2018
Tsidzira Kutendeuka.
Ndira 2018


Vechidiki

Tsidzira Kutendeuka.

Mutungamiri Monson vanotsanangura kuti “basa redu ndere kufambira mberi kubva pakungova nekwaniso yakaderera kuenda pakuva nekwaniso yakanyatsokwana, kubva pakukundikana kuenda pakubudirira. Basa redu ndere kuva vanhu vakanyanyisa kunaka.” Vanhu vazhinji vanopira mwedzi waNdira kukuita zvinangwa uye zvitsidziro zvenatsurudzo: kunyemwerera zvakawedzera, kudya zvakanyanya kunaka, kana kudzidza unyanzvi hutsva. Apo zvinangwa izvi zvichikwanisa kukubatsira kushanduka kuva uri nani, nzira yakanyanya kunaka yokushanduka nayo ndeye kuburikidza nerutendeuko.

Kunyange rutendeuko ruchikwanisa kuva chinhu chinogozha, chipo! Apo patinovimba naJesu Kristu nokutendeuka kubva pazvivi zvedu, tinokwanisa kukura uye kufambira mberi. Mutungamiri Monson vakati, “Chinhu chakakosha zvikuru kuchirongwa [chorupeneso] Muponesi wedu, Jesu Kristu. Pasina kuzvipira kwake kwerudzikinuro, munhu wose aizoramba akarishika pamweya.” Kuburikidza nerutendeuko, unokwanisa kugezwa wochena kubva kuzvivi zvako uye wofambira mberi kuva zvakanyanya saIye.

Funga nezve chinhu chingange chichikutadzisa kuva seMuponesi. Kushandisa here kwaunoita mashoko asina kunaka? Mabatiro here aunoita shamwari dzako kana mhuri yako? Mushure mekunge wafunga nezve izvo zvaunokwanisa kunatsa, namata kuna Baba Vokudenga uye utaure chido chako chokushanduka. Yeuka kuti kuburikidza nesimba reRudzikinuro Rwake, Jesu Kristu anokwanisa kukubatsira kukunda utera hwako. Sokudzidzisa kwakaita Mutungamiri Monson, “Chipo cherutendeuko, icho chakapiwa neMuponesi wedu, chinoita kuti tikwanise kushandura upenyu hwedu.”

Dhinda