2022
Abrahama naSara
Kukadzi 2022


“Abrahama naSara,” Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Kukadzi 2022

“Abrahama naSara”

Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Kukadzi 2022

Abrahama naSara

Mufananidzo
Abrahama naSara vari mutende

Mifananidzo naApryl Stott

Abrahama aiva muporofita. Mwari vakaita chibvumirano naAbrahama nemudzimai wake Sara.

Mufananidzo
Abrahama naSara vachiratidzika kusuwa

Mwari vakavimbisa kuvaropafadza. Vakavaudza kuti vaizova nevana. Abrahama naSara vakavimbisa kutevera Mwari.

Mufananidzo
Abrahama naSara

Abrahama naSara vakachengeta chivimbiso chavo. Asi havana kuva nevana kwenguva yakareba. Vakaramba vachikwegura.

Mufananidzo
Abrahama naSara vaine mucheche Isaka

Pokupedzisira, apo Abrahama paakanga ava namakore zana uye Sara ava namakore makumi mapfumbamwe, vakava nemwana mukomana. Vakamutumidza kuti Isaka. Vakaziva kuti Mwari vakanga vavaropafadza.

Mufananidzo
mwana achidyara mbeu

Ndinokwanisa kuvimba naMwari. Dzimwe nguva maropafadzo haauye pakarepo. Asi Mwari vanochengeta vimbiso Dzavo nguva dzose.

Peji Yokuisa Ruvara

Ndinokwanisa Kuvimba naMwari

Mufananidzo
mwana achinamata

Dzvanya pamufananidzo kuti udhaunirodhe.

Mufananidzo naApryl Stott

Baba Vokudenga vakakubatsira sei apo pawaiva uchitya kana pawaiva wakasuwa?

Dhinda