Dzidziso neZvibvumirano 2021
Ndira 18–24. Dzidziso neZvibvumirano 3–5: “Basa Rangu Richafambira Mberi”


“Ndira 18–24. Dzidziso neZvibvumirano 3–5: ‘Basa Rangu Richafambira Mberi’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (2020)

“Ndira 18–24. Dzidziso neZvibvumirano 3–5,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2021

Mufananidzo
varume vachishanda mumunda

Nguva yeKukohwa muFrance, naJames Taylor Harwood

Ndira 18–24

Dzidziso neZvibvumirano 3–5

“Basa Rangu Richafambira Mberi”

Nyora pasi zvaunodzidza uye zvaunonzwa apo paunonzvera magwaro matsvene. Izvi zvinozokubatsira kuyeuka manzwiro iwayo uye kuagoverana nevamwe.

Nyora Pasi Mwanzwiro Ako

Munguva yemakore mashoma ekutanga ake semuporofita waIshe, Joseph Smith akanga asati oziva zvinhu zvese pamusoro “pebasa rinoshamisa” raakanga adaidzwa kuti aite. Asi chinhu chimwechete chaakadzidziswa nezviitiko zvake zvokutanga chaiva chokuti kuitira kuti akodzere basa raMwari, ziso rake rinofanira zvechokwadi “kutarisa bedzi kukubwinya kwaMwari” (Dzidziso neZvibvumirano 4:1, 5). Semuenzaniso, kana Ishe vakamupa rairo yaipikisana nezvido zvake pachake, aifanira kutevera rairo yaIshe. Uye kunyangwe kana aiva “nezvakazarurwa zvakawanda, uye … simba rekuita mabasa mazhinji anoshamisa,” kana chido chake pachake chikava chakanyanya kukosha kwaari kupinda chido chaMwari, “anofanira kupunzika” (Dzidziso neZvibvumirano 3:4). Asi Joseph akadzidza chimwezve chinhu chakakoshawo pamusoro pekuita basa raMwari: “Mwari vane nyasha,” uye kana Joseph akatendeuka zvechokwadi, akanga “achiri wakasarudzwa” (ndima 10). Basa raMwari, mushure mezvose, ibasa rerununuro. Uye basa iroro “harikwanisike kukanganiswa” (ndima 1).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Dzidziso neZvibvumirano 3:1–15

Ndinofanira kuvimba naMwari pane kutya munhu.

Pokutanga muhushumiri hwaJoseph Smith, shamwari dzakanaka dzainetsa kuwana—kunyanya shamwari dzakaita saMartin Harris, murume airemekedzwa uye akabudirira, uyo aikwanisa kupa tsigiro yakakosha. Uye Martin nekuzvidira akatsigira Joseph, kunyangwe zvazvo zvakamukonzera kuti arasikirwe neruremekedzo rwevamwe vake uye zvichida kuzvipira pamari.

Saka zviri nyore kuona kuti sei Joseph aida kukudza chikumbiro chaMartin chokuti atore chikamu chokutanga chedudziro yeBhuku raMormoni kuti anotaridza mukadzi wake, uyo akanga asingatendi huchokwadi hweBhuku raMormoni. Joseph akaramba achibvunza Ishe pamusoro pechikumbiro ichi, kunyangwe apo paVainge vazvirambidza, kusvikira pokupedzisira, mushure mokunge Joseph abvunza kechitatu, Ishe vakati hongu. Zvinosuwisa ndezvekuti, chikamu ichocho chebhuku chakarasika apo pachaiva chiina Martin, uye Joseph naMartin vakatsiurwa zvakasimba naIshe.

Apo paunoverenga Dzidziso neZvibvumirano 3:1–15, fungisisa kuti mafungiro evamwe vanhu ari kukushandura sei. Ungangocherechedzawo kuti pamusoro pekutsiura Joseph Smith, Ishe vakataura mazwi enyasha. Chii chaunodzidza kubva kunzira yaIshe yokururamisa pamwepo nokukurudzira Joseph? Irairo ipi yaunowana inokwanisa kukubatsira apo paunenge waedzwa kuti utye vamwe vanhu kupfuura Mwari?

Dzidziso neZvibvumirano 4

Ishe vanondikumbira kuVashandira nemwoyo wangu wose.

Chikamu 4 kazhinji chinoshandiswa kuvashumuri venguva izere. Zvisinei, zvinofadza kucherechedza kuti chakazarurwa ichi pokutanga chakapiwa kuna Joseph Smith Baba, uyo akanga asiri kudaidzwa kuenda kuhushumiri asi ainge ane “chido chokushandira Mwari” (ndima 3).

Imwe nzira yokuverenga nayo chikamu chino ndeyokuchifunga setsanagudzo yebasa remunhu arikuda kuita basa raIshe. Dzidzo dzinodikanwa ndedzipi? Sei unyanzvi kana hunhu uhwu hwuchidikanwa? Pamwe unokwanisa kusarudza nemunamato chinhu chimwechete chaungakwanisa kuita kuti unyatse “kuzvikodzeresa [iwe pachako] kubasa racho” (ndima 5).

Dzidziso neZvibvumirano 5

Ndinokwanisa kuwana uchapupu hwangu pachangu hweBhuku raMormoni.

Mufananidzo
Martin Harris

Martin Harris, naLewis A. Ramsey

Kana waidaidzwa kupupura mudare pamusoro pehuchokwadi hweBhuku raMormoni, umboo hupi hwaunozopa? Mubvunzo mumwechetewo waiva mupfungwa dzaMartin Harris apo mukadzi wake, Lucy, paakapomera mhosva Joseph Smith yekuti akanga achinyengedza vanhu nokunyepedzera kududzira mahwendefa egoridhe.( ). Saka Martin akakumbira Joseph kuti amupe humwe umboo hwekuti mahwendefa egoridhe akanga ari echokwadi. Dzidziso neZvibvumirano 5 ndicho chakazarurwa chakapiwa mumhinduro kuchikumbiro chaMartin.

Chii chaunodzidza kubva kuDzidziso neZvibvumirano 5 pamusoro pezvinotevera:

Dzidziso neZvibvumirano 5:1–10

Chizvarwa chino chichagashira shoko raIshe kuburikidza naJoseph Smith.

Chii chaunodzidziswa neDzidziso neZvibvumirano 5:1–10 pamusoro pekukosha kwebasa raJoseph Smith mumukuwo wedu—uye muupenyu hwako? Fungisisa matambiriro awakaita shoko raMwari kuburikidza neMuporofita Joseph Smith. Funga kunyora mujenari kana kugoverana nemumwe munhu kutenda kwako nekuda kwezvokwadi zvakadzorerwa kana kuti zvakajekeswa kuburikidza naye.

Onawo 2 Nifai 3:6–24.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Dzidziso neZvibvumirano 3:1–4.Kumbira nhengo yemhuri kuti ifambe nemumutsetse “wakakomboma” uyezve nemumutsetse “wakatwasanuka”. Zvinorevei kumhuri yedu kuziva kuti nzira “[dzaMwari] dzakatwasanuka”?

Dzidziso neZvibvumirano 3:7–10.Kana mumwe munhu achitimanikidza kusateerera Mwari, ndezvipi zvokwadi zviri mundima idzi zvinokwanisa kukubatsira kuramba wakatendeka? Pamwe nhengo dzemhuri dzinokwanisa kuita mutambo umo mumwe munhu maanoramba akatendeka zvisinei nokuti amanikidzwa kusateerera Mwari.

Dzidziso neZvibvumirano 4.Apo mhuri yako painenge ichikurukura zvazvinoreva kushanda mumunda maMwari, vanokwanisa kuita basa mubindu (kana kunyepedzera kudaro). Zvii zvishandiso zvinodikanwa kuita basa romubindu? Zvii zvinotsanangurwa naMwari muchikamu 4 izvo zvinganzi zvishandiso zvinodikanwa kuita basa Ravo? Mhuri yako inokwanisa kukurukura kuti sei chishandiso choga choga chakakosha mukuita basa raMwari.

Dzidziso neZvibvumirano 5:7.Ndeipi mimwe mienzaniso yezvokwadi zvatinotenda mazviri asi zvatisingaoni? Tingapindura sei kushamwari inoda umboo hwekuti Bhuku raMormoni ndere chokwadi?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Imbai rumbo runoenderana nemusoro wenyaya webasa rehushumiri.,

Kunatsa Kunzvera Kwako Wega

Dzidza ndima nemusoro “Kudzidza chinyorwa chitsvene nemusoro kuumba ushamwari hutsva. Zvakafanana nokuwana munhu mutsva anokwanisa kubatsira munguva yedambudziko, anopa femero nenyaradzo, uye anova mupi wekurudziro kushanduko inodikanwa,” (Richard G. Scott, “The Power of Scripture,” Ensign kana Liahona, Mbudzi 2011, 6).

Mufananidzo
Joseph Smith nevabereki vake

Mutoro Mukuru weMapeji Zana Rimwechete neGumi neMatanhatu, naKwani Povi Winder

Dhinda