2021
Ndinokwanisa sei kuziva kuti ndinonzwa izwi raIshe muupenyu hwangu?
Kukadzi 2021


“Ndinokwanisa sei kuziva kuti ndinonzwa izwi raIshe muupenyu hwangu?” For the Strength of Youth (Zverusimbiso rweVechidiki), Kukadzi 2021, 29.

Shoko reMwedzi Woga Woga reFor the Strength of Youth (reZverusimbiso rweVechidiki), Kukadzi 2021

Ndinokwanisa sei kuziva kuti ndinonzwa izwi raIshe muupenyu hwangu?

Mufananidzo
mukomana wechidiki achiverenga magwaro matsvene

Mutungamiri Russell M. Nelson vakatikoka kuti “tifunge zvakadzama uye kazhinji” pamusoro pamanzwiro atinoita Jesu Kristu uye “kutora matanho ekuMunzwa zvirinani uye kazhinjisa” (“‘How Do You #HearHim?’ A Special Invitation,” Kukadzi. 26, 2020, blog.ChurchofJesusChrist.org).

Tinokwanisa kuMunzwa kuburikidza nemagwaro matsvene uye nemashoko evaporofita. Asi hakusi kungonzwa kana kuverenga mashoko iwayo kunova ndiko kwakanyanya kukosha. Kuburikidza neMuporofita Joseph Smith, Ishe vakatsanangura kuti:

“Izwi rangu ririkutaura [mashoko aya] kwamuri; nokuti ari kupiwa neMweya wangu kwamuri …;

“Naizvozvo, munokwanisa kupupura kuti makanzwa izwi rangu” (Dzidziso neZvibvumirano 18:35–36).

Pamusoro pezvo, kutsvaga kuMunzwa hachisi chinhu chatinoita kwechinguva chidiki patinenge tazvifunga. Mutungamiri Nelson vakati, “Zvinoda kuedza nesimba uye kwenguva dzose ” (“Munzwe, ” musangano mukuru waKubvumbi 2020 [Ensign kana Liahona, Chivabvu 2020, 89]).

Apo paunonzvera, paunonamata, paunoshumira, paunoshandira uye nepaunoteerera mirairo yaIshe, Vanozokuropafadza neMweya Wavo uye, kuburikidza neRudzikinuro rwaJesu Kristu, vanozokushandura. Zvino unokwanisa kuziva kuti wanzwa izwi Rake.

Dhinda