiro. Nenhano yega yega muchifamba nemunzira, munopihwa mimwezve mikana yekuratidza rudo rwenyu rwevamwe kuburikidza nezviito zverutendo, tsitsi, rudo rwakadzama, hunhu hwakanaka, nekushandira.

Kusarudza nzira yehudzidzi kunozotungamirira kurufaro nekugutsikana kusingataurike kwemasikirwo enyu ehumwari.

Hazvisi zvinozova nyore. Zvichada zvakanakisisa zvamuinazvo—njere dzenyu dzese, mafungiro ane ungwaru, rutendo, kutendeka, simba, ushingi, nerudo. Asi rimwe zuva muchatarisa shure pamusoro pekuedza kwenyu, uye muchazotenda zvikuru kuti makaramba makasimba, kuti makatenda, uye kuti hamuna kubva munzira.

Rambai Muchifambira Mberi

Pangangove nezvinhu zvizhinji pamusoro peupenyu zvamusina simba pazviri. Asi mukupedzisira, munesimba rekusarudza zvese magumo enyu nezvitiko zvenyu zvizhinji zvamunosangana nazvo munzira yacho. Kazhinji hadzisi kwaniso dzenyu asi sarudzo dzamunoita ndidzo dzinoita siyano muupenyu. 9

Hamufanire kubvumira mamiriro ezvinhu kuti aite kuti musuwe.

Hamufanire kuabvumira kuti aite kuti mutsamwe.

Munokwanisa kufara kuti uri mwanasikana waMwari. Munokwanisa kuwana mufaro nekufara munyasha dzaMwari uye murudo rwaJesu Kristu.

Munokwaisa kufara.

Ndinokukurudzirai kuzadza mwoyo yenyu nekutenda kwerunako rwaMwari ruzhinji uye rusina magumo. Masisita angu anodikanwa, munokwanisa kuita izvi! Ndinonamata nerudo rwese rwemweya wangu kuti munozoita sarudzo yekuramba muchienda makananga kumuti weupenyu. Ndinonamata kuti munozosarudza kusimudza izwi renyu uye moita upenyu hwenyu rumbo runoshamisa rwerumbidzo, muchifara muneizvo zvinokwanisa kuunzwa kunyika nerudo rwaMwari, nezvishamiso zveChechi Yavo, uye nevhangeri raJesu Kristu.

Vamwe vanhu vangangofunga kuti hudzidzi hwechokwadi hunorwadza kana kuva mutoro mukuru kuru. Kubvira pakutanga kwenguva, izvi zvakanga zvakadaro.

Asi kuna Baba vedu Vekudenga uye nekune avo vanovada nekuVakudza, rumbo rwakakosha zvikurusa uye rwakanaka—rumbo rukuru uye runotsvenesa rwerudo rwerudzikinuro nemushandiro kuna Mwari nevamwe vedu. 10

Ndinokusiirai ropafadzo rangu seMuapositora waIshe rekuti munozowana simba neushingi hwekurarama semwanasikana waMwari muchifamba nemufaro zuva rega rega panzira inoshamisa yehudzidzi. Nemuzita rinoyera raJesu Kristu, ameni.

Dhinda