2018
Murangarire Nguva Dzose
Kukadzi 2018


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Kukadzi 2018

Murangarire Nguva Dzose

Ungafungidzire here neni muporofita Moronai achinyora mazwi ekupedzisira eBhuku raMormoni pamahwendefa egoridhe? Akanga ariega. Akanga aona nyika yake, vanhu vake, uye mhuri yake vachipunzika. Nyika yakanga “iri denderedzwa rimwechete rinoenderera” rehondo (Mormoni 8:8). Asi zvakadaro aive netariro, nokuti akanga aona zuva redu! Uye pazvinhu zvose zvaangadai akanyora, akatikoka kuti tirangarire (ona Moronai 10:3).

Mutungamiri Spencer W. Kimball (1895–1985) vaifarira kudzidzisa kuti izwi rinokoshesesa mudura mazwi ringangova rangarira. Nokuti takaita zvibvumirano naMwari, vakati, “faniro yedu hurusa ndeyekuvarangarira.”1

Unokwanisa kuwana izwi rinoti rangarira nemumagwaro matsvene mese. Apo Nifai paaitsiura madzikoma ake, kazhinji aivakoka kuti varangarire mazwi aIshe uye varangarire maponeserwo akaitwa madzitateguru avo naMwari (ona 1 Nifai 15:11, 25; 17:40).

Munhaurwa huru yake yeruoneko, Mambo Benjamini akashandisa izwi rinoti rangarira kanomwe. Aivimba kuti vanhu vake vaizorangarira “hukuru hwaMwari … nokunaka kwavo nomwoyo murefu wavo” kwavari (Mosaya 4:11; onawo 2:41; 4:28, 30; 5:11-12).

Apo Muponesi paakatanga sakaramende, Akakoka vadzidzi Vake kuti vadye nokunwa zviratidzo zvayo “mukurangarira” kuzvipira Kwake (Ruka 22:19). Mumunamato wega wega wesakaramende uyo iwe neni watinonzwa, izwi rinot inguva dzose rinoteverwa neizwi rinoti rangarira (ona D&Z 20:77, 79).

Shoko rangu ndere kukoka, kunyange kuteterera, kuti tirangarire. Haano mazano matatu pamusoro peizvo zvaungarangarira svondo rega rega apo paunodya nokunwa zviratidzo zvinoera zvesakaramende. Ndinovimba achakubatsira, sekubatsira kwaanondiita.

Rangarira Jesu Kristu

Kutanga, rangarira Muponesi. Rangarira zvaAkanga ari apo paaiva panyika, matauriro aAiita kune vamwe, uye maratidziro aAiita tsitsi muzviito Zvake. Rangarira avo vaAipedza nguva navo uye izvo zvaAkadzidzisa. Muponesi “aipote nyika achiita zvakanaka” (Mabasa AvaApositora 10:38). Aishanyira vanorwara. Akanga akazvipira kuita chido chaBaba Vake.

Pamusoro pazvose, tinokwanisa kurangarira muripo mukuru waAkaripa, nokuda kwerudo Rwake kwatiri, kubvisa vara rezvivi zvedu. Apo patinoMurangarira, chido chedu chekuMutevera chinokura. Tinozoda kunyanya kuva netsitsi, kunyanya kuregerera, uye tonyanya kuda kutsvaga chido chaMwari uye nokuchiita.

Rangarira Zvaunofanira Kuita Zvirinani

Zvakaoma kurangarira Muponesi—utsvene neururami Hwake—tisingafungewo utera nekusarurama kwatinako mukuenzaniswa Naye. Takaita zvibvumirano zvekuteerera mirairo Yake, asi kazhinji tinotadza kuzadzisa mwero wepamusoro-soro uyu. Asi Muponesi aiziva kuti izvi zvaizoitika, chinova ndicho chikonzero chaAkatipira chisungo chesakaramende.

Sakaramende ine mavambo ayo mutsika yeTestamende yaKare yekupira mipiro, iyo yaisanganisira kureururwa kwechivi (ona Revitiko 5:5). Hatichapira mhuka sezvaiitwa kare, asi tinokwanisa kusiya zvivi zvedu. Magwaro matsvene anodaidza izvi kuti kupira “kwemwoyo wakatyoka nemweya wakapfava” (3 Nifai 9:20). Uya kusakaramende nemwoyo une chido chekutendeuka (ona D&Z 59:12; Moronai 6:2). Apo pamunoita izvozvo, munozowana ruregerero rwezvivi uye hamuzotsauki kubva munzira inotungamirira kudzokera kuna Mwari.

Rangarira Kufambira Mberi Kwauri Kuita

Apo paunoongorora upenyu hwako panguva yechisungo chesakaramende, ndinovimba kuti pfungwa dzako dzinonanga kwete chete pazvinhu zvawakaita zvisina kunaka asiwo pazvinhu zvawakaita zvakanaka—panguva idzo dzawakanzwa kuti Baba Vekudenga neMuponesi vakafadzwa newe. Unokwanisa kutora chinguva panguva yesakaramende kukumbira Mwari kuti vakubatsire kuona zvinhu izvi. Kana ukadaro, ndinovimbisa kuti unozonzwa chimwe chinhu. Unozonzwa tariro.

Apo pandinoita izvi, Mweya unondisimbisa kuti kunyange ndichiri kure nekuva akarurama, ndirinani nhasi pane zvandaive nezuro. Uye izvi zvinondipa vimbo yekuti, nokuda kweMuponesi, ndinokwanisa kunyanya kuva nani mangwana.

Nguva dzose inguva yakareba, uye inoratidza kuedza kuzhinji kusingazunguzike. Unoziva kubva pazviitiko zvawakasangana nazvo kuoma kwazvakaita kuramba uchingofunga chinhu chimwechete nguva dzose. Asi zvisinei nekuti ungachengeta zvakanaka sei vimbiso yako yekuMurangarira nguva dzose, Iye anogara achikurangarira.

Muponesi anoziva zvinetso zvako. Anoziva zvazvakaita kuva nemitoro yeupenyu ichikuremera. Anoziva madiro aunoita kuwana nekukurumidza ropafadzo rinouya kubva pakuMurangarira nguva dzose nekuMuteerera—“kuti [iwe] ugove nguva dzose neMweya wake [uinewe]” (D&Z 20:77; kusimbisa kwakawedzerwa).

Nokudaro, Anokutambirazve kutafura yesakaramende svondo rega rega, zvakare achikupa mukana wekupupura pamberi Pake kuti unozoMurangarira nguva dzose.

Chinyorwa

  1. Spencer W. Kimball, “Circles of Exaltation” (nhaurwa kuvadzidzisi vechitendero veChurch Educational System, Chikumi 28, 1968), 5.

Dhinda