“Zvita 6–12. Misimboti yeChitendero uye Zvirevo zveChechi 1 uye 2: ‘Tinotenda,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (2020)
“Zvita 6–12. Misimboti yeChitendero uye Zvirevo zveChechi 1 uye 2,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2021
Zvita 6–12
Misimboti yeChitendero uye Zvirevo zveChechi 1 uye 2
“Tinotenda”
Apo paunonzvera Misimboti yeChitendero uye Zvirevo zveChechi 1 uye 2, funga pamusoro pehurudziro yazvakava nayo paChechi. Chii chinokufadza pamusoro pezvokwadi zvazvinodzidzisa?
Nyora Pasi Manzwiro Ako
Mumakore mazana maviri kubvira paChiratidzo Chokutanga chaJoseph Smith, Mwari vakaramba vachipa “zvakazarurwa pamusoro pezvakazarurwa, ruzivo pamusoro peruzivo” (Dzidziso neZvibvumirano 42:61). Mune dzimwe nzvimbo, zvakazarurwa izvozvo zvairaira vatungamiri veChechi kuita shanduro kumitemo netsika dzeChechi, “maererano nekuda kwaIshe zvichienderana netsitsi dzavo maererano nemamiriro evana vevanhu” (Dzidziso neZvibvumirano 46:15). Zvirevo zveChechi 1 uye 2 zvinomirira rudzi rwezvakazarurwa urwu—chimwe chakatungamira kumugumo wetsika yebarika, uye chimwe chacho chakaita kuti maropafadzo ehupirisita, kusanganisira maropafadzo emutemberi, awanikwe kuvanhu vamarudzi ose. Shanduro dzakaita sedzidzi ndidzo chikamu chezvazvinoreva kuva “nechechi yechokwadi uye inorarama” (Dzidziso neZvibvumirano 1:30), ine muporofita wechokwadi uye anorarama.
Asi kune zvinhuwo zvisingashanduki—zvokwadi zvokutanga, zvokusingaperi. Uye dzimwe nguva chinangwa chezvakazarurwa ndechekupa imwe nzwisiso yakawedzerwa pamusoro pazvokwadi izvi, zvichitibatsira kuzviona zvakanyanya kujeka. Misimboti yeChitendero—zvirevo gumi nechimwechete zviri muchidimbu zvaJoseph Smith zveizvo zvinotendwa neVatendi vaMazuva Ekupedzira—zvinotaridzika kuva nechinangwa chokujekesa ichi. Ose marudzi ezvakazarurwa anotungamira nokuropafadza Chechi, Chechi iyo yakamisirwa zvakasimba pachokwadi chokusingaperi asi inokwanisa kukura nokuchinja apo Ishe pavanowedzera nzwisiso yedu kuitira kutibatsira kusangana nezvinetso zvanhasi. Nemamwe mashoko, “Tinotenda zvose Mwari zvavakazarura, zvose zvaVarikuzarura iyezvino, uye tinotenda kuti Vachazarura zvinhu zvizhinji zvikuru uye zvinokosha zviri maererano neUmambo hwaMwari” (Misimboti yeChitendero 1:9).
Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega
Misimboti yeChitendero inezvokwadi zvokutanga zvevhangeri rakadzorerwa.
Imwe nzira yaunokwanisa kunzvera nayo Misimboti yeChitendero ndeye kudorongodza zvokwadi zvinowanikwa mune mumwe nemumwe zvino wotsvaka zvinyorwa zvitsvene zvinoenderana nezvokwadi izvi. Zvinyorwa zvitsvene izvi zvinokudziridza sei nzwisiso yako yezvokwadi zviri muMisimboti yeChitendero?
Onawo Nhungamiro kuMagwaro Matsvene, “Misimboti yeChitenderoscriptures.ChurchofJesusChrist.org
Misimboti yeChitendero 1:9; Zvirevo zveChechi 1 uye 2
Chechi yaJesu Kristu inotungamirirwa nezvakazarurwa.
“Tinotenda kuti [Mwari] vachazarura zvinhu zvizhinji zvikuru uye zvinokosha zviri maererano neUmambo hwaMwari” (Misimboti yeChitendero 1:9), kunyangwe apo zvinhu izvozvo pazvinoreva kushandura mitemo netsika dzeChechi. Nemusimboti uyu mupfungwa, wongorora Zvirevo zveChechi 1 uye 2, uye tsvaka mashoko nendevo zvinosimbisa rutendo rwako muzvakazarurwa zvinoenderera mberi. Ndeipi mimwe mienzaniso yezvakazarurwa zvinoenderera mberi kumuporofita waIshe zvaunokwanisa kufunga nezvazvo? Zvakazarurwa izvi zvakashandura sei upenyu hwako? Zvakakwidziridza sei basa reumambo hwaBaba Vokudenga?
Onawo Amosi 3:7; 2 Nifai 28:30.
Basa raMwari rinofanira kuenderera mberi.
“Muzvikamu zvakatorwa kubva kuNhaurwa Nhatu dzakapiwa naMutungamiri Wilford Woodruff maererano neChiziviso” (kumagumo kweChirevo cheChechi 1), ndezvipi zvikonzero zvakapiwa nemuporofita zvakaita kuti Ishe vagumise tsika yebarika? Izvi zvinokudzidzisa chii pamusoro pebasa raMwari?
Tinokwanisa kuvimba munaIshe, kunyangwe apo patinenge tisina nzwisiso yakakwana.
Magwaro matsvene anotidzidzisa kuvimba muna Ishe (ona Zvirevo 3:5), uye izvi ndizvo zvakaitwa nenhengo zhinji dzeChechi dzedzinza rekuAfrica apo Chechi payakarambidza kugadzwa kwehupirisita nekupiwa kwezvisungo zvemutemberi kwavari. Kunyangwe zvavo vakanga vasinganzwisisi kuti sei mutemo uyu waivapo—uye kazhinji vachirwadziwa pamwoyo netsananguro dzaidzidziswa panguva iyoyo, tsananguro idzo Chechi dzainoramba kutsigira nhasi—vazhinji venhengo dzakasimba dzedzinza rekuAfrica vakavimba naIshe uye vakaramba vakatendeka nemuupenyu hwavo hwese. Apo paunoverenga Chirevo cheChechi 2, fungisisa kuti wakadzidza sei kuvimba muna Ishe kunyangwe apo paunenge usina nzwisiso yakanyatsokwana.
Kudzidza pamusoro perutendo rwenhengo dzerudzi rwechitema dzeChechi kunokwanisa kuva kunokurudzira kwauri.
Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru
-
Misimboti yeChitendero.Funga pamusoro pekuti mhuri yenyu ingagadzira sei “zvidzidzo zvidiki” zveMisimboti yeChitendero. Somuenzaniso, nemuvhiki rose, nhengo yemhuri yoga yoga inokwanisa kusarudza musimboti mumwechete uye yotsvaka chinyorwa chitsvene chinoenderana nawo, mufananidzo, rwiyo, kana rumbo rwevana vadiki kana kugovera chiitiko chake pachake.
Kana kuti nhengo dzemhuri dzinokwanisa kutora zvinhanho vachibvunzana mibvunzo pamusoro peChechi uye zvitendero zvedu uye zvino vozopindura mibvunzo iyoyo
-
Zvirevo cheChechi 1 uye 2Zvirevo cheChechi 1 uye 2 zvinotibatsira kunzwisisa basa rezvakazarurwa zvamazuva ano muChechi. Apo mhuri yenyu painozviverenga pamwechete, fungai kukurukura kuti muporofita anotitungamirira sei “nefemero yaMwari Samasimba” (Chirevo cheChechi 1). Zvirevo zviviri izvi zvinosimbisa rutendo rwedu sei muna Mwari vanorarama avo vanotungamira ivo pachavo Chechi Yavo Tinoona sei ruoko Rwavo mubasa reChechi nhasi? Mungangosarudza kuwongorora pamwechete zvimwe zvinyorwa “muMazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega” ari pamusoro.
Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.
Rumbo rwakapiwa: “Ita Zvitsvene,” Nziyo neDzevana Vadiki, peji 124