Dzidziso neZvibvumirano 2021
Rutendeuko Ndicho Chinangwa Chedu


“Rutendeuko Ndicho Chinangwa Chedu,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (2020)

“Rutendeuko Ndicho Chinangwa Chedu,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2021

Mufananidzo
mudzimai arikunzvera magwaro matsvene

Rutendeuko Ndicho Chinangwa Chedu

Chinangwa chekudzidza nekudzidzisa vhangeri kwose ndechekudzamisa rutendeuko rwedu kuna Jesu Kristu uye kutibatsira kuva saIye zvakanyanya. Nechikonzero ichi, apo patinodzidza vhangeri, hatisi kungotsvaga ruzivo rutsva; tinoda kuva “chisikwa chitsva”(2 Vakorinte 5:17). Izvi zvinoreva kuvimba naBaba Vekudenga uye naJesu Kristu kuti vatibatsire kushandura mwoyo yedu, maonero edu, zviito zvedu, uye nehunhu hwedu chaihwo.

Asi madzidziro evhangeri anosimbisa rutendo rwedu uye achitungamirira kuchishamiso cherutendeuko haasi anogoitika pakarepo. Anoenderera mberi kupfuura kudzidza kwemukirasi kuenda mukati memwoyo nemumba memunhu pachake. Kunzwisisa nekurarama vhangeri kunoda kuedza kwekutsungirira kwezuva nezuva. Asi Baba veKudenga havatarisire kuti tizviite tega — Vanozotumira Mweya Mutsvene kuti utibatsire kuva vakatendeuka.

Mweya Mutsvene unotitungamirira kuchokwadi uye unopupura nezve chokwadi ichocho (ona Johane 16:13). Unojekesa pfungwa dzedu, unokurumidzisa nzwisiso dzedu, uye unobata mwoyo yedu nezvakazarurwa zvinobva kuna Mwari, jerero rechokwadi chose. Mweya Mutsvene unochenesa mwoyo yedu. Unokurudzira matiri chido chekurarama nechokwadi, uye Unozevezera kwatiri nzira dzekuita izvi. Chokwadi, “Mweya Mutsvene … ucha[ti]dzidzisa zvinhu zvose” (Johane 14:26).

Nekuda kwezvikonzero izvi, mukuedza kwedu kurarama, kudzidza, uye kudzidzisa vhangeri, chinhu chekutanga uye chakakoshesesa chatinofanira kutsvaga hufambidzani hweMweya. Chinangwa ichi chinofanira kutonga sarudzo dzedu uye kutungamira mifungo yedu nezviito zvedu. Tinofanirwa kutsvaga chero chipi zvacho chinokoka hurudziro yeMweya uye kuramba chero chipi zvacho chinodzinga hurudziro iyoyo—nekuti tinoziva kuti kana tikakwanisa kukodzera kuvapo kweMweya Mutsvene, tinokwanisawo kuve takakodzera kurarama pamberi paBaba Vekudenga neMwanakomana Wavo, Jesu Kristu.

Dhinda