2018
Rutendeuko Chipo
Ndira 2018


Vana

Rutendeuko Chipo

Chipo cherutendeuko hachisi chipo chaunokwanisa kuona kana kubata. Panzvimbo pazvo, chipo chaunokwanisa kunzwa. Izvi zvinoreva kuti apo patinoita sarudzo isina kunaka, tinokwanisa kutendeuka uye tonzwa runyararo nerufaro zvakare.

Baba Vokudenga naJesu vanozogara vachitibatsira kutendeuka. Tara mufananidzo unoendererana nechinhano chakasiyana chega chega cherutendeuko.

Tinonzwa urombo.

Tinonamata kunaBaba Vokudenga, tovaudza zvakaitika, uye tokumbira rubatsiro Rwavo kuti tiite sarudzo dziri nani panguva inotevera.

Tinokumbira ruregerero uye toedza kuzvigadzirisa.

Tinonzwa runyararo uye toziva kuti taregererwa.

Dhinda