Dzidziso neZvibvumirano 2021
Ndira 4–10. Joseph Smith—Nhoroondo 1:1–26: “Ndakaona Murazvu weChiedza”


“Ndira 4–10. Joseph Smith—Nhoroondo 1:1–26: ‘Ndakaona Murazvu weChiedza,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (2020)

“Ndira 4–10. Joseph Smith—Nhoroondo 1:1-26.” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2021

Mufananidzo
Chisango Chinoera

Sacred Grove (Chisango Chinoera), naGreg K. Olsen

Ndira 4–10

Joseph Smith—Nhoroondo 1:1–26

“Ndakaona Murazvu weChiedza”

Apo paunoverenga Joseph Smith—Nhoroondo 1:1–26, ndeapi mashoko aunowana anoenderana neupenyu hwako? Chii chinonyanya kukosha kwauri nemhuri yako?

Nyora Pasi Mwanzwiro Ako

Dzidziso neZvibvumirano ibhuku remhinduro kuminamato: zvakazarurwa zvinoera zvakawanda zviri mubhuku iri zvakauya semhinduro kumibvunzo. Saka zvakakodzera kutanga kunzvera Dzidziso neZvibvumirano nekufunga pamusoro pemubvunzo uyo wakatangisa kudururwa kwezvakazarurwa mumazuva ekupedzisira—uyo wakabvunzwa naJoseph Smith muchisango chemiti muna 1820. “Hondo yemanzwi nezhowe-zhowe rekusiyana kwemafungiro” (Joseph Smith—Nhoroondo 1:10) zvakanga zvasiya Joseph akavhiringidzika pamusoro pechitendero uye pemamiriro emweya wake; pamwe unokwanisa kunzwisisa manzwiro iwayo. Kune mazano anopesana akawanda uye manzwi anopwisa akawanda muzuva redu ranhasi, uye apo patinenge tichida kupatsanura mashoko aya kuti tiwane chokwadi, tinokwanisa kuita zvakaitwa naJoseph. Tinokwanisa kubvunza mibvunzo, kunzvera magwaro matsvene, kufungisisa, uye pokudzesira tobvunza Mwari. Mumhinduro kumunamato waJoseph, murazvu wechiedza wakadzika kubva kudenga; Mwari Baba naJesu Kristu vakazviratidza uye vakapindura mibvunzo yake. Uchapupu hwaJoseph hwechiitiko chinoshamisa ichocho hwunotaura pachena noushingi kuti ani nani zvake “[asina] ungwaru anogona kukumbira kuna Mwari, uye agowana” (Joseph Smith—Nhoroondo 1:26). Tinokwanisa tose kutambira zvakazarurwa, kunyangwe kana zvakazarurwa izvozvo zvisiri muchimiro chechiratidzo chokudenga, tinokwanisa kuwana nzwisiso huru inojekeswa nefemero yokudenga.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Joseph Smith—Nhoroondo 1:1–26

Joseph Smith ndiye Muporofita weKudzorerwa

Chinangwa chenhoroondo yaJoseph Smith chaiva chokutiisa “mukuve nezvokwadi” nokuti chokwadi pamusoro paJoseph kazhinji chainyonganiswa (Joseph Smith—Nhoroondo 1:1). Apo paunoverenga Joseph Smith—Nhoroondo 1:1–26, chii chinosimbisa uchapupu hwako hwedaidzo yake tsvene? Nyora pasi umboo hwaunowana hwekuti Ishe vakagadzirira Joseph Smith kuhushumiri hwake hwehuporofita. Apo paunoverenga, ungangonyorawo pasi pfungwa dzako nemanzwiro ako pamusoro paJoseph Smith neuchapupu hwake.

.

Joseph Smith—Nhoroondo 1:5–20

Kana ndikabvunza murutendo, Mwari vanozopindura.

Wakambova “usina ungwaru” here kana kunzwa kuvhiringidzika pamusoro pesarudzo yawaifanira kuita? (Joseph Smith—Nhoroondo 1:13). Chii chaunodzidza kubva kuchiitiko chaJoseph Smith mundima 5–20? Funga nezvekuda kwako pachako ungwaru nenzwisiso hurusa, uye funga pamusoro pematsvakiro aunozoita chokwadi.

Onawo 1 Nifai 10:17–19; 15:6–11;   

Mufananidzo
musikana wechidiki achinamata

Tinokwanisa kubvunza Mwari mibvunzo yedu kuburikidza nemunamato.

Joseph Smith—Nhoroondo 1:15–20

Sei kuine rondedzero dzakasiya-siyana dzeChiratidzo Chokutanga?

Munguva yeupenyu hwake, Joseph Smith akanyora chiitiko chake muChisango Chinoera nguva dzinokwana kuita ina, kazhinji achishandisa munyori. Pamusoro paizvozvo, rondedzero dzevamwe dzakawanda dzakanyorwa nevanhu vakanga vanzwa Joseph achitaura pamusoro pechiratidzo chake. Kunyangwe zvazvo rondedzero idzi dzichisiyana mune zvimwe zvinhu, zvichienderana nevateereri vacho kana mamiriro ezvinhu, zvisinei, dzimwechetedzo nguva dzose. Rondedzero yoga yoga inowedzera zvimwe zvinhu zvinotibatsira kunzwisisa zvirinani chiitiko chaJoseph Smith, nenzira imwecheteyo rimwe nerimwe remabhuku aMateo, Marko, Ruka naJohane yaanotibatsira kunyatsonzwisisa hushumiri hweMuponesi.

­ Chii chaunodzidza kubva mukuverenga rondedzero dzose idzi?

Joseph Smith—Nhoroondo 1:15–20

Chiratidzo Chekutanga ndicho chakatanga Kudzorerwa kwevhangeri raJesu Kristu.

Joseph Smith akavimba kuti Mwari vaizopindura munamato wake, asi haana kukwanisa kumboziva kuti mhinduro iyoyo yaizoshandura zvakadii upenyu hwake—nepanyika. Apo paunoverenga pamusoro pechiitiko chaJoseph, fungisisa mashanduriro akaita Chiratidzo Chekutanga upenyu hwako. Semuenzaniso, ungangopedzisa mutsetse uno nenzira dzakasiyana siyana: “Nokuda kwekuti Chiratidzo Chekutanga chakaitika, ndinoziva kuti …” Wakaropofadzwa sei nokuda kweChiratidzo Chekutanga?

Onawo Russell M. Nelson, “Munzwei,” Ensign kana Liahona, Chivabvu 2020, 88–92.

Joseph Smith—Nhoroondo 1:21–26

Ndinokwanisa kuramba ndiri pachokwadi kune zvandinoziva, kunyangwe kana vamwe vakandiramba.

Rimwe ramaropafadzo emagwaro matsvene ndere kuti ane mienzaniso inokurudzira yevarume vevakadzi vaiva noushingi avo vakasangana nezviedzo vaine rutendo muna Jesu Kristu. Apo Joseph Smith paakasangana nepikiso nokuda kwechiratidzo chake, akanzwa kufanana neMuapositora Pauro, uyowo akatambudzwa pamusana pekuti akanga ati akaona chiratidzo. Apo paunoverenga rondedzero yaJoseph, chii chinokukurudzira kuramba uri pachokwadi kuuchapupu hwako? Ndeipi mimwe mienzaniso—kubva mumagwaro matsvene kana kuvanhu vaunoziva—inokupa ushingi hwekuramba uri pachokwadi kuzviitiko zvemweya zvawakava nazvo?

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Joseph Smith—Nhoroondo 1:6.Tingagadzirisa sei kusawirirana tisingazokakavadzani sevanhu vakatsanangurwa mundima iyi?

Joseph Smith—Nhoroondo 1:11–13.Kuverenga ndima idzi kunogona kukurudzira nhengo dzemhuri kugoverana zviitiko apo ndima yechinyorwa chitsvene payakabata mwoyo yavo uye ikavakurudzira kuita chimwe chinhu.

Joseph Smith—Nhoroondo 1:16–20.Apo mhuri yenyu painoverenga ndima idzi, fungai kuratidza mufananidzo unoperekedza chidzidzo chino kana kuti mumwe mufananidzo weChiratidzo Chekutanga (pamwe mhuri yenyu ingangofarira kuita mufananidzo wavo vega).   Mumwe nomumwe wenyu anokwanisa kuita mudorongodzwa wezvokwadi zvatinodzidza kubva kuchiratidzo ichi, zvino mozokurukura pamwechete midorongodzwa iyoyo. Iyi inozova nguva yakanakisisa yokuti nhengo dzemhuri dzigoverane mawaniro avakaita uchapupu hwavo hweChiratidzo Chekutanga chaJoseph Smith.

Joseph Smith—Nhoroondo 1:17.Apo Mwari paVakazviratidza kuna Joseph Smith, Vakadaidza Joseph nezita. Inguva ipi apo nhengo dzemhuri yenyu padzakanzwa kuti Baba Vokudenga vanovaziva ivo pachezvavo?

Joseph Smith—Nhoroondo 1:21–26.Tingapindura sei apo vanhu pavanoramba kubvuma uchapupu hwedu?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapihwa: “Munamato Wokutanga waJoseph Smith,” Hwaro Hwevhangeri, peji 252.

Mufananidzo
mufananidzo wemanzwi ekudzorerwa

Manzwi Ekudzorerwa

Mhuri yaJoseph Smith

Mumwe nomumwe wedu anobatwa zvikuru neupenyu hwemhuri yedu, uye Joseph Smith akanga asina kusiyana nesu. Zvibvumo netsika dzechitendero dzevabereki vake zvakapa Joseph hwaro rwerutendo rwakaita kuti Kudzorerwa kukwanisike. Jenari raJoseph rakanyorwa mashoko erumbidzo aya: “Mashoko nemutauro hazvikwanisi kutaura kutenda kwandinako kuna Mwari nokundipa vabereki vanokudzwa vakadaro.”1

Zvitapwa zvinotevera zvakatorwa kubva kuna amai vake, Lucy Mack Smith; nemukoma wake William Smith; uye kunaiye Muporofita pachake zvinotipa imwe nzwisiso yesimba rezvechitendero muimba yekwaSmith.

Mufananidzo
mhuri yekwaSmith

Joseph Smith Family (Mhuri yaJoseph Smith), naDan Baxter

Lucy Mack Smith

Mufananidzo
Lucy Mack Smith

“[Mungangove mugore ra1802], ndakarwara. …” Ndakafunga kuti, handidi kufa nokuda kwekuti handizivi nzira dzaKristu, uye zvaitaridzika kwandiri sokuti paiva negomba rakasviba uye rizere nekusurikirwa pakati pangu naKristu randaitya kana kuedza kuyambuka. …

“Ndakatarisa kuna Ishe uye ndikateterera nokukumbirisa kuna Ishe kuti vaponese upenyu hwangu kuitira kuti ndigorera vana vangu uye ndinyaradze mwoyo wemurume wangu; ndakarara ndichidaro husiku hwose. …” Ndakaita chibvumirano naMwari [kuti] kana vakandirega ndikararama ndaizoedza napose pandaigona kuwana chitendero chaizoita kuti ndikwanise kuvashandira zvakanaka, kana chaiva muBhaibheri kana kuti kupi zvako kwachingawanikwa, kunyangwe kana chaifanira kuwanikwa kubva kudenga kuburikidza nemunamato nerutendo. Pokupedzisira inzwi rakataura kwandiri uye rikati ‘Tsvaka, uchawana; gogodza, uchazarurirwa. Mwoyo wako ngaunyaradzwe. Unotenda muna Mwari; tendawo mandiri.’ …

“Kubvira panguva iyoyi zvichienda mberi ndakawana simba nguva dzose. Handina kutaura zvakawanda pamusoro pechitendero asi ndaifunga nezvacho nguva dzose, uye ndakafunga kuti ndaizoshingaira zvikuru apo pandinenge ndongokwanisa kutsvaka munhu akazvipira chaizvo pane zvechitendero aiziva nzira dzaMwari kuti andidzidzise pamusoro pezvinhu zveKudenga.”2

William Smith

Mufananidzo
William Smith

“Amai vangu, avo vakanga vari mudzimai akazvipira mune zvechitendero uye vainehanya chaizvo nekurarama kwakanaka kwevana vavo, zvose muhupenyu huno hwepano panyika uye muhupenyu huchatevera hwepano, vakashandisa nzira dzose idzo rudo rwavo rwemubereki dzarwaikwanisa kupa, kuita kuti titore chinhano mukutsvaka ruponeso rwemweya yedu, kana kuti (semataurirwe azvaiitwa nguva iyoyo) ‘mukuwana chitendero.’ Vakatikurudzira kuenda kumisangano, uye mhuri yose zvayo yakava nechido munyaya yechitendero, uye ikava vatsvaki vechokwadi.”3

“Taigara tichiita minamato yemhuri kubvira kwandinokwanisa kurangarira. Ndinonyatsorangarira kuti baba vaitakura magirazi avo ekuverengesa muhomwe yehembe yavo, … uye isu vakomana pataiona vobudisa magirazi avo, taibva taziva kuti ichi chaiva chiratidzo chokuti tigadzirire munamato, uye kana tikange tisinakuzviona amai vaiti, ‘William,’ kana uyo wedu ainge asiri kugadzirira, ‘gadzirira munamato.’ Mushure memunamato taiva nerumbo rwataiimba.”4

Mufananidzo
magirazi ekuverengesa ari pamagwaro matsvene

Joseph Baba naLucy Smith vakadzidzisa mhuri yavo kunzvera magwaro matsvene.

Joseph Smith

Mufananidzo
Joseph Smith

“Zvino ndinoti, [baba vangu] havana kumbofa vakaita chinhu cheundingoveni chinganzi chaiva chokuomera, muupenyu hwavo, mukuziva kwangu. Ndaida baba vangu nendangariro yavo; uye ndangariro yezviito zvavo zvakanaka, ine shanduro yakasimba papfungwa dzangu; uye mazhinji emashoko avo etsitsi uye emubereki kwandiri akanyorwa pahwendefa remwoyo wangu. Zvinoera kwandiri, indangariro dzandinokoshesa dzenhoroondo yeupenyu hwavo, idzo dziri mupfungwa dzangu uye dzakadzikiswamo, newongororo yangu pachangu kubvira pandakazvarwa. … Amai vanguwo ndivo mumwe wevakaruramisa uye vakanakisisa vemadzimai ose.”5

Mufananidzo
Chiratidzo Chekutanga

The First Vision of the Restoration (Chiratidzo Chekutanga cheKudzorerwa), naMichael Bedard

Dhinda