Dzidziso neZvibvumirano 2021
Gunyana 20–26 Dzidziso neZvibvumirano 106–108: “Kuti Matenga Azarurwe”


“Gunyana 20–26. Dzidziso neZvibvumirano 106–108: ‘Kuti Matenga Azarurwe,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (2020)

“Gunyana 20–26. Dzidziso neZvibvumirano 106–108,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2021

Mufananidzo
zuva richipenya nemumakore

Gunyana 20–26

Dzidziso neZvibvumirano 106–108

“Kuti Matenga Azarurwe”

Gosa Ulisses Soares vakadzidzisa kuti, “Tinofanira kugara [muMuponesi], tichiverenga nokunzvera magwaro matsvene zvakazara uye kakawanda, tichifara maari, tichidzidza dzidziso Dzake, uye tichiedza kurarama nenzira yaAkararama”. (“How Can I Understand?Ensign kana Liahona, May 2019, 7). Apo paunoverenga nekunzvera zvakazara Dzidziso neZvibvumirano 106–8, nyora pasi nzira dzaunokwanisa kuedza nesimba rose kurarama zvokwadi zvaunowana.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Paunochiverenga kekutanga, Dzidziso neZvibvumirano 107 chingangoratidzika kuva chete pamusoro pekurongwa kwezvigaro zvehupirisita kuzviisa muhurongwa hwevatungamiri hweChechi yaIshe. Chokwadi, panguva iyo chakazarurwa ichi pachakashambadzwa, unhengo hweChechi hwakanga hwatokura kupfuura kwaniso yevatungamiri vashoma vakanga vaiswa muzvigaro neChechi. Nokudaro kutsanangura zvinzvimbo nemabasa eVatungamiri Vokutanga, Chikwata chevane Gumi neVaviri, Makumi Manomwe, mabhishopi, uye vatungamiri vezvikwata chokwadi kwaidikanwa uye kwaibatsira. Asi kune zvakanyanya kuwanda kurairidzo yehumwari iri muchikamu 107 kupfuura kungoraira marongero ekuita zvigaro nezvikwata zvehupirisita. Pano Ishe vanotidzidzisa pamusoro pehurongwa hwehupirisita hwechinyakare uhwo “hwakavambwa mumazuva aAdama” ndima 41). Chinangwa chahwo kubvira pokutanga chakanga chiri chokuita kuti zvikwanisike kuvana vaMwari—kusanganisira iwe—kugashira zvisungo zvoruponeso zvevhangeri uye nokuwana “maropafadzo emweya ose echechi—kuve nemukana wekugashira zvakavanzika zveumambo hwekudenga, [uye] kuti matenga azarurwe kwavari” (ndima 18–19).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Dzidziso neZvibvumirano 106108

Ishe vanorairidza, vanokurudzira, uye vanotsigira avo Vavanodaidza kuti vashandire.

Muna Dzidziso neZvibvumirano 106 uye 108, Ishe vakapa rairo nezvivimbiso kunhengo mbiri idzo dzakadaidzwa kuti dzishandire muChechi. Ndedzipi ndevo muzvakazarurwa izvi dzinopa kurudziro uye nzwisiso pamusoro pekushandira kwako pachako muumambo hwaMwari? Hedzino mbiri dzekuti ufunge pamusoro padzo:

Ndedzipi dzimwe ndevo kubva muchikamu 106 uye 108 dzakakosha kwauri?

Onawo Russell M. Nelson, “Kushumira neSimba neMvumo yaMwari,” Ensign kana Liahona, May 2018, 68–75

Dzidziso neZvibvumirano 107

Ishe vanotungamira Chechi Yavo kuburikidza nemvumo yehupirisita.

Apo pawakanga uchinzvera Kudzorerwa kwevhangeri, pamwe wakacherechedza kuti Ishe kazhinji havatsananguri dzidziso zvakazara muchakazarurwa chimwechete. Pane kudaro, Vanoratidza zvinhu “mutsetse nemutsetse” (Dzidziso neZvibvumirano 98:12) apo mamiriro ezvinhu paanozvida. Kunyangwe zvazvo Ishe vakanga vambopa rairidzo pamusoro pehupirisita pakutanga muna 1829 ) ona, semuenzaniso, chikamu 20 uye 84), Vakapa imwe rairidzo kuVatendi muna 1835 pamusoro pezvimwe zvigaro zvehupirisita zvaidikanwa kutungamira nokupa gwara kuvateveri Vavo vaikura muhuwandu.

Apo paunoverenga zvigaro zvehupirisita zvinotevera, funga pamusoro pematsigiriro aungaita avo varikushandira mudaidzo idzi kuburikidza “neruvimbo, rutendo rwako, uye ne[mi]munamato” yako (Dzidziso neZvibvumirano 107:22).

Dzidziso neZvibvumirano 107:1–20

Zvisungo zvehupirisita zvinopa maropafadzo epamweya neepanyama kuvana vose vaBaba Vekudenga.

Gosa Neil L. Andersen vakadzidzisa kuti: “Hupirisita ndihwo simba nemvumo yaMwari zvakapiwa kuitira ruponeso neropafadzo ravese—varume, madzimai, uye vana vadiki. … Apo patinenge takakodzera, zvisungo zvehupirisita zvinopfumisa upenyu hwedu pasi pano uye zvinotigadzirira kugashira zvivimbiso zvakanakisisa zvenyika iri mberi (“Power in the Priesthood,” Ensign kana Liahona, Mbudzi. 2013, 92). Apo paunoveranga Dzidziso neZvibvumirano 107:1–20 (one kunyanya ndima 18–20) uye shoko rese raGosa Andersen, funga pamusoro pekunyora pasi manzwiro aunogashira pamusoro pemapfumisirwo anoitwa nesimba raMwari upenyu hwako pasi pano uye nokukugadzirira kuupenyu hwokusingaperi. Chii chauri kuita kuti ugashire zvakanyanya kuzara—uye ubatsire vamwe kugashira —maropafadzo iwayo?

Onawo Dzidziso neZvibvumirano 84:19–27; Dallin H. Oaks, “Makiyi neMvumo zveHupirisita,” Ensign kana Liahona, Kubvumbi 2014, 49–52.

Dzidziso neZvibvumirano 107:41–57

Hupirisita hunoropafadza mhuri.

Adama aida kuti chizvarwa chake chiropafadzwe nehupirisita. Ndezvipi zvivimbiso zvaakagashira? (ona ndima 4255). Apo paunoverenga pamusoro pezvakaitwa naAdama, funga pamusoro pezvido zvako pachako zvekuti mhuri yako iwane uye ipundutswe nemaropafadzo ehupirisita. Chii chaunokurudzirwa kuita kuti ubatsire mhuri yako kugashira maropafadzo aya?

Mufananidzo
Adama Achiropafadza chizvarwa chake

Adam Blessing His Posterity, (Adama Achiropafadza Chizvarwa Chake) naClark Kelley Price.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Dzidziso neZvibvumirano 106:6.Chii chingakwanise kuitwa nemhuri yedu kukonzera “rufaro kudenga”?

Dzidziso neZvibvumirano 107:22.Chii chatiri kuita kutsigira vatungamiri vedu “noruvimbo, rutendo, nomunamato”?

Dzidziso neZvibvumirano 107:27–31, 85.Misimboti inotungamira matare eChechi inokwanisawo kutibatsira kurairana pamwechete semhuri. Ndeipi misimboti iri mundima yatinokwanisa kushandisa mumatare edu emhuri? (Ona M. Russell Ballard, “Matare eMhuri,” Ensign kana Liahona, Kubvumbi 2016, 63–65.)

Dzidziso neZvibvumirano 107:99–100.Ipa nhengo yemhuri mirairidzo yakanyorwa pasi yekuti aite rimwe basa remumba, uye mukoke kuti asarudze kuti anoita basa racho sei: nekushingaira, neusimbe, kana kuti asina kuverenga mirairidzo yaapuwa. Ita kuti vamwe vese vemhuri vamuwongorore achiita basa iri uye vagofembera kuti nhengo yemhuri iyi yasarudza nzira ipi yokuita basa nayo. Zvino ita kuti dzimwe nhengo dzemhuri dzivewo nechinhano. Sei Ishe vachida kuti tidzidze mabasa edu uyewo tiaite nekushingaira kwose?  

Dzidziso neZvibvumirano 108:7.Tingasimbisana sei muhurukuro dzedu? muninamato yedu? mukurudziro dzedu, kana tsigiro dzedu? muzvinhu zvose zvatinoita? Mungangosarudza chimwechete chezvizvi kuti mushande pachiri semhuri.

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapiwa: “Tinokutendai Mwari neMuporofita,” Hwaro hweVhangeri peji 296.

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Nyora Pasi Manzwiro Ako. Apo manzwiro kana nzwisiso dzezvemweya pazvinouya kwauri, zvinyore pasi. Apo paunoita kudaro, unotaridza Ishe kuti unokoshesa hutungamiri Hwavo? (Ona Teaching in the Savior’s Way, 1230.)

Mufananidzo
Merkizedeki anoropafadza Abramu

Melchizedek Blesses Abram, (Merkizedeki Anoropafadza Abramu), naWalter Rane

Dhinda