2018
Chipo cheRutendeuko
Ndira 2018


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Ndira 2018

Chipo cheRutendeuko

“Basa redu nderekufambira mberi kubva pakungova nekwaniso yakaderera kuenda pakuva nekwaniso yakanyatsokwana, kubva pakukundikana kuenda pakubudirira,” Mutungumari Thomas S. Monson vakadzidzisa kudaro. “Basa redu nderekuva vakanakisisa. Chimwe chezvipo zvakakurisisa zvaMwari kwatiri mufaro wekuedza zvakare kubudirira, nokuti hakuna kukundikana kunombofanira kuva magumo ekuedza kwedu.”1

Kazhinji mukufunga tinobatanidza kutanga kwegore idzva nezvitsidziro nezvinangwa. Tinotsidzira kuzvinatsa, kushanduka, kuedza zvakare. Pamwe nzira yakanyanya kukosha yatinokwanisa kuedza zvakare nayo ndeyokutambira nokushandisa izvo Mutungamiri Monson zvavakadaidza kuti “chipo cherutendeuko.”2

Muchinyorwa chinotevera chakatorwa kubva mudzidziso dzavo kubvira pavakava Mutungamiri weChechi, Mutungamiri Monson vanotiraira kuti ,“tiise ropa rerudzikinuro raKristu kuti tigashire ruregerero rwezvivi zvedu, uye kuti mwoyo yedu igocheneswa”3

Chishamiso cheRuregerero

“Tose takamboita sarudzo dzisina kunaka. Kana tisati takatogadzirisa sarudzo idzodzo, ndinokuvimbisai kuti kune nzira yokudzigadzirisa. Nzira yacho inodaidzwa kunzi rutendeuko. Ndinoteterera kwamuri kuti gadzirisai zvikanganiso zvenyu. Muponesi wedu akafa kuitira kupa iwe neni chipo chakaropafadzwa ichocho. Kunyange zvavo nzira yacho isiri nyore, chivimbiso chacho ndechechokwadi: ‘Kunyange zvivi zvenyu zvakaita somucheka mutsvuku, zvichachena sechando’ [Muporofita Isaya 1:18]. ‘Uye ini, Ishe, handizozviyeuka nariini’ [D&Z 58:42]. Usaisa upenyu hwako hwekusingaperi panjodzi. Kana wakaita chivi, ukakurumidza kudzoka kunzira kwayo, unozokurumidzawo kuwana runyararo norufaro rwunotapira izvo zvinouya nechishamiso cheruregerero.”4

Dzokera kuNzira

“Kunyange zvakakosha kuti tisarudze zvakachenjera, pane dzimwe nguva apo tinozoita sarudzo dzeupenzi. Chipo cherutendeuko, chakapiwa neMuponesi wedu, chinoita kuti tikwanise kushandura hupenyu hwedu, kuitira kuti tigokwanisa kudzokera kunzira iyo inozotitungamirira kukubwinya uko kweseresitiyaro kwatinotsvaga.”5

Nzira yoKudzokera

“Kana ani nani wenyu akabvumira chivi muhupenyu hwake, ndinokuvimbisai kuti kune nzira yokudzokera nayo. Nzira yacho inodaidzwa kunzi rutendeuko. Kunyange zvavo nzira yacho ichigozha, ruponeso rwako rwekusingaperi rwakamira pairi. Chii chimwe chinganyanya kukodzera kuedza kwako kwose? Ndinoteterera kwamuri kuti sarudzai ipopano uye iyezvino kutora nhanho dzinodikanwa kutendeuka zvakazara. Kana mukadaro nokukurumidza, munozokurumidzawo kukwanisa kunzwa rugare nerunyararo uye nesimbiso zvinotaurwa nezvazvo naIsaya [ona Muporofita Isaya 1:18].”6

Vanhu Vanokwanisa Kushanduka

“Tinofanira kuyeuka kuti vanhu vanokwanisa kushanduka. Vanokwanisa kusiya shure kwavo tsika dzakaipa. Vanokwanisa kutendeuka kubva kuzvitadzo. Vanokwanisa kuva nehupirisita zvakakodzera. Uye vanokwanisa kushandira Ishe neushingi.”7

Iva Wakachena Zvakare

“Kana paine chisina kunaka muhupenyu hwako, kune nzira yokuzvikunda nayo. Regera kusarurama kupi nekupi zvako. Taura nabhishopi vako. Hazvinei kuti idambudziko ripi zvaro, rinokwanisa kugadziriswa kuburikidza nerutendeuko kwarwo. Unokwanisa kuva wakachena zvakare.”8

Basa Rakakosha Zvikuru reMuponesi

“Chakakosha zvikuru kuchirongwa [choruponeso] Muponesi wedu, Jesu Kristu. Pasina kuzvipira Kwake kwerudzikinuro, munhu wose aizoramba akarashika pamweya. Hazvina kukwana, zvisinei, kungotenda chete maAri nemubasa Rake. Tinofanira kushanda nokudzidza, kunzvera nokunamata, kutendeuka nokuzvinatsa. Tinofanira kuziva mitemo yaMwari uye toirarama. Tinofanira kutambira zvisungo zvinoponesa Zvavo. Chete nokuita izvi ndipo patinozowana rufaro rwechokwadi, rwekusingaperi.”9

Zvimwe Zvinyorwa

  1. “The Will Within,” Ensign, Chivabvu 1987, 68.

  2. “Choices,” Liahona, Chivabvu 2016, 86.

  3. Mosaya 4:2

  4. “The Three Rs of Choice,,” Liahona, Mbudzi 2010, 69.

  5. “Choices,” 86.

  6. “Keep the Commandments,” Liahona, Mbudzi. 2015, 85.

  7. “See Others as They May Become,” Liahona, Mbudzi 2012, 68.

  8. “Priesthood Power,” Liahona, Chivabvu 2011, 67.

  9. “The Perfect Path to Happiness,” Liahona, Mbudzi. 2016, 80–81.

Dhinda