Huyai, Munditevere 2024
Zvita 15–21: “Mhuri Yakakosha Zvikurusa kuChirongwa cheMusiki”: Mhuri: Chiziviso kuNyika


“Mbudzi 15–21: ‘Mhuri Yakakosha Zvikurusa kuChirongwa cheMusiki’: Chiziviso kuNyika,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Dzidziso neZvibvumirano 2025 (2025)

“Mhuri: Chiziviso kuNyika,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2025

Mhuri

Zvita 15–21: “Mhuri Yakakosha Zvikurusa kuChirongwa cheMusiki”

Mhuri: Chiziviso kuNyika

Kunyangwe tisati tazvarwa, taiva chikamu chemhuri—mhuri yevabereki vedu vokudenga. Mutoo iwoyo unoenderera mberi panyika. Mhuri pano, mukunakisisa kwadzo, dzinofanira kutevedzera mutoo wakarurama uri kudenga.

Chokwadi ndechokuti, hapana vimbiso dzokuti mhuri dzepasi dzinozova dzakarurama kana kunyangwe kuti dzinozova dzinoshanda zvakanaka. Asi sokudzidzisa kwakaita Mutungamiri Henry B. Eyring kuti, mhuri “dzinopa vana vaMwari mukana wakanakisisa wekutambirwa panyika nerudo urwo chete rwuri panyika rwuri pedyo neurwo rwatainzwa kudenga—rudo rwevabereki” (“Gathering the Family of God,” Liahona, Chivabvu 2017, 20). Vachiziva kuti mhuri hadzina kururama uye kuti dzinozosangana nekurwisa kunobva kumuvengi, Mwari vakatuma Mwanakomana Wavo Anodiwa kuzotinunura uye kuzoporesa mhuri dzedu. Uye Vakatuma vaporofita vamazuva ekupedzisira nechiziviso chokudzivirira nokusimbisa mhuri. Kana tikatevera vaporofita uye tikaisa rutendo muMuponesi, kunyangwe zvazvo mhuri dzenyama inofa dzichitadza kuzadzikisa ururami hweumwari, kune tariro yemhuri—pasi uye kudenga.

mufananidzo wekunzvera

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

mufananidzo weseminari
“Mhuri yakakosha zvikurusa kuchirongwa cheMusiki.”

Mhuri: Chiziviso kuNyika” zviri pachena kuti chiri pamusoro pemhuri. Asi zvimwechetezvo chiriwo pamusoro pechirongwa cheruponeso chaMwari. Imwe nzira yokunzvera nayo chiziviso ndeyokunyora ndevo dzinoti upenyu tisati tazvarwa panyika, upenyu hwunofa, upenyu mushure mokunge tafa pabepa uye wodorongodza izvo zvinodzidziswa nechiziviso ichi pamusoro pemumwe nemumwe wemisoro yenyaya iyi. Chii chaunodzidza apo paunonzvera chiziviso nenzira iyi? Izvi zvinokubatsira sei kunzwisisa kuti sei muchato nemhuri zvakakosha zvikurusa kuchirongwa chaMwari? Zvokwadi zviri muchiziviso zvinoshandura sei sarudzo dzako?

Kune vanhu vakawanda avo, nokuda kwezvikonzero zvakasiyana siyana, vangangova vanotya muchato kana kurera vana. Kana shamwari ikati kwauri, “Handizombofi ndakachata kana kuva nemhuri,” unozoti chii? Pamwe unokwanisa kutsvagurudza muchiziviso kuti uwane chimwe chinhu icho chinozobatsira shamwari yako kuva netariro muchirongwa chaMwari.

Mumwe mubvunzo waungangobvunzwa—kana waungangozvibvunza iwe—ndewakaita souyu: “Ko kana mamiriro ezvinhu emhuri yangu asina kufanana neizvo zvakatsanangurwa muchiziviso chemhuri?” Hedzino nzvimbo mbiri dzaunokwanisa kutsvaka rairo yehuporofita: chikamu chinoti “A Mighty Change” mushoko raGosa Dieter F. Uchtdorf “Jesus Christ Is the Strength of Parents” (Liahona, Chivabvu 2023, 55–59) uye ndima ina dzokupedzisira dzeshoko raGosa D. Todd Christofferson “Why Marriage, Why Family” (Liahona, Chivabvu 2015, 52).

Chii chaunonzwa kufemerwa kuita nokuda kweizvo zvawadzidza?

Onawo Dallin H. Oaks, “The Plan and the Proclamation,” Liahona, Mbudzi 2017, 28–31; Topics and Questions, “Family,” Gospel Library.

“[Munhu] woga woga mwanakomana kana mwanasikana anodiwa wavabereki vokudenga.”

Kazhinji tinofunga nezve chiziviso chemhuri senhungamiro yeupenyu hwemhuri. Asi chinodzidzisawo zvokwadi zvakakosha pamusoro pemhuri yedu yokudenga uye pezivikanwo yedu yokusingaperi. Sei zvakakosha kwauri kuziva kuti tose tiri chikamu chemhuri iyi? Chokwadi ichi chinoshandura sei sarudzo dzaunoita?

Onawo “Ndiri Mwana waMwari,” Nziyo neDzevana Vadiki, nhamba 112.

“Mufaro muupenyu hwemhuri ungangonyanya kubudirirwa pauri kana wakamisirwa padzidziso dzaIshe Jesu Kristu.”

Funga nezve ndima 6 uye 7 dzechiziviso chemhuri semutoo “wemufaro muupenyu hwemhuri.” Apo paunoverenga ndima idzi, doma misimboti “yemichato nemhuri zvinobudirira.” Ungangofunga pamusoro pemienzaniso yemisimboti iyi iyo yawakaona mumhuri yako pachako kana mune dzimwe mhuri. Misimboti iyi inobatsira sei kuita Kristu hwaro hweupenyu hwemhuri?

Zvino ungangofunga pamusoro peukama hwemhuri hwaunoda kusimbisa. Ita chirongwa, nerubatsiro rweMuponesi, chokuita chinhu pafemero dzaunogamuchira.

Onawo L. Whitney Clayton, ­“The Finest Homes,” Liahona, Chivabvu 2020, 107–9.

Baba vachiverenga kuvana vavo

Vabereki vanofanira kurera vana vavo murudo uye muururami.

“Tinokoka vagari vemunyika vakavimbika … kuchengetedza nokusimbisa mhuri.”

Ndima yokupedzisira yechiziviso chemhuri inosanganisira daidzo yokuita chinhu. Apo paunofunga pamusoro pamadaviriro aunozoita kudaidzo iyoyo, zvingangobatsira kunzvera musoro wenyaya wechiziviso. Somuenzaniso, chii chinonzi chiziviso? Inzwi iroro rinorevei kwauri pamusoro peshoko regwaro iri? Chii chakaita kuti Vatungamiri Vokutanga neChikwata chevaApositora vane Gumi neVaviri vave nekodzero yekupa chiziviso kunyika pamusoro pemhuri? Ungangoitawo mudorongodzwa weizvo zvaunofunga kuti ndiwo mashoko makuru echiziviso ichi. Ungakurudzira mashoko aya sei muupenyu hwako, mumba mako, uye munharaunda mako?

Onawo Bonnie L. Oscarson, “Defenders of the Family Proclamation,” Liahona, Kubvumbi 2015, 14–17; “Defenders of the Faith” (vhidhiyo), Gospel Library.

6:56

Defenders of the Faith

Marie Madeline Cardon and her family were holding a Church service in their home in Italy when an angry mob of men gathered and began shouting for the missionaries to be brought outside. It was Marie who marched out of the house to confront the mob.

­­­­­-

mufananidzo wechikamu chevana 02

Mazano eKudzidzisa Vana

Mhuri dzakakosha zvikuru kuchirongwa chaBaba Vokudenga.

  • Batsira vana kufunga nezve zvinhu izvo zvakakosha zvikurusa zvokuti vanozoda kutaurira munhu wose pamusoro pazvo. Taridza vana kopi yechinyorwa “Mhuri: Chiziviso kuNyika,” uye wotsanangura kuti vaporofita nevaapositora vakachinyora kuitira kutitaurira tose makoshero akaita mhuri kuna Baba Vokudenga. Sei mhuri dzakakosha kudaro kwaVari (onawo vhidhiyo inonzi “What Is the Purpose of Family?” [ChurchofJesusChrist.org]).

    2:3

    What Is the Purpose of Family?

    The family is the divine building block of society.

  • Goverana nevana vako chimwe chinhu kubva kuchiziviso icho chaunonzwa kuti tose tinofanira kuziva. Koka vana kuti vagovere manzwiro avo pamusoro pezvokwadi izvozvo. Upenyu hwedu hwaizova hwakasiyana sei dai taiva tisingazivi zvokwadi izvi? Mungangoimba pamwechete rumbo rwunoenderana nezvokwadi zvinowanikwa muchiziviso, sezvakaita “I Will Follow God’s Plan” (Children’s Songbook, 164–65).

  • Muchikamu IV cheshoko ravo “The Plan and the Proclamation” (Liahona, Mbudzi 2017, 30), Mutungamiri Dallin H. Oaks vakatsanangura kuti chiziviso chemhuri chakanyorwa sei. Pamwe iwe navana vako munokwanisa kuwongorora tsananguro yavo pamwechete uye motaura pamusoro pokuti sei muchivonga kuti Ishe vakafemera varanda Vavo kutidzidzisa zvokwadi izvi pamusoro pemhuri.

  • Unokwanisawo kuratidza vana vako mifananidzo (kana kuvakoka kudhirowa mimwe) inoratidza zvokwadi zvinowanikwa muchiziviso chemhuri. Iyi inokwanisa kuva mifananidzo yetemberi, yemhuri iri kunamata kana kutamba pamwechete, kana vaviri vari kuchata. Zvino vana vako vanokwanisa kuwana mitsetse muchiziviso chemhuri iyo inoenderana nemifananidzo yacho. Chii icho Ishe chavanotidzidzisa pamusoro pezvinhu izvi muchiziviso chacho?

Mudzimai aine vana

Baba Vokudenga vanoda kuti mhuri dzifare.

Iva unonzwisisa. Apo paunodzidzisa zvokwadi zvakadzidziswa muchiziviso chemhuri, tapota iva unoziva kuti vana vakawanda vanogara mumhuri idzo dzisina kufanana nezvakanakisisa zvinotsanangurwa muchiziviso. Funga pamusoro pokuti ungakwanisa sei kuvakurudzira nokuvapa tariro.

Ndiri “mwanakomana kana mwanasikana wemweya anodiwa wavabereki vokudenga.”

  • Apo pamunoimba pamwechete “Ndiri Mwana waMwari” (Nziyo neDzevana Vadiki, 112), unokwanisa kukanda bora kumwana apo paunenge uchiti, “Ndinoziva mwana waMwari anonzi [taura zita remwana].” Zvino mwana iyeye anokwanisa kukanda bora racho kune mumwewo, achitaura mashoko mamwechetewo uye achiisa zita remunhu iyeye. Batsira vana vako kuwana ndevo inoti “mwanakomana kana mwanasikana wemweya anodiwa wavabereki vokudenga” muchiziviso chemhuri, uye wopa uchapupu hwako hwechokwadi ichi.

Mhuri dzinonyanya kufara apo padzinotevera Jesu Kristu.

  • Kutanga nhaurirano pamusoro pokusimbisa mhuri yenyu, iwe nevana vako munokwanisa kutaura pamusoro peizvo zvatinoita kuita kuti zvimwe zvinhu zvive zvakasimba—sezvakaita mazino edu, miviri yedu, kana chivako. Unokwanisa zvino kuenzanisa izvozvo kukuvaka mhuri yakasimba. Batsira vana vako kuwana misimboti yakafanana neyaKristu iyo inotungamirira kumufaro muupenyu hwemhuri, inowanikwa mundima 7 yechiziviso chemhuri (onawo peji yechiitwa yevhiki ino).

­­­