Dzidziso neZvibvumirano 2021
Kurume 8–14 Dzidziso neZvibvumirano 23–26: “Simbisai Chechi”


“Kurume 8–14. Dzidziso neZvibvumirano 23-26: ‘Simbisai Chechi,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (2020)

“Kurume 8–14. Dzidziso neZvibvumirano 23–26,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2021

Mufananidzo
Emma Smith

Kurume 8–14

Dzidziso neZvibvumirano 23–26

“Simbisai Chechi”

Apo paunoverenga Dzidziso neZvibvumirano 23-26, Nyora pasi manzwiro aunogashira kubva kuMweya Mutsvene. Ungashandise sei rairo iri muzvakazarurwa izvi kuti usimbise hudzidzi hwako pachako uyewo neChechi?

Nyora Pasi Mwanzwiro Ako

Mushure mekunge Chechi yarongwa,Vatendi vakasangana nedambudziko idzva—rekuparadzira vhangeri nekusimbisa avo vakanga vatobatana neChechi, zvese izvi apo kushungurudzwa pakwakanga kuchienderera mberi kuwedzera. Emma Smith akasangana nekupikiswa iye pachake. Muna Chikumi 1830, Emma nenhengo dzemhuri yekwaKnight vaida kubhabhatidzwa. Asi vavengi veChechi vakaedza kukangaidza icho chaifanira kunge chiri chiitiko chinoera. Kutanga vakaparadza dhamu rakanga ravakwa kuti pave nemvura yakadzika zvakakwana kuitira rubhabhatidzo. Kunyangwe mushure mekunge dhamu ragadziriswa zvakare, vashungurudzi vakaungana kuti vadaidzire tyisidziro nekunyomba avo vakanga vari kubhabhatidzwa. Zvino, apo Joseph Smith paakanga oda kusimbisa nhengo itsva idzi, akasungirwa kuti akanga agumbura vagari venzvimbo iyoyo nekuparidza pamusoro peBhuku raMormoni. Zvakaratidzika sekunge kwaiva kutanga kwakanga kusina chimuko kweChechi yaIshe yakanga ichangodzorerwa. Asi munguva yekusagadzikana uku nemhirizhonga iyi Ishe vakapa mashoko anokosha erairo nekurudziro, anomiririra “inzwi Ravo kune vose” (Dzidziso neZvibvumirano 25:16).

Onawo Saints, 1:89-90, 94–97.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Dzidziso neZvibvumirano 23–26

Ndinokwanisa kubatsira kusimbisa Chechi yaMwari.

Nhasi, makore angangoita mazana maviri mushure mekunge Chechi yakadzorerwa yarongwa, kudikanwa “kwekusimbisa chechi” kunoenderera mberi (Dzidziso neZvibvumirano 23:3–5). Uye basa iri harisi chete raJoseph Smith, Oliver Cowdery, kana vatungamiri veChechi vazvino—nderedu tose. Mukunzvera kwako kose kweDzidziso neZvibvumirano 23–26, fungisisa rairo iyo Ishe yavakapa kunhengo dzeChechi dzekutanga kuvabatsira kusimbisa Chechi. Chii chaunonzwa kuti Ishe vanoda kuti uite kuti utore chinhano mukuedza uku?

Dzidziso neZvibvumirano 24

Muponesi anokwanisa kundisimudza “kubva mumatambudziko [angu].”

Kutungamirira Chechi munguva yekushungurudzwa kukuru kunofanira kunge kwakanga kuri mutoro unorema kuna Joseph Smith. Tsvaga mashoko aIshe ekurudziro kwaari muDzidziso neZvibvumirano 24.

Zvinyorwa zvitsvene zvinotevera zvinokuratidza chii pamusoro pekuti Muponesi anokwanisa sei kukusimudza kubva mumatambudziko ako?

Dzidziso neZvibvumirano 24:1–3 

Dzidziso neZvibvumirano 24:8 

Dzidziso neZvibvumirano 121:7–8 

Muporofita Isaya 40:28–31 

Mosaya 24:14–15 

Jesu Kristu akakusimudza sei kubva mumatambudziko ako? Chii chaungaita kuti uenderere mberi nekutsvaga rubatsiro Rwake munguva dzakaoma?

Mufananidzo
Jesu Kristu achirapa vanhu.

He healed Many of Diverse Diseases (Akarapa Zvirwere Zvakasiyana–siyana Zvakawanda), naJ. Kirk Richards

Dzidziso neZvibvumirano 25

Emma Smith “mudzimai akasarudzwa.”

Apo Emma Hale paakachata naJoseph Smith, zvichida aiziva kuti aizozvipira. Akanga achipikisa zvido zvababa vake uye achisiya upenyu hwekugara zvakanaka kuenda kuupenyu hwekusagadzikana. Angangova akafunga nezve izvo zvaitarisirwa naIshe kwaari mubasa reKudzorerwa. Tsvaga mhinduro dzakapihwa naIshe muDzidziso neZvibvumirano 25. Cherechedza mashoko aIshe mundima 16—unoona here chimwe chinhu muchikamu chino chaunonzwa kuti “inzwi Ravo [kwauri]”?

Onawo Joy D Jones, “An Especially Noble Calling,” Ensign kana Liahona, Chivabvu 2020, 15–18.

Dzidziso neZvibvumirano 26:2

Chii chinonzi bvumirano yeruzhinji?

Apo nhengo padzinogashira daidzo kana kugadzwa kuhupirisita muChechi, tine mukana wekuvatsigira zviri pamutemo nekusimudza maoko seratidzo yetsigiro. Musimboti wekuratidza tsigiro newirirano yeruzhinji inonzi bvumirano yeruzhinji. Sekudzidzisa kwakaita Mutungamiri Gordon B. Hinckley, “Mutoo wekutsigira muChechi mukuru kupfuura kungova tsika yekungosimudza ruoko. Kuzvipira kubvuma, kutsigira, kubatsira avo vakasarudzwa” (“The Work is Concerned with People,” Ensign, Chivabvu 1995, 51).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Dzidziso neZvibvumirano 23:6.Sei Ishe vachida kuti tinamate “mumhuri [dzedu,] uye pakati peshamwari [dzedu,] uye nemunzvimbo dzose”? Rumbo runoti “Wafunga Kunamata Here” (Hwaro Hwevhangeri, peji 320)—kana rumwe rumbo pamusoro pemunamato—runotidzidzisei pamusoro pesimba rekunamata?

Onawo 2 Nifai 32:8–9; 3 Nifai18:18–23.

Dzidziso neZvibvumirano 24:8.Zvingabatsira here kuti mhuri yako itaure pamusoro pezvazvinoreva “kuva nemwoyo murefu mumatambudziko”? Kana uine vana vadiki, zvingangova zvinonakidza kuitazve ekisiperimendi yakatsanangurwa naGosa Dieter F Uchtdorf “muContinue in Patience” (Ensign kana Liahona, Kubvumbi 2010, 56; onawo vhidhiyo yacho paChurchofJesusChrist.org). Chii chatinodzidziswa neDzidziso neZvibvumirano 24:8 pamusoro pemwoyo murefu? Ishe vanotibatsira sei kuva nemwoyo murefu mumatambudziko edu?

Dzidziso neZvibvumirano 25:11–12.Zvimwe mungaimba rwiyo kana rumbo runodisiswa nenhengo yemhuri yega yega uye motaura pamusoro pekuti sei ruri “rumbo rwepamwoyo. pake” Dzimbo idzi dzakaita sei “semunamato kuna [Mwari]”?

Dzidziso neZvibvumirano 26:2.Zvingangobatsira kutsvaga “Bvumirano yeRuzhinji” muNhungamiro kuMagwaro Matsvene (scriptures.ChurchofJesusChrist.org). Tinoratidza sei tsigiro yedu kuvatungamiri vedu?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapihwa: “Lift Up Your Voice and Sing,” Children’s Songbook, 252 (ona “Ideas to Improve Your Family Scripture Study”).

Mufananidzo
mufananidzo wemanzwi ekudzorerwa

Manzwi Ekudzorerwa

Emma Hale Smith

Mashoko aIshe kuna Emma Smith akanyorwa muDzidziso neZvibvumirano 25 anoratidza manzwiro aVaiita pamusoro pake uye zvinhu zvaaikwanisa kuita kubasa Ravo. Asi Emma akanga ari munhu akaita sei? Chii chatinoziva pamusoro pehunhu hwake, hukama hwake uye zvaainyanya kugona. Imwe nzira yekusvika pakuziva “mudzimai akasarudzwa” uyu (Dzidziso neZvibvumirano 25:3) ndeye kuverenga mashoko evanhu vainyatsomuziva.

Mufananidzo
Emma Smith

Emma Smith, naLee Greene Richards

Joseph Smith mwana, murume wake

Mufananidzo
Joseph Smith

“Ndakafara zvikuru zvekuti handikwanise kuzvitsanangura, uye ndakanzwa kuzadzwa nemufaro mukuru, apo pandakatora neruoko, pausiku ihwohwo, Emma wangu anodiwa—iye akanga ari mudzimai wangu, kunyange mudzimai wehujaya hwangu; uye munhu wandaive nerudo rukurusa kwaari. Ndaive nepfungwa zhinji apo pandakafunga zvakadzama kwechinguva zviitiko zvizhinji zvatakasangana nazvo. Mabasa anonetesa, nemarwadzo, rusuwo, nematambudziko, nerufaro nenyaradzo nguva nenguva zvakanga zvaitika muupenyu hwedu hwose uye zvakaropafadza upenyu hwedu. Ndakayeuka kwechinguva zvose zvakaipa nezvose zvakanaka, Asi achiri pano, kunyange nezviedzo zvatiinazvo Emma asingaori mwoyo, akasimba, uye asingazunguzike, asingashanduke, anerudo,”1

Lucy Mack Smith, , vamwene vake

Mufananidzo
Lucy Mack Smith

“Panguva iyoyo akanga ari mudiki, uye nemusikirwo arimunhu anoda kubudirira, mwoyo wake wose wakanga uri mubasa raIshe, uye akanga asina zvimwe zvaimufadza kunze kwechechi nekushingairira chokwadi. Chiri chipi zvacho chaaiwanikwa achiita nemaoko ake, aichiita nesimba rake uye akanga asingafunge mubvunzo weundingoveni wekuti, ‘Ndichapundutswa nazvo kudarika mumwe munhu here?’ Kana magosa atumirwa kure kunoparidza, aive wekutanga kuzvipira kupa mushando wake wekubatsira kuvagadzirira zvipfeko zverwendo rwavo, zvisina mhosva nemiedzo yaakanga achitarisana nayo iye pachake.”2

“Handisati ndamboona mudzimai muupenyu hwangu, aitivirira rudzi rwese rwezvinetso nekuomerwa, mwedzi nemwedzi, uye gore negore, neushingi, chido chikuru, nemwoyo murefu zvisingazunguzike, izvo zvaaigara achiita; nokuti ndinoziva zvinhu izvo zvaakatsungirira; kuti akasangana nekusagadzikana; kuti akatakura dutu rekushungurudzwa, uye akakunda hasha dzevanhu navanadhiyabhori, kusvikira akunda kunyura mugungwa redambudziko iro [ringadai] rakaremedza mumwe upi zvake mudzimai,”3

Joseph Smith, Baba, vatezvara vake

Ropafadzo rapatiriyaki raEmma, rakapihwa naJoseph Smith Baba, avo vakanga vachishandira sapatiriyaki weChechi:

“Emma muroora wangu, wakaropafadzwa naIshe, nekuda kwekutendeka kwako nechokwadi chako: ucharopafadzwa nemurume wako, uye uchafara mukubwinya kuchauya paari: Mweya wako wakatambudzwa nokuda kwehuipi hwevanhu mukutsvaga kuparadza murume wako, uye mweya wako wese wakapinda mukunamatira kusunungurwa kwake: fara, nokuti Ishe Mwari vako vanzwa chikumbiro chako.

“Wakachema nokuda kwekuoma mwoyo kweimba yababa vako, uye wakashuvira ruponeso rwavo. Ishe vachave nerukudzo rwekuchema kwako, uye nekutonga kwavo vachakonzera vamwe vavo kuti vaone kutadza kwavo uye vagotendeuka pazvivi zvavo; asi zvichava kuburikidza nekutambudzika kuchaita kuti vaponeswe. Uchaona mazuva mazhinji; hongu, Ishe vachakuchengetedza kusvikira wagutsikana, nokuti uchaona Mununuri wako. Mwoyo wako uchafara mubasa guru raIshe, uye hakuna munhu achatora rufaro rwako kubva kwauri.

“Uchagara uchiyeuka kuzvideredza kukuru kwaMwari wako mukukubvumira kuti uperekedze mwanakomana wangu apo ngirozi payakaunza chinyorwa chevaNifai kuti achichengete. Wakaona kusuwa kukurusa nokuti Ishe vakatora kubva kwauri vatatu vevana vako: muneizvi haupiwi mhosva, nokuti vanoziva zvido zvako zvakachena zvekukudza mhuri, kuti zita remwanakomana wangu rigoropafadzwa. Uye zvino, tarisa, ndinoti kwauri, izvi ndizvo zvinotaura Ishe, kana ukatenda, uchava unoropafadzwa muchinhu ichi uye uchava nevamwe vana, kurufaro nekugutsikana kwemweya wako, uye nekufara kweshamwari dzako.

“Ucharopafadzwa nenzwisiso, uye uchava nesimba rekuraira mamwe ako madzimai. Dzidzisa mhuri yako ururami, uye vadiki vako nzira yeupenyu, uye ngirozi tsvene dzichakutarira: uye uchaponeswa muumambo hwaMwari; kunyange kudaro. Ameni.”4

Mufananidzo
Emma Smith nevana vake

Emma Smith nevana vake. Time to Laugh, (Nguva yeKuseka) naLiz Lemon Swindle

Mufananidzo
Emma Smith achinyora

Nziyo dzaEmma naLiz Lemon Swindle

Dhinda