Huyai, Munditevere 2024
Chivabvu 19-25: “Icho Chinenge Chiri chaMwari Chiedza”: Dzidziso neZvibvumirano 49–50


“Chivabvu 19-25: ‘Icho Chinenge Chiri chaMwari Chiedza’: Dzidziso neZvibvumirano 49–50,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Dzidziso neZvibvumirano 2025 (2025)

“Dzidziso neZvibvumirano 49–50,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2025

kubuda kwezuva

Chivabvu 19-25: “Icho Chinenge Chiri chaMwari Chiedza”

Dzidziso neZvibvumirano 49–50

Muponesi ndiye “mufudzi wakanaka” wedu (Dzidziso neZvibvumirano 50:44). Anoziva kuti dzimwe nguva makwai anotsauka uye renje rine njodzi dzakawanda. Nokudaro Anotitungamirira nerudo kuruchengeteko rwedzidziso Yake. Anotitungamirira kure nenjodzi dzakaita “semweya yenhema, iyo yakaenda mberi pasi pose, ichinyengedza nyika” (Dzidziso neZvibvumirano 50:2). KuMutevera kazhinji zvinoreva kurega kutenda mupfungwa kana tsika dzisiri kwadzo. Izvi zvaiva chokwadi kuna Leman Copley navamwe muOhio. Vakanga vagamuchira vhangeri rakadzorerwa asi vakaramba vakabatirira kune dzimwe tendero dzakanga dzisiri kwadzo. MuDzidziso neZvibvumirano 49, Ishe vakazivisa zvokwadi zvakagadzirisa izvo zvaimbotendwa kare naLeman pamusoro pemisoro yenyaya yakaita semuchato neKuuya kweChipiri kweMuponesi. Uye apo vatendeuki vemuOhio “pavakagamuchira … mweya [yavasina] kunzwisisa,” Ishe vakavadzidzisa maziviro okuita zviratidzo zveMweya zvechokwadi (Dzidziso neZvibvumirano 50:15). Mufudzi Akanaka ane mwoyo murefu nesu; “vana vadiki” Vake avo “vanofanira kukura munyasha uye nemuruzivo rwechokwadi” (Dzidziso neZvibvumirano 50:40).

mufananidzo wekunzvera

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Dzidziso neZvibvumirano 49; 50:24

Jesu Kristu anoda kuti nditambire zvokwadi zvevhangeri Rake.

Asati apinda muChechi, Leman Copley akanga ari chikamu cheboka rechitendero raizivikanwa seUnited Society of Believers in Christ’s Second Appearing, (Bato raKabatana raVatendi Mukuzviratidza kweChipiri kwaKristu), iro raizivikanwawo seShakers. Mushure mehurukuro naLeman, Joseph Smith akatsvaka rujekeso kubva kuna Ishe pamusoro pedzimwe dzidziso dzemaShakers. Ishe vakapindura nezvakazarurwa zviri muchikamu 49. Dzimwe tendero dzemaShakers dzakataurwa mumusoro wenyaya wechikamu.

Chii icho Ishe chavakadzidzisa muchikamu 49 kuitira kugadzirisa tendero dzemaShakers? Umboo hwupi hwaunoona muzvakazarurwa izvi hwerudo nehanya Yavo kuvanhu avo vasina kuzara kwechokwadi Chavo. Ungananavira sei kwavari nerudo nehanya?

Chii chaunoyemura pamusoro pecherechedzo yaIshe iri mundima 2? Ungangoenzanisa izvi neizvo zvinoitika kana ukangoona chikamu chete chefirimu, ukaona chidimbu chimwechete chepazuru, kana kunzwa divi rimwechete regakava. Yambiro yaIshe inoenderana sei neDzidziso neZvibvumirano 50:24? Funga pamusoro peizvo zvauri kuita kuti ugamuchire chimwe chiedza chakawanda kubva kuna Ishe.

Onawo “Leman Copley and the Shakers,” muRevelations in Context, 117–21.

Dzidziso neZvibvumirano 49:15–17

mufananidzo weseminari
Muchato pakati pemurume nemukadzi wakakosha kuchirongwa chaMwari.

Mukuedza kudzikisira chirongwa chaBaba Vokudenga, Satani anotsvaka kuunza vhiringidzo pamusoro pemuchato. Ishe, norumwe rutivi, vanoenderera mberi nokuzarura chokwadi pamusoro pemuchato kuburikidza navaporotifa Vavo. Unokwanisa kuwana zvimwe zvezvokwadi izvi muDzidziso neZvibvumirano 49:15–17; Genesis 2:20–24; 1 Vakorinte 11:11; uye “Mhuri: Chiziviso kuNyika.” Ita mudorongodzwa wezvokwadi zvaunowana. Sei muchato wakakosha kudaro kuchirongwa chaMwari?

Gosa Ulisses Soares vakadzidzisa kuti “vhangeri rakadzorerwa raJesu Kristu rinozivisa musimboti weukama hwakazara pakati pemudzimai nemurume, zvose muupenyu hunofa uye nemukusingaperi” (“In Partnership with the Lord,” Liahona, Mbudzi 2022, 42). Ungangonzvera shoko ravo, uchitsvaka misimboti “inosimbisa ukama pakati pemurume nemudzimai.” Ungakwanisa sei kushandisa misimboti iyi muupenyu hwako? Kana mumwe munhu wechimwe chitendero akakubvunza kuti sei muchato wakakosha, unozopindura sei? Sei uchivonga nenzwisiso iyi?

Onawo Topics and Questions, “Marriage (Muchato),” “Family (Mhuri),” Gospel Library; David A. Bednar, “Marriage Is Essential to His Eternal Plan,” Ensign, Chikumi 2006, 83–84; “Renaissance of Marriage” (vhidhiyo), Gospel Library.

2:3

Renaissance of Marriage

Hear what President Eyring says we all must do to have a renaissance of happy marriages and productive families.

Iva unonzwisisa mamiriro ezvinhu emunhu woga woga. Kanyangwe muchato unemufaro neupenyu hwemhuri hwunemufaro zvirizvo zvinodikanwa muvhangeri raJesu Kristu, hatisi tose tinowana maropafadzo aya tichiri muupenyu huno hwunofa. Mukukurukura musoro wenyaya uyu, iva unonzwisisa mamiriro ezvinhu akasiyana siyana evanhu pachavo neemhuri, kunyanya evanhu avo “vakamirira nemwoyo murefu panaIshe” kuti vimbiso dzokusingaperi dzizadzikiswe (ona Dzidziso neZvibvumirano 98:1–3).

mhuri iri panze petemberi

Dzidziso neZvibvumirano 50

Dzidziso dzaIshe dzinokwanisa kundidzivirira kubva kuhunyengeri hwaSatani.

Nhengo itsva dzeChechi muOhio dzaiva nechido chikuru chokugamuchira zviratidzo zvepamweya zvakavimbiswa mumagwaro matsvene. Satani, zvisinei, aiva nechido chikuru chokuvanyengedza. Dai wakakumbirwa kubatsira nhengo idzi kunzwisisa maziviro ekuita zviratidzo zvechokwadi zveMweya Mutsvene, ndeipi misimboti muDzidziso neZvibvumirano 50 yawaizogovera? (ona kunyanya ndima 22–25, 29–34, 40–46). Muponesi akakubatsira sei kuziva musiyano pakati pechokwadi nenhema?

Onawo 1 Vakorinte 14:1–28; 2 Timotio 3:13–17.

Dzidziso neZvibvumirano 50:13–24

Vadzidzisi nevadzidzi vanodzidziswa pamwechete neMweya.

Kurarama vhangeri raJesu Kristu kunopa mikana yakawanda yokuva vadzidzisi nevadzidzi, zvose kumba uye kuChechi. Imwe nzira yaunganzvera nayo Dzidziso neZvibvumirano 50: 13–24 ndeyekudhirowa mufananidzo wemudzidzisi nemudzidzi. Padivi pemufananidzo mumwe nemumwe, ita mudorongodzwa wemashoko nendevo kubva mundima idzi izvo zvinokudzidzisa chimwe chinhu pamusoro pekudzidza nekudzidzisa vhangeri. Ndiriini wawakava nezviitiko zvakakudzidzisa kukosha kweMweya mukudzidzisa nokudzidza? Funga pamusoro pezvaungakwanisa kuita kunatsurudza kuedza kwako semudzidzi nemudzidzisi wevhangeri.

Dzidziso neZvibvumirano 50:23–25

“Icho chinenge chiri chaMwari chiedza.”

Apo punofungisisa mashoko eMuponesi muDzidziso neZvibvumirano 50: 23–25, funga pamusoro pematambiriro aunoita chiedza chaMwari muupenyu hwako uye kuti “unodzingira rima” kure sei? Semuenzaniso, ndima idzi dzinotungamirira sei sarudzo dzako pamusoro pamashandisiro aunoita nguva yako? varaidzo kana nhepfenuro dzipi dzekutsvaga? hurukuro dzipi dzekutora chinhanho madziri? Ndedzipi dzimwe sarudzo idzo ndima idzi dzadzinokwanisa kukubatsira nadzo? Rwiyo rwakaita serwokuti: “The Lord Is My Light” (Hymns, nhamba 89) rwungangokurudzira dzimwe pfungwa.

Onawo “Walk in God’s light,” For the Strength of Youth: A Guide for Making Choices, 16–21.

mufananidzo wechikamu chevana 03

Mazano eKudzidzisa Vana

Dzidziso neZvibvumirano 49:12–14

Ndinokwanisa Kutevera Jesu Kristu.

  • Kuti udzidzise vana vako misimboti iri mundima idzi, unokwanisa kugadzira tsoka dzemapepa ina uye mifananidzo mina izvo zvinomiririra rutendo muna Jesu Kristu, rutendeuko, rubhabhatidzo, uye kugamuchira Mweya Mutsvene (ona mifananidzo iri papeji yechiitwa yevhiki rino). Vana vako vanokwanisa kuisa tsoka idzi pasi nemifananidzo iri padivi padzo. Vanokwanisa kutora zvijana kufamba patsoka dzacho apo paunoverenga Dzidziso neZvibvumirano 49:12-14. Vabatsire kunzwisisa kuti apo patinoita zvinhu zviri mumifananidzo iyi, tiri kutevera Jesu Kristu.

  • Unokwanisa kukoka vana vako kuenzanisa Dzidziso neZvibvumirano 49:12-14 neMabasa AvaApositora 2:38 uye nemusimboti wechitendero wechina. Ndezvipi zvakafanana zvavanowana? Sei zvokwadi izvi zvakakosha?

Dzidziso neZvibvumirano 49:15–17

Muchato pakati pemurume nemukadzi wakakosha kuchirongwa chaMwari.

  • Kuti usume ndima idzi, unokwanisa kutsanangura kuti maShakers aiva boka rechitendero iro raitenda kuti vanhu havafaniri kuchata (ona musoro wenyaya wechikamu kuDzidziso neZvibvumirano 49). Koka vana vako kuti vawane zvinhu izvo Ishe zvavakadzidzisa pamusoro pemuchato muDzidziso neZvibvumirano 49:15–17. Zvinorevei kuti “muchato wakagadzwa naMwari”? Pamwe munokwanisa kuverenga pamwechete ndima nhatu dzekutanga“dzeMhuri: Chiziviso kuNyika.” Zvino motaura pamusoro pekuti sei muchato nemhuri zvakakosha kuna Baba Vokudenga.

Dzidziso neZvibvumirano 50:23–25

“Icho chinenge chiri chaMwari chiedza.”

  • Kusuma Dzidziso neZvibvumirano 50:23–25, taura nevana vako pamusoro pemusiyano uri pakati pechiedza nerima. Sei tichida chiedza? Munokwanisa kuverenga pamwechete ndima yekutanga “yeWalk in God’s lightmuFor the Strength of Youth: A Guide for Making Choices (peji 17) pamwepo neDzidziso neZvibvumirano 50:23–25. Taurai pamusoro penzira dzatinogamuchira nadzo chiedza chaMwari uye nzira dzatinokwanisa kudzingira rima kure nadzo. Munokwanisawo kuimba pamwechete rumbo pamusoro pechiedza chezvepamweya chavo, sezvakaita “Shine On” (Children’s Songbook, 144).

Dzidziso neZvibvumirano 50:40–46

Jesu Kristu ndiye Mufudzi Akanaka wangu.

  • Mushure mekuverenga Dzidziso neZvibvumirano 50:40-46 pamwechete, unokwanisa kuratidza mufananidzo weMuponesi uri kumagumo kwechidzidzo chino uye wobvunza mibvunzo yakaita seiyi: Mufudzi anonzwa sei pamusoro pemakwai Ake? Muponesi akaita semufudzi kwatiri sei?

­

Mufudzi Akanaka

Gentle Shepherd (Mufudzi Munyoro), naYongsung Kim

peji yechiitwa yevana