Dzidziso neZvibvumirano 2021
Mazano eKunatsurudza Kunzvera Magwaro Matsvene kweMhuri Yako


“Mazano eKunatsurudza Kunzvera Magwaro Matsvene kweMhuri Yako,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (2020)

“Mazano eKunatsurudza Kunzvera Magwaro Matsvene kweMhuri Yako” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2021

Mufananidzo
mhuri dzichinzvera magwaro matsvene

Mazano eKunatsurudza Kunzvera Magwaro Matsvene kweMhuri Yako

Kunzvera magwaro matsvene kwemhuri nguva dzose inzira inesimba yekubatsira mhuri yako kudzidza vhangeri. Huwandu hwezvamunoverenga nehurefu hwenguva yamunoverenga semhuri hazvina kukosha sekuramba makashinga mukuedza kwenyu. Apo paunoita kuti kunzvera magwaro matsvene kuve chikamu chakakosha cheupenyu hwemhuri yako, unozobatsira nhengo dzemhuri yako kuswedera pedyo nemumwe nemumwe wemhuri uye nekuna Jesu Kristu uye nekuvaka uchapupu hwavo pahwaro hweshoko Rake.

Funga pamusoro pemibvunzo inotevera:

  • Ungakurudzire sei nhengo dzemhuri kuti dzinzvere magwaro matsvene dziri dzega?

  • Chii chaungaite kukurudzira nhengo dzemhuri kuti dzigoverane zvavari kudzidza?

  • Ungasimbisa sei musimboti wauri kudzidza muDzidziso neZvibvumirano munguva dzekudzidzisa dzemazuva ose?

Yeuka kuti mumba ndiyo nzvimbo yakanaka yekudzidza vhangeri. Unokwanisa kudzidza nekudzidzisa vhangeri kumba nenzira dzisingakwanisike mukirasi yeChechi. Shandisa mazano anouchenjeri apo paunofunga nzira dzekubatsira mhuri yako kudzidza kubva mumagwaro matsvene.

Mazano eZviitwa

Funga pamusoro pemamwe emazano anotevera kuti uwedzere kunzvera magwaro matsvene kwemhuri yako:

Shandisa mimhanzi

Imbai dzimbo dzinosimbisa misimboti yakadzidziswa mumagwaro matsvene. Rwiyo kana rumbo rwevana vadiki rwamungaimba rwakapiwa muchirongwa chevhiki yega yega. Ungangoda kubvunza mibvunzo pamusoro pemashoko kana ndevo dziri mumanzwi erumbo. Pamusoro pokuimba, mhuri yako inokwanisa kuita zviito zvinoenderana nedzimbo kana kuteerera kudzimbo dzacho semumhanzi unenge uchirira apo pavanenge vachiita zvimwe zviitwa.

Goveranai zvinyorwa zvitsvene zvakakosha

Ipa nhengo dzemhuri nguva yekugoverana ndima dzezvinyorwa zvitsvene idzo dzavakawana kuti dzinokosha panguva yekunzvera kwavo pachavo.

Shandisa manzwi ako pachako

Koka nhengo dzemhuri kupfupisa nemumashoko avo pachavo zvavanodzidza kubva mumagwaro matsvene amunonzvera.

Shandisa magwaro matsvene kuupenyu hwako

Mushure mekuverenga ndima yechinyorwa chitsvene, kumbira nhengo dzemhuri kugovera nzira idzo ndima iyi dzainoshanda kuupenyu hwavo.

Bvunza mubvunzo

Koka nhengo dzemhuri kuti dzibvunze mubvunzo wevhangeri, uye mopedza nguva muchitsvaga ndima dzinokwanisa kubatsira kupindura mubvunzo.

Turika chinyorwa chitsvene

Sarudza ndima yaunowana yakakosha, uye woiturika apo painoonekwa nenhengo dzemhuri nguva zhinji. Koka dzimwe nhengo dzemhuri kuti dzichinjane mukusarudza chinyorwa chitsvene chekuturika.

Ita mudorongodzwa hwezvinyorwa zvitsvene

Semhuri, sarudzai ndima dzakati kuti idzo dzamunoda kuzokurukura mukati mevhiki inotevera.

Dzidzai zvinyorwa zvitsvene nemusoro

Sarudzai ndima yechinyorwa chitsvene yakakosha kumhuri yenyu, uye wokoka nhengo dzemhuri kuti dziidzidze nemusoro kuburikidza nekuidzokorora zuva nezuva kana kutamba mutambo wekuyeuka.

Govera dzidziso yezvidzidzo

Tsvaga zvinhu zvinoenderana nezvitsauko uye ndima dzamuri kuverenga semhuri. Koka nhengo dzemhuri kuti dzitaure pamusoro pekuti chinhu chimwe nechimwe chinofambirana sei nedzidziso dziri mumagwaro matsvene.

Sarudzai Musoro weNyaya.

Ita kuti nhengo dzemhuri dzichinjane kusarudza musoro wenyaya unozonzverwa nemhuri pamwechete. Shandisa Nhungamiro kuMagwaro Matsvene (scriptures.ChurchofJesusChrist.org) kuti muwane ndima dzezvinyorwa zvitsvene maererano nemusoro wenyaya unenge wasuradzwa.

Dhirowa mufananidzo.

Verengai ndima shoma semhuri, uye mopa nguva yekuti nhengo dzemhuri dzidhirowe chimwe chinhu chinoenderana nezvavaverenga. Pedzai nguva muchikurukura nezve mifananidzo yemumwe nemumwe.

Itai mutambo wenyaya

Mushure mekuverenga nyaya, koka nhengo dzemhuri kuti dziite mutambo wezvenyaya yacho. Mushure maizvozvo, taurai pamusoro pekuti nyaya yacho inofambirana sei nezvinhu zvamuri kusangana nazvo semunhu pachake uye semhuri.

Kudzidzisa Vana

Kana uine vana vadiki mumhuri yako, hezvino zvimwe zviitwa zvinokwanisa kuvabatsira kuti vadzidze:

Imbai

Nziyo nedzimbo kubva muBhuku reNziyo neDzevana Vadiki dzinodzidzisa dzidziso zvakasimba. Chimwe nechimwe chezvirongwa zviri mubhuku rino chinosanganisira rwiyo rwakapihwa. Unokwaisawo kushandisa munongedzo wemisoro yenyaya uri kumashure kweBhuku reNziyo neDzevana Vadiki kuti uwane nziyo dzinoenderana nemisimboti yevhangeri yauri kudzidzisa. Batsira vana vako kuti vafananidze mashoko edzimbo dzacho kuupenyu hwavo.

Teererai kana kuti itai mutambo wenyaya

Vana vadiki vanoda nyaya—kubva mumagwaro matsvene, kubva muupenyu hwako, kubva munhoroondo yeChechi, kana kubva mumamagazini eChechi. Tsvaga nzira dzekuvasanganisira mukutaura nyaya. Vanokwanisa kubata mifananidzo kana zvinhu, kudhirowa mifananidzo yezvavari kunzwa, kuita mutambo wenyaya yacho, kana kunyange kubatsira kutaura nyaya yacho. Batsira vana vako kuti vazive chokwadi chevhangeri munyaya dzaunogovera.

Verenga chinyorwa chitsvene

Vana vadiki vangange vasingakwanise kuverenga zvakanyanyisa, asi unokwanisa kuita kuti vatore chinhanho mukudzidza kubva mumagwaro matsvene. Ungangofanira kutarisisa pandima imwechete, ndevo yakakosha imwechete, kana shoko rimwechete.

Tarisai mufananidzo kana kuona vhidhiyo

Bvunza mibvunzo pamusoro pemufananidzo kana vhidhiyo inechekuita nezve musimboti wevhangeri wamuri kukurukura nezvawo. Semuenzaniso, unokwanisa kubvunza kuti, “Chii chiri kuitika mumufananidzo uyu? Zvinoita kuti unzwe sei? Gospel Library app, Gospel Media Library iri pa ChurchofJesusChrist.org, uye pa children.ChurchofJesusChrist.org inzvimbo dzakanaka dzekutsvaga mifananidzo nemavhidhiyo.

Gadzirai

Vana vanokwanisa kuvaka, kudhirowa, kana kukara chimwe chinhu chine chekuita nenyaya kana nemusimboti wavari kudzidza.

Tora chinhano muzvidzidzo zvinoshandisa zvinhu zvinobatika

Chidzidzo chakareruka chinoshandisa zvinhu zvinobatika chinokwanisa kubatsira vana vako kuti vanzwisise musimboti wevhangeri wakaoma kunzwisisa. Apo paunenge uchishandisa zvidzidzo zvinoshandisa zvinhu zvinobatika, tsvaga nzira dzekuti vana vako vatore chinhano. Vanozodzidza zvakawanda kubva pachiitiko chamunoita pamwechete pane kubva pakungotarisa zvinenge zvichiratidzwa.

Itai mutambo wenyaya

Apo vana pavanotamba mutambo wemamiriro ezvinhu avanokwanisa kusangana nawo muupenyu chaihwo, vanokwanisa kunzwisisa zvirinani mashandiro anoita misimboti yevhangeri kuupenyu hwavo.

Dzokorora zviitwa

Vana vadiki vangangofanira kunzwa pfungwa dzirikudzidziswa kakawanda kuti vadzinzwisise. Semuenzaniso, ungangogovera nyaya yechinyorwa chitsvene kakawanda nemunzira dzakasiyana-siyana—kuverenga kubva mumangwaro matsvene, kuisa muchidimbu mumashoko ako pachako, kuita kuti vana vako vakubatsire kutaura nyaya yacho, kuvakoka kuti vaiite mutambo wenyaya yacho, uye zvichingodaro.

Ita kuti zvienderane nezvinangwa zvekukura zvavo pachezvavo.

Kunzvera magwaro matsvene kwemhuri kunokwanisa kupa kurudziro kune vechidiki nevana vadiki kuti vamise zvinangwa zvekukura kwavo kwezvepamweya, kwepanyama, kweungwaru uye nekwemagariro nevamwe (ona Ruka 2 52).

Mufananidzo
mhuri ichinyemwerera pamwechete

Kudzidzisa Vechidiki

Kana uine vechidiki mumhuri yako, hezvino zviitwa zvinokwanisa kuvabatsira kuti vadzidze:

Vakoke kuti vadzidzise

Isu tinowanzodzidza zvakanyanya kuwanda apo patinodzidzisa chimwe chinhu pane kungonzwa nezvacho. Ipa vechidiki vako mikana yekutungamira hurukuro dzemhuri pamusoro pemagwaro matsvene.

Itai kuti zvienderane nezviri kudzidzwa kuseminari

Gore rino vadzidzi veseminari vari kunzvera Dzidziso neZvibvumirano. Kana vechidiki vako varikupinda seminari, vakoke kuti vagovere zvavari kudzidzira ikoko.

Fananidza kumagwaro Matsvene

Dzimwe nguva vechidiki vanonetsekana nekuona kuti dzidziso nemisimboti mumagwaro matsvene zvinoenderana sei nehupenyu hwavo. Vabatsire kuona kuti nyaya nedzidziso zviri mumagwaro matsvene zvinoenderana sei nemamiriro ezvinhu avanotarisana nawo kumba, kuchikoro, kana neshamwari dzavo.

Bvunza mibvunzo inokurudzira kufungisisa

Vazhinji vechidiki vanopindura zvakanaka kumibvunzo inovabvumidza kutaura zvavanofunga uye manzwiro avo pamusoro pemagwaro matsvene pane kungodzokorora zvinotaurwa nemagwaro matsvene. Semuenzaniso, iwe unokwanisa kubvunza kuti, “Chii chingangechiri kudzidziswa naIshe mundima idzi?” kana “Sei muchifunga kuti zvakazarurwa izvi zvingangova zvaiva zvakakosha kune Vatendi muma 1830?”

Ita kuti zvienderane nezvinangwa zvekukura zvavo pachezvavo.

Kunzvera magwaro matsvene kwemhuri kunokwanisa kupa kurudziro kune vechidiki nevana vadiki kuti vamise zvinangwa zvekukura kwavo kwezvepamweya, kwepanyama, kweungwaru uye nekwemagariro nevamwe (ona Ruka 2 52).

Iva une chido chekuteerera nekupindura mibvunzo yavo

Mubvunzo kubva kune wechidiki mukana wakakosha wekugovera chokwadi nekutsvaga nzwisiso pamusoro wenyaya waanofarira zvechokwadi chaizvo. Usatya mibvunzo kana kuiita sekunge isina kukosha, kunyange ichiratidzika kunge isingaenderane nemusoro wenyaya wehurukuro. ZVAKANAKA kana usina mhinduro dzese. Mumba ndiyo nzvimbo yakanaka yekutsvaga mhinduro pamwechete.

Vakurudzire kugovera nzwisiso dzavo

Vechidiki vane mamwe maonero nemanzwisisiro ezvinhu akasiyana ekugovera mukunzvera magwaro matsvene kwemhuri. Ita kuti vazive kuti uri kufarira izvo zvavari kudzidziswa neMweya pamusoro pemagwaro matsvene. Unokwanisa kunyange kuvakumbira kuti vagovere nzwisiso dzavo kubva pakunzvera kwavo pachavo.

Iva wakasungunuka

Kana uine wechidiki asingade kutora chinhano mukunzvera magwaro matsvene kwemhuri, tsvaga dzimwe nzira dzekuvaka hukama naye. Semuenzaniso, unokwanisa kuunza vhangeri nemutauriro wemazuva ose muhurukuro yenyu kana kugovera chinyorwa chitsvene chakakosha nenzira isingaite kunge uri kuparidza kana kutonga? Kunzvera magwaro matsvene hakufanire kuitwa nenzira imwecheteyo mumhuri dzese. Vamwe vana vangangoita zviri nani pakunzvera magwaro matsvene nemubereki mumwechete (pane kunzvera pamwechete sechikwata). Namata uye utevere femero dzeMweya.

Mutungamiri Russell M. Nelson vakati: “Ndinovimbisa kuti kana muchishanda neushingi hukurusa kushandura imba yenyu kuti ive nzvimbo yekudzidza vhangeri, nekufamba kwenguva mazuva enyu eSabata achave zvechokwadi anofadza. Vana venyu vanozofarira kudzidza uye nekurarama dzidziso dzeMuponesi, uye runziro yemuvengi muupenyu hwenyu uye mumba menyu inozodzikira. Shanduko mumhuri yenyu inozove inoshamisa uye inosimbisa ”(“Becoming Exemplary Latter-day Saints,” Ensign kana Liahona, Mbudzi 2018, 113).

Dhinda