Dzidziso neZvibvumirano 2021
Mbudzi 8–14 Dzidziso neZvibvumirano 129–132: “Apo Patinowana Maropafadzo Api Zvawo kubva kuna Mwari, Kuburikidza neKuteerera”


“Mbudzi 8–14. Dzidziso neZvibvumirano 129–132: ‘Apo Patinowana Maropafadzo Api Zvawo kubva kuna Mwari, Kuburikidza neKuteerera’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (2020)

“Mbudzi 8–14. Dzidziso neZvibvumirano 129–132,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2021

Mufananidzo
Joseph Smith Achidzidzisa muNauvoo

Joseph Smith in Nauvoo,1840 (Joseph Smith muNauvoo), naTheodore Gorka

Mbudzi 8–14

Dzidziso neZvibvumirano 129–132

“Apo patinowana Maropafadzo Api Zvawo kubva kuna Mwari, Kuburikidza neKuteerera”

Zvikamu 129–32 zvinodzidzisa misimboti mizhinji yakakosha, mishoma chete yayo ndiyo inova yakataurwa muchirongwa chino. Ndezvipi zvimwe zvokwadi zvaunowana?

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Brigham Young akambotaura nezva Joseph Smith achiti, “Aikwanisa kutsanangura zvinhu zvekudenga kuitira kuti vanhu venyama vakwanise kuzvinzwisisa” (muna Teachings of Presidents of the Church: Joseph Smith, 499–500). Izvi zvinoratidzika kunyanya kuva chokwadi padzidziso dzeMuporofita muNauvoo muma 1840s, dzimwe dzacho dzakanyorwa muDzidziso neZvibvumirano 129–32. Muponesi akaita sei? “Munhu akaita sezvatakaita isu.” Kudenga kwaita sei? “Magariro mamwechetewo aripo pakati pedu pano anozovepo pakati pedu ikoko” (Dzidziso neZvibvumirano 130:1–2), uye hukama hwedu hwemhuri hwatinokoshesa zvikurusa munyika ino, kana hwakasunganidzwa nemvumo yakakodzera, “huchave nesimba rizere” munyika inotevera (Dzidziso neZvibvumirano 132:19). Zvokwadi zvakadai zvinokwanisa kuita kuti kudenga kuratidzike sekusiri kure zvakanyanya—kunoshamisa, asi kuri kunosvikika.

Asi zvino, dzimwe nguva Mwari vangatikumbira kuti tiite zvinhu zvinokenzera kusagadzikana zvachose zvekuti zvinoratidzika sezvingakwanisike. Kune vazhinji veVatendi vekutanga, barika rakanga riri mumwe murairo wakadaro. Murairo wekuchata nemamwe madzimai akawanda waive muyedzo wakakomba zvikuru werutendo kuna Joseph Smith, mudzimai wake Emma, uye kumunhu wese akawugamuchira. Kuti vakunde pamuyedzo uyu, vaida zvinodarika kungova nemanzwiro akanaka pamusoro pevhangeri rakadzorerwa; vaida rutendo muna Mwari rwakanga rwakasimbisisa kupfuura zvipi zvazvo zvido kana rusaruro rwavo pachavo. Murairo uyu hausisipo nhasi, asi muenzaniso wakatendeka weavo vakaurarama uchiripo. Uye muenzaniso iwoyo unotikurudzira apo patinenge takumbirwa kuti “tizvipire mukuteerera” isu pachedu (Dzidziso neZvibvumirano 132:50).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Dzidziso neZvibvumirano 130–31

Joseph Smith akazarura chokwadi nezve Musoro weHumwari uye “nenyika ichauya.”

Ungangocherechedza kuti zvikamu 130–31 zvakanyorwa zvakati siyanei pane zvimwe zvikamu muDzidziso neZvibvumirano. Izvi zvakadaro nekuti zvikamu 130–31 zvakamisirwa pazvinyorwa izvo William Clayton, mumwe wevanyori vaJoseph Smith, zvaakachengeta zvezvinhu zvaakanzwa Muporofita achidzidzisa. Nekuda kwaizvozvo, zvikamu izvi zvakanyanya kuita sezviunganidzwa zvezvokwadi pane kuva zvakazarurwa zvaitaurwa zvakatevedzana. Kunyangwe zvakadaro, pane dzimwe pfungwa dzakafanana pakati pezvokwadi izvi. Semuenzaniso, unogona kuverenga zvikamu 130–131 uine mibvunzo yakaita seiyi mupfungwa: Chii chandinodzidza pamusoro paMwari? Chii chandinodzidza pamusoro peupenyu mushure mekufa? Ruzivo urwu rwunoshandura sei upenyu hwangu?

­

Dzidziso neZvibvumirano 131:1–4; 132: 7, 13–25

Baba Vekudenga vakaita kuti zvikwanisike kuti mhuri dzive dzekusingaperi.

Chimwe chezvokwadi zvinonyanya kunyaradza zvakadzorerwa kuburikidza neMuporofita Joseph Smith ndechekuti muchato nehukama hwemhuri zvinokwanisa kuvapo nekusingaperi. Kuburikidza naJoseph Smith, Ishe vakadzorera zvisungo nemvumo zvinodikanwa kuita kuti hukama uhwu huve hwekusingaperi (ona Dzidziso neZvibvumirano 132:7, 18–19). Funga pamusoro pehukama hwemhuri hwaunahwo kana hwaunotarisira kuva nahwo mune ramangwana apo paunoverenga Dzidziso neZvibvumirano 131: 1–4; 132:7, 13–15. Ndima idzi dzinoshandura sei mafungiro aunoita pamusoro pehukama uhwu?

Dzimwe nguva, zvisinei, musimboti wemhuri dzekusingaperi haunyanyi kunyaradza—unokwanisa kuunza kusagadzikana, kunyangwe rusuwo, apo mamiriro ezvinhu emhuri edu parizvino paanenge asingazadzikisi kodzero yeseresitiyaro. Apo Mutungamiri Henry B. Eyring pavakanetsekana nemamiriro ezvinhu akadaro mumhuri yavo pachavo, vakagamuchira rairo ineungwaru kubva kunhengo yeChikwata cheVaapositora vane Gumi neVaviri yekuti: “Iwe unongorarama zvakakodzera humambo hweseresitiyaro, uye mamiriro ezvinhu emhuri anozova akanaka zvikurusa zvausingafungidzire ” (“A Home Where the Spirit of the Lord Dwells,” Ensign kana Liahona, Chivabvu 2019, 25). Kutevera rairo iyi kungakuropafadza sei mumamiriro ezvinhu emumhuri yako parizvino?

­

Mufananidzo
murume nemukadzi kunze kweTemberi yeAccra Ghana

Hukama hwemhuri hunokwanisa kuitwa hwekusingaperi kuburikidza nezvisungo zvemutemberi.

Dzidziso neZvibvumirano 132:1–2, 29–40

Barika rinobvumirwa kuna Mwari chete kana vari Ivo variraira.

Chero munhu upi zvake akaverenga Testamente Yekare angangova akanetseka pamusoro paAbrahama, Isaka, Jakobo, Mosesi nevamwe vachiroora madzimai akawanda. Varume vakanaka ava vakanga vachiita choupombwe here? Kana kuti Mwari vakabvumidza here zviito zvavo? Tsvaga mhinduro muDzidziso neZvibvumirano 132: 1–2, 29–40.

Muchato pakati pemurume mumwechete nemukadzi mumwechete ndiwo mwero waMwari wemuchato (ona musoro wenyaya wechikamu kuChirevo Chechi 1; onawo Jakobho 2:27, 30). Zvisinei, pakambova nenguva munhoroondo apo Mwari paVakaraira vana Vavo kuti vaite barika.

Makore ekutanga eChechi yakadzorerwa aive imwe yenguva idzodzo dzakadaro. Mushure mekugamuchira murairo uyu, Joseph Smith nevamwe Vatendi Vamazuva Ekupedzisira vakaita barika. Kana uchida kudzidza zvakawanda pamusoro pebarika pakati peVatendi vaMazuva Ekupedzisira vekutanga ona “Voices of the Restoration” kwekupedzisira kwechirongwa chino.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Dziziso neZvibvumirano 130:2:18-19; 132:13, 19Ungashandise sei ndima idzi kubatsira mhuri yako kukoshesa zvinhu zvinogara nekusingaperi? Zvimwe munokwanisa kurongedza sutukesi kana bhegi muri pamwechete muchiisa zvinhu zvinomiririra izvo, maererano neDzidziso neZvibvumirano 130:2, 18–19; 132:13, zvatinokwanisa kutora kuenda nazvo muupenyu hunotevera, zvakaita semifananidzo yemhuri kana magwaro matsvene. Chii chatinodzidziswa neDzidziso neZvibvumirano 132:13 pamusoro pezvinhu zvenyika? Izvi zvinokwanisa kutungamirira kuhurukuro pamusoro pekunangisa pfungwa pazvinhu zvine kukosha kwekusingaperi.

Dzidziso neZvibvumirano 130:20–21Munokwanisa kuimba rumbo pamusoro pekutenda, rwakaita “saVerenga Zvikomborero Zvako” (Nziyo neDzevana Vadiki, 14), uye moita mudorongodzwa wemaropafadzo akagamuchirwa nemhuri yenyu nekuda kwekuteerera mitemo yaMwari. Maropafadzo api atinotarisira kugamuchira? Tinokwanisa kugamuchira maropafadzo iwayo sei?

Dzidziso neZvibvumirano 131:1–4; 132:15–19­ Ishe vanonzwa sei pamusoro pemuchato? Tinogadzidzirira sei—kunyangwe takachata kana tisina—kuva nemuchato wekusingaperi?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

­

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Tsvaga zvokwadi zvevhangeri. Dzimwe nguva zvokwadi zvevhangeri zvinotaurwa pachena, uye pane dzimwe nguva zvinorehwa kuburikidza nemuenzaniso kana nenyaya. Apo paunoverenga, zvibvunze kuti, “Ndezvipi zvokwadi zvekusingaperi zvinodzidziswa mundima idzi?”

Mufananidzo
mupanda wekusunganidzwa muTemberi yeParis France

Mupanda wekusunganidzwa muTemberi yeParis France.

Dhinda