Huyai, Munditevere 2024
Chivabvu 5–11: “Zvivimbiso … Zvichazadzikiswa”: Dzidziso neZvibvumirano 45


“Chivabvu 5–11: ‘Zvivimbiso … Zvichazadzikiswa’: Dzidziso neZvibvumirano 45,’ Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Dzidziso neZvibvumirano 2025 (2025)

“Dzidziso neZvibvumirano 45,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2025

mhuri iri patemberi

Chivabvu 5–11: “Zvivimbiso … Zvichazadzikiswa”

Dzidziso neZvibvumirano 45

Zvakazarurwa zviri muchikamu 45 zvakagamuchirwa, maererano nemusoro wenyaya wechikamu, “kumufaro weVatendi.” Uye kune zvakawanda zvokufara nazvo muzvakazarurwa izvi. Mazviri Muponesi anopa vimbiso nyoro Yake yokuteterera muchinzvimbo chedu pamberi paBaba (ona ndima 3–5). Anotaura nezve chibvumirano chisingaperi Chake chinoparararira napanyika pose, “semutumwa … kugadzirira nzira pamberi [Pake]” (ndima 9). Uye Anoporofita nezve Kuuya kweChipiri Kwake kunoshamisa. Muponesi anoita zvose izvi achibvumawo kuti ano mazuva anematambudziko (ona ndima 34), muchikamu nokuda kwenjodzi huru dzinofanira kuitika asiti Auya. ­­Asi njodzi iyoyo, rima iroro harina kusimba zvakakwana kudzima chiedza chetariro. “Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri” Ishe vakazivisa, “ini ndiri … chiedza chinopenya murima” (ndima 7). Izvozvo zvega ndicho chikonzero chekugamuchira zvakazarurwa izvi—pamwepo nerairo neyambiro ipi zvayo uye nechokwadi chipi zvacho zvaAnoda kupa—nemufaro.

mufananidzo wekunzvera

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Dzidziso neZvibvumirano 45:1–5

mufananidzo weseminari
Jesu Kristu ndiye Murevereri wedu kuna Baba.

Apo patinonzwa kuti hatinyatsokwaniri kana kuti hatikodzeri pamberi paMwari, tinokwanisa kuwana rusimbiso kubva kumashoko eMuponesi muDzidziso neZvibvumirano 45:1–5. Apo paunotsvagurudza ndima idzi, funga pamusoro pemibvunzo yakaita seiyi:

  • Ndeapi mashoko kana ndevo mundima idzi zvinonyanya kukosha kwauri?

  • Murevereri mumwe munhu anotsigira kana kukurudzira zviri pachena munhu kana chinangwa. Maererano nendima idzi, Jesu Kristu anokuitira izvi sei? Chii chinoMukodzeresa kuzviita?

  • Chii chinokufadza pamusoro pemashoko eMuponesi kuna Baba? (ndima 4–5).

Unokwanisawo kunzvera izvo Gosa Dale G. Renlund zvavakadzidzisa pamusoro paJesu Kristu, Murevereri wedu, “muChoose You This Day” (Liahona, Mbudzi 2018, 104–5). Maererano naGosa Renlund, chinangwa cheMuponesi chinoenzaniswa sei nechaRusifa?

Ndima dzinotevera dzingangowedzera kunzwisiso yako yebasa reMuponesi seMurevereri. Apo paunodzinzvera, funga pamusoro pekunyora pasi ndevo kana zvokwadi zvaunogona kugoverana navamwe: 2 Nifai 2:8–9; Mosaya 15:7–9; Moronai 7:27–28; Dzidziso neZvibvumirano 29:5; 62:1. Sei ndevo idzi dzakakosha kwauri?

Onawo “Ndinoshamiswa Kwazvo,” Nziyo neDzeVana Vadiki,, nhamba 42; Topics and Questions, “Atonement of Jesus Christ (Rudzikinuro rwaJesu Kristu),” Gospel Library; “The Mediator (vhidhiyo), Gospel Library.

10:47

The Mediator

A portrayal of the analogy Elder Boyd K. Packer used in his April 1977 general conference address. A young man who fails to pay a debt is saved from the grasp of justice through the mediation of a friend.

Dzidziso neZvibvumirano 45:9–10

Vhangeri ndiro mureza kumarudzi.

Chinyakare, mureza waiva jira rakasungirirwa padanda raitakurwa kuenda muhondo richishandiswa kuunganidza nokubatanidza mauto. Mureza muenzanisowo kana murau uyo zvimwe zvinhu wazvinokwanisa kuyerwa nawo. Apo paunoverenga Dzidziso neZvibvumirano 45:9–10, fungisisa kuti zvibvumirano zvako naIshe zvanga zviri mureza kwauri sei.

Dzidziso neZvibvumirano 45:11–75

Jesu Kristu anozodzoka mukubwinya.

Kuuya kweChipiri kwaIshe kwakatsanangurwa sekunozova zvose “kukuru” uye “kunotyisa” (Maraki 4:5). MuDzidziso neZvibvumirano 45, tsananguro idzi dzose dzinoratidzika sedzakakodzera. Zvakazarurwa izvi zvinosanganisira zvose yambiro dzakakomba uye vimbiso dzinetaririro pamusoro pokuuya kwaIshe. Apo paunonzvera ndima 11–75, fungisisa magadziriro aunokwanisa kuita Kuuya kweChipiri nerutendo munaKristu pachinzvimbo chokutya. Nyora pasi izvo zvaunowana muchati yakaita seino iyi:

Huporofita kana vimbiso

Izvo zvandinokwanisa kuita

Huporofita kana vimbiso

Chiedza (vhangeri) chichauya kuna avo vagere murima (ndima 28)

Izvo zvandinokwanisa kuita

Gamuchira chiedza—uye chigovere (ndima 29)

Huporofita kana vimbiso

Izvo zvandinokwanisa kuita

Huporofita kana vimbiso

Izvo zvandinokwanisa kuita

Huporofita kana vimbiso

Izvo zvandinokwanisa kuita

Muvhidhiyo “Men’s Hearts Shall Fail Them” (Gospel Library), irairo ipi iyo Mutungamiri Russell M. Nelson yavakapa kutibatsira kutarisana nemamiriro ezvinhu anotyisa nerunyararo?

3:24

Men's Hearts Shall Fail Them

Elder Russell M. Nelson shares a personal story to give encouragement for when we feel "weak in the heart."

Dzidziso neZvibvumirano 45:31–32, 56–57

Ndinokwanisa “kumira munzvimbo tsvene” uye handizosudurutswi.

Chii chaunodzidza muDzidziso neZvibvumirano 45:31–32, 56–57 pamusoro pekugadzirira Kuuya kweChipiri kwaIshe? Ndedzipi “nzvimbo tsvene” dzako? Zvinorevei “kusasudurutswa”? Ungakwanisa sei kuita kuti pauri pave patsvene zvikurusa?

Cherechedza kuti Ishe vakataura nezve nyaya yemufananidzo yevasikana vane gumi, vachienzanisa mafuta munyaya yemufananidzo yacho kuchokwadi neMweya Mutsvene. Funga pamusoro pokuverenga nyaya yemufananidzo iyi muna Mateo 25:1–13 neizvi mupfungwa. Ndedzipi nzwisiso dzaunowana?

Onawo David A. Bednar, “If Ye Had Known Me,” Liahona, Mbudzi 2016, 102–5.

vasikana vashanu vakachenjera

Parable of the Ten Virgins [Nyaya yeMufananidzo yeVasikana vane Gumi],, naDan Burr

Dzidziso neZvibvumirano 45:11-15, 66–71

Zioni inzvimbo yedziviriro yeVatendi vaMwari.

Vatendi vemunguva yaJoseph Smith vakanga vachidisisa kuvaka Zioni, Jerusarema Idzva, (ona Eta 13:2–9; Mosesi 7:18, 62–64). Chii chaunodzidza pamusoro peZioni—zvese guta rechinyakare rezuva raEnoki neguta remazuva ekupedzisira—kubva muDzidziso neZvibvumirano 45:11–15, 66–71? Nhasi rairo yokumisa Zioni inoreva kumisa umambo hwaMwari kupi nekupi zvako kwatinogara. Chii chaunokwanisa kuita kubatsira kuvaka Zioni kupi nekupi zvako kwaunogara?

mufananidzo wechikamu chevana 01

Mazano eKudzidzisa Vana

Dzidziso neZvibvumirano 45:3–5

Jesu Kristu ndiye Murevereri wangu kuna Baba.

  • Ungangoda kubatsira vana vako kunzwisisa kuti murevereri munhu anotsigira mumwe munhu. Zvino unokwanisa kutaura pamusoro pemienzaniso yokuva murevereri iyo yavanoziva (sezvakaita kutsigira shamwari). Apo pamunoverenga Dzidziso neZvibvumirano 45:3–5 pamwechete, batsira vana vako kuziva kuti Murevereri wedu ndiani uye kuti Anotibatsira sei.

Dzidziso neZvibvumirano 45:32

Ndinokwanisa “kumira munzvimbo tsvene.”

  • Zvingangova zvinonakidza kuisa mifananidzo yeimba, chivako cheChechi, uye temberi nemumupanda wose. Zvino unokwanisa kupa vana vako zviratidzo uchitsanangura nzvimbo idzi uye wovakoka kuti vamire pedyo nemufananidzo waurikutsanangura. Vakumbire kumira vasingazungunuke apo paunenge uchiverenga mutsetse wokutanga kubva muDzidziso neZvibvumirano 45:32. Ndedzipi dzimwe nzvimbo tsvene idzo Mwari dzavanotipa? Batsira vana vako kunzwisisa kuti “kumira munzvimbo tsvene, uye … kusasudurutswa” zvinoreva kusarudza zvakanaka panguva dzose, zvisinei neizvo zvirikuitika. Tingakwanisa sei kuita kuti imba yedu inyanye kuva nzvimbo tsvene?

Dzidziso neZvibvumirano 45:9

Vhangeri raJesu Kristu ndirwo rupawo kunyika.

  • Ungangotsanangura kuvana vako kuti chinyakare, rupawo rwaiva mucheka wemucherechedzo unosungirirwa padanda kana mureza waitakurwa kuenda muhondo. Waibatsira masoja kuziva uko kwekuungana uye nezvekuita. Verengai pamwechete Dzidziso neZvibvumirano 45:9, uye mokurukura nzira idzo vhangeri dzarakaita semureza. Vana vako vangangonakidzwa nokugadzira mureza wavo pachavo, kusanganisira mifananidzo kana mashoko zvinotaura manzwiro avo pamusoro peMuponesi.

kusimudza mureza

Vhangeri rakaita serupawo, kana mucheka wemucherechedzo kana mureza.

Dzidziso neZvibvumirano 45:44–45

Jesu Kristu anozouya zvakare.

  • Ruparadzo runozoitika Kuuya kweChipiri kusati kwaitika rungangoita kuti vana vatye. Kuvanongedzera kuna Jesu Kristu kunokwanisa kuvabatsira kutarisira nerutendo! Funga pamusoro pokuvakoka kuti vafunge pamusoro pamanzwiro avanoita apo mumwe munhu akakosha paanenge achiuya kuzoshanya, sezvakaita sekuru kana mbuya kana shamwari. Vanogadzirira sei kushanya uku? Zvino unokwanisa kuratidza mufananidzo weMuponesi uye woverenga muDzidziso neZvibvumirano 45: 44–45. Goveranai manzwiro amunoita pamusoro pokuuya kweMuponesi.

  • Kuti ubatsire vana vako kunzwa mufaro pamusoro poKuuya kweChipiri kweMuponesi, unokwanisa kunyora pazvidimbu zvemapepa dzimwe dzevimbiso dzinetariro kubva muchikamu 45 (ona, semuenzaniso, ndima 44–45, 51–52, 55, 58–59, 66–71). Ipa vana vako mapepa acho uye wovakumbira kusimudza ruoko rwavo apo vimbiso yavakabata painotaurwa apo paunenge uchiverenga ndima idzi. Kurukurai izvo zvinoreva vimbiso idzi. Unokwanisawo kuimba nevana vako rumbo pamusoro poKuuya kweChipiri kweMuponesi, sezvakaita “When He Comes Again” (Children’s Songbook, 82–83).

Batsira vana kuti vazive Mweya. Apo paunodzidzisa vana vako, vataurire apo paunonzwa Mweya Mutsvene. Taura pamusoro pamaziviro aunoita simba Rawo. Semuenzaniso, ungangonzwa runyararo kana mufaro apo paunenge uchiimba rumbo pamusoro peMuponesi.

­

Kuuya kweChipiri kwaJesu Kristu

The Second Coming [Kuuya kweChipiri], naHarry Anderson

peji yechiitwa yevana