2022
Madziteteguru: Kuti Vaiva Vanaani uye Sei Zvakakosha
Kukadzi 2022


“Madziteteguru: Kuti Vaiva Vanaani uye Sei Zvakakosha,” For the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Kukadzi 2022.

Shoko reMwedzi Woga Woga reFor the Strength of Youth (reZverusimbiso rweVechidiki), Kukadzi 2022

Genesi 11–50

Madziteteguru

Kuti Vaiva Vanaani uye Sei Zvakakosha

Pamwe wakambonzwa nezvaAbrahama, Isaka, naJakobo. Tinoverenga pamusoro pavo kazhinji muBhuku raMormoni uye zvirokwazvo unozonzwa zvimwe zvakawanda pamusoro pavo apo paunenge uchinzvera Testamente yeKare gore rino. Nekutaurwa zvikuru kwavanoitwa, vanofanira kunge vakakosha chaizvo, handiti? Asi ungangova urikuzvibvunza kuti, “Sei varume vatatu avo vakararama zviuru zvemakore zvakapfuura izvo vakakosha nhasi?” Zvirokwazvo, chinhu chakakosha kumhinduro iyoyo chiri muzvibvumirano zvokusingaperi uye nemaropafadzo akavimbiswa izvo zvavakapuwa naMwari.

Abrahama

Mufananidzo
Abrahama

Mifananidzo naJarom Vogel

Abrahama aiva muporofita mukuru. Aiva akarurama uye achiteerera kumirairo yaMwari.

Akabhabhatidzwa, akatambira hupirisita, uye akasunganidzwa kumudzimai wake Sara nokusingaperi.

Mwari vakaita chibvumirano naAbrahama chokuti zvizvarwa zvake zvaizova zvikuru uye zvaizova namaropafadzo mamwechetewo aakanga atambira.

Vaizoendesa kuzara kwevhangeri raJesu Kristu kumarudzi epanyika.

Isaka

Mufananidzo
Isaka

Isaka aiva mwanakomana waAbrahama naSara.

Mwari vakudza Abrahama kuti abayire Isaka. Abrahama aida Isaka asi akasarudza kuteerera Mwari. Apo Abrahama paakanga ava kuda kubayira Isaka, ngirozi yakaudza Abrahama kuti arege. Chido chaAbrahama naIsaka chekuteerera Mwari mucherechedzo weRudzikinuro rweMwanakomana Mumwechete Akaberekwa waMwari.

Isaka akavimbiswa maropafadzo mamwechetewo saAbrahama.

Jakobo

Mufananidzo
Jakobo

Sezvaiva zvakaita baba nasekuru vake, Jakobo aiva akatendeka kuna Mwari.

Nokuda kwerutendeko rwake, Ishe vakashandura zita raJakobo kuva Israeri, izvo zvinoreva kuti “uyo anokunda naMwari” kana kuti “Mwari ngavakunde” (ona Bible Dictionary, “Israel”).

Jakobo aiva navanakomana gumi nevaviri. Vanakomana ava nemhuri dzavo vakazozivikanwa semadzinza aIsraeri.

Chibvumirano icho Mwari chavakaita naAbrahama chakavandudzwa naJakobo nevana vake.

Madziteteguru uye Iwe

Senhengo yeChechi, uri chikamu chechizvarwa chaAbrahama, Isaka, naJakobo. Chibvumirano chavakaita naMwari chinoshanda kwauri!

Uneropafadzo uye nebasa rekupa uchapupu hwako hweMuponesi uye nokugovera vhangeri.

Unodaidzwawo kukoka munhu wose kuti aite nekuchengeta zvibvumirano uye nekutambira zvisungo zvehupirisita. Mutungamiri Russell M. Nelson vakati izvi zvose chikamu chekuunganidzwa kweIsraeri, icho chinova “chinhu chakakosha zvikurusa chiri kutora nzvimbo panyika nhasi” (“Hope of Israel,” [musangano wemunamato wevechidiki wepasi rose, Chikumi 3, 2018], 8, ChurchofJesusChrist.org).

Dhinda