Dzidziso neZvibvumirano 2021
Kukadzi 1–7. Dzidziso neZvibvumirano 10–11: “Kuti Ubude Uri Mukundi”


“Kukadzi 1–7. Dzidziso neZvibvumirano 10–11: “Kuti Ubude Uri Mukundi,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (2020)

“Kukadzi 1–7. Dzidziso neZvibvumirano 10–11,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2021

Mufananidzo
Gwaronyorwa reBhuku raMormoni

Kopi yegwaronyorwa rokutanga reBhuku raMormoni.

Kukadzi 1–7

Dzidziso neZvibvumirano 10–11

“Kuti Ubude Uri Mukundi”

Kunyora pasi manzwiro aunotambira apo paunenge uchiverenga magwaro matsvene kwakafanana nokudyara modzi; kunyangwe manzwiro madiki anokwanisa kutungamirira kuzvakazarurwa zvako pachako zvakakosha.

Nyora Pasi Mwanzwiro Ako

Apo dudziro yeBhuku raMormoni payaifambira mberi, mubvunzo wakauya sezvaitarisirwa: Chii chinofanira kuitwa naJoseph Smith naOliver Cowdery pamusoro pemapeji aya edudziro akanga arasika? Chinhu chinomusoro chingaitwa kungava kudzokera kunodudzirazve chikamu ichocho, asi Ishe vaikwanisa kuona chimwe chinhu icho Joseph naOliver chavakanga vasingagoni kuona—varume vakaipa vakanga vachironga kuchinja mazwi pamapeji iwawo kuitira kuti vanhu vasave nechokwadi pabasa rakafemerwa raJoseph. Mwari vakanga vaine chirongwa chokudzivirira zvaiedzwa naSatani uye nokutsiva zvakanga zvarasika. Chironga ichi chakanga chasanotangwa zvuru zvamakore zvakanga zvapfuura apo muporofita Nifai paakanzwa kufemerwa kuti aite rondedzero yechipiri iyo yaiva yenguva imwecheteyo neye chikamu chakanga charasika. Pashure, Mormoni akafemerwa kuti asanganisire rondedzero iyi muBhuku raMormoni “nokuda kwechinangwa chine ungwaru” chaizikanwa kuna Ishe (ona Mashoko aMormoni 1:3–7).

“Ungwaru hwangu,” Ishe vakadaro kuna Joseph, “hukuru kudarika mano adhiabhorosi” (Dzidziso neZvibvumirano 10:43). Ishoko rinosimbisa munguva yakaita seyedu, apo kuedza kunoenderera kwemuvengi kwekuderedza rutendo kuri kuwedzera. SaJoseph, tinokwanisa “vimbika uye toenderera mberi” mubasa iro Mwari ravakatidaidza kuti tiite (ndima 3). Zvino tinozowana kuti Vakatogadzirira nzira kuitira kuti “misuwo yegehena haizotikurire” (ndima 69).

Ona Saints, 1:51–61.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Dzidziso neZvibvumirano 10:1–33

Satani anotsvaka kuparadza basa raMwari.

Satani anoda kuti tikanganwe kuti ariko—kana kuti titadze kuziva kuedza kwake kutifurira (ona 2 Nifai 28:22–23). Asi mashoko aIshe muDzidziso neZvibvumirano 10 anotaridza kuti Satani anoshanda nguva dzose kupikisa basa raMwari. Apo paunoverenga ndima 1–33, ona matsvagiro aiita Satani kuparadza basa raMwari munguva yaJoseph Smith (onawo ndima 62–63). Ndezvipi zvaunoona zvakafanana nenzira idzo Satani dzaanoshanda nadzo nhasi? Unokwanisa kukumbira Ishe kukubatsira kuona maedzerwo aungange uchiitwa naSatani. Chii chaunodzidza kubva kuchikamu 10 icho chinokwanisa kukubatsira kukunda kuedza kwaSatani?

Dzidziso neZvibvumirano 10:34–52

“Ungwaru [hwaIshe] hukuru kudarika mano adhiabhorosi.”

Makore anopfuura zvuru zviviri nemazana mana zvisati zvaitika, Ishe vakagadzirira kutsiva mapeji akarasika eBhuku raMormoni (ona 1 Nifai 9). Chii chaunodzidza pamusoro paIshe kubva kuDzidziso neZvibvumirano 10:34–52? Ndehupi umboo hweungwaru neruzivo rwezvirimberi hwawakaona muupenyu hwako?

Rondedzero yokuti Mwari vakagadzirira kutsiva gwaronyorwa rakarasika inowanikwa iyezvino muna 1 Nifai kusvika kuna Omuni. Nyaya nedzidziso dziri murondedzero iyi zvakakupa sei “rujeko rwakawedzerwa pavhangeri”? (Dzidziso neZvibvumirano 10:45).

Mufananidzo
Mormoni achipfupisa mahwendefa egoridhe

Mormoni Achipfupisa Mahwendefa, naTom Lovell

Dzidziso neZvibvumirano 11

Kana ndikakumbira kuna Mwari, ndinozotambira.

Nhengo dzemhuri yaJoseph Smith neshamwari dzakati wandei dzakamukumbira kuti adzitsvakire chido chaIshe. Joseph akafara kuita saizvozvo, asi Ishe vaidawo kuvapa zvakazarurwa zvavo pachavo. MuDzidziso neZvibvumirano 11, chakazarurwa icho Joseph chaakatambirira mukoma wake Hyrum, Ishe vakati, “Ndichapa kwauri Mweya wangu, … uye ndipo pauchaziva … zvose zvinhu zvipi zvazvo zvaunoda nezvangu” (Dzidziso neZvibvumirano 11:13–14).

Ishe vakati mashoko Avo aiva “avose vane zvido zvakanaka, uye vakakanda jeko ravo kuti vakohwe” (ndima 27). MuDzidziso neZvibvumirano 11, Ishe varikuedza kukuudza chii pamusoro pezvakazarurwa zvako pachako? pamusoro pokutora chinhano mubasa raMwari? Ndeapi mamwe mashoko aVanawo kwauri?

Dzidziso neZvibvumirano 11:15–26

Apo pandinotsvaka “kuwana shoko [raMwari],” ndinozotambira Mweya Wavo nesimba Ravo.

Kunyangwe Bhuku raMormoni risati radudzirwa, Hyrum Smith aida chaizvo kuparidza vhangeri. Apo paunoverenga mhinduro yaIshe kuzvido zvake, funga zvazvinoreva kwauri “kuwana shoko [raMwari]” (ndima 21). Kuwana shoko raMwari kunokubatsira sei kushandira muChechi? Kunounza sei simba raMwari muupenyu hwako?

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Dzidziso neZvibvumirano 10:5.Chii chatinodzidza kubva mundima iyi pamusoro pesimba remunamato? “Tinonamata nguva dzose” sei? (Kuti uwane mazano, ona David A. Bednar, “Pray Always,” Ensign kana Liahona, Mbudzi 2008, 41–44.)

Dzidziso neZvibvumirano 10:38–46.Kubatsira mhuri yako kukurukura matsiviro akaita Ishe mapeji akarasika edudziro yeBhuku raMormoni, pamwe nhengo dzemhuri dzinokwanisa kutaura pamusoro pechimwe chinhu chavakarasikirwa nacho munguva ichangopfuura. Vakanzwa sei pavakaona kuti chakarasika? Vakanzwa sei pachakawanikwa? Kunyangwe zvazvo mapeji akarasika asina kumbowanikwa, Ishe vakatsiva sei kurasika kwawo, maererano neDzidziso neZvibvumirano 10:38–46?

Dzidziso neZvibvumirano 10:55–70.Koka nhengo dzemhuri kuti dziwane kana kumaka ndevo dzinotanga nemashoko anoti “Ndini”, kana “Ndicha.” Chii chatinodzidza kubva kundevo dzinoti “Ndini” pamusoro pokuti Jesu Kristu ndiani uye kuti Akaita sei? Chii chatinodzidza kubva kundevo dzinoti “Ndicha” pamusoro pezvaAnoita? Kurudzira nhengo dzemhuri kugoverana masimbisiro anoita zvokwadi izvi rutendo rwavo muna Jesu Kristu.

Dzidziso neZvibvumirano 11:12–14.Kuverenga ndima idzi kunokwanisa kubatsira nhengo dzemhuri yako kuziva apo Mweya paunenge uchitaura navo. Unokwanisa kutendekera tochi yakabaka pasi uye wokoka nhengo yemhuri kuti iende kune chiedza. Izvi zvakafanana sei nokutevera nhungamiro yeMweya Mutsvene. Ndezvipi zviitiko zvako pachako zvaungagoverana nevamwe?

Dzidziso neZvibvumirano 11:15–30.Funga kuita mudorongodzwa wezvinhu izvo Ishe zvavakataurira Hyrum Smith kuti aite kuitira kuti agova akagadzirira kugovera vhangeri. Chii chatinofanira kushanda pachiri semhuri?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Kunatsa Kudzidzisa Kwedu

Shandisa magwaro matsvene kuupenyu hwako. Mushure mokuverenga ndima yechinyorwa chitsvene, kumbira nhengo dzemhuri kugoverana nzira idzo shoko iri dzarinoshanda kuupenyu hwavo. Semuenzaniso, vanokwanisa kugovera kuti Mweya wakavashandura sei nemunzira dzakatsanangurwa muDzidziso neZvibvumirano 11:12–13.

Mufananidzo
Joseph naHyrum Smith

Joseph naHyrum Smith, naKen Corbett

Dhinda