Dzidziso neZvibvumirano 2021
Kukadzi 22–28. Dzidziso neZvibvumirano 18-19: “Kukosha kweMweya Kukuru”


“Kukadzi 22–28. Dzidziso neZvibvumirano 18-19, ‘Kukosha kweMweya Kukuru’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (2020)

“Kukadzi 22–28. Dzidziso neZvibvumirano18–19,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2021

Mufananidzo
Purazi raMartin Harris

Purazi raMartin Harris, naAl Rounds

Kukadzi 22–28

Dzidziso neZvibvumirano 18-19

“Kukosha kweMweya Kukuru”

Zvakazarurwa zviri muDzidziso neZvibvumirano zvakapuwa mumhinduro kune mamwe mamiriro ezvinhu panguva inganoita makore mazana maviri yakapfuura iyo, asi misimboti yazvinodzidzisa ndeye vanhu mumikuwo yose yenguva. Tsvaka misimboti iyi apo paunoverenga, uye funga kuti inoshanda kwauri sei?

Nyora Pasi Mwanzwiro Ako

Martin naLucy Harris vakanga vaine rimwe ramapurazi akanakisa muPalmyra, New York. Zvakanga zvavatorera makore kuti variwane, uye rakanga raita kuti vakwanise kurera mhuri, uye rikange raita kuti varemekedzwe chaizvo munzvimbo mavaigara. Asi muna 1829 zvakava pachena kuti Bhuku raMormoni raikwanisa kushambadzwa chete kana Martin aitora chikwereti nokusungira purazi rake kuitira kuti vagobhadhara mudhindi. Martin akanga ane uchapupu hweBhuku raMormoni, asi Lucy akanga asina. Kana Martin aienderera mberi akawana chikwereti ichocho uye Bhuku raMormoni rikasatengwa zvakanaka, aizorasikirwa nepurazi rake uye zvaizomupesanisa chaizvo nemukadzi wake. Panozoita nguva muupenyu hwemumwe nemumwe wedu apo patinotarisana nemibvunzo yakafanana neiyo yakanga yatarisanwa nayo naMartin: Vhangeri raJesu Kristu rinokosha chii kwandiri? Chii chandinoda kuzvipira kuitira kubatsira kuvaka umambo hwaMwari? Zvingangotibatsira kuyeuka kuti hapana munhu akambofa akabhadhara mutengo mukuru kuropafadza vana vaMwari kupfuura Jesu Kristu, “mukurusa kuna vese” (Dzidziso neZvibvumirano 19:18).

Martin akaita sarudzo yokutora chikwereti achisungira purazi rake. Kuzvipira kwake kwakabhadhara kudhindwa kwemakopi zvuru zvishanu eBhuku raMormoni. Uye zvino, mushure mukudhindwa kwemakopi anopfuura mamiriyoni zana nemakumi mapfumbamwe, mamiriyoni evanhu panyika pose vakaropafadzwa.

Kuti uwane rumwe ruzivo pamusoro pekushambadzwa kweBhuku raMormoni, ona Saints, 1:76–84.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Dzidziso neZvibvumirano 18:10–16

Ishe vanofara apo patinotendeuka.

Cherechedza mawandiro ekushandiswa kwemashoko anoti tendeuka uye rutendeuko nemose muDzidziso neZvibvumirano 18 ne 19, uye wofungisisa pamusoro pezvaunodzidza kubva mumashoko aya panguva yega yega yaanoshandiswa. Funga kunyanya Dzidziso neZvibvumirano 18:10–16; ndima idzi dzinoshandura sei manzwiro ako pamusoro perutendeuko—rutendeuko rwako pachako uye basa rokukoka vamwe kutendeuka?

Onawo Aruma 36:18–21; Dale G. Renlund, “Repentance: A Joyful Choice,” Ensign kana Liahona, Mbudzi 2016, 121–24.

Dzidziso neZvibvumirano 18:34–36

Ndinokwanisa kunzwa izwi raIshe muDzidziso neZvibvumirano:

Kana mumwe munhu akakubvunza kuti inzwi raIshe rakaita sei, unozoit chii? Funga pamusoro pemubvunzo uyu apo paunoverenga Dzidziso neZvibvumirano 18:34–36. Chii chawakadzidza pamusoro peinzwi raIshe kubva mukuverenga Dzidziso neZvibvumirano? Chii chaunokwanisa kuita kuti unyatsonzwa zvakajeka inzwi Ravo?

Dzidziso neZvibvumirano 19:15–20

Jesu Kristu akatambudzika kuitira kuti ndigokwanisa kutendeuka uye ndigouya kwaAari.

Testamente Itsva inotsanangura kutambudzika kweMuponesi muGethsemane kubva kumanzwisisiro eavo vakazviona. MuDzidziso neZvibvumirano 19:15–20, Jesu Kristu akataura pamusoro pekutambudzika Kwake mumashoko Ake pachake. Apo paunoverenga rondedzero yake pachake inoera iyi, tsvaka mashoko nendevo dzinotsanangura kutambudzika kweMuponesi. Funga zvaunodzidziswa neshoko roga roga kana nendevo yoga yoga. Sei Muponesi akanga achida kutambudzika? Funga kunyora pasi manzwiro ako pamusoro paJesu Kristu nekuzvipira Kwake kuitira iwe.

Ona Johane 15:13; Mosaya 3:7; Aruma 7:11–12; Dzidziso neZvibvumirano 18:10–13.

Mufananidzo
Jesu akatakura kamukomana kadiki

Kukosha kweMweya naLiz Lemon Swindle

Dzidziso neZvibvumirano 19:26–27, 34–41

Maropafadzo aMwari makurusa kupfuura upfumi hwepasi.

Bhuku raMormoni harina kutengwa zvakanaka muPalmyra, uye semugumisiro, Martin Harris akamanikidzwa kutengesa chikamu chikuru chepurazi rake kuti abhandare chikwereti (ona “The Contributions of Martin Harris,” Revelations in Context, 7–8). Fungisisa kuzvipira ikoko—uye maropafadzo awakatambira nokuda kwako—apo paunoverenga ndima idzi. Ungangofungawo pamusoro pezvawakakumbirwa naIshe kuzvipira. Chii chaunowana mundima idzi chinokukurudzira kuzvipira “nekufara” uye “nemufaro”? (onawo ndima 15–20).

Dzidziso neZvibvumirano 19:23

Runyararo runobva mukudzidza nezva Jesu Kristu nekuMutevera.

Funga kukoka kweMuponesi kuti “Dzidza nezvangu.” Chii chaunodzidza pamusoro paJesu Kristu muDzidziso neZvibvumirano 19? Nyora pasi pfungwa dzako, uye fungisisa kuti zvokwadi izvi pamusoro peMuponesi zvinokubatsira sei kuwana runyararo. Zvinorevei kwauri “kufamba muunyoro hweMweya [Wake]”?

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Dzidziso neZvibvumirano 18:1–5.Pamwe nhengo dzemhuri dzinokwanisa kugoverana dzimwe “dzenguva dzakawanda” (ndima 2) apo Mweya pawakataridza kwavari kuti magwaro matsvene ndeechokwadi, nenzira imwecheteyo yaWakaita kuna Oliver Cowdery. Mhuri yenyu ingakwanisa sei “kuvimba nezvinhu zvakanyorwa” (ndima 3) mumagwaro matsvene? Mungavaka sei hwaro hwemhuri yenyu “padombo” (ndima 4) revhangeri?

Dzidziso neZvibvumirano 18:10–13; 19:16–19.Nhengo yemhuri yoga yoga inokwanisa kuverenga Dzidziso neZvibvumirano 18:10–13 uye yoisa zita rayo panzvimbo yemashoko anoti “mweya” uye “vanhu vose.” Munokwanisa zvino kukurukura kuti ndima idzi dzinokubatsirai sei kunzwisisa kukosha kwedu kuna Baba neMwanakomana (ona Dzidziso neZvibvumirano 19:16–19).

Dzidziso neZvibvumirano 18:21–25.Mazita enhengo dzemhuri yenyu ane zvaanoreva zvinokosha here? Pamwe mungataura pamusoro pokuti sei mazita akakosha uye zvazvinoreva kutora patiri zita raJesu Kristu (ona Mosaya 5:7). Uyu unogona kuva mukana wakanaka wekubatsira nhengo dzemhuri kugadzirira kutora zita raKristu pavari apo pavanobhabhatidzwa.

Dzidziso neZvibvumirano 19:15–20.Kubatsira mhuri yako kuti ive nechiitiko chakakosha nendima idzi, pamwe unokwanisa kudziverenga wakaisa mufananidzo waJesu Kristu paunoonekwa nemunhu wose (mumwe mufananidzo unoperekedza chirongwa chechidzidzo chino). Nhengo dzemhuri dzinokwanisa zvino kugoverana manzwiro adzo pamusoro peMuponesi. Rumbo rwunofarirwa rwepamusoro peMuponesi runokwanisawo kukoka Mweya.

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa: “I Stand All Amazed,” Hymns, no. 193.

Kunatsa Kunzvera Kwako Wega

Bvunza mibvunzo. Dzidziso neZvibvumirano umboo hwekuti mibvunzo inotungamirira kuzvakazarurwa. Apo paunonzvera magwaro matsvene, nyora pasi mibvunzo inouya kwauri. Zvino fungisisa uye namata kuti utsvage mhinduro.

Mufananidzo
Kristu achinamata muBindu reGetsemani

Kristu Achinamata muBindu reGetsemani, naHermann Clementz

Dhinda