Dzidziso neZvibvumirano 2021
Kurume 1–7. Dzidziso neZvibvumirano 20–22: “Kusimuka kweChechi yaKristu”


“Kurume 1–7. Dzidziso neZvibvumirano 20-22: ‘Kusimuka kweChechi yaKristu,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (2020)

“Kurume 1–7. Dzidziso neZvibvumirano 20-22,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2021

Mufananidzo
Imba yaPeter Whitmer

Imba yaPeter Whitmer, naAl Rounds

Kurume 1–7

Dzidziso neZvibvumirano 20–22

“Kusimuka kweChechi yaKristu”

Apo paunoverenga Dzidziso neZvibvumirano 20-22, iva nechido chokugamuchira femero yeMweya Mutsvene. Funga kudzinyora pasi kuti ugokwanisa kudzokera kwadziri uchidziverenga.

Nyora Pasi Mwanzwiro Ako

Basa reMuporofita Joseph Smith rekududzira Bhuku raMormoni rakanga zvino rapera. Asi basa reKudzorerwa rakanga richangotanga. Zvakanga zviri pachena kubva muzvakazarurwa zvekutanga kuti pamwepo nekudzorera dzidziso nemvumo yehupirisita, Ishe vakanga vachida kudzorera sangano riri pamutemo—Chechi Yavo (ona Dzidziso neZvibvumirano 10:53; 18:5). Saka musi waKubvumbi 6, 1830, vatendi vanodarika makumi mana vakazara muimba yemapango yemhuri yekwaWhitmer muFayette, New York kuti vaone kurongwa kweChurch yaJesu Kristu.

Zvakadaro, vamwe vanhu vanobvunza kuti, sei Chechi yakarongwa ichidikanwa? Mhinduro ingangowanikwa, muchikamu, muzvakazarurwa zvakabatanidzwa nemusangano iwoyo wekutanga weChechi muna1830. Umu, maropafadzo anotsanangurwa ayo akanga asingakwanisike dai Chechi yaJesu Kristu yechokwadi yakanga isina “kurongwa nekumiswa nemazvo” mumazuva ekupedzisira (Dzidziso neZvibvumirano 20:1).

Onawo Saints, 1:84–86, uye “Build Up My Church,” Revelations in Context, 29—32.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Dzidziso neZvibvumirano 20:1–36

Chechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira yakamisirwa padzidziso dzechokwadi.

Chikamu 20 chinosumwa “sezvakazarurwa pamarongerwo nematongerwo eChechi” (musoro wenyaya wechikamu). Asi chisati chatsanangura muchidimbu mirau yeChechi, zvigaro zvehupirisita, uye nzira dzemaitirwo ezvisungo, chakazarurwa ichi chinotanga nekudzidzisa dzidziso inokosha zvikuru. Apo paunoverenga ndima makumi matatu dzekutanga dzezvakazarurwa izvi, zvibvunze pachako kuti sei zvakadaro. Ungangoitawo mudorongodzwa wezvokwadi zvevhangeri zvaunowana. Heino mimwe mienzaniso:

Sei zvokwadi izvi zvaiva zvakakosha kuzvisimbisa apo Chechi payakanga ichimiswa?

Dzidziso neZvibvumirano 20:37, 75–79

Zvisungo zvinoera chikamu chakakosha cheChechi yakadzorerwa.

Apo Chechi payakarongwa, Ishe vakadzidzisa Vatendi Vavo pamusoro pezvisungo zvinoera, kusanganisa rubhabhatidzo nesakaramende. Apo paunoverenga mirairo iri “maererano nenzira yerubhabhatidzo” mundima 37, funga pamusoro perubhabhatidzo rwako pachako. Wakava here nemamwe emanzwiro atsanangurwa mundima ino? Unawo here iyezvino? Fungisisa zvaungaite kuti uchengete zvakasimba “ushingi hwako hwekushandira [Jesu Kristu] kusvika kumagumo.”

Apo paunoverenga pamusoro pesakaramende muDzidziso neZvibvumirano 20:75–79, edza kuverenga minamato inoera iyi nemaonero emumwe munhu arikuinzwa kekutanga. Inzwisiso dzakadzama dzipi dzaunogashira pamusoro pesakaramende? Inzwisiso dzakadzama dzipi dzaunogashira pamusoro pako chapako? Nzwisiso idzi dzingashandura sei nzira yaunogadzirira kutora sakaramende svondo rino?

Mufananidzo
mudhikoni achitambidza Sakaramende

Sakaramende chisungo chinoyera.

Dzidziso neZvibvumirano 20:38–60

Kushandira kwehupirisita kunoropafadza nhengo dzeChechi nemhuri dzavo.

Kana mumwe munhu akakukumbira kuti udome mabasa emunhu ane hupirisita, chii chaungataura? Verenga Dzidziso neZvibvumirano 20:38–60, idzo dzinodorongodza mabasa ezvigaro zvakasiyana-siyana zvehupirisita. Pane chimwe chinhu here mundima idzi chinoshandura mafungiro aunoita pamusoro pemabasa ehupirisita uye nemaitiro anoita Muponesi basa Rake? Wakaropafadzwa sei nebasa ratsanangurwa mundima idzi?

Kuti udzidze mashandisiro anoita madzimai mvumo yehupirisita mubasa reChechi, ona Dallin H. Oaks, “The Keys and Authority of the Priesthood,” Ensign kana Liahona, Kubvumbi 2014, 49–52.

Dzidziso neZvibvumirano 21

Chechi yaJesu Kristu inotungamirirwa neMuporofita mupenyu.

Chii chaunodzidza kubva muDzidziso neZvibvumirano 21:4-9 pamusoro pemashoko evaporofita vaIshe? Funga Vimbiso dzakatsanangurwa mundima 6 kuitira avo vanogashira mashoko aIshe kuburikidza nemuporofita Wavo? Vimbiso idzi dzinorevei kwauri?

Ungagashira sei shoko remuporofita mupenyu “sekunge rabva mumuromo ma[Mwari] pachavo ”?(ndima 5). Irairo ipi yakapihwa nemuporofita wanhasi inokwanisa kutungamirira kumaropafadzo akavimbiswa mundima 6?

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Dzidziso neZvibvumirano 20.Chii chatingataure kana mumwe munhu akatibvunza kuti sei tichida Chechi? Ndedzipi mhinduro dzatinowana muDzidziso neZvibvumirano 20? Onawo D. Todd Christofferson, “Why the Church,” Ensign kana Liahona, Mbudzi 2015, 108–11

Dzidziso neZvibvumirano 138:17Zvinorevei “[kufamba] muutsvene pamberi paIshe”? Zvingangova zvinonakidza kuti nhengo dzemhuri dzidhirowe kana kunyora pazvidimbu zvemapepa zvimwe zvinhu zvinokwanisa kuvabatsira kuti vafambe muutsvene kana zvinhu zvingangovakanganisa pakuita izvozvo. Zvino vangakwanisa kugadzira nzira vachishandisa mapepa iwayo uye voedza kufamba panzira iyoyo, vachitsika chete pamifananidzo inozovaunza kuna Kristu.

Dzidziso neZvibvumirano 20:37, 71–74Kana mumwe munhu mumhuri yenyu asati abhabhatidzwa, ndima idzi dzingakwanisa kutungamira kuhurukuro pamusoro pemagadziririro erubhabhatidzo (ona ndima 37) uye maitirwo anoitwa rubhabhatidzo (ona ndima 71–74). Nhengo dzemhuri dzinokwanisa kugoverana mifananidzo kana ndangariro kubva pazuva rerubhabhatidzo rwavo.

Dzidziso neZvibvumirano 20:75–79.Mhuri yenyu ingakwanise kushandisa sei ndima idzi kugadzirira zviitiko zvakakosha uye zvineruremekedzo nesakaramende. Ndima idzi dzingangopa mazano ezvinhu zvamungakwanisa kufungisisa munguva yesakaramende uye nhengo dzemhuri dzinokwanisa kutsvaga kana kudhirowa mifananidzo yezvinhu izvozvo. Sekukodzera kwazvinoita, mungangounza mifananidzo iyoyo kumusangano wenyu wesakaramende unotevera seyeuchidzo yeizvo zvekufunga nezvazvo panguva yesakaramende.

Dzidziso neZvibvumirano 21:4–7.Funga kukoka nhengo dzemhuri kuti dzitsvage manzwi nendevo mundima 4–5 dzinotidzidzisa pamusoro pekutevera muporofita waIshe. Zvinorevei kugashira manzwi emuporofita mumwoyo murefu? zvinorevei kugashira manzwi emuporofita murutendo? Ndiriinhi watakagashira maropafadzo akavimbiswa mundima 6?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapihwa: “The Church of Jesus Christ,” Children’s Songbook 77.

Kunatsa Kudzidzisa Kwedu

Tevedzera upenyu hweMuponesi. “Simba reMuponesi rekudzidzisa nekubatsira vamwe raibva panzira yaAirarama nayo uye rudzi rwemunhu rwaAiva. Kuedza zvakasimba kwaunoita pakushingirira kurarama saJesu Kristu kunozoita kuti unyanye kukwanisa kudzidzisa saIye” (Teaching in the Savior’s Way, 13).

Mufananidzo
Oliver Cowdery achigadza Joseph Smith

Oliver Cowdery Anogadza Joseph Smith, naWalter Rane

Dhinda