2017
Kuva neChido cheKutakurirana Mitoro
Zvita 2017


Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Zvita 2017

Kuva neChido cheKutakurirana Mitoro

Nemunamato dzidza chinyorwa chino uye wotsvaga femero yekuziva izvo zvekudzidzisa. Kunzwisisa chinangwa cheChita cheRubatsiro kunozogadzirira sei vanasikana vaMwari kuwana maropafadzo ehupenyu husingaperi?

Rutendo, Mhuri, Rubatsiro

“Takakomberedzwa neavo vanoda nguva yedu, kurudziro yedu, rutsigiro rwedu, runyaradzo rwedu, tsitsi dzedu,” vakadaro Mutungamiri Thomas S.Monson. “Tiri maoko aIshe pano panyika, tiine murairo wekushandira nekusimudza vana Vavo. Vanovimba neumwe neumwe wedu.”1

Mutungamiri Henry B. Eyring, Mutevedzeri Wekutanga muHutungamiri Hwekutanga, vakati: “Shanduro hombe yakatanga mumoyo mako apo pawakapinda muChechi. Wakaita chibvumirano, uye ukagamuchira vimbiso iyo yakatangisa kushandura maitiro ako chaiwo. …

“… Wakavimbisa kuti uchabatsira Ishe kuti varerutse mitoro [yevamwe] uye vanyaradzwe. Wakapihwa simba rekubatsira kurerutsa mitoro iyoyo apo pawakagamuchira chipo cheMweya Mutsvene.”2

“Tinoda kushandisa chiedza chevhangeri kuti tione vamwe semaonerwe avanoitwa neMuponesi––netsitsi, tariro, uye nerudo rwakadzama,” akadaro Jean B. Bingham, Mutungamiri Mukuru weChita cheRubatsiro. “Zuva richasvika apo patichava nekunzwisisa kuzere kwemoyo yevamwe uye tinozotenda nekupihwa kwedu nyasha –– sekupa kwatinoita vamwe pfungwa uye mashoko erudo rwakadzama. …

“Sungiro nemukana wedu ndeyo kugamuchira kunatsurudzwa mune munhu wese apo patinoedza nesimba rose kuti tive zvakanyanya seMuponesi.”3

Apo tinotakurirana mitoro uye tichichengeta zvibvumirano zvedu, tinoita kuti zvikwanisike kuti Jesu Kristu aporese vamwe. Gosa Jeffery R. Holland veChikwata cheVaapostori vane Gumi neVaviri vakadzidzisa kuti: “Tichitarisa makuriro asinganzwisisiki emutengo weKurovererwa paMuchinjikwa neRudzikinuro, ndinokuvimbisai kuti haAzotikanganwi iyezvino. Apo paanoti kune varombo mumweya, ‘Uyai kwandiri,’ Anoreva kuti Anoziva nzira yekubuda nayo uye anoziva nzira yekumusoro. Anoiziva nokuti Akaifamba. Anoziva nzira nokuti Iye ndiye nzira yacho.”4

Zvimwe Zvinyorwa Zvitsvene

Mateo 25:40; VaGaratia 6:2; Mosaya 2;17; 18:8–9

Zvimwe Zvinyorwa

  1. Thomas S. Monson, “Serve the Lord with Love,” Liahona, Kukadzi 2014, 4.

  2. Henry B. Eyring, “The Comforter,” Liahona, Chivabvu 2015, 18.

  3. Jean B. Bingham, “I Will Bring the Light of the Gospel into My Home,” Liahona, Mbudzi.2016, 6, 8.

  4. Jeffrey R. Holland, “Broken Things to Mend,” Liahona, Chivabvu 2006, 71.

Dhinda