2022
Zvibvumirano Zvinotibatanidza naMwari
Kukadzi 2022


“Zvibvumirano Zvinotibatanidza naMwari,” Liahona, Kukadzi 2022

Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona, Kukadzi 2022

Zvibvumirano Zvinotibatanidza naMwari

Kuita uye kuchengeta zvibvumirano kunounza maropafadzo.

Chibvumirano ivimbiso pakati paBaba Vokudenga nevana Vavo. Vanomisa zvifaniro zvezvibvumirano zvatinoita Navo. Apo patinoita izvo zvaVanokumbira, tinogamuchira maropafadzo mazhinji. Uye hatisi tinongowana maropafadzo pasi pano—apo patinoita nokuchengeta zvibvumirano, tinozodzokera kunogara naMwari nemhuri dzedu kudenga nerimwe zuva.

Mufananidzo
rubhabhatidzo

Zvibvumirano neZvisungo

Tinoita zvibvumirano panguva yatinoita zvimwe zvisungo. Tinofanira kutambira zvisungo izvozvo uye nokuteerera zvibvumirano izvozvo kuitira kuti tidzokere kunogara naMwari. Zvisungo izvi zvinoitwa nemvumo yehupirisita. Zvisungo izvozvo zvinosanganisira rubhabhatidzo nerusimbiso, kutambira Hupirisita hwaMerkizedeki (kuvarume), nezvisungo zvatinotambira mutemberi. Munguva yesakaramende, nhengo dzeChechi dzinovandudza vimbiso dzavakaita kuna Mwari (ona Dzidziso neZvibvumirano 20:77, 79).

Mufananidzo
sakaramende

Zvibvumirano Zvinotibatsira Kurarama Zvakarurama

Panguva yerubhabhatidzo, tinovimbisa kutevera Jesu Kristu, kuMurangarira nguva dzose, uye nokuchengeta mirairo (ona Dzidziso neZvibvumirano 20:37). Mwari vanovimbisa kuti Mweya Mutsvene unozova nesu nguva dzose.

Apo varume pavanotambira hupirisita, vanovimbisa kurarama zvinokodzera simba rehupirisita hwaMwari Mwari vanovimbisa kuvaropafadza. (Ona Dzidziso neZvibvumirano 84:33–40.)

Mufananidzo
Temberi yeBrazil Recife

Mufananidzo weTemberi yeRecife Brazil naJames Porter

Zvibvumirano Zvatinoita muTemberi

Apo nhengo dzeChechi padzinotambira endaumenti yavo mutemberi, vanovimbisa kurarama zvakarurama uye nekuzvipira pane zvevhangeri. Vanovimbiswa simba kubva kuna Mwari (ona Dzidziso neZvibvumirano 38:32; 109:22).

Munguva yekusunganidzwa mutemberi, murume nomukadzi vanochata nokusingaperi uye vanovimbisa kuva vakatendeka kune mumwe nemumwe wavo uye kuna Mwari. Mwari vanovimbisa kuti vanokwanisa kudzokera kwaVari uye vagogara semhuri nariinhi nariinhi. (Ona Dzidziso neZvibvumirano 132:19–20.)

Mufananidzo
vashumiri

Tiri Vanhu veChibvumirano?

Avo vanopinda Chechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira vanova vanhu vechibvumirano vaMwari. Vanogarawo nhaka yemaropafadzo nemabasa echibvumirano chaAbrahama (ona VaGaratia 3:27–29). Kuva chikamu chevanhu vechibvumirano vaMwari zvinoreva kuti tinobatsirana apo patinoswedera pedyo naKristu. Zvinorevawo kuti tinoshanda kuitira kusimbisa Chechi yaMwari panyika. Apo patinokachengeta zvibvumirano zvedu, tinokwanisa kuwana simba nekugwinya kubva kuna Mwari.

Dhinda