Dzidziso neZvibvumirano 2021
Zvita 28–Ndira 3. Dzidziso neZvibvumirano 1: “Teererai, Imi Vanhu”


“Zvita 28–Ndira 3. Dzidziso neZvibvumirano 1: ‘Teererai, Imi Vanhu’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (2020)

“Zvita 28–Ndira 3. Dzidziso neZvibvumirano 1,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2021

Mufananidzo
mhuri ichiverenga magwaro matsvene

Zvita 28–Ndira 3.

Dzidziso neZvibvumirano 1

“Teererai, Imi Vanhu”

Funga Dzidziso neZvibvumirano 1 sechisumo chaIshe pachavo kubhuku rino rezvakazarurwa Zvavo zvemazuva ekupedzisira. Chii chaVanoda kuti uzive pamusoro peDzidziso neZvibvumirano? Fungisisa mubvunzo uyo, uye nyora pasi manzwiro api zvawo anouya apo paunoverenga chikamu 1.

Nyora Pasi Mwanzwiro Ako

Muna Mbudzi 1831, Chechi yaJesu Kristu yakadzorerwa yakanga ine gore nehafu chete yaumbwa. Kunyangwe zvazvo yaikura, yakanga ichingori boka ravatendi risinganyanyi kuzivikanwa raigara kumuganhu wenyika kusina vazhinji, uye richitungamirirwa nemuporofita aiva nemakore ari pakati pemakumi maviri nemana nemakumi maviri nematanhatu. Asi Mwari vakatora vatendi ava kuva varanda Vavo uye vatumwa Vavo, uye Vaida kuti zvakazarurwa zvaVakanga vavapa zvishambadzwe kunyika.

Dzidziso neZvibvumirano chikamu 1 chisumo chaIshe kumuunganidzwa wezvakazarurwa izvi, uye chinotaridza zviri pachena kuti kunyangwe unhengo hweChechi hwaiva hudiki, pakanga pasina chinhu chidiki pamusoro peshoko iro Mwari raVaida kuti Vatendi Vavo vagovere. “Inzwi reyambiro” kuna vese “vagari vepasi,” rinovadzidzisa kutendeuka uye kumisa “chibvumirano chisingaperi” chaMwari (ndima 4, 8, 22). Varanda vanotakura shoko iri ndeavo “vasina simba uye vanhuwo zvavo” asi varanda vakaninipa ndivo chaivo vanodikanwa naMwari—kare ikako nanhasi—kuti vaburitse Chechi Yavo “kubva mukusazikanwa uye murima” (ndima 23, 30).

, .

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Dzidziso neZvibvumirano 1

Ishe vanondikoka “kunzvera mirairo iyi.”

Chisumo chinosuma bhuku. Chinotaridza misoro yenyaya yebhuku nezvinangwa zvebhuku uye chinobatsira vaverengi kugadzirira kuriverenga. Apo paunoverenga chikamu 1—“chisumo” chaIshe kuDzidziso neZvibvumirano (ndima 6)—tsvaka misoro yenyaya nezvinangwa izvo Ishe zvavakapa kuzvakazarurwa Zvavo. Chii chaunodzidza kubva muchikamu 1 icho chinozokubatsira kuwana chimuko chikurusa kubva mukunzvera kwako Dzidziso neZvibvumirano? Somuenzaniso, ungangofungisisa pamusoro pezvazvinoreva “kunzwa inzwi raIshe” muzvakazarurwa izvi. (ndima 14) kana “kunzvera mirairo iyi” (ndima 37).

Onawo chisumo kuDzidziso neZvibvumirano.

Dzidziso neZvibvumirano 1:1-6; 23–24, 37–39

Mwari vanotaura kuburikidza nevaranda Vavo, uye mashoko Avo achazadzikiswa.

Chikamu 1 chinotanga nokupera nechiziviso chaMwari chokuti Vanotaura kuburikidza nevaranda Vavo vakasarudzwa (ona ndima 4–6, 23–24, 38). Nyora pasi izvo zvaunodzidza kubva kuzvakazarurwa izvi pamusoro paIshe neinzwi Ravo. Chii chaunodzidza pamusoro pevaranda vaIshe? Ndiriini wawakanzwa inzwi raIshe muinzwi revaranda Vavo (ona ndima 38).

Mufananidzo
chikamu chemusangano mukuru

Vaporofita nevaapositora vanotidzidzisa mirairo yaMwari.

Dzidziso neZvibvumirano 1:3, 24–28, 31–33

Kana ndakazvininipisa, kutsiura kwaIshe kunokwanisa kunditungamirira kukutendeuka.

Cherechedza kuti mundima 3 uye mundima 24–28, Ishe vakati zvivi nezvikanganiso zvevanhu zvinozoitwa kuti zvizivikanwe. Mumamiriro ezvinhu okutanga ichi chiitiko chinorwadza uye chinosuwisa, uye mumamiriro ezvinhu echipiri chiitiko chokudzidzisa. Sei mamiriro ezvinhu aya akasiyana kudaro? Funga kuti unoita sei apo paunoziva zvivi zvako neutera hwako. Ndehupi hunhu hwaunowana mundima 24–28 hunokwanisa kukubatsira kuzviita nenzira kwayo? Ndima idzi, pamwepo nendima 31–33, dzinokudzidzisa chii pamusoro pemaonere anoita Ishe utera hwako nezvivi zvako?

Onawo Zvirevo 3:11–12; Eta 12:27; Moronai 6:8.

Dzidziso neZvibvumirano 1:12–30:35-36

Ishe vakadzorera vhangeri Ravo kundibatsira kutarisana nezvinetso zvemazuva ekupedzisira.

Kunyangwe chikamu 1 chichiyambira nezve mazuva akaoma achauya, chine shokowo resimbiso rinoti: “Ini Ishe, ndichiziva njodzi ichauya pavagari vepasi ndakadaidza muranda wangu Joseph Smith, Mwana, uye ndikataura naye ndiri kudenga” (ndima 17).

Cherechedza njodzi idzo Ishe dzavakayambira pamusoro padzo (ona, semuenzaniso, ndima 13–16, 35). Ndedzipi dzimwe njodzi dzaunoona munyika yanhasi—kana muupenyu hwako pachako? Ndima 17–30 dzinotsanangura izvo zvawakaitirwa naIshe mukutarisira njodzi idzi. Funga kunyora mudorongodzwa wezvaunowana.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Dzidziso neZvibvumirano 1:1–6, 37–39Kuti utange hurukuro pamusoro peyambiro dzinobva kuna Ishe, unokwanisa kutaura pamusoro peyambiro dzatinotambira kubva kuna vamwe pamusoro pengozi dzatisingakwanisi kuona—sezvakaita pasi panotsvedza, dutu rine simba gurusa, kana mota irikuuya nekwauri. Mienzaniso iyi inotidzidzisa chii pamusoro peyambiro dzaIshe? Maererano neDzidziso neZvibvumirano 1:1–6, 37–39, Ishe vanotiyambira sei? Vakatiyambira pamusoro pei munguva ichangopfuura? Pamwe mungaona kana kuverenga zvikamu zvemashoko emusangano mukuru uchangopfuura uye motsvaka mienzaniso “yeinzwi reyambiro” raMwari.

Dzidziso neZvibvumirano 1:16.Zvinorevei “kumisa ururami [hwaIshe]”? Tinokwanisa sei kuita chokwadi chekuti tiri kuita izvozvo, pane kufamba “munzira [yedu] pachedu”?

Dzidziso neZvibvumirano 1:30.Zvinorevei kutaura kuti Chechi ndeye “chokwadi uye inorarama”? Kuita kuti mhuri yako ifunge pamusoro pemubvunzo uyu, pamwe ungavataridza mifananidzo yezvinhu zvipenyu uye yezvinhu zvisiri zvipenyu. Munokwanisawo kukurukura zvamungaita semhuri kubatsira “kuunza [Chechi] pamberi kubva mukusazivikanwa uye kubva murima.”

Dzidziso neZvibvumirano 1:37.Fungai kuronga semhuri kuti “muchanzvera mirairo iyi” sei muDzidziso neZvibvumirano gore rino. Muchaita sei kuti kunzvera magwaro matsvene kwenyu kuve chikamu chenguva dzose cheupenyu hwemhuri? Ndeapi mazano ekunzvera anokwanisa kukubatsirai kudzidza kubva mumangwaro matsvene? (Ona “Mazano eKunatsa Kunzvera Magwaro Matsvene kweMhuri Yako” kumavambo kwebhuku rino.)

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Imbai rumbo runoenderana nemusoro wenyaya yevaporofita.

Kunatsa Kunzvera Kwako Wega

Tsvaka Jesu Kristu. Chinangwa chemagwaro matsvene ndeche kupupura nezve Muponesi nevhangeri Rake. Apo paunoverenga Dzidziso neZvibvumirano 1, funga kutara kana kunyora pasi ndima dzinokudzidzisa chimwe chinhu pamusoro paJesu Kristu.

Mufananidzo
Bhuku reMirairo

Zvakazarurwa zvokutanga kuChechi yakadzorerwa zvakaunganidzwa kuita Bhuku reMirairo.

Dhinda