Dzidziso neZvibvumirano 2021
Mbudzi 1–7 Dzidziso neZvibvumirano 125–128: “Inzwi reRufaro reVapenyu neVakafa”


“Mbudzi 1–7. Dzidziso neZvibvumirano 125–128: ‘Inzwi reRufaro reVapenyu neVakafa,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (2020)

“Mbudzi 1–7. Dzidziso neZvibvumirano 125–128,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2021

Mufananidzo
mhuri iine madziteteguru munyika yemweya

Us with Them and Them with Us (Isu naIvo uye Ivo neSu), naCaitlin Connolly

Mbudzi 1–7

Dzidziso neZvibvumirano 125–128

“Inzwi reRufaro raVapenyu neVakafa”

Yeuka kunyora pasi manzwiro ako apo paunonzvera Dzidziso neZvibvumirano 125–28 kuitira kuti ukwanise kuzofunga nezvawo uye ugoagoverana nevamwe.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Muna Nyamavhuvhu 1840, Jane Neyman uyo akanga achiri kuchema akateerera Muporofita Joseph achitaura parufu rweshamwari yake Seymour Brunson. Mwanakomana waJane wechidiki ainzi Cyrus anga achangobvawo mukufa. Chakaita kuti kuchema kwake kunyanye chaiva chokwadi chekuti Cyrus akange asati ambobhabhatidzwa, uye Jane ainetsekana kuti izvi zvaizorevei kumweya wake wekusingaperi. Joseph aiziva manzwiro aaiita; iye akanga anetsekana zvimwechetezvo pamusoro pemukoma wake anodiwa Alvin, uyo akafawo asati abhabhatidzwa. Saka Muporofita akafunga kugoverana naJane, uye nevamwe vese vaiva parufu, izvo zvaakanga azarurirwa naIshe pamusoro peavo vakanga vafa vasina kugamuchira zvisungo zvevhangeri—uye nezvatinokwanisa kuita kuvabatsira.

Dzidziso yerubhabhatidzo rwevakafa yakafadza Vatendi zvikuru; pfungwa dzavo dzakatendeukira pakarepo kuvabereki vakafa, vana sekuru nanambuya, uye dzimwe nhengo dzemhuri. Zvino pakanga pava netariro kwavari! Joseph akanzwa mufaro mumwechetewo sewavo, uye akashandisa mutauro unemufaro uye unechido chikuru kutaura izvo zvaakanga adzidziswa naIshe pamusoro peruponeso rwevakafa: “Regai makomo ashevedzere nemufaro, uye mose imi nhika daidzirai zvinonzwika; uye mose imi makungwa nenyika dzakaoma taurai zvishamiso zvaMambo venyu Vekusingaperi!”Dzidziso neZvibvumirano 128:23).

Ona Saints, 1:415–27; “Letters on Baptism for the Dead,” Revelations in Context, 272–76.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Dzidziso neZvibvumirano 126

Ishe vanoda kuti nditaririre mhuri yangu.

Mushure mekudzoka kumba kubva kune humwe hweushumiri hwakawanda hwekuEngland, Brigham Young akagamuchira imwe daidzo yakakosha kubva kuna Ishe—kuti “anyatsochengeta mhuri [yake]” (ndima 3) iyo yakanga yatambudzika paakanga asipo. Apo paunofungisisa kuti rairo iyi nedzimwe dziri muchikamu 126 dzinoshanda sei kwauri, funga pamusoro pemashoko aya kubva kuna Mutungamiri Bonnie L. Oscarson, aimbova Mutungamiriri Mukuru weVasikana Vechidiki anoti:

“Yeukai kuti zvimwe zvidikanwi zvikurusa zvingangova izvo zviri pamberi penyu chaipo. Tangai mushando wenyu mudzimba dzenyu pachenyu uye mukati memhuri dzenyu pachenyu. Uhwu ndihwo hukama hunokwanisa kuve hwokusingaperi. Kunyangwe kana—uye pamwe kunyanya kana—mamiriro emhuri yenyu asina kunyatsoruruma, munokwanisa kuwana nzira dzekubatsira, kusimudzira, nekusimbisa. Tangai nepamuri, vadei sezvavari, uye gadzirirai mhuri yamunoda kuve nayo mune ramangwana ”(“The Needs before Us,” Ensign kana Liahona, Mbudzi 2017, 27).

­

Dzidziso neZvibvumirano 127:2–4

Ishe vanoziva mufaro wangu nerusuwo rwangu.

Kupomerwa mhosva dzenhema uye kutyisidzirwa kuti aizosungwa zvakamanikidza Joseph Smith kuenda mukuhwanda muna Nyamavhuvhu 1842. Kunyangwe zvaiva zvakadaro mashoko aakanyorera kuVatendi panguva iyoyo (ikozvino ava Dzidziso neZvibvumirano 127) azere netariro yakanaka uye nemufaro. Chii chaunodzidziswa nendima 2–4 pamusoro paMwari? pamusoro pekuti ungatarisana sei nemiyedzo yako pachako.

Funga pamusoro pekunyora pasi matsigirirwo aurikuitwa naIshe “mumvura yakadzika” yeupenyu hwako.

Dzidziso neZvibvumirano 127:5-8; 128:1–8

“Chipi zvacho chese chamuchanyora panyika, chichanyorwa kudenga.”

Apo paunoverenga Dzidziso neZvibvumirano 127:5–8; 128:1–8, tsvaga izvo zvikonzero zvekuti sei Ishe vakapa Joseph Smith mimwe mirairidzo chaiyo yakadaro pamusoro pekunyora pasi rubhabhatidzo rwevakafa. Izvi zvinokudzidzisa chii pamusoro paIshe nebasa Ravo?

Mufananidzo
mukomana wechidiki aine makadhi emazita emhuri.

Kuita mushando wemutemberi wemadziteteguru edu kunobatanidza mwoyo yedu kwavari.

Dzidziso neZvibvumirano 128:5–25

Ruponeso rwemadziteteguru angu rwakakosha kuruponeso rwangu.

Zvakajeka kubva pane izvo Mwari zvavakazarura kuburikidza naJoseph Smith kuti sei madziteteguru edu ayo asina kubhabhatidzwa muupenyu huno achida rubatsiro rwedu kuitira ruponeso rwavo. Asi sei uchifunga kuti ruponeso rwemadziteteguru edu “rwunodikanwa uye rwakakosha kuruponeso rwedu ”? (ona Dzidziso neZvibvumirano 128:15–18; runyoro rwakarereka rwakawedzerwa).

Ndima 5 inodzidzisa kuti chisungo cherubhabhatidzo rwevakafa “chakagadzirwa hwaro hwenyika husati hwavepo.” Chokwadi ichi chinokudzidzisa chii pamusoro paMwari uye nechirongwa Chavo? ­­ ,

Joseph Smith akashandisa ndevo dzinoti “simba rokusunganidza,” “chisungo chokubatanidza,” uye “mubatanidzwa wakarurama” apo paaidzidzisa pamusoro pezvisungo zvehupirisita uye nerubhabhatidzo rwevakafa. Tsvaga ndevo idzi nedzimwe dzakafanana nadzo apo paunoverenga Dzidziso neZvibvumirano 128:5-25. Ndezvipi zvimwe zvinhu izvo, kuburikidza naJesu Kristu, zvinokwanisa kusunganidzwa pamwechete nekuda kwezvisungo zvehupirisita zvekuitira vakafa? Sei “kushinga” riri inzwi rakanaka kutsanangura dzidziso yeruponeso rwevakafa? (ona ndima 9–11).

Chii chinokufadza pamusoro pemashoko aJoseph Smith mundima 19–25? Ndima idzi dzinoshandura sei manzwiro aunoita pamusoro pemushando wemutemberi wemadziteteguru ako? pamusoro paJesu Kristu? Chii chaunonzwa uchikuridzirwa kuita?

Onawo 1 Vakorinte 15:29

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Dzidziso neZvibvumirano 126Kuverenga rairo iyi yakapiwa kuna Brigham Young kungangokurudzira mhuri yako kuti vataure pamusoro pekuti mungashandisa sei nguva yakawanda “muchinyatsotaririrana” (ndima 3)

Dzidziso neZvibvumirano 128:15–18Ndeapi mamwe maropafadzo ekuponesa nekururamisa ebasa renhoroondo yemhuri? ­

Dzidziso neZvibvumirano 128:18Fungai pamusoro pekugadzira cheni yebepa ine mazita enhengo dzemhuri neemadziteteguru pachisungo chega chega kuratidza kuti nhoroondo yemhuri nebasa remutemberi zvinoita sei “chisungo chokubatanidza” icho chinotibatanidza nemadziteteguru edu. Zvimwe mungaita tsvagurudzo vhiki ino kuti muwane dzimwe nhengo dzemhuri uye mugoona kuti cheni yenyu inoreba zvakadii.

Dzidziso neZvibvumirano 128:19–23.Pamwe nhengo dzemhuri dzinokwanisa kutsvaga mundima idzi mashoko anoratidza rufaro rukuru rwaJoseph Smith pamusoro pevhangeri raJesu Kristu neruponeso rwevakafa. Nhengo dzemhuri dzinokwanisa kugoverana zviitiko zvakavaitawo kuti vafare zvikuru pamusoro pebasa iri.

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

­

Mufananidzo
mufananidzo wemanzwi ekudzorerwa

Manzwi Ekudzorerwa

Rubhabhatidzo rwevakafa, “Musoro weNyaya Mutsva uye Unoshamisa”

Mufananidzo
mufananidzo wakatarwa wechidziva cherubhabhatidzo muTemberi yeNauvoo

Mufananidzo wakatarwa uyu unoratidza chidziva cherubhabhatidzo chemuTemberi yeNauvoo chakagadzikwa pemombe nzombe gumi nembiri.

Phebe naWilford Woodruff

Phebe Woodruff aigara pedyo neNauvoo apo Joseph Smith paakatanga kudzidzisa pamusoro perubhabhatidzo rwevakafa. Akanyora nezvazvo kumurume wake, Wilford, uyo aishandira muushumiri kuEngland:

Bhuratha Joseph … vakadzidza kuburikidza nechakazarurwa kuti avo vari muchechi ino vangabhabhatidzirwa chero dzipi zvadzo dzehama dzavo idzo dzakafa uye dzakanga dzisina kuwana mukana wekunzwa vhangeri iri, kunyange kuitira vana vavo, vabereki, madzikoma, vaninʼina, hanzvadzi, vanasekuru, nanambuya, vanabamukuru navanababamunini, vanamaiguru navanamainini uye vanatete. … Apo pavanenge vangobhabhatidzirwa shamwari dzavo dzinosunungurwa kubva mutirongo uye vanokwanisa kudzitambira mukumuka kuvakafa uye vodziunza muumambo hweseresitiyaro—dzidziso iyi inogamuchirwa zvakanaka nechechi uye vari kuenda mberi muhuzhinji, vamwe vari kuenda kunobhabhatidzwa zvinoita rugumi nerutanhatu … pazuva rimwechete.”1

Wilford Woodruff pashure akazoti nezve musimboti uyu: “Panguva yandakanzwa nezvazvo mweya wangu wakafara zvikurusa. … Ndakaenda mberi ndikabhabhatidzirwa hama dzangu dzese dzakafa dzandaigona kufunga nezvadzo. … Ndakanzwa kuti nditi hareruya apo chakazarurwa chacho pachakauya chichiratidza kwatiri rubhabhatidzo rwevakafa. Ndakanzwa kuti taiva nekodzero yekufara mumaropafadzo eKudenga.”2

Vilate Kimball

SaSisita Woodruff, Vilate Kimball akanzwa pamusoro perubhabhatidzo rwevakafa apo murume wake, Heber, paakanga ari kure achiparidza vhangeri. Akanyorera kwaari, achiti:

“Mutungamiri Smith vakavhura musoro wenyaya mutsva uye unoshamisa … uyo wakakonzera vanhu vakawanda kuti vave nerutendo rukurusa muchechi. Uyo unova wekubhabhatidzirwa vakafa. Pauro anotaura nezvazvo,muna VaKorinte vekutanga chitsauko 15 ndima 29. Joseph akagamuchira tsananguro yakanyanya kuzara yazvo kuburikidza neZvakazarurwa. … Ikodzero yakakosha yechechi ino kubhabhatidzirwa hama dzavo dzese dzakafa Vhangeri rino risati rauya; kunyangwe kudzokera kunaSekuru naMbuya vevabereki vavo . … Nekudaro, tinoshanda sevamiririri vavo; uye tinovapa kodzero yekuuya pamberi mukumuka kuvakafa kwekutanga. Anoti Vhangeri rinozoparidzirwa kwavari… asi hakuna chinhu chakaita sekubhabhatidzwa kwemweya. … Kubvira apo rairo iyi payakaparidzwa kuno, mvura dzerubhabhatidzo dzanga dzizere nguva dzose. Munguva yemusangano mukuru pane dzimwe nguva kwaive neMagosa anobva pavasere kusvika kugumi murwizi panguva imwechete vachibhabhatidza. … Ndiri kuda kubhabhatidzirwa Amai vangu. Ndakaronga kumirira kusvika wauya kumba, asi panguva yakapedzisira Joseph kutaura nezve musoro wenyaya yacho, akaraira munhu wese kuti asimuke uye ashande, uye asunungure shamwari dzake kubva muhusungwa nekukurumidza sezvinokwanisika. Saka ndinofunga ndichaenda mberi vhiki rino, sezvo paine vavakidzani vakati wandei vari kuenda mberi. Vamwe vakatobhabhatidzwa zvakapetwa kakawanda. … Nokudaro unoona pane mukana kune vese. Iyi haisi dzidziso inoshamisa here?”3

Phebe Chase

Pakangopedzwa kuvakwa chidziva cherubhabhatidzo muTemberi yemuNauvoo, rubhabhatidzo rwevakafa rwaiitirwa imomo panzvimbo pemurwizi. Phebe Chase, mugari wemuNauvoo, akanyorera kuna amai vake pamusoro petembere, achitsanangura chidziva cherubhabhatidzo senzvimbo iyo “yatinokwanisa kubhabhatidzirwa vakafa vedu uye nekuva vaponesi paGomo reZioni.” Akaenderera mberi kutsanangura kuti muchidziva ichi, “Ini ndakabhabhatidzirwa baba vangu vandinoda uye nedzimwe dzese shamwari dzangu dzakafa. … Zvino ndinoda kuziva mazita aBaba naAmai venyu kuitira kuti ndivasunungure, nekuti ndinoda kusunungura Vakafa. … Ishe vakataura zvakare, uye vadzorera tsika yechikare. ”4

Sally Randall

Pakunyorera kushamwari nehama dzake pamusoro perubhabhatidzo rwevakafa, Sally Randall akayeuka kufa kwemwanakomana wake George:

“Aaa iyi yakanga iri nguva yakaoma zvikurusa kwandiri uye zvichirikuratidzika kuti handikwanisi kuyananiswa kuti ndizvitambire sezvazviri, asi … baba vake vakamubhabhatidzirwa uye chinhu chakanakisisa zvikuru kuti tinobvuma uye tinogamuchira kuzara kwevhangeri sokuparidzwa kwarinoitwa iyezvino uye kuti tinokwanisa kubhabhatidzirwa shamwari dzakafa dzedu dzose uye kuvaponesa tichidzokera kumushure kwose kwatinokwanisa kuwana ruzivo rwupi zvarwo rwavo.

“Ndinoda kuti undinyorere mazita ekutanga ehama dzedu dzose dzakafa kudzokera kumashure kusvika kuna vanasekuru navanambuya napose paunokwanisa. Ndine vavariro yekuita zvose zvandinokwanisa kuponesa shamwari dzangu uye ndinozofara zvikuru kana vamwe venyu vakauya kuzondibatsira nekuti ibasa rakakura kuti munhu mumwechete aite ega. … Ndinofungidzira kuti uchafunga kuti iyi idzidziso isiri yamazuva ose asi uchazowana kuti ndeyechokwadi. ”5

Zvinyorwa

  1. Tsamba yaPhebe Woodruff kuna Wilford Woodruff, Gumiguru 6, 1840, Raibhurari yeNhoroondo yeChechi, Salt Lake City; kuperetera nezvimiso zvakaitwa zvemazuva ano.

  2. Wilford Woodruff, “Remarks,” Deseret News, Chivabvu 27, 1857, 91; zvimiso zvakaitwa zvemazuva ano.

  3. Tsamba yaVilate Kimball kuna Heber C Kimball, Gumiguru 11 1840,, Raibhurari yeNhoroondo yeChechi, Salt Lake City; kuperetera nezvimiso zvakaitwa zvemazuva ano.

  4. Tsamba yaPhebe Chase , isina dheti, Rabhurari yeNhoroondo yeChechi, Salt Lake City; kuperetera nezvimiso zvakaitwa zvemazuva ano. Vatendi pavakatanga kuita rubhabhatidzo rwevakafa, vanhu dzimwe nguva vaibhabhatidzirwa madziteteguru zvese echirume neechikadzi. Zvakazozazurwa pashure kuti varume vanofanira kubhabhatidzirwa varume uye vakadzi vanobhabhatidzirwa vakadzi.

  5. Tsamba yaSally Randall, Kubvumbi 21, 1844, Raibhurari yeNhoroondo yeChurch Salt Lake City; kuperetera nezvimiso zvakaitwa zvemazuva ano.

Mufananidzo
chidziva cherubhabhatidzo muTemberi yeOgden Utah

Chidziva cherubhabhatidzo muTemberi yeOgden Utah chakagadzikwa pamisana yemombe nzombe gumi nembiri.

Dhinda