Dzidziso neZvibvumirano 2021
Ndira 25–31. Dzidziso neZvibvumirano 6–9: “Uyu Ndiwo Mweya weZvakazarurwa”


“Ndira 25–31. Dzidziso neZvibvumirano 6–9: ‘Uyu Ndiwo Mweya weZvakazarurwa, ’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (2020)

“Ndira 25–31. Dzidziso neZvibvumirano 6–9,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2021

Mufananidzo
munyori achinyora papepa

Ndira 25–31.

Dzidziso neZvibvumirano 6–9

“Uyu Ndiwo Mweya weZvakazarurwa”

Ishe vanozarura zvokwadi kwatiri mupfungwa dzedu nemumwoyo yedu (ona Dzidziso neZvibvumirano 8:2-3). Apo paunoverenga Dzidziso neZvibvumirano 6–9, nyora pasi manzwiro api zvawo aunotambira.

Nyora Pasi Mwanzwiro Ako

Muchirimo cha1828, mudzidzisi wechikoro wechidiki ainzi Oliver Cowdery akatora basa reudzidzisi muManchester, New York, uye akagara nemhuri yaLucy naJoseph Smith Baba. Oliver akanga anzwa pamusoro pemwanakomana wavo Joseph, uyo akanga zvino avakugara kuHarmony, Pennsylvania, uye Oliver, uyo aizviona semutsvaki wechokwadi, aida kuziva zvimwe zvakawanda. Vana Smith vakatsanangura kushanyirwa nengirozi, bhuku rakare-kare, uye chipo chekududzira nesimba raMwari. Oliver akafarira chaizvo zvaainzwa. Kuti chingakwanisa kuva chokwadi? Lucy naJoseph Baba vakamupa zano iro rinoshanda kumunhu wese anotsvaka chokwadi: namata nokubvunza Ishe.

Oliver akaita izvozvo, uye Ishe vakapindura, vachitaura runyararo nevimbiso yenyaradzo kupfungwa dzaOliver. Zvakazarurwa, Oliver akaziva, zvinokwanisa kuva zvako wega—chinhu chaaizodzidza zvakanyanya kudzama mumwedzi yaitevera. Zvakazarurwa hazvisi zvevaporofita chete; ndezve munhu wese anechido chazvo uye anozvitsvaka. Oliver akanga asati oziva zvinhu zvose, asi aiziva zvakakwana zvekuti atore chinhano chake chinotevera. Ishe vakanga vachiita chimwe chinhu chakakosha kuburikidza naJoseph Smith, uye Oliver aida kuva chikamu chacho.

,  .

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Dzidziso neZvibvumirano 6; 8–9

Baba Vekudenga vanotaura kwandiri kuburukidza “neMweya wechokwadi”

MuChirimo cha1829 Oliver Cowdery akaenda kuHarmony uye akazvipira kuva munyori waJoseph Smith apo paaidudzira Bhuku raMormoni Oliver zvino akanga avakunyatsoona nzira yokuzarurirwa yedudziro. Chiitiko ichi chakamufadza zvikuru, uye akada kuziva kana aikwanisawo kuropafadzwa nechipo chokududzira. Ishe vakamubvumidza kuti aedze kududzira, asi kutambira zvakazarurwa chaiva chinhu chitsva kuna Oliver, uye kuedza kwake hakuna kufamba zvakanaka. Akanga achine zvakawanda zvokudzidza, uye Dzidziso neZvibvumirano 6, 8, uye 9 zvinoratidza kuti Ishe vakanga vachida kumudzidzisa.

Apo paunoverenga zvikamu izvi, cherechedza izvo Ishe zvavakadzidzisa pamusoro pezvakazarurwa zvako pachako. Mashoko Avo anoenderana sei nezviitiko zvawakava nazvo—kana kuti zvaunoda kuva nawo?

Semuenzaniso, chii chinotaurwa neDzidziso neZvibvumirano 6:5–7; 8:1; 9:7–8 pamusoro pezvinodikanwa naIshe kubva kwauri Vasati vazarura kuda Kwavo?

Chii chaunodzidza kubva muDzidziso neZvibvumirano 6:14–17, 22–24; 8:2–3; 9:7–9 pamusoro penzira dzakasiyana idzo zvakazarurwa zvingangouya?

Pane chimwe chinhu here chaunodzidza pamusoro pezvakazarurwa kubva muzvikamu izvi?

Kuti udzidze zvimwe pamusoro pezvakazarurwa, ona Russell M. Nelson “Revelation for the Church, Revelation for Our Lives,” Ensign kana Liahona, Chivabvu 2018, 93–96; Julie B. Beck, “And upon the Handmaids in Those Days Will I Pour Out My Spirit,” Ensign kana Liahona, Chivabvu 2010, 10–12. Kuti uwane rumwe ruzivo pamusoro “pechipo chaAaroni” chakatsanangurwa muchikamu 8, ona “Oliver Cowdery’s Gift,” Revelations in Context, 15–19.

Dzidziso neZvibvumirano 6:18–21, 29–37

Tarisa kuna Kristu mupfungwa dzose.

Kunyangwe zvazvo Joseph akanga ambova “nemamiriro ezvinhu akaoma” apo paaita basa raIshe (Dzidziso neZvibvumirano 6:18), iye naOliver zvichida vakanga vasingazivi kuti mamiriro ezvinhu iwayo aizonyanya kuoma sei mumakore mashoma aizotevera. Asi Ishe vaiziva, uye Vanozivawo zviedzo zviri mune ramagwana rako. Rairo Yavo kuna Joseph naOliver muDzidziso neZvibvumirano 6:18–21, 29–37 inokwanisawo kukubatsira. Joseph naOliver vangangova vakanzwa sei mushure mokunzwa mashoko aya? Chii chaunowana kundima idzi chinokubatsira kuvimba naIshe? Unokwanisa sei kutarira kuna Kristu zvakanyanya muupenyu hwako?”

Mufananidzo
Oliver Cowdery

Oliver Cowdery naLewis A. Ramsey

Dzidziso neZvibvumirano 6–7; 9:3, 7–14

“Kunyangwe sezvaunoshuvira kwandiri zvichave saizvozvo.”

Cherechedza kuti kangani mashoko anoti “chishuvo/chido” kana “zvishuvo/zvido” kaanowanikwa muchikamu 6 uye 7. Chii chaunodzidza kubva muzvikamu izvi pamusoro pekukoshesa kunoita Mwari zvido zvako? Zvibvunze mubvunzo waIshe uri muDzidziso neZvibvumirano 7:1: “Chii chaunoda?”

Chimwe chezvido zvakarurama zvaOliver Cowdery—kududzira sezvakanga zvichiitwa Joseph Smith—hachina kuzadzikiswa. Apo punoverenga Dzidziso neZvibvumirano 9:3, 7–14, manzwiro api aunotambira angangokubatsira apo zvido zvako zvakarurama pazvisingazadzikiswi?

Onawo Dzidziso neZvibvumirano11:8.  

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Dzidziso neZvibvumirano 6:7, 13Ungabatsira sei mhuri yako kunzwisisa kuti “upfumi” hwechokwadi hwunowanika muupenyu hwekusingaperi? (ndima 7). Unokwanisa kukoka nhengo dzemhuri kuti dzigadzire mari yokunyepedzera uye vonyora kana kudhirowa pairi mamwe emaropafadzo akawanda ayo mhuri yenyu ayakatambira nokuda kwevhangeri rakadzorerwa.

Dzidziso neZvibvumirano 6:15, 22–23; 8:2–3; 9:7–9.Kuverenga ndima idzi pamusoro pamatauriro anoita Mwari kuvana Vavo kunogona kuva mukana wakanakisa wekugoverana nemhuri yako matauriro aVakaita kwauri.

Dzidziso neZvibvumirano 6:33–37.Nhengo dzemhuri dzinokwanisa kugoverana nzira dzavanokwanisa “kuita zvakanaka,” kunyangwe apo pavanonzwa kutya. Zvinorevei “kutarisa kuna [Kristu] mupfungwa dzose”? (ndima 36). Ndeipi mimwe mienzaniso yevanhu vakatendeukira kuna Ishe kuti vakunde kusatenda nekutya? (ona, semuenzasio, Estere 4; Aruma 26:23–31).

Dzidziso neZvibvumirano 8:10.Uyu ungava mukana wakanakisa wekugovera kuti rutendo muna Jesu Kristu hwakakusimbisa sei iwe nemhuri yako. Sei zvakakosha kuti “tikumbire murutendo”? Ndeapi maropafadzo awakaona kubva mukutsvaka mhinduro kana rubatsiro murutendo?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa: “Ita Zvakanaka,” Hwaro hweVhangeri, 292.

Mufananidzo
mufananidzo wemanzwi ekudzorerwa

Manzwi Ekudzorerwa

Dudziro yeBhuku raMormoni

Muna Kubvumbi 1829, uyo mwedzi apo zvikamu 6–9 zveDzidziso neZvibvumirano pazvakatambirwa, basa guru raJoseph Smith rakanga riri rokududzira Bhuku raMormoni. Apo paakabvunzwa pashure kuti atsanangure madudzirirwo akanga aitwa nhoroondo iyi Joseph akati “yakanga isina kuitirwa kuudza nyika zvinhu zvose.”1 Kazhinji aiitaura kungoti yakanga yadudzirwa “nechipo, nesimba raMwari.”2

Hatizivi zvakawanda pamusoro penzira iyi inoshamisa yedudziro, asi tinoziva kuti Joseph Smith. akanga ari muoni, aibatsirwa nezvishandiso izvo Mwari zvavakanga vagadzirira: matombo ainjenjemera maviri ainzi Urimi neTumimi uye nerimwe dombo raidaidzwa kuti dombo reuoni.3

Mashoko anotevera, akabva kuzvapupu zvakaona nameso nzira iyi yedudziro, anotsigira uchapupu hwaJoseph.

Mufananidzo
Bhokisi remapango raHyrum Smith iro raiva nemahwendefa egoridhe.

Zvinobvumwa kuti bhokisi iri, iro raiva raHyrum Smith, rakashandiswa kuviga mahwendefa egoridhe kwenguva pfupi.

Emma Smith

Mufananidzo
Emma Smith

“Apo murume wangu paakanga achidudzira Bhuku raMormoni, ndakanyora chikamu charo, apo paaindiverengera mutsetse wega wega, shoko neshoko, uye apo paaisvika pamazita aakanga asingakwanisi kududza zvakanaka, kana mashoko akareba, aiaperetera, uye apo pandaianyora, kana ndikangokanganisa mukuaperetera, aindimisa uye ogadzirisa kuperetera kwangu kunyangwe zvazvo zvakanga zvisingakwanisiki kuti aone manyorere andainge ndaaita panguva iyoyo. Kunyangwe shoko rokuti Sarah akanga asingakwanisi kuridudza zvakanaka pokutanga, saka aitoriperetera, uye ini ndobva ndaridudza kwari.”4

“Mahwendefa kazhinji ainge ari patafura pasina kana kuedza kuahwandisa, akaputirwa nekamucheka kadiki kepatafura, ako kandakanga ndamupa kuti aaputirire machiri. Pane imwe nguva ndakambobata mahwendefa aya, apo paakanga ari patafura, ndichitevedzera mucheto nechimiro chawo. Aitaridzika kuva anokwanisa kukombamiswa sepepa gobvu, uye aishwakatika sezvinoita marata apo micheto yawo payaisundwa negunwe, sokusundira mberi micheto yebhuku negunwe kunomboitwa nevanhu. …

“Kutenda kwangu ndekwekuti Bhuku raMormoni ndere chokwadi chohumwari—ndinotenda zvakazara nezvaro. Ndinogutsikana kuti hakuna munhu aikwanisa kuverengera munyori kunyorwa kwemagwaronyorwa aya kusara kwekunge akafemerwa; nokuti, apo pandaishanda semunyori wake, [Joseph] aiverenga kwandiri awa mushure meawa, uye apo paaidzoka mushure mekudya, kana mushure mekumbomiswa nezvimwewo, pakarepo aitangira paainge asiira, asina kuona gwaronyorwa kana kuverengerwa chimwe chidimbu charo. Ichi ndicho chinhu chaaiita mazuva ose. Zvaiva zvisingakwanisike kuti munhu akadzidza angagona kuita izvi, uye, kumunhu asina chaaiziva uye akanga asina kudzidza sezvaakanga ari, zvakanga zvisingatombogoneki zvachose.”5

Mufananidzo
Emma Smith achibatsira nedudziro

Mufananidzo waEmma naJoseph Smith. naMichael T. Malm

Oliver Cowdery

Mufananidzo
Oliver Cowdery

“Ndakanyora nepeni yangu pachangu Bhuku raMormoni rose (kusara kwemapeji mashomanana) apo paraidururuka kubva pamuromo wemuporofita, achiridudzira nechipo nesimba raMwari, achishandisa Urimi neThummim, kana, sokudaidzwa kwazvinoitwa nebhuku, zviturikiri zvitsvene Ndakaona nemaziso angu, uye ndakabata nemaoko angu, mahwendefa egoridhe ayo arakadudzirwa kubva maari. Ndakaonawo zviturikiri zvacho.”6

Zvinyorwa

  1. Minutes, 25–26 Gumiguru 1831,” Minute Book 2, 13, josephsmithpapers.org

  2. Muna “Church History,” Times and Seasons,Kurume 1, 1842, 707. 

  3. Muna Edmund C. Briggs, “A Visit to Nauvoo in 1856,” Journal of History, vol. 9, no. 4 (Gumiguru 1916), 454; zvakatapwa muna Russell M. Nelson, “A Treasured Testament,” Ensign, Chikunguru 1993, 62.

  4. Muna “Last Testimony of Sister Emma,” Saints’ Herald, Gumiguru. 1, 1879, 290; kuperetera kwakaitwa kwemazuva ano.

  5. Mujenari raReuben Miller, Gumiguru. 21, 1848, Raibhurari yeNhoroondo yeChechi, Salt Lake City; kuperetera, zvimiso, nemavara makuru zvakaitwa zvemazuva ano.

Mufananidzo
Joseph Smith naOliver Cowdery vachidudzira mahwendefa egoridhe.

Joseph Smith. naOliver Cowdery vakadzidza zvakawanda kuburikidza nenzira yokududzira mahwendefa egoridhe.

Dhinda