2021
Shanyo kubva kuna Johane Mubhapatidzi
Kukadzi 2021


“Shanyo kubva kuna Johane Mubhapatidzi,” Friend (Shamwari), Kukadzi 2021

Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Kukadzi 2021

Shanyo kubva kuna Johane Mubhapatidzi

Mufananidzo
Joseph Smith naOliver Cowdery vachinamata

Mifananidzo naApryl Stott

Rimwe zuva Joseph Smith naOliver Cowdery vakanga vaine mubvunzo. Ndeipi yaiva iri nzira kwayo yekubhabhatidzwa? Vakanamata kuti vazive mhinduro.

Mufananidzo
Johane Mubhapatidzi

Ngirozi yakauya. Aiva ari Johane Mubapatidzi. Akanga abhabhatidza Jesu. Akavaudza kuti vaifanira kuva nehupirisita kuti vabhabhatidze vanhu.

Mufananidzo
Johane Mubapatidzi achipa Joseph Smith Hupirisita hwaAroni

Johane akaropafadza Joseph naOliver. Akavapa hupirisita. Zvino vakanga vava kukwanisa kubhabhatidza vanhu nenzira yakabhabhatidzwa nayo Jesu.

Mufananidzo
Oliver Cowdery achibhabhatidza Joseph Smith

Joseph akabhabhatidza Oliver murwizi. Zvino Oliver akazobhabhatidza Joseph. Pashure, vamwe vazhinji vakabhabhatidzwawo.

Mufananidzo
baba vachibhabhatidza mwanasikana

Nokuda kwekuti Baba Vokudenga vakapindura munamato waJoseph Smith, hupirisita hwakadzoka panyika! Ndinokwanisa kubhabhatidzwa sezvakaitwa Jesu.

Peji Yokukara

Tinokwanisa Kubhabhatidzwa

Mufananidzo
A pencil drawing of Joseph baptizing Oliver Cowdery.

Chii chaunokwanisa kuita kuti utevere Jesu Kristu?

Dhinda