2017
Kutsvaga Kristu paKirisimasi
Zvita 2017


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Zvita 2017

Kutsvaga Kristu paKirisimasi

Kune vose vanoda kunzwisisa zvatiri senhengo dzeChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira, ndinoda kupa nzvimbo yekutangira inotsanangurwa nemazwi matatu aya: Tino tsvaga Kristu.

Tinotsvaga kudzidza neZvake. KuMutevera. Kuva zvakanyanya saIye.

Zuva rega rega nemugore rose, tinoMutsvaga. Asi kunyanya panguva ino yegore—yeKirisimasi, apo patinopemberera kuzvarwa kweMuponesi wedu anodiwa––mwoyo yedu inova yakanyanya kurerekera kwaAri.

Sechikamu chegadziriro dzedu dzekupemberera Kirisimasi, tinofanira kufunga magadziriro akaita avo vairarama zviuru zviviri zvemakore zvakapfuura kugamuchira kusvika kweMuponesi.

Vafudzi

Hatizive zvakawanda pamusoro pezvevafudzi ava, asi chete kuti “vaigara kuhuragu vachirinda mapoka avo usiku.”1 Vafudzi vangangova vaiva vanhuwo zvavo, sezvakaita vanhu vazhinji vakanaka vanopedza mazuva avo vachishandira kurarama.

Vanogona kumiririra vanhu avo, pane imwe nguva, vainge vasiri kuita zvekutsvaga Kristu, asi mwoyo yavo yakashanduka apo matenga paakazaruka uye Kristu akaziviswa kwavari.

Uye ava ndivo avo, mushure mekunzwa izwi revatumwa vekudenga, pakarepo vakabva vaenda kuBetrehema vachida kunoona.2

Vachenjeri

Vachenjeri vaive vanhu vakadzidza vakange vachinzvera nezvekusvika kwaMesia, Mwanakomana waMwari. Kuburikidza nekudzidza kwavo, vakaona zvitaridzo zvairatidza kuzvarwa Kwake. Apo pavakazviona, vakasiya dzimba dzavo uye vakaenda kuJerusarema, vachibvunza, “Aripiko Mambo wavaJudha akazvarwa?”3

Ruziwo rwavo nezvaKristu harwuna kuramba rwuchingovachete rwedzidzo yemabhuku. Apo pavakaona zviratidzo zvekuzvarwa Kwake, vakaita chimwe chinhu. Vakatanga rwendo rwavo rwokunotsvaga Kristu.

VaChenjeri vanogona kumiririra avo vanotsvaga Kristu kuburikidza nokudzidza uye nekunzvera fundo yemabhuku. Kuzvipira kwavo kuchokwadi kunopedzisira kwavatungamirira kuti vawane Kristu uye vaMunamate saMambo wemadzimambo, Mununuri wevanhu.4

Simioni naAna

Simioni naAna vanogona kumiririra avo vanotsvaga Kristu kuburikidza noMweya. Iyi mweya yakanaka chaizvo yaive yakazvipira zvikuru muchitendero uye, kuburikidza nokutsanya nokunamata uye nekurarama hupenyu hwekuzvipira nekuteerera, yakamirira netarisiro huru kuona zuva rekuuya kweMwanakomana waMwari.

Kuburikidza nekutendeka, nekuninipa, uye nerutendo, vakatarisira nemwoyo murefu kuuya kweMuponesi.

Pekupedzisira, kutendeka kwavo kwakawana mubairo apo Maria naJosefa pavakaisa pamberi pavo mwana uyo nerimwe zuva aizotakura paAri Iye zvivi zvevanhu vose.5

Vatendi pakati pemaNifai nemaRamani

Nyaya inobata mwoyo zvikuru yemataririro akaita vatendi vemuNyika Itsva kuzviratidzo zvekuzvarwa kweMuponesi inowanikwa muBhuku raMormoni.

Munorangarira kuti avo vaive nerutendo muna Kristu vainyombwa uye vachitambudzwa. Vanhu vainge vaine ruzivo neungwaru hwemunyika vemazuva iwayo vaipomera mhosva kuvatendi yekuramba vachitsigira zvitendero zvisina maturo. Chokwadi ndechekuti, avo vainge vasingatendi vaive vachitaura zvakanyanya mukunyomba kwavo zvekuti vakaita “zhowe-zhowe huru” munyika (3 Nifai 1:7). Vainyomba avo vaitenda kuti Muponesi aizozvarwa.

Kutsamwa uye kushatirirwa kwavo kwakakura zvikuru zvokuti vakazadzwa nekuda kuuraya avo vaitenda mumuMuponesi. Bhuku raMormoni rinorondedzera mugumisiro unoshamisa.6

Vatendi vairarama panguva iyoyi vanogona kumirira avo vanotsvaga Kristu kunyange vamwe vachiseka, vachinyomba nekutuka. Vanotsvaga Kristu kunyange vamwe vachivaona sevanhu vasina kudzidza, vasina ruzivo noungwaru rwezvenyika kana vanonyengedzwa nyore nyore.

Asi ruvengo rwevamwe haruwodze mwoyo yavatendi vechokwadi kubva mukutsvaga Kristu.

Tinotsvaga Kristu

Nemugore rose, uye zvichida kunyanya panguva ino yeKirisimasi, zvinozotibatsira kubvunza zvakare mubvunzo wekuti “Ndiri kutsvaga seiko Kristu?”

Panguva yainge yakaoma zvinhu chaizvo yeupenyu hwake, Mambo Davidi uyo aiva nemukurumbira akanyora kuti, “Mwari, imi muri Mwari wangu; ndichakutsvakai mangwanani; mweya wangu unenyota kwamuri, nyama yangu inokushuvai.”7

Zvichida maitiro aya ekutsvaga Mwari ndivo aive chimwe chezvikonzero zvekuti Davidi akatsanangurwa semurume aiva nemwoyo sewaMwari8

Panguva ino yeKirisimasi uye nemugore rose, ngatitsvagei nemwoyo nemweya yedu Muponesi wedu anodiwa, Jinda roRugare, Mutsvene waIsraeri. Nokuti chido ichi, muchikamu chikuru, chinotsanangura kwete chete zvatiri senhengo dzeChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira asi kunyanyawo zvatiri chaizvo sevadzidzi vaKristu.

Dhinda