Riahona
Farai muChipo cheMakiyi eHupirisita
Chivabvu 2024


Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona, Chivabvu 2024

Farai muChipo cheMakiyi eHupirisita

Makiyi ehupirisita anotonga mashandisirwo angaitwa hupirisita hwaMwari kuunza kuitika kwezvinangwa zvaIshe uye kuropafadza vese vanogamuchira vhangeri rakadzorerwa.

Mabhuratha nemasisita angu anodiwa, nhasi izuva rakakosha zvikuru kuMutungamiri Dallin H. Oaks neni. Aiva makore makumi mana akapfuura ayo, pamusi wa7 Kubvumbi 1984 apo patakatsigirwa kuChikwata chaVaapositora Vane Gumi naVaviri. Takava nemufaro mumusangano mukuru woga woga kubvira ipapo, kusanganisira uno. Taropafadzwa zvakare nekudururwa kunoera kweMweya. Ndinovimba kuti munozodzokorora kunzvera mashoko emusangano mukuru uno nemumwedzi yese ichatevera.

Mufananidzo
Part of a worldwide series of photographs taken in connection with General Conference. April 6 - 7, 2024. Pictures were taken in England.

United Kingdom

Apo pandakazvarwa, kwaiva nematemberi matanhatu aishanda muChechi— imwechete munzvimbo iyi yoga yoga St. George, Logan, Manti, uye Salt Lake City, Utah; uyewo nemuCardston, Alberta, Canada; uye Laie, Hawaii. Temberi mbiri dzokutanga dzakanga dzashanda kwechinguva chidiki muKirtland, Ohio, uye Nauvoo, Illinois. Apo boka gurusa renhengo dzeChechi parakatamira kumadokero, Vatendi vakamanikidzwa kusiya temberi mbiri idzi kumashure.

Temberi yemuNauvoo yakaparadzwa nemoto wemuvengi. Yakavakwa zvakare uye ikakumikidzwa naMutungamiri Gordon B. Hinkley. Temberi yeKirtland yakasvibiswa nevavengi veChechi. Pashure Temberi yeKirtland yakava mumaoko eCommunity of Christ, iyo yakava muridzi wayo kwemakore akawanda.

Mwedzi wapfuura uyo takazivisa kuti Chechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira yakatenga Temberi yeKirtland, pamwepo nenzvimbo dzine nhoroondo yakakosha dzakatiwandei muNauvoo. Tinotenda zvikurusa hurukuro dzakanaka uye dzaiva nepundutso kumativi ose dzatakava nadzo nevatungamiri veCommunity of Christ idzo dzakatungamirira kuchibvumirano ichi.

Mufananidzo
Temberi yeKirtland.

Temberi yeKirtland

Temberi yeKirtland ineukoshi hwunemusiyano muKudzorerwa kwevhangeri raJesu Kristu. Zviitiko zvakatiwandei izvo zvakatora chinzvimbo imomo zvakanga zvaporofitwa kwechiuru chemakore uye zvaiva zvakakosha kuti Chechi yaIshe yakadzorerwa izadzikise basa rayo remazuva ekupedzisira.

Chakanyanyisa kukosha chezviitiko izvi chakaitika pazuva reSvondo reIsita yaKubvumbi 3, 1836. Pazuva iroro, Joseph Smith naOliver Cowdery vakava nezviitiko zvakatevedzana zvekushanyirwa kunoshamisa. Chekutanga, Ishe Jesu Kristu vakazviratidza. Muporofita akanyora kuti “maziso (eMuponesi) aiva serimi remoto; vhudzi remumusoro make raiva rakachena sechando chichena; chiso chake chaipenya kupfuura kupenya kwezuva; uye inzwi rake raiva richiita semuririro wemvura zhinjisa iri kuyerera.”

Mukushanya uku, Ishe vakasimbisa kuzivikanwa Kwavo. vakati, “Ndini wokutanga newokupedzisira; Ndini iye anorarama, Ndini iye akauraiwa; Ndini murevereri wenyu kuna Baba.”

Jesu Kristu akazivisa kuti Akanga atambira temberi seimba Yake uye akaita vimbiso inoshamisa iyi: “Ndinozozviratidza kuvanhu vangu mutsitsi muimba ino.”

Vimbiso yakakosha zvikuru iyi inoshanda muose matemberi akakumikidzwa nhasi. Ndinokukoka kuti ufungisise izvo zvinorehwa nevimbiso yaIshe kwauri iwe pachako.

Mumashure mokushanya kwaIshe, Mosesi akazviratidza. Mosesi akaisa pamusoro paJoseph Smith makiyi ekuunganidzwa kweIsraeri nekudzoka kwemarudzi gumi,

Apo chiratidzo ichi pachakaguma, “Eriasi akazviratidza, uye akapa mukuwo wevhangeri raAbrahama” kuna Joseph.

Zvino Eria muporofita akazviratidza. Kuzviratidza kwake kwakazadzikisa vimbiso yaMaraki yekuti Kuuya kweChipiri kusati kwaitika, Ishe vaizotuma Eria kuti “atendeudze mwoyo yamadzibaba kuvana, uye mwoyo yavana kumadzibaba avo.” Eria akapa makiyi esimba rokusunganidza pana Joseph Smith.

Mufananidzo

Temple Square

Kukosha kwemakiyi aya achidzorerwa panyika nevatumwa vokudenga vatatu pasi pehutungamiri kwaIshe hakukwanisi kusimbiswa zvinopfuuridza. Makiyi ehupirisita anoumba mvumo nesimba rehutungamiri. Makiyi ehupirisita anotonga mashandisirwo anoitwa hupirisita hwaMwari mukuunza kuitika kwezvinangwa zvaIshe uye kuropafadza vose vanogamuchira vhangeri rakadzorerwa raJesu Kristu.

Zvakakosha kucherechedza kuti Chechi isati yarongwa, vatumwa vokudenga vakanga vagadza Hupirisita hwaAroni uye hwaMerkizedeki pana Muporofita Joseph uye vakanga vamupa makiyi ehupirisita huviri uhwu. Makiyi aya akapa Joseph Smith mvumo yokuronga Chechi muna 1830.

Zvino muTemberi yeKirtland muna 1836, kupuwa kwemakiyi akapamhidzirwa aya matatu ehupirisita—anoti, makiyi ekuunganidzwa kweIsraeri, makiyi evhangeri raAbrahama, uye makiyi esimba rekusunganidza—kwaidikanwa. Makiyi aya akapa Joseph Smith mvumo—uye vose vatungamiri vaitevera veChechi yaIshe—yekuunganidza Israeri kumativi maviri ose echidzitiro, kuropafadza vose vana vechibvumirano nemaropafadzo aAbrahama, kupa simbiso pazvisungo nezvibvumirano zvehupirisita, uye kusunganidza mhuri nokusingaperi. Simba remakiyi ehupirisita aya harina mugumo uye rinoshamisa zvikurusa.

Funga kuti upenyu hwako hwungadai hwakasiyana sei dai makiyi ehupirisita akanga asina kudzorerwa panyika. Pasina makiyi ehupirisita, hawaikwanisa kupuwa simba raMwari. Pasina makiyi ehupirisita, Chechi yaikwanisa kungoshanda chete sesangano rakakosha rekudzidzisa nekubatsira vanhu asi zvichingogumira ipapo. Pasina makiyi ehupirisita, hapana mumwe wedu aizowana zvisungo nezvibvumirano zvakakosha izvo zvinotisunganidza kuvadikanwi vedu nokusingaperi uye nokutibvumira pokupedzisira kuzogara naMwari.

Makiyi ehupirisita anosiyanisa Chechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira namamwe masangano api zvavo panyika. Mamwe masangano mazhinji anokwanisa uye anoita kuti hupenyu hwako huve nani mupenyu huno hwunofa. Asi hakuna rimwe sangano rinokwanisa uye rinozoshandura upenyu hwako mushure mekufa.

Makiyi ehupirisita anotipa mvumo yekusvitsa ose emaropafadzo akavimbiswa kuna Abrahama kumurume nemudzimai wose anochengeta chibvumirano. Basa remutemberi rinoita kuti maropafadzo akanakisa aya ave anowanikwa navose vana vaMwari, zvisinei nokuti ndekupi kana kuti ndiriinhi kwavakararama kana kwavarikurarama iyezvino. Ngatifarei kuti makiyi ehupirisita avepo zvakare panyika!

Mufananidzo
Part of a worldwide series of photographs taken in connection with General Conference. April 6 - 7, 2024. Pictures were taken in Kenya .

Kenya

Ndinokukokai kuti munyatsofunga ndeve nhatu dzinotevera:

  1. Kuunganidzwa kweIsraeri humbowo hwekuti Mwari vanoda vose vana vavo kwose kwose.

  2. Vhangeri raAbrahama ndiro humwe umboo hwekuti Mwari vanoda vose vana Vavo kwose kwose. Vanokoka vose kuti vauye kwaVari—“vatema nevachena, nhapwa nevakasununguka, vanhurume navanhukadzi; … vose vakafanana kuna Mwari.”

  3. Simba rekusunganidza ndiro umbowo hwehumwari hwemadiro anoita Mwari vose vana vavo kwose kwose uye kuti vanoda mumwe nemumwe wavo kuti asarudze kudzokera kumusha kwaVari.

Makiyi ehupirisita akadzorerwa kuburikidza neMuporofita Joseph Smith anoita kuti zvikwanisike kuti murume nemudzimai wose anochengeta chibvumirano anakirwe nemaropafadzo epazvemweya ake pachake anoshamisa. Zvakare, pane zvizhinji zvatinokwanisa kudzidza kubva kunhoroondo inoera yeTemberi yeKirtland.

Munamato waJoseph Smith wekukumikidza Temberi yeKirtland idzidziso yepamusoro pokuti Temberi inosimbisa iwe neni sei panezvemweya kuti tigosangana nematambudziko ehupenyu mumazuva ano ekupedzisira. Ndinokukurudzirai kuti munzvere munamato iwoyo, uyo wakanyorwa muDzidziso neZvibvumirano 109. Munamato werukumikidzo iwoyo, uyo wakagamuchirwa nezvakazazurwa, unodzidzisa kuti temberi “imba yemunamato, imba yekutsanya, imba yerutendo, imba yekudzidza, imba yekubwinya, imba yakarongeka, imba yaMwari.”

Mudorongodzwa uyu wehunhu hwetemberi unopfuura kungova tsananguro yeTemberi. Ivimbiso pamusoro pezvinozoitika kuna avo vanoshandira nekunamatira muimba yaIshe. Vanokwanisa kutarisira kugamuchira mhinduro kumunamato, zvakazarurwa zvemunhu pachake, rutendo rukurusa, simba, nyaradzo, ruzivo rwakawedzerwa, uye simba rakawedzerwa.

Nguva mutemberi inozokubatsira kufunga serestiyaro uye kunzwisisa kuti uri ani chaizvo, munhu waunokwanisa kuva, uye rudzi rwoupenyu hwaunokwanisa kuva nahwo nariinhi nariinhi. Kunamata mutemberi nguva dzose kunozosimudzira nzira yaunozviona nayo iwe pachako uye kuti uri sei chikamu chechirongwa chinoshamisa zvikuru chaMwari. Ndinokuvimbisa izvozvo.

Tinovimbiswawo kuti mutemberi tinokwanisa “kugamuchira kuzara kweMweya Mutsvene.” Fungidzira izvo vimbiso iyoyo zvainoreva maererano nekuva nematenga achizaruka kumunhu woga woga anotsvaka nemwoyo wose a zvokwadi zvokusingaperi.

Tinorairwa kuti vose vanonamata mutemberi vanozova nesimba raMwari uye navatumwa vanenge “vachivataririra.” Zvinowedzera chivimbo chako zvakadii kuziva kuti, somudzimai kana murume akagamuchira endaumenti akapakatira simba raMwari, haufaniri kutarisana noupenyu uri woga? Zvinokupa ushingi hwakadii kuziva kuti vatumwa chokwadi vanozokubatsira?

Pokupedzisira, tinovimbiswa kuti “hakuna mubatanidzwa wehunyangadzi” unozova nesimba pamusoro peavo vanonamata muimba yaIshe.

Mufananidzo
Part of a worldwide series of photographs taken in connection with General Conference. April 6 - 7, 2024. Pictures were taken in Ecuador.

Ecuador

Kunzwisisa maropafadzo ezvepamweya ayo anowanikwa mutemberi kwakakosha zvikurusa kune mumwe nemumwe wedu nhasi.

Mabhuratha nemasisita angu anodikanwa, heino vimbiso yangu. Hapana chinozokubatsira zvakanyanya kubatirira kudanda resimbi kupfuura kunamata mutemberi nguva zhinji sekutendera kunoita mamiriro ako ezvinhu. Hapana chinozokudzivirira zvakanyanya apo paunosangana nemhute dzerima dzepanyika. Hapana chinozosimbisa uchapupu hwako hwaIshe Jesu Kristu neRudzikinuro Rwake kana kukubatsira kunzwisisa chirongwa chinoshamisa chaMwari zvakanyanya. Hapana chinozonyaradza mweya wako zvakanyanya munguva dzemarwadzo. Hapana chinozozarura matenga zvakanyanya. Hapana!

Temberi ndiyo nzira yekumaropafadzo makurusa ayo Mwari avakachengetera mumwe nemumwe wedu, nokuti temberi ndiyo chete nzvimbo panyika umo matingagamuchira ose maropafadzo akavimbiswa kuna Abrahama. Ndiko kusaka tirikuita zvose zviri musimba redu, pasi pehutungamiri hwaIshe, kuti maropafadzo ekutemberi ave anowanikwa nenhengo dzeChechi. Nokudaro, tinofara kuzivisa kuti tiri kuronga kuvaka temberi itsva mune imwe neimwe yenzvimbo gumi neshanu dzinotevera:

  • Uturoa, French Polynesia

  • Chihuahua, Mexico

  • Florianópolis, Brazil

  • Rosario, Argentina

  • Edinburgh, Scotland

  • Brisbane, Australia south area

  • Victoria, British Columbia

  • Yuma, Arizona

  • Houston, Texas south area

  • Des Moines, Iowa

  • Cincinnati, Ohio

  • Honolulu, Hawaii

  • West Jordan, Utah

  • Lehi, Utah

  • Maracaibo, Venezuela

Mabhuratha nemasisita angu anodikanwa, ndinopupura kuti iyi ndiyo Chechi yaJesu Krsitu yaVatedi vaMazuva Ekupedzisira. Amire kumusoro kwayo. Tiri vadzidzi Vake.

Ngatifarei mukudzorerwa kwemakiyi ehupirisita, ayo anoita kuti zvikwanisike kuti iwe neni tinakirwe narose ropafadzo rezvepamweya iro ratinoda uye ratakakodzera kugamuchira. Ndinopupura kudaro nemuzita rinoera raJesu Kristu, ameni.

Dhinda