Dzidziso neZvibvumirano 2021
Mbudzi 29–Zvita 5. Dzidziso neZvibvumirano 137-–138: “Chiratidzo cheRununuro rweVakafa”


“Mbudzi 29–Zvita 5. Dzidziso neZvibvumirano 137-–138: ‘Chiratidzo cheRununuro rweVakafa,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (2020)

“Mbudzi 29–Zvita 5. Dzidziso neZvibvumirano 137–138,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2021

Mufananidzo
vanhu vari munyika yemweya

Joseph anoona baba naamai vake, nemukoma wake muumambo hweseresitiyaro (Joseph Smith’s Vision of the Celestial Kingdom, Robert Barrett).

Mbudzi 29–Zvita 5

Dzidziso neZvibvumirano 137–138

“Chiratidzo cheRununuro rweVakafa”

Mutungamiri M. Russell Ballard vakadzidzisa kuti: “Ndinokukokai kuti munyatsoverenga zvakazara uye nekufunga [Dzidziso neZvibvumirano 138]. Apo pamunoita izvi, Ishe ngavakuropafadzei kuti munzwisise zvakanyanya kuzara uye kuti munyanye kukoshesa rudo rwaMwari nechirongwa Chavo cheruponeso nerufaro kuvana Vavo” (“The Vision of the Redemption of the Dead,” Ensign or Liahona, Mbudzi 2018, 73).

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Zvakazarurwa zvakanyorwa muDzidziso neZvibvumirano 137 uye 138 zvakagamuchirwa panguva dzakasiyana nemakore anopfuura 80 uye zvakagamuchirirwa munzvimbo dzaiva kure nekure nemakiromita anopfuura 2400. Chikamu 137 chakagamuchirwa neMuporofita Joseph Smith muna 1836 muTemberi yeKirtland, uye chikamu 138 chakagamuchirwa naJoseph F. Smith, Mutungamiri weChechi wechitanhatu, muna 1918 muSalt Lake City. Asi maererano nedzidziso, zviratidzo zviviri izvi zvinoenderana uye zviri pamwechete. Zvese zvinopindura mibvunzo pamusoro peramangwana revana vaMwari muupenyu hunotevera. Uye zvese zvine udzami hwakawedzerwa hwezvazvinoreva apo patinofunga nezvezviitiko zveupenyu hwevaporofita vakazvigamuchira.

Chiratidzo chaJoseph Smith chakamubatsira kuti anzwisise ramangwana rekusingaperi remukoma wake anodiwa Alvin, akanga afa makore matanhatu mvumo yekubhabhatidza isati yadzorerwa. Mibvunzo nezveruponeso rwekusingaperi rwaAlvin yakaramba iri mupfungwa dzaJoseph kubva parufu rwaAlvin. Chiratidzo chaJoseph F. Smith chakaratidza zvokwadi zvinoshamisa pamusoro penyika yemweya—zvirokwazvo chaiva chakazarurwa chinonyaradza kune uyo akange achema kufa kwenhengo dzepadyo zhinji dzemhuri. Joseph F. Smith akafirwa nababa vake, Hyrum Smith, aine makore ekuzvarwa mashanu uye amai vake, Mary Fielding Smith, avo vakafa aine makore gumi nematatu ekuzvarwa. Paakazotambira chiratidzo chake muna 1918, akanga achema kufa kwevana gumi nevatatu.

Mibvunzo mizhinji iyo vanhu yavainayo pamusoro peupenyu mushure mekufa inopindurwa muzvakazarurwa izvi. Chikamu 137 chinopa imwe nzwisiso pamusoro pemibvunzo yakadaro, uye chikamu 138 chinopa nzwisiso yakakura zvakawedzerwa. Pamwechete, zvinopupura nezve “rudo rukuru uye runoshamisa rwakaratidzwa naBaba neMwanakomana” (Dzidziso neZvibvumirano 138:3).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Dzidziso neZvibvumirano 137

Mweya wese uchave nemukana wekusarudza umambo hweseresitiyaro.

Kunzwisisika kwaizivikanwa pakati pevaKristu muna 1836 kwaive kwekuti kana munhu akafa asina kubhabhatidzwa—sezvakanga zvakaita mukoma waJoseph Smith Alvin—munhu iyeye aisazokwanisa kuenda kudenga. Asi Joseph akaona Alvin muchiratidzo cheumambo hweseresitiyaro. Apo paunoverenga chikamu 137, fungisisa zvaunodzidza nezvaBaba Vekudenga, chirongwa Chavo cheruponeso, uye umambo hweseresitiyaro.

Onawo Saints, 1:232–35.

Dzidziso neZvibvumirano 138:1–11, 25–35

Kuverenga uye kufungisisa magwaro zvinondigadzirira kuti ndigamuchire zvakazarurwa.

Dzimwe nguva zvakazarura zvinouya kunyangwe isu tisingazvitsvage. Asi kazhinjisa, zvinouya nekuti isu tinoshingairira kuzvitsvaga uye nekuzvigadzirira. Apo paunoverenga Dzidziso neZvibvumirano 138: 1–11, 25–30, ona izvo Mutungamiri Joseph F. Smith zvavaiita apo “maziso enzwisiso [yavo] paakavhurwa” kuti vanzwisise zvirinani basa rerununuro reMuponesi. Zvino funga kuti ungatevera sei muenzaniso waMutungamiri Smith. Semuenzaniso, ndedzipi shanduro dzaungaita kumanzverero aunoita magwaro matsvene kuitira kuti kubvumire “kufungisisa pamusoro pamagwaro matsvene” kwakawedzerwa uye “kufungisisa nezve kuzvipira kwerudzikinuro kukuru [kweMuponesi]” kwakawedzerwa? (ndima 1–2)

­ Funga pamusoro pekuti wakagadzirira sei kuzviitiko zvauri kusangana nazvo kana zvauchasangana nazvo mune ramangwana.

­

Mufananidzo
Mufananidzo waJoseph F. Smith

Joseph F Smith, naAlbert E. Salzbrenner

Dzidziso neZvibvumirano 138:25–60

Basa reruponeso riri kuitika kumativi ese echidzitiro.

Mutungamiri Russell M. Nelson vakadzidzisa kuti, “Shoko redu kunyika rakareruka uye ndere mwoyo wose: tinokoka vana vese vari kumativi ese echidzitiro kuti vauye kuMuponesi wavo, vagamuchire maropafadzo etemberi tsvene, vave nemufaro usingaperi, uye vagokodzera upenyu hwokusingaperi ” (“Let Us All Press On,” Ensign kana Liahona, Chivabvu 2018, 118–19). Fungisisa chirevo ichi apo paunoverenga Dzidziso neZvibvumirano 138:25–60. Unokwanisawo kufunga pamusoro pemibvunzo iyi:

  • Chii chaunodzidza kubva pandima idzi pamusoro pekuti basa reruponeso riri kuzadzikiswa sei munyika yemweya? Sei zvakakosha kwauri kuti uzive kuti basa iri riri kutora nzvimbo? Ndima idzi dzinosimbisa sei rutendo rwako muRudzikinuro rweMuponesi?

  • Ndima idzi dzinodzidzisei pamusoro peavo vari kutora chinhano pabasa reruponeso munyika yemweya? Sei zvakakosha kuti unzwisise kuti basa reruponeso riri kuitwa kumativi ese echidzitiro?

­

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Dzidziso neZvibvumirano 137:1–5Koka mhuri yako kuti idhirowe mufananidzo weizvo zvavanofunga kuti humambo hweseresitiyaro hungaratidzika sei maererano nendima idzi. Chii chaunowana mundima idzi chinokubatsira kutarisira kunogara ikoko? Chii chatiri kuita iyezvino kugadzirira kunorarama muhumambo hweseresitiyaro naBaba Vekudenga naJesu Kristu?

Dzidziso neZvibvumirano 137:5–10­ Zvimwe mungataure pamusoro pemumwe munhu wamunoziva akafa asina mukana wekubhabhatidzwa. Chii chatinodzidziswa neDzidziso neZvibvumirano 137: 5–10 pamusoro pemunhu iyeyo?

Dzidziso neZvibvumirano 138:12-24Chii chinodzidziswa neDzidziso neZvibvumirano 138: 12–24 pamusoro pevanhu vakashanyirwa neMuponesi munyika yemweya? Maropafadzo api avakagamuchira? Tinodzidzei pamusoro pemuenzaniso wavo?

Dzidziso neZvibvumirano 138:38–55.Ndima idzi dzinotsanangura avo vakaonekwa naMutungamiri Joseph F. Smith munyika yemweya uye ruzivo rushoma pamusoro pavo. Zvimwe mhuri yako inokwanisa kuita mudorongodzwa wemadziteteguru enyu vari munyika yemweya, pamwepo neruzivo rwezveupenyu hwavo.

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Kunatsurudza Kudzidzisa Kwedu

Kufungisisa pamusoro pamagwaro matsvene. Mutungamiri David O. McKay vakadaidza kufungisisa kwakadzama “semumwe wemisuwo inoyeresa iyo yatinopinda nemairi kuenda pamberi paIshe” (Teachings of Presidents of the Church: David O. McKay [2003], 32).

Mufananidzo
Jesu Kristu munyika yemweya

The Commissioned, (Vakatumwa), naHarold I. Hopkinson. Jesu Kristu akatuma mweya yakarurama kuti iparidze vhangeri munyika yemweya

Dhinda