Dzidziso neZvibvumirano 2021
Mazano eKunatsurudza Kunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega


“Mazano eKunatsurudza Kunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (2020)

“Mazano eKunatsurudzaa Kunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2021

Mufananidzo
murume arikunzvera magwaro matsvene

Mazano eKunatsurudza Kunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Hedzino dzimwe nzira dziri nyore dzekunatsurudza kunzvera kwako shoko raMwari mumagwaro matsvene.

Namatira Femero

Magwaro matsvene ishoko raMwari, naizvozvo Vakumbire rubatsiro rwekuanzwisisa.

Tsvaga Zvokwadi pamusoro paJesu Kristu

Magwaro matsvene anotidzidzisa kuti zvinhu zvose zvinopupura nezva Kristu (ona 2 Nifai 11:4; Moses 6:63), naizvozvo funga pamusoro pekunyora pasi kana kumaka ndima dzinopupura nezve Muponesi, dzinodzamisa rudo rwako kwaAri, uye dzinodzidzisa mateverero ekuMuita.

Tsvaga Mashoko neNdevo Zvinokurudzira.

Ungangoona kuti mamwe mashoko nendevo zviri mumagwaro matsvene zvinokukurudzira, sekunge zvakanyorerwa iwe chaiye. Zvingangonzwika kuva zvinoenderana newe pachako uye zvichikukurudzira nekukutungamira. Funga pamusoro pekuzvimaka mumagwaro matsvene ako kana kuzvinyora mujenari rako raunonyora zvaunonzvera.

Tsvaga Zvokwadi zveVhangeri

Dzimwe nguva zvokwadi zvevhangeri (kazhinji zvinodaidzwa kuti dzidziso kana misimboti) zvinotaurwa pachena, uye dzimwe nguva zvinotaurwa kuburikidza nemuenzaniso kana nyaya. Zvibvunze kuti, “Ndezvipi zvokwadi zvekusingaperi zvinodzidziswa mundima idzi?”

Teerera kuMweya

Teerera kupfungwa dzako nemanzwiro ako, kunyange kana dai zvisingaenderani nezvauri kuverenga. Manzwiro iwayo angangova iwo zvinhu izvo Baba vako Vekudenga zvavanoda kuti udzidze.

Fananidza Magwaro Matsvene kuUpenyu Hwako.

Funga pamusoro pemashandiro anoita nyaya nedzidziso dzauri kuverenga kuupenyu hwako. Semuenzaniso, unokwanisa kuzvibvunza kuti, “Zviitiko zvipi zvandakava nazvo zvakafanana nezvandiri kuverenga?” kana “Ndingatevere sei muenzaniso wemunhu uyu ari mumagwaro matsvene?”

Bvunza Mibvunzo Apo Paunonzvera

Apo paunonzvera magwaro matsvene, mibvunzo inokwanisa kuuya mupfungwa. Mibvunzo iyi ingangova inoenderana nezvauri kuverenga kana nehupenyu hwako hwemazuva ose. Fungisisa mibvunzo iyi uye wotsvaga mhinduro apo paunoenda mberi nekunzvera magwaro matsvene.

Shandisa Zvibatsiro zveKunzvera Magwaro Matsvene

Kuti uwane dzimwe nzwisiso mundima dzaunoverenga, shandisa zvinyorwa zvepazasi pepeji, Nhungamiri kuMagwaro Matsvene (scriptures.ChurchofJesusChrist.org), nezvimwe zvibatsiro zvekunzvera.

Funga Pamusoro Pekuti Zvinyorwa Zvitsvene Zvacho Zvakaturwa Mumamiriro eZvinhu Api

Unokwanisa kuwana nzwisiso dzakakosha pamusoro pendima yechinyorwa chitsvene apo paunofunga nezve mamiriro ezvinhu ayakataurwa nezvayo, kusanganisira zvinhu zvaiitika kana kunzvimbo kwayakabva. Semuenzaniso, kuziva mamiriro uye zvitendero zvevanhu avo Mwari vavakataura navo zvinokwanisa kukubatsira kuti unzwisise zviri nani chinangwa chemashoko Avo.

Nyora Pasi Pfungwa Dzako neManzwiro Ako

Pane nzira dzakawanda dzekunyora pasi manzwiro anouya apo paunonzvera. Semuenzaniso, unokwanisa kumaka shoko rakakosha kana ndevo yakakosha uye wonyora pfungwa dzako sechinyorwa cheyeuchidzo mumagwaro matsvene ako. Unokwanisawo kuchengeta jenari renzwisiso, manzwiro uye nepfungwa zvaunogamuchira.

Nzvera Mashoko eVaporofita neVaapositora veMazuva Ekupedzisira.

Verenga izvo zvakadzidziswa nevaporofita nevaapositora vemazuva ekupedzisira pamusoro pemisimboti yaunowana mumagwaro matsvene (semuenzaniso, ona conference.ChurchofJesusChrist.org nemamagazini eChechi).

Govera Nzwisiso

Kukurukura nzwisiso dzaunowana pakunzvera kwako pachako haisi chete nzira yakanaka yekudzidzisa vamwe, asiwo zvinobatsira kusimbisa nzwisiso yako yezvawakaverenga.

Rarama Maererano neZvaunodzidza

Kunzvera kwemagwaro matsvene hakufanirwe kutikurudzira chete asiwo kunotitungamira kuti tishandure mararamiro atinoita. Teerera kune izvo zvaunofemerwa neMweya kuti uite apo paunoverenga, uye zvino wozvipira kuita izvo zvaunofemerwa.

Mufananidzo
mudzimai arikunzvera magwaro matsvene

Gosa David A. Bednar vakati: “Hatifanire kutarisira kuti Chechi sesangano idzidzise kana kutiudza zvese zvatinofanira kuziva uye zvatinofanira kuita kuti tive vadzidzi vakazvipira uye tigotsungirira neushingi kusvika kumagumo. Panokudaro, basa redu pachedu ndere kudzidza izvo zvatinofanira kudzidza, kurarama sezvatinoziva kuti tinofanira kurarama, uye kuva avo Tenzi vavanoda kuti tive. Uye dzimba dzedu ndidzo nzvimbo yakanakisisa yekudzidza, kurarama, uye nekuva” (“Prepared to Obtain Every Needful Thing,” Ensign kana Liahona, Chivabvu 2019, 102).

Dhinda