Dzidziso neZvibvumirano 2021
Gunyana 6–12. Dzidziso neZvibvumirano 98–101: “Nyararai uye Muzive Kuti Ndini Mwari”


“Gunyana 6–12. Dzidziso neZvibvumirano 98–101: ‘Nyararai uye Muzive Kuti Ndini Mwari,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (2020)

“Gunyana 6–12. Dzidziso neZvibvumirano 98–101,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2021

Mufananidzo
Vatendi vachitiza mhomho

C. C. A. Christensen (1831–1912), Saints Driven from Jackson County Missouri (Vatendi Vakadzingwa kubva muJackson County Missouri), c. 1878, pendi isingadzimi yakashandiswa pajira rekotoni, mainjisi 77 ¼ × 113. Brigham Young University Museum of Art, chipo chevazukuru vaC. C. A. Christensen, 1970

Gunyana 6–12

Dzidziso neZvibvumirano 98:101

“Nyararai uye Muzive Kuti Ndini Mwari”

Apo paunoverenga Dzidziso neZvibvumirano 98–101, teerera kupfungwa nemanzwiro zvinouya kwauri. Kuita zvinouya mupfungwa nemumanzwiro ako zvingakubatsira sei kuti uve munhu uyo Mwari wavanoda kuti uve?

Nyora Pasi Manzwiro Ako

KuVatendi munana 1830, Independence, Missouri, yaive chaiyo nyika yechipikirwa. Yakanga iri “nzvimbo yakakosha” yeZioni (ona Dzidziso neZvibvumirano 57: 3)—guta raMwari pasi pano—iro ravaizvipira zvikuru kuti vavake. Kwavari, kuunganidzwa kweVatendi imomo kwaiva chisumo chinofadza uye chinoshamisa kuKuuya kweChipiri. Asi vavakidzani vavo munzvimbo iyi vakaona kuungana kweVatendi munzvimbo yavo nenzira yakasiyana. Havana kubvumirana nekutaurwa kwekuti Mwari vakanga vapa nzvimbo iyi kuVatendi, uye vakanga vasina kugadzikana nezvaizoitika pamusoro pematongerwo enyika, hupfumi, uye magariro avo nokuda kwevanhu vazhinji vaibva kuchitendero chavaiva vasingazivi vaiuya munzvimbo iyi nekukurumidza kudaro. Nenguva pfupi kunetsekana kwakashanduka kukava kutyisidzira, uye kutyisidzira kwakashanduka kukava kutambudza nekushandisa chisimba. Muna Chikunguru 1833, hofisi yekudhindira yeChechi yakaparadzwa, uye muna Mbudzi Vatendi vakamanikidzwa kusiya dzimba dzavo muJackson County, Missouri.

Joseph Smith akanga ari kure nemakiromita anopfuura 1288 kuKirtland, uye nhau idzi dzakatora mavhiki kuti dzisvike kwaari. Asi Ishe vaiziva zvaiitika, uye Vakazarurira kuMuporofita Wavo misimboti yerunyararo uye nekurudziro izvo zvaizonyaradza Vatendi—misimboti inokwanisa kutibatsirawo apo patinosangana nekutambudzwa, apo zvishuwo zvedu zvakarurama pazvisingazadzikiswe, kana kuti apo patinoda yeuchidzo yekuti matambudziko edu ezuva nezuva anozopedzisira, neimwe nzira, “ashanda pamwechete kuitira zvakanaka [zvedu]” (Dzidziso neZvibvumirano 98: 3).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Dzidziso neZvibvumirano 98:1–3, 11–14; 101:1–16

Miyedzo yangu inokwanisa kushanda pamwechete kuitira zvakanaka zvangu.

Mamwe matambudziko edu muupenyu anokonzerwa nesarudzo dzedu pachedu. Mamwe anokonzerwa nesarudzo dzevamwe. Uye dzimwe nguva matambudziko edu haakonzerwe nemumwe munhu—zvinhu zvakaipa zvinongoitika zvega. Zvisinei nechikonzero, dambudziko rinogona kubatsira kuzadzikisa zvinangwa zvehumwari. Apo paunoverenga izvo zvakataurwa naIshe pamusoro pematambudziko aVatendi muDzidziso neZvibvumirano 98:1–3, 11–14 uye 101:1–16, chii chaunowana chinokwanisa kukubatsira nemiyedzo yako? Ndima idzi dzinokwanisa sei kushandura maonero aunoita zvinetso zvaunosangana nazvo? Fungisisa kuti miyedzo yako yakashanda pamwechete sei kuitira zvakanaka zvako uye ikazadzikisa zvinangwa zvaMwari muupenyu hwako.

Onawo 2 Nifai 2:2; Dzidziso neZvibvumirano 90:24.

Dzidziso neZvibvumirano 98:23–48

Ishe vanoda kuti nditsvage runyararo nemunzira Yavo.

Kunyange zvazvo zvisiri zvese zviri muDzidziso neZvibvumirano 98:23–48 zvinozoshanda mukudyidzana kwako nevamwe, ndeipi misimboti yaunowana inokwanisa kukutungamira kana watadzirwa nevamwe? Zvingangobatsira kumaka mashoko kana ndevo dzinotsanangura kuti Ishe vaida kuti Vatendi vagadzirise sei gakava remuMissouri.

­

Mufananidzo
Jesu Kristu

Ruzivo rwakabva paChrist and the Rich Young Ruler (Kristu neJaya Mutongi Mupfumi), naHeinrich Hofmann

Dzidziso neZvibvumirano 100

Ishe vanochengeta avo vanoVashandira.

Mavhiki mashoma chete mushure mekunge Joseph aziva nezve kutambudzwa kwaiitika muMissouri, mumwe munhu akanga achangobva kutendeuka akakumbira Joseph kuti aende kuCanada kuti anogoverana vhangeri nevanakomana vake. Joseph akabvuma, kunyangwe ainetseka pamusoro pekusiya mhuri yake, kunyanya nekuda kwekutambudzwa uye nekutyisidzirwa kwaiitwa kumhuri yake nekuChechi. Vari munzira kuenda kuCanada, Joseph nemufambidzani wake, Sidney Rigdon, vakanamatira nyaradzo, uye chikamu 100 ndiyo yaiva mhinduro yaIshe kwavari. Chii chaunowana mumhinduro yaIshe chingangova chakavavimbisa nekuvabatsira?

Zvimwe iwe ungave wakavawo nezviitiko zvaida kuti uenzanise hanya yemabasa ako ekuChechi uye nehanya yemhuri yako. Mashoko aIshe ari muchikamu 100 angakubatsira sei mumamiriro ezvinhu akadaro?

­

Dzidziso neZvibvumirano 101:43–65

Kutevera rairo yaMwari kunobatsira kundichengeta ndakadzivirirwa.

Nyaya yemufananidzo iri muDzidziso neZvibvumirano 101:43–62 yakapiwa kutsanangura kuti sei Ishe vakabvumira kuti Vatendi vadzingwe muZioni. Apo paunoverenga ndima idzi, unoona here kufanana kupi zvako pakati pako iwe nevaranda vari munyaya yemufananidzo iyi? Ungangozvibvunza kuti: Ini ndinombopokana nemirairo yaMwari here? Kushaiwa rutendo kana kuzvipira kungabvumire sei kuti “muvengi” ave nerunziro muupenyu hwangu? Ndingaratidze sei Mwari kuti “ndinoda kutungamirwa munzira kwayo uye yakanaka kuitira ruponeso [rwangu]”? (ona ndima 63–65).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Dzidziso neZvibvumirano 98:16, 39–40.Chii chiri mundima idzi chingatibatsire kuva nerunyararo mumhuri medu? Munokwanisa kuimba rumbo pamusoro perunyararo kana ruregerero. Vana vadiki vangangoda kuita mutambo wekuregererana.

Dzidziso neZvibvumirano 99.Apo John Murdock paakadaidzwa kuti asiye musha wake aende “kunoparidzira vhangeri risingaperi” (ndima 1), akanga achangodzoka kubva kuushumiri hwakaoma, hwegore rese muMissouri. Chii chatinowana muchikamu 99 chingangova chakabatsira kana kukurudzira Bhuratha Murdock? Ishoko ripi iro Ishe ravanaro kwatiri mune zvakazarurwa izvi?

Dzidziso neZvibvumirano 100:16; 101:3–5 18.Mushure mekuverenga ndima idzi, mungangokurukura kuti vapfuri vesimbi vanofanira kupisa simbi zvakanyanyisa kuti vabvise svina uye zvino vozoigadzira kuita chimwe chinhu nekuirova nesando kakawanda. Munokwanisawo kudzidza pamwechete pamusoro pemacheneserwo anoitwa zvimwe zvinhu, zvakaita semvura kana munyu. Zvimwe mungakwanisa kuchenesa kana kusuka chimwe chinhu semhuri. Sei tichida kuva vakachena? Iyi mienzaniso inotidzidzisa chii pamusoro pekuti miyedzo yedu inokwanisa kutibatsira sei kuti tive “vanhu vakachena”?

Dzidziso neZvibvumirano 101:22–36Ndima idzi dzingava dzakabatsira sei Vatendi avo vaitarisana nekutambudzwa? Dzingabatsira sei vanhu vanonzwa kutya pamusoro pemamiriro ezvinhu enyika yedu nhasi?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa: “Help Me, Dear Father,” Children’s Songbook, 99.

Kunatsa Kunzvera Kwako Wega

Tsvaga misimboti. Gosa Richard G. Scott vakadzidzisa kuti: Apo paunotsvaga ruzivo rwezvemweya, tsvaga misimboti. … Misimboti ichokwadi chakaunganidzwa, chagadzirirwa kushandiswa kumamiriro ezvinhu akasiyana siyana” (“Acquiring Spiritual Knowledge,” Ensign, Mbudzi 1993, 86).

Mufananidzo
mhomho ichitambudza Vatendi

Missouri Burning (Missouri Ichitsva) naGlen S. Hopkinson

Dhinda