“Mbudzi 15–21. Dzidziso neZvibvumirano 133–134: ‘Gadzirirai Imi Kuuya kweChikomba,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (2020)
“Mbudzi 15–21. Dzidziso neZvibvumirano 133–134,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2021
Mbudzi 15–21
Dzidziso neZvibvumirano 133–134
“Gadzirirai Imi Kuuya kweChikomba”
Mutungamiri Henry B. Eyring vakadzidzisa kuti “Kudzorerwa kwevhangeri kwakatanga nemubvunzo wekuzvininipisa wakafungisiswa nezvawo muimba maiva nekuzvininipisa, uye unokwanisa kuenderera mberi muneimwe neimwe yedzimba dzedu” (“A Home Where the Spirit of the Lord Dwells,” Ensign kana Liahona, Chivabvu 2019, 25).
Nyora Pasi Manzwiro Ako
Apo Chechi payakanga yava nemwedzi gumi nepfumbamwe yarongwa, Muporofita Joseph Smith navamwe vatungamiri veChechi vakamisa zvirongwa zvaiva netariro huru zvokuunganidza zvakazarurwa zvaMwari zvemazuva ekupedzisira kuzviita bhuku rimwechete uye kudhinda mabhuku zvuru gumi—kupeta kaviri huwandu hwemabhuku akadhindwa pokutanga eBhuku raMormoni. Zvinosuwisa ndezvekuti mitengo yakakwira yekuridhindisa yakadzivirira kubudirira kwezvirongwa izvi, uye mhomho yakapwanya chidhindo cheChechi pachakanga chiri pakati pekudhinda. Vakarasira kwese kwese mapeji akanga asati anamatidzwa pamwechete kuita mabhuku, uye kunyangwe Vatendi vaiva neushingi vakachengetedza mamwe emapeji acho, hapana kana makopi akazara eBhuku reMirairo akakwanisa kuchengetedzwa.
Icho chatinoziva sechikamu 133 cheDzidziso neZvibvumirano chaifanira kuva chiwedzerwa kuBhuku reMirairo, semhedziso kumagumo kwezvakazarurwa zvakashambadzwa zvaIshe. Chinoyambira nezve zuva ririkuuya rekutongwa uye chinodzokorora chikumbiro chinowanikwa nemuzvakazarurwa zvemazuva ano: daidzo yekutiza zvenyika, sekuratidzwa kwazvakaitwa neBabironi; daidzo yekuvaka Zioni; kugadzirira Kuuya kweChipiri; uye kuparadzira shoko rino “kune rudzi rwose, nendudzi dzose, nendimi dzose, nevanhu vose” (ndima 37). Kunyangwe zvirongwa zvokutanga zveBhuku reMirairo zvisina kuzadzikiswa, chakazarurwa ichi chiyeuchidzo uye chapupu chokuti basa raIshe harikwanisi kudzivirirwa, “nokuti vachafugura ruoko rwavo rwutsvene … , uye nekumiganhu yose yepasi vachaona ruponeso rwaMwari wavo.” (ndima 3).
Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega
Zvokwadi zviri muDzidziso neZvibvumirano zvinokwanisa kundigadzirira kuita basa raMwari.
Mabhuku dzimwe nguva anoguma nemhedzisiro inotaurazve kana inopfupisa pfungwa dzinokosha dzebhuku racho. Chikamu 133 pokutanga chaifanira kuva mhedziso yeBhuku reMirairo, uye zvingangova zvakakosha kuverenga chikamu ichi neizvi mupfungwa. Ndedzipi pfungwa dzinosimbiswa naIshe pamusoro pebasa Ravo? Chii chaunodzidziswa mundima 57–62 pamusoro pechinhano icho Ishe chavanoda kuti utore mubasa Ravo?
Dzidziso neZvibvumirano 133:1–19
Ishe vanoda kuti ndigadzirire Kuuya kweChipiri Kwavo.
Zvose chikamu 1, chisumo chaIshe kuDzidziso neZvibvumirano, uye chikamu 133, chiwedzerwa chokutanga kubhuku iri, zvinotanga nekumbiro imwecheteyo kubva kuna Ishe “Teererai, imi vanhu vechechi yangu” (Dzidziso neZvibvumirano 1:1; 133:1). Zvinorevei kuteerera? (ona Nhungamiri kuMagwaro Matsvene, “Kuteerera,” scriptures.ChurchofJesusChrist.org). Ndekupi kukoka kana kuraira uko Ishe kwavanoda kuti uteerere kwakuri muDzidziso neZvibvumirano 133:1-19? Chii chaunokurudzirwa kuita kuti ugadzirire zvirinani kuuya Kwavo? Unozobatsira sei avo vakakukomberedza kuti vagadzirire?
Onawo Mateo 25:1–13
Dzidziso neZvibvumirano 133:19–56
Kuuya kweChipiri kunozova chinhu chinofadza kune vakarurama.
Apo paunoverenga muna Dzidziso neZvibvumirano 133:19–32 pamusoro pezviitiko zvinozoperekedza Kuuya kweChipiri kweMuponesi, ungangofungisisa kuti tsananguro dzezviitiko izvi dzinotaurei kwauri pamusoro peMuponesi nebasa Rake. Ndezvipi zvemweya zvingashandiswa zvaunokwanisa kuwana mutsananguro idzi.
Apo paunoverenga tsananguro dzekudzoka kweMuponesi mundima 32–56, chii chinokukonzera kuti utarisire kuzuva guru iroro? Ndeapi mashoko kana ndevo dzinotsanangura rudo rwaIshe kuvanhu Vavo? Funga kunyora pasi zviitiko zvako pachako “nerudo rwemwoyo munyoro rwaIshe [vako], nezvose izvo zvavakaisa [pauri] maererano norunako rwavo” (ndima 52).
“Hurumende dzakamiswa naMwari kuitira rupundutso rwevanhu.”
Hukama hweVatendi vokutanga nehurumende hwakanga hwakaoma. Apo Vatendi pavakamanikidzwa kubuda muJackson County, Missouri, muna 1833, hapana tsigiro kana muripo wavakatambira kubva kuhurumende yemunharaunda kana yemunyika zvisinei nekukumbira kwavo rubatsiro. Panguva imwecheteyo, vamwe vanhu kunze kweChechi vakadudzira dzidziso pamusoro peZioni kureva kuti Vatendi vairamba hutungamiri hwehurumende dzepasi. Dzidziso neZvibvumirano 134 rakanyorwa, muchikamu, kujekesa chinzvimbo cheChechi pahurumende.
Nhengo dzeChechi dzinofanira kunzwa sei pamusoro pehurumende? Apo paunonzvera chikamu 134, funga kuita midorongodzwa miviri: mudorongodzwa mumwechete wemisimboti yaunodzidza pamusoro pehurumende uye mumwe wemabasa evagari vemunyika. Mazano aya angadai akava anobatsira Vatendi vokutanga sei? Anoshanda sei kwaunogara?
Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru
-
Dzidziso neZvibvumirano 133:4–14.Musiyano weZioni panezvemweya iBabironi—guta rechinyakare iro nemumagwaro matsvene ese rinomiririra uyipi neutapwa hwepamweya (ona D. Todd Christofferson, “Come to Zion,” Ensign kana Liahona, Mbudzi 2008, 37; Nhungamiro kuMwagwaro Matsvene, “Baberi, Babironi,” scriptures.ChurchofJesusChrist.org). Pane chinhu chamunofanira kuita here semhuri kuti, pamweya mugoita sezvinorairwa kuti, “endai … mubude kubva muBabironi” (ndima 5) uye “endai … mberi … kuZioni”? (ndima 9).
-
Dzidziso neZvibvumirano 133:20–33.Pamunoverenga ndima idzi pamwechete, mhuri yenyu inokwanisa kudhirowa mifananidzo yeizvo zvavanofunga kuti Kuuya kweChipiri kunenge kwakaita. Kurukurai izvo zvinokwanisa kuitwa nemhuri yenyu kugadzirira Kuuya kweMuponesi.
-
Dzidziso neZvibvumirano 133:37–39.Mhuri yenyu ingafarira here kuverenga ndima idzi “nenzwi guru”? (ndima 38). Zvinorevei kugovera vhangeri neinzwi guru? Ndezvipi zvokwadi zvatinokwanisa kugovera?
-
Dzidziso neZvibvumirano 134:1–2.Kuti ubatsire mhuri yako kunzwisisa kukosha kwehurumende, munokwanisa kukurukura mibvunzo yakaita seiyi: Mhuri yenyu inoropafadzwa sei kuburikidza nokuva nemitemo? Nyika yenyu inoropafadzwa sei kuburikidza nokuva nemirau? Munokwanisawo kugadzira kana kukara mufananidzo wemureza wenyika yenyu kana kudzidza nemusoro chirevo cherutendo chegumi nechimwe uye chegumi nezviviri.
Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.
Rumbo rwakapiwa: “Huyai, Imi Vana vaIshe,” Nziyo neDzevana Vadiki, no. 58.