2021
Mwari Vakatiudza kuti Tibhabhatidzwe
Kukadzi 2021


“Mwari Vakatiudza kuti Tibhabhatidzwe,” Liahona, Kukadzi 2021

Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona, Kukadzi 2021

Mwari Vakatiudza kuti Tibhabhatidzwe

Jesu Kristu akamisa muenzaniso wekubhabhatidzwa nemumwe munhu ane mvumo yaMwari.

Kunyangwe tisina ruzivo rwakawanda zvikuru pamusoro poupenyu hwaJesu Kristu iye pachezvake, tinoziva kuti Akabhabhatidzwa apo paaiva namakore angangoita makumi matatu ekuberekwa (ona Ruka 3:23). Hezvino zvimwe zvinhu zvatinodzidza pamusoro porubhabhatidzo kubva kumuenzaniso Wake.

Zvemunhu Wese

Kana takura zvakakwana uye tava kukwanisa kuziva mutsauko pakati pechakanaka nechakaipa, Baba Vokudenga vanoda kuti tibhabhatidzwe (ona Dzidziso neZvibvumirano 18:42). Jesu aive akarurama, asi zvakadaro Akasarudza kubhabhatidzwa kuti atevere mirairo yaMwari (ona Mateo 3:13–17; 2 Nifai 31:7). Kunyangwe avo vakafa kare vanokwanisa kugamuchira rubhabhatidzo. Tinorupa kwavari kuburikidza nekuvabhabhatidzirwa mutemberi. (Ona Dzidziso neZvibvumirano 128:15–18.)

Mufananidzo
rubhabhatidzo

Rwunoitwa kuburikidza neMvumo

Jesu haana kubhabhatidzwa nemumwe munhuwo zvake. Akananga kuenda kuhama Yake Johane, uyo akanga aine mvumo yehupirisita kubva kuna Mwari. Mushure mekufa kwaJesu uye vadzidzi Vake vauraiwa, mvumo yehupirisita yakarasika kubva panyika. Zvino, muna 1829, Johane Mubhapatidzi akazviratidza kuna Joseph Smith uye akamupa mvumo yekubhabhatidza muzita raMwari . Nekuda kwekudzorerwa ikoko, tinokwanisa kubhabhatidzwa nemvumo imwecheteyo nhasi.

Mufananidzo
kudzorerwa kweHupirisita hwaAroni

Vimbiso Pakati peVaviri

Rubhabhatidzo runosanganisira vimbisano pakati pevaviri, kana kuti chibvumirano, pakati pedu naMwari. Tinovimbisa:

  1. Kutora patiri isu zita raKristu.

  2. Kumurangarira nguva dzose.

  3. Kuchengeta mirairo Yake.

Kana tadaro, Mwari vanovimbisa kuti Mweya Wavo uzovanesu nguva dzose. Mashoko eminamato yesakaramende anotiyeuchidza nezvechibvumirano ichi vhiki rega rega. (Ona Dzidziso neZvibvumirano 20:77, 79.)

Mufananidzo
mhuri iri mumusangano wesakaramende

Kugamuchira Mweya Mutsvene Chikamu Chakakosha cheRubhabhatidzo

Mushure mekubhabhatidzwa kwaJesu, Mweya Mutsvene wakazviratidza muchimiro chenjiva (ona 2 Nifai 31:8). Mazuva ano, mushure mekunge vanhu vabhabhatidzwa, vanobva vasimbiswa. Izvi zvinoreva kuti vanogamuchira ropafadzo rakakosha umo mavanokokwa kuti vagamuchire chipo chinoshanangura zvepamweya cheMweya Mutsvene (ona 2 Nifai 31:17). Mweya Mutsvene unokwanisa kutiyambira nezvenjodzi, kutinyaradza, kutitungamira kuti tiite sarudzo dzakanaka, uye nokutibatsira kunzwa rudo rwaMwari (ona Dzidziso neZvibvumirano 39:6).

Mufananidzo
mudzimai achisimbiswa

Tinokwanisa Kutendeuka Nguva Dzose

Mwari vaiziva kuti taizoita zvikanganiso. Zvisinei nekuedza kwedu kukurusa, taizotadza uye tokundikana pakurarama maererano nevimbiso dzerubhabhatidzo dzedu. Saka Vanopa mumwe nemumwe wedu mukana wekutendeuka. (Ona Dzidziso neZvibvumirano 18:13.) Zuva nezuva tinokwanisa kuita zvatinogona zvose kukumbira ruregerero uye kugadzirisa zvipi zvazvo zvakaipa. Tinokwanisa kunamata tichikumbira ruregerero rwaMwari. Zvino, apo patinotora sakaramende nemwoyo wakaninipa, tinokwanisa kuva neMweya Mutsvene uinesu (ona 3 Nifai 18:11).

Mufananidzo
mudzimai achinamata padivi peuvato

Magwaro Matsvene Anoti Chii nezve Rubhabhatidzo?

Vabereki vanofanira kubatsira vana vavo kugadzirira rubhabhatidzo (ona Dzidziso neZvibvumirano 68:25).

Avo vari pasi pemakore masere ekuzvarwa havafaniri kubhabhatidzwa (ona Moronai 8).

Apo patinenge tabhabhatidzwa, tinovimbisa “kuchema neavo vanochema; … kunyaradza avo vanenge vachida kunyaradzwa, uye nokumira sezvapupu zvaMwari panguva dzose uye muzvinhu zvose, uye munzvimbo dzose” (Mosaya 18:9).

Dhinda