Dzidziso neZvibvumirano 2021
Gumiguru 25–31. Dzidziso neZvibvumirano 124–125: “Imba muZita Rangu”


“Gumiguru 25–31. Dzidziso neZvibvumirano 124-125: ‘Imba muZita Rangu,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (2020)

“Gumiguru 25–31. Dzidziso neZvibvumirano 124–125,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2021

Mufananidzo
Nauvoo

Nauvoo the Beautiful, (Nauvoo Yakanaka), naLarry Winborg

Gumiguru 25–31.

Dzidziso neZvibvumirano 124–125

“Imba muZita Rangu””

Apo paunoveranga Dzidziso neZvibvumirano 124–25, fungisisa maropafadzo Ishe avakakoka Vatendi muNauvoo kuti vagashire uye maropafadzo Avanokupa.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Kunyangwe zvazvo mumakore matanhatu akanga apfuura zvinhu zvakanga zvakaomera Vatendi, zvinhu zvakatanga kunaka muchirimo cha1839: Vatendi avo vaiva vapoteri vakanga vawana tsitsi pakati pevagari vemuQuincy, Illinois. Majerigadhi akanga abvumira Muporofita Joseph Smith nevamwe vatungamiri veChechi kuti vatize kubva muhutapwi muMissouri. Uye Chechi yakanga ichangotenga nzvimbo muIllinois umo Vatendi mavaikwanisa kuungana zvakare. Kunyangwe zvavo yaiva nzvimbo inemachakwi izere neutunga, asi kana yoenzwaniswa nematambudziko ayo Vatendi avakanga vatotarisana nawo vakaakunda, izvi pamwe zvaitaridzika sechinhu chakanga chisina kunyanya kuipa. Saka vakakupa mvura mumachakwi uye vakanyora bumbiro reguta idzva, iro ravakadaidza kuti Nauvoo. Izvi zvinoreva “runako” muchiHeberu, kunyangwe zvavo izvi zvainyanya kuva chiratidzo cherutendo pane kuva tsananguro chaiyo yezita racho, kunyanya pokutanga. Nerumwe rutivi, Ishe vakanga vachipa Muporofita wavo manzwiro ekurumidzo. Vaiva nezvimwe zvokwadi nezvisungo zvakawanda zvaifanira kudzorerwa, uye Vaida temberi tsvene umo Vatendi mavaizokwanisa kuzvigashira. Nenzira dzakawanda, manzwiro mwamwechete aya erutendo nekurumidzo akakosha mubasa raIshe nhasi.

Kunyangwe zvazvo Nauvoo yakazova guta rakanaka uye riine temberi yakanaka, zvose pokupedzisira zvakazosiiwa. Asi basa rakanaka chokwadi raIshe, panguva yose iyi, rakanga riri “rokukugadzai norukudzo, kusafa, uye neupenyu hwokusingaperi” (Dzidziso neZvibvumirano 124:55), uye basa iroro harimbofi rakaguma.

Ona Saints, 1:399–427; “Organizing the Church in Nauvoo,” Revelations in Context, 264–71.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Dzidziso neZvibvumirano 124:12–21

Ndinokwanisa kuva mudzidzi uyo Ishe wavanovimba naye.

Kunyangwe zvazvo vatungamiri vaizikanwa zvikuru vakawanda vakabuda muChechi mukupera kwemakore ekunana 1830s, zhinjisa dzenhengo dzakaramba dzakatendeka. Vatendi vakatendeka ava vaisanganisira avo vakanga vatsungirira pazviedzo zvekuMissouri pamwepo neavo vakanga vachangopinda muChechi. Muna Dzidziso neZvibvumirano 124:12–21, Ishe vakataura zvinhu zvakanaka pamusoro pevashoma vavo. Ndedzipi nzwisiso pamusoro peudzidzi dzaunowana mumashoko Avo? Pane chimwe chinhu here pamusoro peVatendi vakatendeka ava icho chinokukurudzira kuva saivo? Unokwanisawo kufungisisa kuti Ishe vakataura sei rudo Rwavo kwauri.

Dzidziso neZvibvumirano 124:22–24, 60–61

Ishe vanoda kuti nditambire uye ndigashire vamwe.

Tichifunga pamusoro peizvo Vatendi zvavakanga vachangotambura muMissouri, vangangova vaikwanisa kuda kugara kwavo vega uye kusakurudzira vashanyi kuuya muNauvoo. Chengeta izvi mupfungwa apo paunoverenga Dzidziso neZvibvumirano 124: 22–24, 60–61. Chii chinokufadza pamusoro perairo dzaIshe kuvaka “imba yekugara”? (mundima 23). Mashoko Avo anokudzidzisai chii pamusoro pebasa reChechi Yavo? Fungisisa kuti rairo idzi dzinoshanda sei kwauri nemumba mako.

­ .

Dzidziso neZvibvumirano 124:25–45, 55

Ishe vanotiraira kuvaka matemberi kuitira kuti tigokwanisa kugamuchira zvisungo zvinoera.

Zvechokwadi hazvina kuuya sechishamiso kuVatendi Vamazuva Ekupedzisira kuti apo pavakanga vanyatsogara muNauvoo, Ishe vakavapa rairidzo pamusoro pekuvaka temberi—sezvavakanga Vaita muOhio neMissouri. Chii chaunowana muDzidziso neZvibvumirano 124:25–45, 55 chinokubatsira kunzwisisa kuti sei Ishe vakati, “Vanhu vangu vanogara vachirairwa kuti vavake [matemberi] muzita rangu dzvene”? (ndima 39).

Kubvira pakavakwa Temberi yeNauvoo, matemberi anopfuura mazana maviri akavakwa kana kuti akaziviswa. Mutungamiri Russell°M. Nelson vakadzidzisa kuti “Tinoziva kuti nguva yedu mutemberi yakakosha kuruponeso rwedu nekusumudzirwa kumusoro-soro kwedu neuko kwemhuri dzedu. … Kurwisa kwemuvengi kuri kuwedzera zvakanyanyisa, mukusimba nemukusiyana siyana. Kudikanwa kwedu kwekuti tive mutemberi nguva nenguva hakuna kumbova kwakakura kupfuura parizvino” (“Becoming Exemplary Latter-day Saints,” Ensign kana Liahona, Mbudzi. 2018, 114). Temberi yakakubatsira sei kukunda “kurwisa kwemuvengi”? Chii chaunonzwa kukurudzirwa kuita kuti utevere rairo yaMutungamiri Nelson?

­

Mufananidzo
Joseph Smith nevarume vachivaka Temberi yeNauvoo

Joseph Smith at the Nauvoo Temple, (Joseph Smith paTemberi yeNauvoo), naGary E. Smith

Dzidziso neZvibvumirano 124:84–118

Ishe vanoda kundipa imwe chaiyo rairo yeupenyu hwangu.

Ndima 84–118 dzakazara nerairo kune vamwe vanhu pachavo, uye imwe yacho ingangotaridzika seisingaenderani neupenyu hwako. Asi ungangowanawo chimwe chinhu chaunofanira kunzwa. Funga pamusoro pekubvunza Ishe shoko raVanaro kwauri mundima idzi, uye wotsvaka nhungamiro yeMweya kuti uriwane. Zvino funga zvaunozoita kushanda pariri. Somuenzaniso, kuva wakanyanya kuninipa kungakubatsira sei kugamuchira Mweya? (ona ndima 97).

Ungangofungisisawo pamusoro pedzimwe rairo Ishe dzavakakupa. Uri kushanda sei padziri?

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Dzidziso neZvibvumirano 124:2–11.Kana dai Ishe vaitaurira mhuri yenyu “kuti iite chiziviso chakakosha chevhangeri rangu” “kumadzimambo epanyika” (ndima 2–3), chiziviso chenyu chinozotii? Fungai pamusoro pekunyora chimwechete muri pamwechete, uye wokoka nhengo dzemhuri kuti dzitaure zvokwadi zvevhangeri zvadzinoda kusanganisira.

Dzidziso neZvibvumirano 124:15.Zvinorevei kuva wakavimbika? Sei Ishe vachikoshesa kuvimbika? Ndeipi mienzaniso yekuvimbika iyo mhuri yako yayakaona? (Onawo Rusimbiso rweVechidiki, 19.)

Dzidziso neZvibvumirano 124:28–29, 40–41, 55.Chii chatinodzidza kubva mundima idzi pamusoro pekuti sei Ishe vachitiraira kuvaka matemberi? Mhuri yenyu ingangoda kudhirowa mufananidzo wetemberi kana kuivaka vachishandisa zvidhinha zvepurasitiki kana zvimwe zvishandiso. Apo pamunoita kudaro, munokwanisa kukurukura kuti sei muchitenda nokuti tine matemberi nhasi uye kuti sei tichifanira kunamata maari nguva nenguva.

Dzidziso neZvibvumirano124:91–92.Mhuri yako ingawana pundutso here kubva kuhurukuro pamusoro pemaropafadzo apatiriyaki? Nhengo dzemhuri avo vakagashira maropafadzo apatiriyaki avo vanokwanisa kugovera zvazvaiva zvakaita kuagashira uye kuti akavaropafadza sei. ­

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapiwa: “Imbai rumbo pamusoro petemberi kana pamusoro peZioni,” Nziyo neDzevana Vadiki,.

Mufananidzo
mufananidzo wemanzwi ekudzorerwa

Manzwi Ekudzorerwa

Chita cheRubatsiro

Mufananidzo
Joseph naEmma nemamwe madzimai

Painting of the Relief Society organization (Mufananidzo wechirongwa cheChita cheRubatsiro) naPaul Mann

Muna 1842, mushure mekunge Chita cheRubatsiro charongwa muNauvoo, Illinois, Muporofita Joseph Smith vakati “Chechi yakanga isina kumborongwa zvakakwana kusvikira madzimai arongwa zvakakwana.”1 Zvimwechetezvo, kunzverwa kweKudzorerwa kweChechi yaIshe uye nehupirisita Hwavo (ona Dzidziso neZvibvumirano 107) hakuna kuzara kusvikira kwasanganisira kunzverwa kweChita cheRubatsiro, icho pachiri chinova “kudzorerwa kwemutoo wechinyakare” wevadzidzi vaJesu Kristu vechikadzi.2

Eliza R. Snow akanga ainebasa rakakosha mukudzorerwa ikoko. Akanga aripo apo Chita cheRubatsiro pachakatanga kurongwa uye, sasekiritari wechita, ndiye ainyora manotsi panguva yemisangano. Akaona iye pachake kuti Chita cheRubatsiro chakarongwa,“chichitevedza mutoo wehupirisita.”3 Zviri pazasi izvi mashoko ake, ayo akanyorwa paaiva achishandira seMutungamiri Mukuru weChita cheRubatsiro, kuitira kubatsira masisita ake kunzwisisa basa rehumwari rakapihwa kuvanasikana vechibvumirano vaMwari.

­

Eliza R. Snow

Mufananidzo
Eliza R. Snow, naLewis Ramsey

“Kunyangwe zvazvo zita rokuti [Chita cheRubatsiro] ringave remazuva ano, bato racho rakatanga chinyakare. Takataurirwa [naJoseph Smith], kuti bato rimwechetero raivapo muchechi chinyakare, izvo zvinova zvakataurwawo mune dzimwe dzetsamba dzakanyorwa muTestamente Itsva, idzo dzinoshandisa shoko rokuti ‘mudzimai akasarudzwa’ [ona 2 Johane 1:1; Dzidziso neZvibvumirano 25:3.].

“Iri ibato risingakwanisi kuvapo kana pasina Hupirisita, nokuda kwechokwadi chekuti rinowana mvumo yaro yese nehurudzira kubva kwahwuri. Apo Hupirisita pahwakatorwa kubva pasi, bato iri pamwepo nechimwe chese chipanga chehurongwa hwechokwadi hwechechi yaJesu Kristu pasi, zvakaparara. …

“Sezvo ndaivapo pakarongwa ‘Chita cheRubatsiro cheVanhukadzi cheNauvoo,’ … uyewo sezvo ndakawana unyanzvi hwakawanda musangano iroro, pamwe ndingangotaura mazano mashoma anozobatsira vanasikana veZioni mukupinda mubato iri, iro rakazara nemabasa matsva uye mazhinji. Kana vapi zvavo vanasikana navanaamai muIsraeri vachinzwa vasingakwanisi kuva nehurudziro mumamiriro ezvinhu avanenge vari, zvino vanozowana mikana mikuru yokushandisa kwaniso dzakanaka idzo dzavanadzo dzakawanda. …

Mufananidzo
Chitoro Chezvidhinha Zvitsvuku

Chita cheRubatsiro chakarongwa mumupanda wepamusoro weChitoro Chezvidhinha Zvitsvuku.

“Kana ani zvake aishama kuti, Chii chinangwa cheChita cheRubatsiro cheVanhukadzi? Ndaipindura kuti—kuita zvakanaka—kushandisa kwaniso dzese dzatiinadzo mukuita zvakanaka, kwete chete mukurerutsira varombo asi mukuponesa mweya. Kuedza kwevakabatana kunozobudirira panezvakawanda zvisingaverengeki kupinda zvinokwanisa kubudirirwa nekuedza kwemunhu mumwechete anoshanda zvikurusa …

“Mukupa rubatsiro kuvarombo, Chita cheRubatsiro cheVanhukadzi chine mamwe mabasa ekuita anopfuura kungorerutsa zvidikanwi zvepanyama. Urombo hwepfungwa neurwere hwemwoyo, zvinodawo kutariswa, uye nguva zhinji mutauro unetsitsi—mashoko mashoma erairo, kana kunyangwe kumbundikira neruoko rune hushamwari uye runerudo kunozoita zvakanyanya kunaka uye zvinotendwa zvakanyanya kupfuura saga regoridhe. …

“Apo Vatendi pavanoungana kubva kune dzimwe nyika, vari vabvakure kumunhu wese, uye vachikwanisa kutsauswa neavo vanoedza kunyengedza vanhu, Chita [cheRubatsiro] chinofanira kukurumidza mukuvataririra, uye kuvasuma kuchita icho chinozovanatsurudza nokuvasimudzira, uye kupfuura zvose chinozovasimbisa murutendo rweVhangeri, uye mukudaro, chinozova chakakosha zvikuru mukuponesa vakawanda.

“Kunozodikanwa mabhuku akawanda zvikuru umo mokunyora mabasa, mikana nemishando izvo zvinouya nebasa reChita. … Itai basa (muri pasi pehutungamiri hwabhishopi wenyu) makadzikama, neushingi, nechido chikuru, makabatana uye nemunamato, uye Mwari vanozoropafadza kuedza kwenyu nebudiriro.”4

Zvinyorwa

  1. Teachings of Presidents of the Church: Joseph Smith2007), 451.

  2. Daughters in My Kingdom: The History and Work of Relief Society (2017), 1.

  3. Joseph Smith, mubhuku Sarah M. Kimball, “Auto-biography,” Woman’s Exponent, Gunyana 1, 1883, 51.

  4. “Female Relief Society,” Deseret News, Kubvumbi 22, 1868, 81.

Mufananidzo
Temberi yeKirtland

The Nauvoo Temple (Temberi yeNauvoo) naGeorge D. Durrant

Dhinda