2018
Ramba Uchitaurirana Naye Nguva Ipi Zvayo, Kupi Zvako, Nenzira Ipi Zvayo.
Ndira 2018


Misimboti yeDzidziso yeKushanyirana, Ndira 2018

Ramba Uchitaurirana Naye Nguva Ipi Zvayo, Kupi Zvako, Nenzira Ipi Zvayo

Dzidziso yekushanyirana iri maererano nokushandira. Jesu aishandira nguva ipi zvayo uye kupi zvako. Tinokwanisa kuita zvimwechetezvo.

“Kushandira” kupa mushando, ruchengeto, kana rubatsiro runowedzera kumagariro akanaka kana rufaro rwemumwe munhu. Dzidziso yekushanyirana iri maererano nokuwana nzira dzokushandira avo vatinoshanyira. Jesu Kristu akashandira kuna vose—nguva ipi zvayo uye kupi zvako. Akapa zvokudya kuzviuru zvishanu, akanyaradza Maria naMatha parufu rwehanzvadzi yavo, uye akadzidzisa vhangeri Rake kumudzimai patsime. Akazviita nokuda kwerudo Rwake rwechokwadi.

Nokutevera muenzaniso Wake, isu sevadzidzisi vekushanyirana tinosvika pakuziva nokuda sisita wega wega watinoshanyira, tichiyeuka kuti rudo ndirwo hwaro rwezvose zvatinoita. Apo patinonamatira femero yokuziva mashandiriro atingamuita uye nokumubatsira kusimbisa rutendo rwake, “ngirozi hadzikwanisi kudzivirirwa mukuva vafambidzani [vedu].”1

Kubvira mukurongwa kwebato reChita choRubatsiro muna 1842 kusvikira nhasi, kushandira kwemadzimai kwakaropafadza hupenyu hwevanhu. Somuenzaniso, Joan Johnson, mudzimai shirikadzi uyo anemakore makumi masere nemaviri ekuzvarwa, nemufambidzani wake padzidziso yekushanyirana vakashanyira nokudzidzisa muvakidzani wavo anemakore makumi masere nemapfumbamwe ekuzvarwa uye anechirwere chemabayo. Vakaona kuti muvakidzani wavo akanga asingangovadi kuti vashanye kamwechete pamwedzi, saka vakatanga kumushanyira vhiki yoga yoga vachienda kumba kwake ivo pachavo kana kumuridzira runhare.

Kune vamwe vadzidzisi vekushanyirana, kutuma shoko nepaserefoni kana imeiri vachipa kurudziro kungangova chinhu chakanaka chose kuitira sisita mwedzi iwoyo. Kuumba ukama naye pachake uye kuteerera nemoyo werudo ndiwo musimboti wedzidziso yekushanyirana. Zvishandiswa zvekutaurirana zvavako mazuva ano uye kushanyirana pachenyu, uko kunova nzira yedzidziso yekushanyirana yanga ichishanda zvikuru kwenguva yakareba, zvinotibatsira kuzviita nguva ipi zvayo, kupi zvako, uye nenzira dzakawanda.2 Uko kunova kushandira sezvakaitwa naJesu.

Zvimwe Zvinyorwa

  1. OnaTeachings of Presidents of the Church: Joseph Smith (2007), 454.

  2. Ona Handbook 2: Administering the Church (2010), 9.5.1.

Dhinda