Dzidziso neZvibvumirano 2021
Zvita 20–26. Kirisimasi: Chipo Chisingaenzaniswi cheMwanakomana aneHumwari waMwari


“Zvita 20–26. Kirisimasi: Chipo Chisingaenzaniswi cheMwanakomana aneHumwari waMwari,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (2020)

“Zvita 20–26. Kirisimasi,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2021

Mufananidzo
mufananidzo waMaria nemucheche Jesu

Nativity in Copper and Umber, (Chiratidzo Chekuzvarwa kwaJesu cheKopa neUmber), naJ. Kirk Richards

Zvita 20–26

Kirisimasi

Chipo Chisingaenzaniswi cheMwanakomana aneHumwari waMwari

Imwe nzira yokunangisa pfungwa dzako pane Muponesi Kirisimasi ino ndeyokunzvera “The Living Christ: The Testimony of the Apostles.” Chinyorwa ichi chinopa mazano enzira dzaunokwanisa kuita kuti uchapupu hwakaporofitwa uhwu hwuve chikamu chekunzvera magwaro matsvene kwako wega nekwemhuri yenyu.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Muna 1838, Muporofita Joseph Smith akataura kuti, “Misimboti yakakoshesesa yechitendero chedu uchapupu hweVaapositora neVaporofita, maererano naJesu Kristu, kuti Akafa, akavingwa, uye akamuka zvakare pazuva rechitatu, uye akakwira kudenga; uye zvimwe zvinhu zvose zvinoenderena nechitendero chedu zviwedzerwa chete kune izvi” (Teaching of Presidents of the Church: Joseph Smith, 49). Pashure pemakore akawanda, Mutungamiri Russell M. Nelson vakacherechedza kuti “chakanga chiri chirevo ichochi cheMuporofita chakapa kurudziro kuvaporofita, vaoni, uye vadudziri gumi nevashanu kuti vanyore nokusaina uchapupu hwavo mukupemberera gore rechi 2000 rekuzvarwa kwaIshe. Uchapupu husingakanganikwi ihwohwo hwunonzi ‘The Living Christ.’ Nhengo zhinji dzakadzidza nemusoro zvokwadi zveuchapupu uhwu. Vamwe havatombozivi kuti chiripo. Apo paunotsvaka kudzidza zvimwe zvakawanda pamusoro paJesu Kristu, ndinokukurudzira kunzvera ‘The Living Christ’” (“Drawing the Power of Jesus Christ into Our Lives,” Ensign kana Liahona, Chivabvu 2017, 40).

SeVatendi vaMazuva Ekupedzisira, tinofara muropafadzo rezvakazarurwa zvinoenderera kuburikidza nevaporofita nevaapositora vemazuva ano. Tinotenda nemashoko avo akafemerwa erairo, eyambiro, uye ekuridziro. Asi pamusoro pezvese, tinoropafadzwa neuchapupu hwavo hwakasimba hwaJesu Kristu—paKirisimasi uye nemugore rose. Aya anopfuura kungova mashoko anokurudzira enyanzvi dzevanyori kana vatauri kuruzhinji rwevanhu kana nzwisiso dzenyanzvi dzezvomweya. Mashoko avakasarudzwa, vakadaidzwa, uye vakapiwa mvumo vaMwari, “zvapupu zvakakosha zvezita raKristu panyika pose” (Dzidziso neZvibvumirano 107:23).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

“Hakuna mumwe akambova nehurudziro yakakura kudaro.”

Ndedzipi pfungwa dzinouya kwauri apo paunoverenga Ruka 2:10–11 pamwepo nendima yokutanga muchinyorwa “The Living Christ”? Chii chaungataura mukutsigira chirevo chekuti “hakuna mumwe akambova nehurudziro yakakura zvakadaro [saJesu Kristu] pamusoro pavose avo vakararama uye vachararama pasi pano”? Tsvaga zvokwadi muchinyorwa “The Living Christ” izvo zvinotsanangura hurudziro yakakura yeMuponesi. Akakukuridzira nokukuunzira “mufaro mukuru” sei? (Ruka 2:10).

“Akamuka kubva mubwiro.”

Muchinyorwa “The Living Christ,” Vaapositora vanopupura nezve Kumuka Kuvakafa kweMuponesi, vachitaura kuzviratidza kutatu kwaIshe akamuka (ona ndima yechishanu). Funga pamusoro pekuverenga nezve kuuya uku muna Johane 20–21; 3 Nifai 11–26; Joseph Smith—Nhoroondo 1:14–20. Chii chaunodzidza pamusoro peMuponesi kubva mumashoko Ake nezviito Zvake panguva yekuzviratidza uku?

“Hupirisita Hwake uye Chechi Yake zvakadzorerwa.”

Panguva yekunzvera kwako Dzidziso neZvibvumirano gore rino, wakava nemukana wekudzidza zvakawanda pamusoro pokuti “hupirisita hweMuponesi uye Chechi Yake zvakadzorerwa” sei. Ndezvipi zvokwadi nemisimboti zvakadzorerwa zvanga zvakanyanya kukosha kwauri? Funga pamusoro pekuwongorora zvimwe zvezvinyorwa zvitsvene zvinotevera izvo zvinodzidzisa pamusoro peKudzorerwa: Dzidziso neZvibvumirano 1:17–23; 13; 20:1–12; 65; 110; 112:30–32; 124:39–42; 128:19–21. Fungisisa kuti zvokwadi zvevhangeri rakadzorerwa zvinokubatsira sei kuziva nokunamata Jesu Kristu (ona Dzidziso neZvibvumirano 93:19)

“Nerimwe zuva Achadzoka pasi.”

Kirisimasi inguva yokufunga pamusoro pezuva rakazvarwa Jesu Kristu pamwepo nokutarisira kuzuva raAchauya zvakare. Chii chaunodzidza pamusoro pekudzoka kwake kubva mundima inoteverwa neyekupedzisira muchinyorwa “The Living Christ”? Zvingangovawo zvinonakidza kuverenga, kuimba, kana kuteerera kunziyo dzeKirisimasi idzo dzinodzidzisa pamusoro peKuuya kweChipiri, sezvakaita “Kure Mumarenje Ejudia” kana “Husiku Hutsvene” (Nziyo neDzevana Vadiki, peji 102, 106).

“Ndiye chiedza, upenyu, uye tariro yenyika.”

Mundima yekupedzisira yechinyorwa “The Living Christ,” cherechedza hunhu nemazita anopiwa kuMuponesi. Zvinyorwa zvinotevera zvinokwanisa kukubatsira kufungisisa kuti Jesu Kristu ndiye “chiedza, upenyu, uye tariro yenyika” sei: Ruka 2:25–32; 1 Vakorinte 15:19–23; Moronai 7:41; Dzidziso neZvibvumirano 50:24; 84:44–46; 93:7–10. Ndiye chiedza, upenyu, uye tariro yako sei? Ndehupi humwe hunhu kana mamwe mazita zveMuponesi zvinoreva zvakanyanya kukosha kwauri?

Kunzvera “The Living Christ” kwakashandura sei rutendo uye rudo rwako kuMuponesi?

Mufananidzo
Jesu Kristu

Light of the World, (Chiedza cheNyika) naHoward Lyon

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

“The Living Christ.”Kuti ubatsire mhuri yako kunzwisisa zvokwadi zvakadzidziswa pamusoro peMuponesi muchinyorwa “The Living Christ,” unokwanisa kusarudza dzimwe ndevo dzakakosha uye moshanda pamwechete kuwana kana kudhirowa mifananidzo inotaridza ndevo idzodzo. Munokwanisa kuunganidza mifananidzo iyoyo nendevo idzodzo kuita bhuku.

“Tinopa uchapupu hwedu.”Chii chatinodzidza kubva muchinyorwa “The Living Christ” pamusoro pezvazvinoreva kupupura uchapupu? Mungangoda kunyora pasi uchapupu hwenyu hwaKristu kurangarira kuzvarwa kweMuponesi.

“Akafamba achiita zvakanaka.”Mhuri yenyu ingatevera sei muenzaniso weMuponesi wekushandira paKirisimasi ino? Unozoparadzira “runyararo nerubatsiro” sei mumhuri yako nemuvagarisani vako? Ungabatsire sei kuunza “kuporesa [kune] vanorwara”? ­

“Mwari ngavatendwe nechipo chisingaenzaniswi cheMwanakomana anehumwari Wavo.Ndezvipi zvipo zvatakagashira nokuda kwaJesu Kristu? Pamwe nenhengo dzemhuri dzinokwanisa kuwana mhinduro muchinyorwa “The Living Christ” uye zvino voputira zvinhu nemapepa ezvipo izvo zvinomirira zvipo zvinobva kuMuponesi. Mhuri yenyu inokwanisa kuvhura zvipo izvi pamusi weKirisimasi kana nemuvhiki rose uye moverenga zvinyorwa zvitsvene zvinoenderana nechimwe nechimwe chazvo. Hezvino zvimwe zvinyorwa zvitsvene zvamungaverenga, kunyangwe zvavo mhuri yenyu ingangowana zvimwe zvakawanda: Ruka 2:10–14; 1 Petro 2:21; Mosaya 3:8; Aruma 11:42–43; Dzidziso neZvibvumirano 18:10–12. Munokwanisawo kuimba rumbo pamusoro peMuponesi, sezvakaita “Jesu Akazvarwa Semunhu” (Nziyo neDzevana Vadiki, peji 38, kuti muwane zvimwe zvipo zvakauya kubva kwaAri.

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapiwa “Husiku Hutsvene,,” Nziyo neDzavana Vadiki no. 106.

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Nangisa Pfungwa paMuponesi. “Kuverenga nemunamato ‘The Living Christ’ kwakafanana nekuverenga uchapupu hwaMateo, Marko, Ruka, Johane uye vaporofita veMubhuku raMormoni. Kunozowedzera rutendo rwako muMuponesi uye kunokubatsira kuramba wakanangisa pfungwa paAri” (M. Russell Ballard, “Return and Receive,” Ensign kana Liahona, Chivabvu 2017, 65).

Dhinda