Riahona
Mwari Vanozotitsigira uye Nokutidzivirira
Nyamavhuvhu 2024


“Mwari Vanozotitsigira uye Nokutidzivirira,” Liahona (Riahona), Nyamavhuvhu, 2024.

Shoko reMwedzi woga woga reLiahona (Riahona), Nyamavhuvhu 2024

Mwari Vanozotitsigira uye Nokutidzivirira

SaKaputeni Moronai, tinokwanisa kugamuchira rubatsiro nesimba zvehumwari kuitira hondo dzatinotarisana nadzo muupenyu.

Mufananidzo
Kaputeni Moronai akabata mureza werusununguko

Mifananidzo naEric Chow

Pandakaverenga Bhuku raMormoni kokutanga, ndanakidzwa zvikuru nenhoroondo yehondo pakati pevaNifai nevaRamani Ndakafadzwa nerutendo, ungwaru, uye neunyanzvi hwakashandiswa naKaputeni Moronai, mukuru mukuru wemauto uyo akaitwa mutungamiri wemauto evaNifai paaiva aine makore makumi maviri nemashanu ekuzvarwa. Aiva akangwara, akasimba uye aine uchenjeri. Aiva akazvipira zvakazara kurusununguko nemagariro akanaka evanhu vake. (Ona Aruma 48:11–12.)

Pane kuti azvikudze iye pachake pamusoro pekubudirira kwemauto muhondo, Moronai akati budiriro iyi yaiva yaitika nokuda kwaMwari uye nokuda kwerutsigiro runoera urwo mauto ake arwakagamuchira kubva kumadzimai nevana vaiva vasingarwi hondo yacho. Akaudza mutungamiri wevavengi uyo aiva akundwa kuti “Ishe … vakukumikidza mumaoko edu. Uye zvino ndinoda kuti unzwisise kuti izvi … zvaitika nokuda kwechitendero chedu uye norutendo rwedu muna Kristu. Moronai zvino akagovera maonero ehuporofita aya : “Mwari vanozotitsigira, uye nokutichengeta, uye nokutidzivirira, kana chete takatendeka kwavari; uye nemurutendo rwedu, uye nechitendero chedu” (Aruma 44:3, 4).

Nekufamba kwenguva, ndakazosvika pakuziva kuti Moronai akatevedzera misimboti yatinokwanisa kushandisa kutibatsira kukunda zvinetso zveupenyu hwedu hwamazuva ano. Apo patinoshandisa rutendo muna Jesu Kristu, Muponesi wepanyika, Anozotiropafadza nesimba Rake. Asi kuitira kuti Adaro uye kuitira kuti isu tizive makomborero Ake, tinofanira kunzwisisa chinangwa chedu, kurongera rubudiriro, uye kugadzirira hondo dzechidimikira dzatinotarisana nadzo, sekugadzirira kwakaita Moronai uye nokutarisana nehondo chaidzo muhupenyu hwake. Apo patinoita saizvozvo, Baba Vokudenga naJesu Kristu vanozotitsigira uye nokutidzivirira.

Kunzwisisa Chinangwa Chedu

Moronai akadzokorora kuyeuchidza vanhu kuti vaiva vanaani (vagari venhaka yechibvumirano chaAbrahama) uye kuti vaiva vaani (vana vanodiwa vaMwari) uye chinangwa chavairwira (mhuri, rutendo, nerusununguko). Moronai akadzidzisa vanhu vake kuti vairwira urarami chaihwo hwavo uye rusununguko kubva mukudzvanyirirwa neutapwa. Mukusiyana, vavengi vavo vairwira kuzvikwiridzira kwavo pachavo uye masimba avo pachavo kuburikidza nokudzvinyirira vamwe.

Apo vamwe vaNifai pavakatsvaka kutora simba zvisiri pamutemo kuitira pundutso yavo pachavo, Moronai akatsemura bhatye rake uye akanyora pachipenga charo misimboti yakakoshesesa yeshoko rake: “Mukurangarira Mwari vedu, chitendero chedu, nerusununguko, uye nerunyararo rwedu, vakadzi vedu nevana vedu.” Akasimudza mureza uyu, uyo waakadaidza kuti “Mureza werusununguko” wakasungirirwa padanda uye akaushandisa kuyeuchidza vanhu kuti vaiva vachirwirei uye kuvaunganidza kuti vatsigire chinangwa chacho. (Ona Aruma 42:13–15, 21–25).

Muhondo dzepamweya dzeupenyu, “hatirwi nenyama neropa, asi … madzishe enyika erima… [uye] nemweya yakaipa” (VaEfeso 6:12). Isuwo tinofanira kuyeuchidzwa kuti tiri kurwirei. Gaso Neal A. Maxwell (1926-2004) vaimbova nhengo yeChikwata chevaApostora vane Gumi neVaviri, vakataura pfungwa iyi muhurukuro yakanaka zvikuru kunyangwe zvazvo yaiva pfupi.

Muna 2004, ndakashanyira Gosa Maxwell muchipatara nguva pfupi vasati vashaya. Vaiva netsitsi zvikuru kuvanhu vose vaivashanyira kana vaivabatsira. Vashandi vezvehutano vaipinda mumupanda wavo uye vobuda vachichema. Ndakati kwavari “Gosa Maxwell, izvi zvakaoma zvikuru” Vakaseka uye vakati “Nhai, Dale, tiri vanhu vokusingaperi vari kurarama munyika inofa” Tiri munzvimbo yatisingafaniri kuva, sehove yabuda mumvura. Apo chete patinenge tava nemaonero okusingaperi ndipo apo zvipi zvazvo zveizvi pazvinozoreva chinhu.”

Hatimbofaniri kukanganwa muumbirwo mukuru wedu wehunhu wedu hwehumwari uye mugumo wokusingaperi wedu uye masimba ehudhiabhorosi anotipikisa. Kunzwisisa nemazvo chirongwa chaBaba Vokudenga kunozotikurudzira kuramba tichirwira ruponeso rwokusingaperi rwedu uye rusununguko kubva kuutapwa hwepamweya.

Mufananidzo
vanhu vachigadzira nhare

Kurongera Budiriro

Nemuhondo dzose dzakarwiwa nemauto ake, Moronai aironga zvokuva nechokwadi chokubudirira. Aishandisa vasori kuti vaende kunoziva zviitwa nevavariro dzevavengi vake. Aitsvaga hutungamiriri kubva kumuporofita, Aruma. Moronai zvino aishandisa nhungamiro yakafemerwa iyoyo mukuronga kwake hondo. Aiendesa zvishandiso maererano nezvidikanwi, achiisa masoja akawanda mumaguta aiva asina kudzivirirwa zvakasimba. Aimisa neungwaru zvirongwa zvemarwiro avaizoita maererano neruzivo rwenguva iyoyo.

Nokudaro akakwanisa kukunda mauto avavengi vake. Aisambogutsikana nemikundo yekare, panokudaro, airamba achinatsurudza kwaniso dzake nedze mauto ake dzokutarisana nezvinetso zveramangwana.

Tinokwanisa kushandisa maitiro mamwechetewo kurwisa vapikisi vezvepamweya. Tinokwanisa kutanga nokuziva izvo Satani zvaari kuedza kuita muupenyu hwedu. Anoedza kutitsausa kubva pachinangwa chedu. Apo patinotarisana nechiedzo, tinofanira kuzvibvunza kuti:

  • Chiito ichi chandaita chinoenzaniswa sei neshoko rakazarurwa raMwari?

  • Ndedzipi mhedzisiro dzokuita chiito ichi?

  • Chiito ichi chinozondibatsira here kuzadzikisa chinangwa changu panyika?

Tinofanirawo kuziva mhedzisiro dzokukundwa kunyangwe nezviedzo zviduku. Apo patinokundwa nechiedzo, “tinodya chepfu zvishoma nezvishoma” (Aruma 47:18), zano rinoshanda zvikurusa rinoshandiswa nemasimba ehunyangadzi ayo anokwanisa kutungamirira kumagumisiro ane njodzi huru ezvepamweya.

Tinokwanisa kuzvidzivirirakubva kuzviedzo zvaSatani kuburikidza nokutevera nhungamiro yatinogamuchira kubva kumuporofita wamazuva ekupedzisira. Kuita saizvozvo kunotibatsira kuchengeta maonero okusingaperi ayo nemaari tinowongorora zviito zvedu. Kuronga kuti tinozotarisana sei nezviedzo zvinouya munzvimbo dzakasiyana siyana dzeupenyu hwedu kunozotibatsira kuita sarudzo dzakanyanya kunaka munguva yacho. Mazano nemaitiro akafanorongwa anozotibatsira kudzivirira zvimhingaidzo kubva kuchinangwa chokusingaperi chedu.

Muenzaniso ndeuyo wetekinoroji. Tekinoroji inokwanisa kuva chinhu chinopa zvose pundutso nematambudziko, chinhu chakanaka uye chakaipa, zvichienderana namashandisiro atinoiita. Kutibatsira kuita sarudzo dzine ungwaru pamusoro pemidziyo yedu, vadiki navakuru vanokwanisa kuverenga, “Taking Charge of Technology” uye For the Strength of Youth: A Guide for Making Choices. Izvi zvinotiyeuchidza nezve chinangwa chedu, zvinotinongedzera kuna Jesu Kristu, uye zvinotibatsira kukoka Mweya Mutsvene muupenyu hwedu. Kuronga kuti sei, riinhi uye papi patinoshandisa tekinoroji kunozotidzivirira zvakasimba kubva kumano asina hunhu enyika.

Mufananidzo
VaRamani vachirwisa nhare dzevaNifai

Kugadzirira Hondo dzeChidimikira

Achitarisira hondo dzaiuya, Moroni akagadzirira vanhu vake mumwe nemumwe nezvidziviriro zvepachipfuva, nhovo, nguwani dzedziviriro yemusoro, uye nenguwo hobvu. Akagadzirira vanhu vake vose nokutenderedza maguta nenhare, achiakomberedza nematutu eivhu.

Panezvemweya, tinozvigadzirira isu pachedu nokuchengeta mirairo yaMwari. Tinoita nokuchengeta zvibvumirano naMwari izvo zvinounza simba raJesu Kristu muupenyu hwedu. Tinoita zviito zvokuzvipira isu pachedu zvakavanzika, sezvakaita kunamata, kutsanya, uye nekutsvagurudza magwaro matsvene. Tinoitawo zvinhu murutendo, tichidavira kunhungamiro yezvepamweya yatinogamuchira. Tinogadzirira sakaramende nerutendeko uye tinoitora zvakakodzera. Patinoita saizvozvo, Muponesi anozonyanya kuva wechokwadi muupenyu hwedu, sezvaAingova wechokwadi kuna Moronai uyo aiva akasimba murutendo rwake muna Jesu Kristu. Moronai aiziva kuti aikwanisa kuvimba pana Muponesi kuti awane nhungamiro nerununuro (ona Aruma 48:16). Nesuwo tinokwanisa kuvimba pana Jesu Kristu kuti tiwane nhungamiro nerununuro.

Tinokwanisa kugadzirira zvakawedzera kuburikidza nokusimbisa mhuri dzedu. Baba vedu Vokudenga vakatironga mumhuri kutibatsira kuti tifare uye tidzidze madzokerero okuita kwaVari. Mhuri dzedu dzinokwanisa kuva manyuko erubatsiro kwatiri. Tose tinokwanisa kunzwa mufaro nerudo kuburikidza nokurangarira kuti tiri chikamu chemhuri huru yaMwari, zvisinei nemamiriro akasiyana siyana emhuri dzedu.

Tinokwanisa tose kuwana simba uye togadzirira hondo dzedu dzezvepamweya apo patinobatana munzanga dzeVatendi. Hoko dzedu nematunhu edu zvinopa nzvimbo yakadaro yehupoteri nedziviriro. Tinokwanisa kugutsa mumwe nomumwe wedu pane zvepamweya, kubatsirana kuchengeta mirairo yaMwari, uye nokukurudzirana kuvimba pana Kristu, nguva dzose uye kunyanya panguva dzezvinetso. Apo patinoungana, tinoona kuti hatirwi hondo dzedu tega. Tine shamwari, vadzidzisi, uye nevatungamiriri vanokwanisa kutibatsira uye nokutidzivirira. Takanyanya kusimba apo patinogadzirira pamwechete.

Zvanoshamisa, Moronai akataura kuti mufaro wose wevanhu vake waiva nokuda kwokuti vaiva muchokwadi kurutendo rwavo muna Mwari nekuchitendero chavo. SaMoronai, tinofanira kuziva kuti mufaro unouyanokuda kwaBaba Vokudenga nechirongwa Chavo uye nokuda kwaJesu Kristu neRudzikinuro Rwake. Apo patinosvika pakunzwisisa chinangwa chedu, torongera budiriro, uye togadzirira hondo dzechidimikira, tinogamuchira rubatsiro nesimba zvehumwari.

SaMoronai, ndinoziva kuti Baba Vokudenga naJesu Kristu vanounza rusununguko rukurusa kubva muutapwa—rusununguko kubva murufu nezvivi. Vanotikomborera nesimba Ravo apo patinotarisa kwaVari muzvinhu zvose.

Manotsi

  1. Taking Charge of Technology,” Gospel Library.

  2. For the Strength of Youth: A Guide for Making Choices (2022), Gospel library

  3. Ona Russell M. Nelson, “Joy and Spiritual Survival,” Liahona, Mbudzi. 2016, 82.

Dhinda