Riahona
Varwi veChidiki
Nyamavhuvhu 2024


“Varwi veChidiki,” Friend (Shamwari), Nyamavhuvhu 2024, 26-27.

Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Nyamavhuvhu 2024

Varwi veChidiki

Mufananidzo
Vanhu vachiviga zvombo zvavo mugomba

Mifananidzo naAndrew Bosley

Vanhu vaidzidziswa naAmoni nemadzikoma ake vaida kutevera Jesu Kristu. Vakaviga zvombo zvavo uye vakavimbisa Mwari kuti havaizombofa vakarwa zvakare.

Mufananidzo
Boka ravakomana vechidikirinosvika paimba apo vechikuru pavari kutaurinana

Asi nechinguva chidiki vaifanira kudzivirira mhuri dzavo. Madzibaba aiva aviga zvombo zvavo vaiva vasingadi kutyora chivimbiso chavo naMwari. Saka vanakomana vavo vakagadzirira kurwa muchinzvimbo chavo. Vaidaidzwa kunzi zviuru zviviri zvevarwi vechidiki. ­

Mufananidzo
Mukomana wechidiki achinamata namai vake apo vamwe vakomana vechidiki pavanoungana nezvombo zvavo

Varwi vechidiki ava vakanga vasati vamborwa muhondo. Asi vana mai vavo vakabatsira kuvagadzirira uye vakavadzidzisa kuti vavimbe naMwari.

Mufananidzo
Hiramani achitungamirira varwi vechidiki mukufora; mukomana wechidiki anobatsira mumwe mukomana wechidiki akuvara kufamba

Vakasarudza Hiramani kuti ave mutungamiri wavo. Vaiva vakashinga uye Mwari vakavabatsira. Vose vaiva vakuvara, asi vakabatsirana. Mwari vakakudza rutendo rwavo, uye vose vakararama!

Peji Yekuisa Ruvara

Magwaro Matsvene Anokwanisa Kundibatsira Mazuva Ose.

Mufananidzo
Peji yekuisa ruvara yemifananidzo yevanhu vemuBhuku raMormoni vari kubuda kubva mumapeji ebhuku rakavhurika.

Mufananidzo naAdam Koford

Ndeipi nyaya yemagwaro matsvene yaunofarira?

Dhinda