Riahona
Zvibvumirano neMabasa
Chivabvu 2024


Shoko reMwedzi Woga Woga reFor the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Chivabvu 2024

Zvibvumirano neMabasa

Zvikamu Zvakatorwa

Mufananidzo
alt text

Philippines

Chibvumirano zvitsidzo zvokuzadzikisa mamwe mabasa. Zvitsidzo zvemunhu pachake zvakakosha pakuzvidzora muhupenyu hwedu pachedu uye mukushanda kwevanhu vemunyika. …

Apo pakasvika nguva yeKudzorerwa kwekuzara kwevhangeri raJesu Kristu, Mwari vakadana Muporofita, Joseph Smith. … [Bhuku raMormoni] ndiro manyuko makuru eKudzorerwa kuitira kuzara kwevhangeri, kusanganisira chirongwa chaMwari chavana Vavo, uye Bhuku raMormoni rakazara nekutaurwa kwezvibvumirano. …

Zvibvumirano ndizvo zvaiva hwaro mukudzorerwa kwevhangeri. Izvi zvinoonekwa munhanho dzekutanga idzo Ishe dzavakaraira Muporofita kuti atore mukuronga Chechi Yavo. …

Chechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira irikuvaka matemberi nepanyika pose. Chinangwa chawo ndechekuropafadza vana vechibvumirano vaMwari nekunamata mutemberi uye nemabasa anoera nemasimba uye nemaropafadzo akasiyana ekusunganidzwa kuna Kristu avanogamuchira nechibvumirano.

Chechi yaJesu Kristu inozivikanwa sechechi inosimbisa kuita zvibvumirano naMwari. Zvibvumirano zchikamu chakakosha chezvisungo zveruponeso uye nokusimudzirwa kumusoro- soro izvo zvinoitwa kuburikidza neChechi ino yakadzorerwa. Chisungo cherubhabhatidzo uye nezvibvumirano zvacho zvinoenderana nacho ndizvo zvidikanwi kuitira zvokupinda muumambo hweserestiyaro. Zvisungo uye zvibvumirano zvinoenderana nazvo zvemutemberi ndizvo zvidikanwi zvokusimudzirwa kumusoro-soro muumambo hweserestiyaro, uhwo hwunova upenyu hwokusingaperi, “chipo chikurusa chezvipo zvose zvaMwari” [Dzidziso neZvibvumirano 14:7]. Iyi ndiyo nangiso yeChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira.

Dhinda