Dzidziso neZvibvumirano 2021
Zvita 13–19. Mhuri: Chiziviso kuNyika,” “Mhuri Yakakosha Zvikurusa kuChirongwa cheMusiki”


“Zvita 13–19. Mhuri: Chiziviso kuNyika: ‘Mhuri Yakakosha Zvikurusa kuChirongwa cheMusiki,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (2020)

“Zvita 13–19. Mhuri: Mharidzo kuNyika,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2021

Mufananidzo
Mhuri

Zvita 13–19.

Mhuri: Chiziviso kuNyika

“Mhuri Yakakosha Zvikurusa kuChirongwa cheMusiki”.

Mutungamiri Dallin H. Oaks vakati: “Ndinotenda kuti mafungiro edu pamusoro pechiziviso chemhuri uye mashandisiro atinochiita [chiedzo] kuchizvarwa chino. Ndinonamatira Vatendi vaMazuva Ekupedzisira vose kuti vamire zvakasimba mukuedzwa ikoko” (“The Plan and the Proclamation,” Ensign kana Liahona, Mbudzi. 2017 31). Fungisisa mashoko aya apo paunonzvera chiziviso chemhuri vhiki ino.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Kunyangwe tisati tazvarwa, taiva chikamu chemhuri—mhuri yeVabereki vedu Vokudenga. Apo pakauya nguva yekubva pamberi Pavo, zvinofanira kunge zvaipa runyaradzo kuziva kuti pasi, mhuri dzaizovawo chikamu chechirongwa chaMwari. Mutoo wemhuri wepasi wakaitirwa kuti utevere mutoo wakarurama uri kudenga.

Hapana vimbiso yekuti mhuri dzepasi dzinozova dzakarurama kana kunyangwe kuti dzinozova dzinoshanda zvakanaka. Asi Mutungamiri Henry B. Eyring vakadzidzisa kuti, mhuri “dzinopa vana vaMwari mukana wakanakisisa wekugamuchirwa panyika nerudo rumwechete ruri pasi urwo rwunoswedera kune rwatakanzwa kudenga—rudo rwevabereki” (“Gathering the Family of God,” Ensign kana Liahona, Chivabvu 2017, 20). Vachiziva kuti mhuri hadzina kururama uye kuti dzinozosangana nekurwisa kunobva kumuvengi, Mwari vakatuma Mwanakomana Wavo Wavanoda kuzotinunura uye kuzoporesa mhuri dzedu. Uye Vakatuma vaporofita vamazuva ekupedzisira nechiziviso chokudzivirira nokusimbisa mhuri. Kana tikatevera vaporofita uye tikaisa rutendo muMuponesi, kunyangwe zvazvo mhuri dzenyama inofa dzisina ururami hweumwari, kune tariro yemhuri—pasi uye nekudenga.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Mhuri yakakosha zvikurusa kuchirongwa cheMusiki.

Mhuri: Chiziviso kuNyika” zviri pachena kuti chiri pamusoro pemhuri. Asi chiriwo pamusoro pechirongwa cheruponeso chaMwari. Imwe nzira yokunzvera chiziviso ichi ndeyekutsvaka izvo zvachinodzidzisa pamusoro peupenyu hwedu tisati tazvarwa pano pasi, tazvarwa pano pasi, uye tabva pano pasi. Chii chaunodzidza apo paunonzvera chiziviso nenzira iyi? Izvi zvinokubatsira sei kunzwisisa kuti sei muchato nemhuri zvakakosha zvikuru kuchirongwa chaMwari?

“Mufaro muupenyu hwemhuri ungangonyanya kubudirira kana wakamisirwa padzidziso dzaIshe Jesu Kristu.

Funga nezve ndima yechitanhatu neye chinomwe yechiziviso chemhuri semutoo “wemufaro mumhuri.” Apo paunoverenga ndima idzi, doma misimboti “yemichato nemhuri zvinobudirira.” Zvino funga pamusoro peukama hwemhuri hwaunoda kusimbisa. Chii chaunonzwa kukurudzirwa kuita? Unozosanganisira sei Muponesi mukuedza kwako?

­

Ini “ndinozozvidavirira pamberi paMwari” nokuda kwenzira yandinobata nayo mhuri yangu.

Chiziviso chemhuri chinosanganisira maropafadzo akanakisisa ayo Baba Vokudenga avanovimbisa kuna avo vanotevera rairo Dzavo. Chinosanganisirawo yambiro dzakasimba kuna avo vasingateveri rairo Dzavo. Funga kunyora mudorongodzwa wemaropafadzo neyambiro zvaunowana.

Uri kushanda sei parairo dzaMwari dziri muchiziviso? Kana waimira pamberi paMwari nhasi, ndezvipi zvaunozova nechivimbo nazvo kukurukura naVo pamusoro peukama hwemhuri yako? Chii chaunozofanira kunatsurudza?

Onawo Aruma 5:15–22; Dzidziso neZvibvumirano 42:22–25; 93:39–44.

Mufananidzo
mhuri ichibika

Vabereki vanofanira kurera vana vavo murudo uye muururami.

Ndinokwanisa here kugashira maropafadzo akavimbiswa kana mamiriro ezvinhu emhuri yangu asina kururama?

Gosa D. Todd Christofferson vakadzidzisa kuti: “kutaura pachena zvokwadi zvakakosha zviri maererano nemuchato nemhuri hakusi kukanganwa kana kuderedzera kuzvipira nekubudirira kweavo vane mamiriro ezvinhu mumhuri dzavo asiri akarurama parizvino. … Munhu wose anechipo; munhu wose anematarenda, munhu wose anokwanisa kutora chinhanho muchirongwa cheumwari chirikuitika muchizvarwa choga choga. Zvakawanda izvo zvakanaka, zvakawanda izvo zvakakosha—kunyangwe pane dzimwe nguva zvose izvo chete zvakafanira parizvino—zvinokwanisa kubudirirwa pazviri mumamiriro ezvinhu asina kururuma. … Nechivimbo tinopupura kuti Rudzikunuro rwaJesu Kristu rwakafanoona uye, pokupedzisira, runozoripira zvose zvakashayiswa uye zvakarasikirwa kuna avo vose vanotendeukira kwaAri. Hapana akafanotarirwa kugashira zvishoma kupinda zvose izvo Baba zvavanazvo zvevana Vavo” (“Why Marriage, Why Family,” Ensign kana Liahona, Chivabvu 2015, 52).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

“Hunhurume kana Hunhukadzi chimiro chakakosha chemunhu pachake asati azvarwa pano pasi, azvarwa pano pasi, uye pahunhu nechinangwa zvokusingaperi zvake.”

“Chirongwa chemufaro cheumwari.”Kuti ubatsire mhuri yako kuona kukosha kwemhuri muchirongwa chaBaba Vokudenga, ungangonyora upenyu tisati tazvarwa pasi pano upenyu tazvarwa pasi pano upenyu mushure mekufa pazvikamu zvitatu zvebepa. Tsvakai muchiziviso pamwechete, uye monyora pabepa izvo zvamunodzidza pamusoro pechimwe nechimwe chezvikamu izvi zvechirongwa chaMwari. Sei mhuri dzakakosha kudaro kuna Mwari?

“Mufaro muupenyu hwemhuri.”Kuti mukurukure mawaniro amungaita “mufaro muupenyu [hwenyu] hwemhuri.” wakawedzerwa munokwanisa kuimba pamwechete rumbo pamusoro pemhuri. Chii chatinodzidza kubva kurumbo rwacho uye kubva kuchiziviso chemhuri icho chinozounza mufaro wakawanda kumhuri yedu? Tingaita chokwadi sei kuti mhuri yedu “yakamisirwa padzidziso dzaIshe Jesu Kristu”? Fungai pamusoro pekusarudza dzidziso imwechete yamunoda kushanda pairi vhiki ino.

“Simbisa mhuri sechikamu chakakoshesa chevanhu.”Satani arikuedza sei kuderedza kusimba kwemhuri munyika? Tingaita chikamu chedu sei mukusimbisa mhuri? ­

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapiwa: “Rudo Mumba,” Nziyo neDzavana Vadiki peji 86.

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Wana Rudo rwaMwari Mutungamiri M. Russell Ballard vakadzidzisa kuti, “Vhangeri ivhangeri rerudo—rudo kuna Mwari uye rudo kune mumwe nemumwe wedu” (“God’s Love for His Children,” Ensign, Chivabvu 1988, 59). Apo paunoverenga chiziviso chemhuri; funga pamusoro pekunyora kana kumaka umboo hwerudo rwaMwari uhwo hwunonyanya kukosha kwauri.

Dhinda