Dzidziso neZvibvumirano 2021
Mbudzi 22–28. Dzidziso neZvibvumirano 135–136: “Akasimbisa Basa Rake uye Mishando Yake neRopa Rake Pachake’”


Mbudzi 22-28 Dzidziso neZvibvumirano 135–136: “Akasimbisa Basa Rake uye Mishando Yake neRopa Rake Pachake,”’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (2020)

Mbudzi 22-28 Dzidziso neZvibvumirano 135–136,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2021

Mufananidzo
kunze kweJeri reCarthage

Jeri reCarthage

Mbudzi 22–28

Dzidziso neZvibvumirano 135136

“Akasimbisa Basa Rake uye Mishando Yake neRopa Rake Pachake”

Apo paunonzvera Dzidziso neZvibvumirano 135-36, Ishe vangangokufemera nenzwisiso yekukubatsira kuti ushandise izvo zvaunoverenga. Apo izvozvo pazvinoitika, nyora pasi izvo zvaVanokudzidzisa.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Masikati emusi waChikumi 27, 1844, Joseph naHyrum Smith vakaiswa mujere zvakare, pamwechete naJohn Taylor naWillard Richards. Vaitenda kuti vaive vasina kupara mhosva ipi zvayo, asi vakabvuma kusungwa, vaine tarisiro yekudzivirira chisimba chaizoshandiswa kuVatendi muNauvoo. Aka kakanga kasiri kekutanga kuti vavengi veChechi vaise Muporofita Joseph mutirongo, asi panguva ino airatidzika kuziva kuti haaizodzoka ari mupenyu. Iye neshamwari dzake vakaedza kunyaradzana kuburikidza nekuverenga kubva muBhuku raMormoni uye nekuimba nziyo. Zvino kurira kwepfuti kwakanzwika, uye mukati memaminitsi mashomanana Joseph Smith nemuninina wake Hyrum vakanga vaurayiwa.

Asi zvakadaro kwakanga kusiri kuguma kwebasa rehumwari ravakanga vatambira nechido. Uye kwakanga kusiri kuguma kweKudzorerwa kwevhangeri raJesu Kristu. Pakanga paine rimwe basa rakawanda rekuita uye zvimwe zvakazarurwa zvakawanda zvaizotungamira Chechi kumberi. Kuuraya Muporofita hakuna kukwanisa kuuraya basa raMwari.

­

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Dzidziso neZvibvumirano 135; 136:37–39

Joseph naHyrum Smith vakasimbisa zvapupu zvavo neropa ravo.

Fungidzira kuti ungadai wakanzwa sei dai wakanga uchigara muNauvoo apo pakafa Joseph naHyrum Smith. , Ungadai wakaedza sei kunzwisisa chikonzero chechiitiko ichi chakaipa zvikurusa?­ Dzidziso neZvibvumirano 135, yakashambadzwa kekutanga mwedzi mitatu isati yapfuura mushure mekuurairwa chitendero, ingangova yakabatsira (kunzwisisa chiitiko chakaipa zvikurusa ichi). Ungakwanisa kumaka manzwi nendevo zvingadai zvakakuunzira nzwisiso nevimbiso. Chii chaungataure kune mumwe munhu anobvunza kuti, “Ko sei Mwari vakabvumira kuti muporofita Wavo aurayiwe?”

Onawo Dzidziso neZvibvumirano 5:21–22; 6:29–30

Dzidziso neZvibvumirano 135:3

Joseph Smith akaita zvakawanda zveruponeso rwedu kupfuura munhu upi zvake kunze kwaJesu Kristu.

Funga pamusoro pemaropafadzo awakagamuchira senhengo yeChechi yaJesu Kristu. Mangani awo akauya nokuda kwebasa rakazadzikiswa neMuporofita Joseph Smith?­ Dzidziso neZvibvumirano 135: 3 inodoma zvimwe zvezvinhu zvikuru zvakazadzikiswa naJoseph Smith mumakore makumi maviri nemana akatevera Chiratidzo Chekutanga. Zvinhu izvi zvakashandura sei iwe nehukama hwako naBaba Vekudenga naJesu Kristu? Funga pamusoro pekunyora pasi uchapupu hwako hweMuporofita Joseph Smith. Ndiani angada kunzwa uchapupu hwako?

Dzidziso neZvibvumirano 136

Ishe vanondipa rairo “yenzendo” dzangu muupenyu.

Mushure mekudzingwa kubva kuNauvoo, Vatendi vakatarisana nerwendo rurefu rwekuenda kuSalt Lake Valley, uye mamaira mazana mashoma ekutanga ainonoka uye aishungurudza. Brigham Young, uyo zvino akanga otungamirira Chechi seMutungamiri weChikwata cheVaapositora vane Gumi neVaviri, ainetsekana kuti vatendi vaizopona sei parwendo rwese. Akamisa nzvimbo yekusanogara kwenguva pfupi yainzi Winter Quarters uye akateterera kuna Mwari kuwana nhungamiro. Mukupindura, Ishe vakamupa zvakazarurwa, izvo zvava kuzivikanwa iyezvino sechikamu 136. Pakati pezvimwe zvinhu, zvakazarurwa izvi zvakayeuchidza Vatendi “kuti hunhu hwavo parwendo hwakanga hwakakosha sekwavaienda” uye “hwaibatsira kushandura kutamira kwavo kumadokero kubva kumamiriro akanga asisina kunaka kuenda kuchiitiko chavaizowana vose chakakosha chezvemweya.” “,” ,

Yeuka mamiriro ezvinhu aya mupfungwa dzako apo paunonzvera chikamu 136. Irairo ipi yaunowana ingabatsira kushandura muedzo wakaoma muupenyu hwako “kuuita chiitiko chakakosha … chezvemweya”? Ungangofungisisawo kuti rairo yacho inokwanisa kukubatsira sei kuzadzikisa kuda kwaIshe muupenyu hwako pachako, sekubatsira kwayakaita Vatendi vekutanga kufamba rwendo rwakaoma rwekuMadokero.

­,

Mufananidzo
Winter Quarters

Winter Quarters, naGreg Olsen

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Dzidziso neZvibvumirano 135:1, 3­ Chii chinotifadza pamusoro pendima idzi? Tingaite sei kuti tive takanyanya kutendeka kuuchapupu hwedu, kunyangwe kana dai tisingakumbirwe kupira upenyu hwedu nekuda kwahwo?

Dzidziso neZvibvumirano 135:3.Kukurukura zvinorehwa neshoko rinotaura kuti Joseph Smith akaita “zvizhinji, kunze kwaJesu chete, kuitira ruponeso rwevanhu munyika ino, kupfuuura mumwe munhu upi zvake,” funga kuwongorora izvo zvakadzidzwa nemhuri yako pamusoro paJoseph Smith gore rino. Unokwanisa kushandisa mifananidzo kubva mubhuku rino kuvabatsira kuyeuka izvo zvavakadzidza uye wovakoka kuti vagovere nyaya kana dzidziso dzavanonyanya kufarira. Sei tichitenda neMuporofita Joseph Smith uye neizvo zvakazadzikiswa naIshe kuburikidza naye? ­

Dzidziso neZvibvumirano 136.Apo Ishe pavakazarura chikamu 136, Vatendi vaive nerwendo rurefu, uye rwakaoma pamberi pavo, vachitungamirwa naBrigham Young. , , , . Apo pamunoverenga chikamu 136 pamwechete (semhuri) fungai pamusoro pezvinhu zvakaoma izvo zvingangosanganikwa nazvo nemhuri yenyu. Irairo ipi yatinowana muzvakazarurwa izvi inokwanisa kutibatsira kuwana rubatsiro nesimba zvaIshe?

Dzidziso neZvibvumirano 136:4.Zvinorevei “kufamba muzvisungo zvose zvaIshe”? Zvisungo zvatakagamuchira zvinoshandura sei upenyu hwedu hwezuva nezuva?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapiwa: “Mbiri kuMunhu,” Hwaro hweVhangeri, peji. 324.

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Wana Rudo rwaMwari Mutungamiri M. Russell Ballard vakadzidzisa kuti, “Vhangeri ivhangeri rerudo—rudo kuna Mwari uye rudo kune mumwe nemumwe wedu” (“God’s Love for His Children,” Ensign, Chivabvu 1988, 59). Apo paunoverenga magwaro matsvene, funga kunyora kana kumaka (ndima dzinoratidza) umboo hwerudo rwaMwari.

Mufananidzo
mhomho muJere reCarthage ichirwisa Joseph Smith nevamwe

Greater Love Hath No Man (Hakuna Munhu Ane Rudo Rukuru Kune Urwu), naCasey Childs

Dhinda