Huyai, Munditevere 2024
Zvita 8–14: “Tinotenda”: Misimboti yeChitendero uye Zviziviso Zvepamutemo 1 uye 2


“Zvita 8–14: ‘Tinotenda’: Misimboti yeChitendero uye Zviziviso Zvepamutemo 1 uye 2,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Dzidziso neZvibvumirano 2025 (2025)

“Misimboti yeChitendero uye Zviziviso Zvepamutemo 1 uye 2,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2025

kwiriti inotaridza maoko emarudzi eganda akawanda

Chikamu chakabva kuTo all Worthy Male Members, (Kunhengo dzose Dzechirume Dzakakodzera, naEmma Allebes

Zvita 8–14: “Tinotenda”

Misimboti yeChitendero uye Zviziviso Zvepamutemo 1 uye 2

Kubvira paChiratidzo Chokutanga chaJoseph Smith, Mwari vakaramba vachitungamirira Chechi Yavo kuburikidza nezvakazarurwa. Mune dzimwe nguva, zvakazarurwa izvozvo zvakasanganisira shanduro kumitemo netsika dzeChechi. Zviziviso Zvepamutemo 1 uye 2 zvakazivisa rudzi rwezvakazarurwa urwu—zvimwe zvakatungamira kumugumo webarika, uye zvimwe zvacho zvakaita kuti maropafadzo ehupirisita awanikwe kuvanhu vamarudzi ose. Shanduro dzakaita seidzi ndidzo chikamu chezvazvinoreva kuva “nechechi yechokwadi uye inorarama” (Dzidziso neZvibvumirano 1:30), ine muporofita wechokwadi uye anorarama, inotungamirirwa naMwari vechokwadi uye vanorarama.

Asi chokwadi chokusingaperi hachishanduki, kunyangwe zvazvo nzwisiso yedu yacho ichishanduka. Uye dzimwe nguva zvakazarurwa zvinopa chimwe chiedza chakawedzerwa kuchokwadi. Misimboti yeChitendero inopa chinangwa chokujekesa ichi. Chechi yakamisirwa zvakasimba pachokwadi chokusingaperi asi inokwanisa kukura nokushanduka “maererano nechido chaIshe, zvichienderana nengoni dzavo maererano nemamiriro evana vavanhu” (Dzidziso neZvibvumirano 46:15). Nemamwe mashoko, “Tinotenda zvose izvo Mwari zvavakazarura, zvose zvaVarikuzarura iyezvino, uye tinotenda kuti Vanozozarura zvinhu zvizhinji zvikuru uye zvakakosha zviri maererano neUmambo hwaMwari” (Misimboti yeChitendero 1:9

mufananidzo wekunzvera

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Misimboti yeChitendero

mufananidzo weseminari
Misimboti yeChitendero inezvokwadi zvakakosha zvikuru zvevhangeri rakadzorerwa.

Funga pamusoro pemaitiro aya pakunzvera Misimboti yeChitendero: Kumusimboti woga woga wechitendero, ita “chidzidzo chipfupi” chokutsanangura izvo zvaunotenda. Chidzidzo chipfupi chako chinokwanisa kusanganisira chinyorwa, mufananidzo, rwiyo kana rumbo rwevana vadiki zvinoenderana nazvo, kana chiitiko chako pachako pamusoro pokurarama chokwadi icho musimboti wechitendero wachinodzidzisa.

Zvokwadi izvi zvinoita musiyano upi muukama hwako naBaba Vokudenga naJesu Kristu? Misimboti yeChitendero yakanatsurudza sei kunzvera kwako vhangeri kana kukubatsira kugoverana vhangeri navamwe?

Onawo Nhungamiro kuMagwaro Matsvene, “Misimboti yeChitendero,” Rhaibhurari yeVhangeri; L. Tom Perry, “The Doctrines and Principles Contained in the Articles of Faith,” Liahona, Mbudzi 2013, 46–48; “Chapter 38: The Wentworth Letter,” muna Teachings of Presidents of the Church: Joseph Smith (2011), 435–47.

Misimboti yeChitendero 1:9; Zviziviso Zvepamutemo 1 uye 2

Chechi yaJesu Kristu inotungamirirwa nezvakazarurwa.

“Tinotenda kuti [Mwari] vanozozarura zvinhu zvizhinji zvikuru uye zvakakosha zviri maererano neUmambo hwaMwari” (Misimboti yeChitendero 1:9). Nemusimboti uyu mupfungwa, wongorora Zviziviso Zvepamutemo 1 uye 2, uye tsvaka mashoko nendevo zvinosimbisa rutendo rwako muzvakazarurwa zvinoenderera mberi. Zvakazarurwa izvi zvakashandura sei upenyu hwako? Zvakabatsira sei basa reumambo hwaBaba Vokudenga kuti rienderere mberi?

Ndehupi umboo hwaunoona hwokuti Chechi inotungamirirwa “nefemero yaMwari Samasimba” nhasi? (Chiziviso Chepamutemo 1). Pamwe unokwanisa kuwongorora rimwechete kana akawanda emashoko emusangano mukuru uchangopfuura, uchitsvaka matungamiriro arikuita Ishe Chechi Yavo—uye upenyu hwako. Shoko rakabva kuMutungamiri weChechi munguva ichangopfuura iyo ringangova nzvimbo yakanaka yokutangira.

Chii chaunokwanisa kuita kana iwe kana mumwe munhu waunoda achinetseka kunzwisisa kana kutambira izvo Ishe zvavanodzidzisa kuburikidza navaporofita Vavo? Sei uchivonga nemuporofita?

Onawo Amosi 3:7; 2 Nifai 28:30; Allen D. Haynie, “A Living Prophet for the Latter Days,” Liahona, Chivabvu 2023, 25–28; Topics and Questions, “Prophets ,” Gospel Library; “Tinokutendai, neMuporofita,” Nziyo neDzevana Vadiki, nhamba 74.

Chiziviso Chepamutemo 1

Basa raMwari rinofanira kuenderera mberi.

“Muzvikamu zvakatorwa kubva kuNhaurwa Nhatu dzakapuwa naMutungamiri Wilford Woodruff maererano neChirevo cheVavariro” (kumagumo kweChiziviso Chepamutemo 1), ndezvipi zvikonzero zvakapuwa nemuporofita zvakaita kuti Ishe vagumise tsika yebarika? Izvi zvinokudzidzisa chii pamusoro pebasa raMwari?

­Kuti uwane rumwe ruzivo pamusoro penhoroondo yemavambiro eChiziviso Chepamutemo 1, ona Saints, 2:602–15; “The Messenger and the Manifesto,” muna Revelations in Context, 323–31; Topics and Questions, “Plural Marriage and Families in Early Utah,” Gospel Library.

Mutungamiri Wilford Woodruff

Wilford Woodruff,, naH. E. Peterson

Chiziviso Chepamutemo 2

Ndinokwanisa kuvimba muna Ishe, kunyangwe apo pandinenge ndisina nzwisiso yakanyatsokwana.

Hatizivi kuti sei kugadzwa kuhupirisita nezvisungo zvemutemberi zvaiva zvisingakwanisi kuwanikwa nenhengo dzeChechi dzerudzi rwechiAfrican kwenguva. Kunyangwe apo pavaiva vakatarisana nemibvunzo yaiva isina mhinduro pamusoro pemurau iwoyo, Vatendi vaMazuva Ekupedzisira veChitema vakawanda vakavimba naIshe (ona Zvirevo 3:5) uye vakaramba vakatendeka kwaVari nemuupenyu hwavo hwose. Kudzidza pamusoro perutendo nezviitiko zvavo kunokwanisa kuva kunokurudzira kwauri. Hedzino dzimwe dzenyaya dzavo, dzinowanika kuwebhusaiti inoti history.ChurchofJesusChrist.org:

Apo paunoverenga Chiziviso Chepamutemo 2, chii chaunodzidza pamusoro penzira yokutungamirira mirau yeChechi Yavo? Fungisisa madzidziro awakaita kuvimba muna Ishe kunyangwe apo paunenge usina nzwisiso yakanyatsokwana.

­Onawo 2 Nifai 26:33; “Witnessing the Faithfulness,” muna Revelations in Context, 332–41; Topics and Questions, “Race and the Priesthood,” Gospel Library; Ahmad Corbitt, “A Personal Essay on Race and the Priesthood,” parts 1–4, history.ChurchofJesusChrist.org; BeOne.ChurchofJesusChrist.org.

Zvakanaka kuti “Handizivi.” Kunyangwe zvazvo uchifanira kuedza nepose paunogona kubatsira vanhu vaunodzidzisa kupindura mibvunzo yavo pamusoro pevhangeri, Ishe havakutarisiri kuti uzive zvinhu zvose. Apo paunenge usingazivi mapinduriro okuita chimwe chinhu, bvuma kuti hauzivi. Zvino nongedzera vadzidzi kudzidziso dzakazarurwa, uye wopa uchapupu hwechokwadi hweizvo zvaunoziva.

­­­­­-

mufananidzo wechikamu chevana 01

Mazano eKudzidzisa Vana

Misimboti yeChitendero

Ndinotenda muvhangeri raJesu Kristu.

  • Funga pamusoro pekuwana nokuimba nziyo kana dzimbo dzevana vadiki idzo dzinokwanisa kubatsira vana vako kunzwisisa mumwechete kana yakawanda yeMisimboti yeChitendero. Pamwe vanokwanisa kukubatsira kusarudza nziyo nedzimbo dzacho. Batsira vana vako kuona kuti dzimbo dzinoenderana sei neMisimboti yeChitendero.

  • Iwe navana vako munokwanisa kushanda pamwechete kunyora mibvunzo iyo vanhu yavangangova nayo pamusoro pevhangeri raJesu Kristu kana Chechi Yake. Zvino munokwanisa kushanda pamwechete kupindura mibvunzo iyoyo muchishandisa Misimboti yeChitendero. Ndekupi kumwe kwatinokwanisa kuenda apo patinenge tiine mibvunzo pamusoro pevhangeri?

Misimboti yeChitendero 1:9; Zviziviso Zvepamutemo 1 uye 2

Ishe vanotungamira Chechi Yavo kuburikidza nemuporofita Wavo.

  • Kuti ubatsire vana vako kunzwisisa musimboti wechitendero wechipfumbamwe, pamwe unokwanisa kuvapa magwaro matsvene uye mufananidzo wemuporofita anorarama (kana magazini yemusangano uchangopfuura yeLiahona). Vakumbire kuti vasimudze mangwaro matsvene apo paunenge uchiverenga mashoko anoti “zvose izvo Mwari zvavakazarura” uye mufananidzo kana magazani apo paunoverenga “zvose izvo zvaVarikuzarura iyezvino” (Misimboti yeChitendero 1:9). Sei tichida vose vaporofita vechinyakare nevamazuva ano?

  • Vana vako vanokwanisa kudzidza matungamirirwo atinoitwa nemashoko avaporofita kuburikidza nokutevera mirairidzo yokugadzira chimwe chinhu, sezvakaita zvokudya kana chinhu chokutambisa. Unokwanisa kuenzanisa izvi kumirairidzo iyo Jesu Kristu yaanotipa kuburikidza nemuporofita. Ndezvipi zvimwe zvinhu izvo Ishe zvavakatidzidzisa kuburikidza nemuporofita Wavo anorarama nhasi?

vana vachiona musangano mukuru

Mwari vanodaidza vaporofita kuti vatungamirire Chechi Yavo.

Zviziviso Zvepamutemo 1 uye 2

Vaporofita vanotibatsira kuziva chido chaBaba Vokudenga.

  • Pamwe kuona maenderano anoita magwaro matsvene echinyakare nezvakazarurwa zvamazuva ano kunokwanisa kubatsira vana vako kunzwisisa Zviziviso Zvepamutemo. Unokwanisa kuvakumbira kuverenga Mabasa aVaApositora 10:34–35 uye Jakobo 2:27–30 uye wovakoka kusarudza kuti ndechipi chinyorwa chitsvene chinoenderana neChiziviso Chepamutemo 1 (icho chakatungamirira kumugumo webarika) uye kuti ndechipi chinoenderana neChiziviso Chepamutemo 2 (icho chakazivisa kuti kugadzwa kuhupirisita uye zvisungo zvemutemberi zvavakuwanikwa kuvanhu vamarudzi ose). Pupura uchapupu hwako hwokuti Ishe vanoratidza chido Chavo kuvaporofita vechinyakare uye vamazuva ano.

­­­