Dzidziso neZvibvumirano 2021
“Gunyana 27–Gumiguru 3. Dzidziso neZvibvumirano 109–110, “Imba Yenyu, Nzvimbo yeHutsvene Hwenyu”


“Gunyana 27–Gumiguru 3. Dzidziso neZvibvumirano 109–110: ‘Imba Yenyu, Nzvimbo yeHutsvene Hwenyu, ’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (2020)

“Gunyana 27–Gumiguru 3. Dzidziso neZvibvumirano 109–110,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2021

Mufananidzo
Temberi yeKirtland

Kirtland Temple, (Temberi yeKirtland) naJon McNaughton

Gunyana 27–Gumiguru 3.

Dzidziso neZvibvumirano 109–110

“Imba Yenyu, Nzvimbo yeHutsvene Hwenyu”

Vachitaura nezve Dzidziso neZvibvumirano 109:24–28, Gosa David A. Bednar vakati, “Ndinokukokai kuti munzvere kakawanda uye mufungisise nemunamato zvinorehwa nezvinyorwa zvitsvene izvi muupenyu hwenyu uye kumhuri yenyu” (“Honorably Hold a Name and Standing,” Ensign kana Liahona, Kubvumbi 2009, 99). Funga pamusoro pekukokwa uku apo paunonzvera.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Mikova yeTemberi yeKirtland yakanga isingafaniri kuvhurwa kusvikira 8.00 kiroko pamagwanani aKurume 27, 1836. Asi Vatendi avo vakanga vachitarisira kupinda minamato yekukumikidzwa kwayo vakatanga kumira mumutsetse mangwanani gwanani kuma 7.00 kiroko. Apo zvigaro nenzira dzepakati pezvigaro pazvakazara nokukurumidza nevanamati vaiva nechido chikuru, Joseph Smith akaraira kuti pave neimwe nzvimbo iyo yaizogara vanhu vakanga vasingakwani mutemberi. Apo nzvimbo iyi payakazara, chikamu chechipiri chekukumikidzwa kwetemberi chakarongwa. Uye vakanga vasiri vapenyu chete vakanga vachidisisa chaizvo kuvapo. Zvapupu zvakawanda zvikuru zvakapupura kuti zvakanga zvaona ngirozi, mukati metemberi uye kunyangwe pamusoro pedenga retemberi, panguva uye mushure mekukumikidzwa kwetemberi. Chokwadi zvaitaridzika kuti “mauto ekudenga” akanga auya “kuzoimba nokudaidzira” neVatendi Vamazuva Ekupedzisira (“Mweya waMwari,” Nziyo neDzevana Vadiki, peji 54).

Sei kwaiva nemufaro mukuru wakadaro—kumativi ese echidzitiro? Chivimbiso chekuti Vatendi “vaizopihwa masimba anobva kumusoro” chakanga chiri chimwe chikonzero chavakanga vaunganira kuOhio pokutanga (Dzidziso neZvibvumirano 38:32). Uye zvinhu zvikurusa zvakavimbiswa mune ramangwana. “Uku,” Ishe vakataura, “ndikokutanga kwemaropafadzo achadirwa pamisoro yevanhu vangu” (Dzidziso neZvibvumirano 110:10). Nguva yatiri kurarama iyezvino—inebasa nezvisungo zvemutemberi zvirikurumidziswa uye zvinowanikwa kumamiriyoni evapenyu nevakafa—yaiva nemavambo ayo muKirtland, apo “kuputirwa kwepanyika [pakwakanga] kwave kupera” (“Mweya waMwari”).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Dzidziso neZvibvumirano 109

Ishe vanoda kundiropafadza muimba Yavo tsvene.

Nedzimwe nzira, Temberi yeKirtland yakanga yakasiyana kubva kutemberi dzatinoziva nhasi. Yakanga isina maaritari uye yakanga isina chidziva chekubhabhatidzira, uye zvisungo zvakaita serubhabhatidzo rwevakafa nekusunganidzwa zvakanga zvisati zvadzorerwa. Asi maropafadzo akatsanangurwa muchikamu 109, munamato wekukumidza Temberi yeKirtland, ndiwo maropafadzo atinotambira muImba yaIshe nhasi. Wongorora ndima dzinotevera kuti uwane mamwe emaropafadzo aya. Apo paunoverenga pamusoro pawo, fungisisa kuti sei akakosha kwauri nekumhuri yako.

Ndima 5, 12–13 (onawo Dzidziso neZvibvumirano 110:6–8): Mutemberi Ishe vanokwanisa kuZvitaridza kwatiri uye tinokwanisa kunzwa simba Ravo.

Ndima 9, 17–19, 26, 78–79: Mutemberi tinotora patiri isu pachedu zita raIshe.

Ndima 22–23: Apo patinoita nokuchengeta zvibvumirano zvemutemberi, Ishe vanotipa simba rokuita basa Ravo.

Ndima 24–33: Apo patinoenda kutemberi zvakakodzera, tinokwanisa kutambira dziviriro yaIshe.

Mamwe maropafadzo:

Chii chaunokurudzirwa neMweya kuti uite kuitira kuti utambire maropafadzo aya?

Dzidziso neZvibvumirano 109

Munamato wekukumikidza Temberi yeKirtland unokwanisa kundidzidzisa pamusoro pemunamato.

Chikamu 109 ndiwo munamato wakapihwa kuna Joseph Smith kuburikidza nezvakazarurwa (ona musoro wenyaya wechikamu). Chii chaunodzidza pamusoro pemunamato kubva muchikamu ichi? Apo paunochiverenga, ungangofunga pamusoro peminamato yako pachako. Ndeapi manzwiro aunotambira anokwanisa kukubatsira kunatsa kutaurirana kwako naBaba Vokudenga? Somuenzaniso, Muporofita akanamata pamusoro pechii mumunamato uyu?

Dzidziso neZvibvumirano 110:1–10

Ishe vanokwanisa kuZvitaridza kwandiri mutemberi.

Unonzwa sei pamusoro peMuponesi mushure mokuverenga Dzidziso neZvibvumirano 110: 1–10? Vakazvitaridza kwauri sei mutemberi? Vanokubatsira nenzira dzipi kuti uzive kuti Vanotambira kuedza nokuzvipira kwako?

Mufananidzo
Mukati meTemberi yeKirtland

Kumucheto kwega kwega kweTemberi yeKirtland kune mapurupiti evatungamiri vehupirisita.

Dzidziso neZvibvumirano 110:11–16

Makii ehupirisita anodikanwa kuzadzikisa basa raMwari ari muChechi nhasi.

Kuti unzwisise makii ehupirisita ayo Mosesi, Eria, uye Erija avakapa kuna Joseph Smith naOliver Cowdery muTemberi yeKirtland, ungangonzvera “Makii eHupirisita” (“Mosesi” uye “Erija” muNhungamiri kuMagwaro Matsvene (scriptures.ChurchofJesusChrist.org). ­ ­ Fungisisa zvaungaite kuti ubatsire mubasa rinoenderana nemakii aya.

­

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Dzidziso neZvibvumirano 109.Semhuri, wanai dzimwe ndima muchikamu 109 idzo dzinokukurudzirai kupedza nguva yakawanda mutemberi (somuenzaniso, onai ndima dzakadorongodzwa pasi pemusoro wenyaya unoti “Mazano eKunzvera Magwaro Kwako Wega”). Taurai pamusoro pamaitiro amungaita izvo zvakataurwa naMutungamiri Russell M. Nelson kuti: “Wanai nzira yokutara nguva kazhinji naIshe—kuva muimba tsvene Yavo—zvino mozochengeta nguva yamatara iyoyo nemazvo uye nemufaro” (“Becoming Exemplary Latter-day Saints,” Ensign kana Liahona, Mbudzi 2018, 114). Kana iwe kana mhuri yako muchinge musati mamboenda kutemberi, munokwanisa kuenda kuwebhusaiti inonzi temples.ChurchofJesusChrist.org kuti muwane rubatsiro rwekuzvigadzirira kuenda kutemberi.

Dzidziso neZvibvumirano 109: 78–80.Rwiyo “Mweya waMwari” (Nziyo neDzevana Vadiki, peji 54) rwakanyorerwa kukumikidzwa kweTemberi yeKirtland—uye rwunoimbwa pakukumikidzwa kwetemberi yoga yoga kubvira ipapo. Mungangoimba rwiyo urwu pamwechete uye mowana ndevo idzo dzinowedzera kutenda kwenyu nematemberi emazuva ekupedzisira. Rwiyo urwu rwunoenderana sei neshoko remuDzidziso neZvibvumirano 109:78–80?

Munokwanisa kuwana munamato wekukumikidzwa kwetemberi iri padyo nemi kubva pawebhusaiti temples.ChurchofJesusChrist.org.

Dzidziso neZvibvumirano 110.Apo nhengo dzemhuri yako padzinoverenga chikamu 110 uye pavanotarisa mufananidzo uri kumagumo kwechidzidzo chino, vakoke kuti vafungidzire manzwiro avaizoita kana dai vakanga varipo naJoseph Smith naOliver Cowdery muTemberi yeKirtland. Ipa mhuri yako mukana wekugovera manzwiro avanoita pamusoro peMuponesi.

Dzidziso neZvibvumirano 110:15.Chii chingabatsira “kutendeutsira mwoyo” yevana vako kumadziteteguru avo? Munokwanisa kuwana mazano anonakidza pawebhusaiti FamilySearch.org/discovery Munokwanisa kushanda pamwechete kudoma madziteteguru ayo anoda zvisungo zvemutemberi uye moronga kuita zvisungo izvozvo kutemberi. Munokwanisawo kutaura pamusoro pekuti basa rakadzorerwa naErija muTemberi yeKirtland rinowedzera sei rudo rwenyu kumadziteteguru enyu.

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapiwa: “Mweya waMwari,” Nziyo neDzevana Vadiki, peji 54.

Mufananidzo
mufananidzo wemanzwi ekudzorerwa

Manzwi Ekudzorerwa

Zviratidzo zveMweya uye Temberi yeKirtland

Mufananidzo
Kukumikidzwa kweTemberi yeKirtland

Like a Fire Is Burning, (Uri Kupisa Semoto), naGlen S. Hopkinson

Pazasi pane mashoko eVatendi Vamazuva Ekupedzisira avo vakanga vari muTemberi yeKirtland panguva yekukumikidzwa kwayo uye mune mimwe misangano yakatevera. Vazhinji vakaenzanisa zviitiko zvavo kune izvo Vatendi vechinyakare zvavakanzwa apo “pavakafukidzwa nesimba raibva kudenga” pazuva rePentekosta (Ruka 24:49; onawo Mabasa aVaapositora 2:1–4; Dzidziso neZvibvumirano 109:36–37).

Eliza R. Snow

“Mhemberero dzekukumikidzwa ikoko dzingarondedzerwa, asi hapana mutauro wemunhu wenyama unokwanisa kutsanangura zviratidzo zvekudenga zvezuva risingakanganikwi iroro. Ngirozi dzakazviratidza kune vamwe, apo manzwiro ekuvapo kwemweya waMwari akacherechedzwa navose vaivapo, uye mwoyo wega wega wakazadzwa ‘nemufaro usingatauriki uye uzere nerukudzo.’”1

Sylvia Cutler Webb

“Imwe yendangariro dzangu dzekutanga yaiva yokukumikidzwa kweTemberi. Baba vangu vakatigadzika pamakumbo avo vakatitaurira kuti sei taienda uye zvazvaireva kukumikidza imba kuna Mwari. Uye kunyangwe zvazvo ndakanga ndiri mudikisa panguva iyoyo, ndinonyatsa kurangarira chiitiko ichocho. Ndinokwanisa kutarisa kumashure pazviitiko zvakare uye ndinoona semaonere andakaita nguva iyoyo Joseph Muporofita, akamira nemaoko ake akasimudzirwa kudenga, chiso chake chakacheneruka zvikuru, misodzi ichiyerera nematama ake apo paaitaura pazuva iroro risingakanganikwi. Munhu wese aitaridzika kuva aichema. Temberi yakanga yakazara zvokuti vana vakanga vakagara pamakumbo evanhu vakuru; mukoma wangu akanga akagara pamakumbo ababa, ini pamakumbo aamai. Ndinokwanisa kurangarira kunyangwe madhirezi atakanga takapfeka. Pfungwa dzangu dzakanga dziri dzemwana mudikisa panguva iyoyo kunyatsonzwisisa kukosha kwakazara kwazvo zvose, asi nokufamba kwenguva ndakazonzwisisa kukosha kwazvo nekujeka kwakawedzera, uye ndinotenda zvikuru kuti ndakava nerombo rakanaka chaizvo kuvapo.”2

Oliver Cowdery

“Manheru ndakaita musangano nevatungamiri vechechi muimba yaMwari. Mweya wakadururiwamo—ndakaona kubwinya kwaMwari, segore guru, kuchidzika pasi uye kukamhara pamusoro petemberi, uye kukazadza temberi semhepo inovhuvhuta nesimba gurusa. Ndakaona ndimi dzine mhaswa, dzakaita sedzemoto dzichimhara pamusoro pevakawanda, … apo pavaitaura nedzimwe ndimi uye vachiporofita.”3

Benjamin Brown

“Zviratidzo zvizhinji zvakaonekwa. Mumwe akaona mutsago kana gore richimhara pamusoro petemberi, richipenya sezuva parinopenya pagore segoridhe. Vamwe vaviri vakaona vanhu vatatu vakamira mumhepo mumupanda vaine makiyi mumaoko avo, uyewo vaine cheni dzaivaima mumaoko avo.”4

Orson Pratt

“Mwari vaivapo, ngirozi dzavo dzaivapo, Mweya Mutsvene waiva pakati pevanhu … uye vakazadzwa kubva pamusoro pemisoro yavo kusvika kuzvitsitsinho zvetsoka dzavo nesimba nefemero yeMweya Mutsvene.”5

Nancy Naomi Alexander Tracy

“[Apo] Temberi payakapedzwa uye payakakukumidzwa … ndiwo aiva mazuva maviri anemufaro mukurusa ehupenyu hwangu. Rwiyo rwakakodzera zvikuru urwo rwakanyorerwa chiitiko ichi rwaiva ‘Mweya waMwari Urikupisa seMoto.’ Chaiva chokwadi chakazara kuti Rushanduro rweKudenga rwaiva mutemberi. … Ndakanzwa kuti kwaiva kudenga kuri pasi.”6

Zvinyorwa

  1. Muna Edward W. Tullidge, The Women of Mormorndom (1877), 95.

  2. Muna Karl Ricks Anderson, Joseph Smith’s Kirtland: Eyewitness Accounts (1996), 182–83

  3. Dhayari raReuben Miller, Kurume. 27, 1836, Raibhurari yeNhoroondo yeChechi, Salt Lake City.

  4. Tsamba yaBenjamin Brown kumudzima wake, Sarah, mungangova muna Kubvumbi 1836, muunganidzwa wezvinyorwa wemhuri yaBenjamin Brown, Raibhurari yeNhoroondo yeChechi, Salt Lake City; zvimiso nemavara makuru zvakaitwa zvemazuva ano.

  5. Orson Pratt, “Remarks,” Deseret News, Ndira 12, 1876, 788.

  6. Muna Richard E. Turley Jr. and Brittany A. Chapman, eds., Women of Faith in the Latter Days (2011), 1:442.

Mufananidzo
Mosesi, Eria, naErija vachizviratidza Mutemberi yeKirtland

Moses, Elias, and Elijah Appear in the Kirtland Temple, (Mosesi, Eria, naErija Vanozviratidza Mutemberi yeKirtland), naGary E. Smith

Dhinda