Dzidziso neZvibvumirano 2021
Kurume 15–21. Dzidziso neZvibvumirano 27–28: “Zvinhu Zvose Zvinofanirwa Kuitwa neHurongwa”


“Kurume 15-21. Dzidziso neZvibvumirano 27–28: ‘Zvinhu Zvose Zvinofanirwa Kuitwa neHurongwa,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2021 (2020)

“Kurume 15-21. Dzidziso neZvibvumirano 27–28,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2021

Mufananidzo
Joseph Smith

Kurume 15–21.

Dzidziso neZvibvumirano 27–28

“Zvinhu Zvose Zvinofanirwa Kuitwa neHurongwa”

Gosa D. Todd Christofferson vakati apo paunoverenga magwaro matsvene uye uchinyora pasi manzwiro, “unenge uchipa nzvimbo mumwoyo mako yeshoko raMwari, uye Vanenge vachitaura newe” (“When Thou Art Converted,” Ensign kana Liahona, Chivabvu 2004, 11).

Nyora Pasi Mwanzwiro Ako

Zvakazarurwa zvakanga zvichiri pfungwa itsva, kuVatendi apo Kudzorerwa pakwainderera mberi nekuitika. Nhengo dzeChechi dzekutanga dzaiziva kuti Muporofita Joseph Smith vaikwanisa kugashira zvakazarurwa zveChechi, asi vamwe vaikwanisawo here? Mibvunzo yakadai yakava inokosha apo Hiram Page, mumwe wezvapupu zvisere zvemahwendefa egoridhe, paakatenda kuti akanga atambira zvakazarurwa zveChechi. Vatendi vakawanda vakabvuma kuti zvakazarurwa izvi zvaibva kuna Mwari. Ishe vakapindura nekudzidzisa kuti muChechi Mavo “zvinhu zvose zvinofanirwa kuitwa neHurongwa” (Dzidziso neZvibvumirano 28:13), izvi zvaireva kuva nemunhu mumwechete “anogadzwa kugashira mirairo nezvakazarurwa” zveChechi yose.(Dzidziso neZvibvumirano 28:2). Kunyangwe zvakadaro, vamwe vaizokwanisa kugashira zvakazarurwa zvavo pachavo zvechikamu chavo mubasa raIshe. Muchokwadi, manzwi aIshe kuna Oliver Cowdery iyeuchidzo kwatiri tose: “Zvichapihwa kwauri … iwe zvaunofanira kuita” (Dzidziso neZvibvumirano 28:15).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Dzidziso neZvibvumirano 27:1–4

Ndinofanira kutora sakaramende ndakanangisa pfungwa chete pakubwiya kwaMwari.

Sally Knight naEmma Smith vakabhabhatidzwa muna Chikumi 1830, asi kusimbiswa kwavo kwakavhiringidzwa nemhomho. Mushure memwedzi miviri, Sally nemurume wake, Newel, vakauya kuzoshanyira Emma naJoseph, uye zvakasarudzwa kuti simbiso dzaifanira zvino kuitwa uye kuti chikwata ichocho chaizotora sakaramende pamwechete. Apo paakanga ari munzira kunotora waini yesakaramende, Joseph akamiswa nengirozi. Chii chaakadzidziswa nengirozi pamusoro pesakaramende? (ona Dzidziso neZvibvumirano 27:1–4).

Ndima idzi dzinokudzidzisa chii pamusoro pemafungiro ayo Muponesi aanoda kuti uite nezve sakaramende? Chii chaunonzwa kukurudzirwa kuita nokuda kweizvo zvauri kudzidza?

Mufananidzo
chingwa nekapu zvesakaramende

Sakaramende inotiyeuchidza nezve kuzvipira kweMuponesi.

Dzidziso neZvibvumirano 27:15–18

Nguo yedziviriro yaMwari inozondibatsira kukunda zvakaipa.

Mutungamiri Russel M. Ballard vakati: “Hakuna chinhu chimwechete chikurusa uye chinoshamisisa chatinokwanisa kuita kuti tizvipakatidze nezvombo pamweya. Simba rechokwadi remweya rinowanikwa muzviitiko zvidiki zvakawanda zvakabatanidzwa pamwechete kuve jira renhovo yemweya inodzivirira nekuvhariridza kubva kune zvakaipa zvose” (“Be Strong in the Lord,” Ensign, Chikunguru 2004, 8).

Apo paunoverenga Dzidziso neZvibvumirano 27:15-18, Unokwanisa kugadzira chinyorwa chakaita sechiri pazasi. Chii chauri kuita kuti upfeke chikamu chimwe nechimwe chenguwo yedziviriro yaMwari?

Chikamu chenguwo yedziviriro

Nhengo yemuviri yakadzivirirwa

Icho chingamiririrwa nenhengo yemuviri iyoyo

Chidziviriro chepachipfuva cheururami

Mwoyo

Zvido nezviyemuro zvedu

Nguwani yedziviriro yeruponeso

Musoro kana pfungwa

Onawo VaEfeso 6:11–18; 2 Nifai 1:23.

Dzidziso neZvibvumirano 28

Muporofita anorarama ndiye mutauriri waMwari weChechi Yavo.

Fungidzira zvazvaizenge zvakaita dai munhu wose wose aikwanisa kugashira mirairo nezvakazarurwa zveChechi yose. Apo Hiram Page paakataura kuti akanga agashira zvakazarurwa zvakadaro, pakave nekukangaidzika pakati penhengo dzeChechi. MuDzidziso neZvibvumirano 28, Ishe vakazarura hurongwa hwezvakazarurwa muChechi Yavo. Chii chaunodzidza kubva muchikamu chino pamusoro pebasa chairo iro reMutungamiri weChechi? Chii chaunodzidza kubva kumashoko aIshe kuna Oliver Cowdery mundima 3? Chii chaunodzidza kubva muchikamu chino pamusoro pamakwanisiro anoita Mwari kukutungamira?

Dzidziso neZvibvumirano 28:8–9

Sei ushumiri hwaOliver Cowdery kumaRamani hwakanga hwakakosha?

Chimwe chinangwa chimwechete cheBhuku raMormoni “ndechekuti maRamani vangasvika kuruzivo rwemadzibaba avo, uye kuti vangaziva vimbiso dzaIshe”(Dzidziso neZvibvumirano 3:20). Izvi zvakanga zvichienderana nevimbiso dzakaitwa naIshe kuvaporofita vakawanda veBhuku raMormoni (ona semuenzaniso, 1 Nifai 13:34–41; Enosi 1:11–18; Hiramani 15:12–13). Nhengo dzeChechi dzekutanga dzaifunga kuti maAmerican Indians vaiva zvizvarwa zvevanhu veBhuku raMormoni. (Mafungiro aripamutemo eChechi nhasi ndeekuti maRamani “varipakati pemadziteteguru emaAmerican Indians” [Chisumo kuBhuku raMormoni].)

   Ushumiri uhwu hunokudzidzisai chii pamusoro paIshe nebasa Ravo?

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Dzidziso neZvibvumirano 27:1–2.Tingakwanise sei kuyeuka zvirinani kuzvipira kwatakaitirwa neMuponesi apo patinotora sakaramende?

Dzidziso neZvibvumirano 27:5–14.Chii chatinoziva pamusoro pevaporofita mundima idzi? Munokwanisa kutsvagurudza ruzivo pamusoro pavo muNhungamiri kuMagwaro Matsvene (scriptures.ChurchofJesusChrist.org). Ndeapi maropadzo atakazarurirwa kuburikidza nemakii avaiva nawo? Kuti uwane rumwe ruzivo pamusoro pemamwe emakii aya, ona Mateo 16:16–19; Dzidziso neZvibvumirano 110:11–16.

Dzidziso neZvibvumirano 27:15–18.Pamwe mhuri yenyu ingafarira kuita hondo yekunyepedzera vakapfeka dzimwe nhumbi pamusoro dzinenge dzichimirira nguwo yedziviriro yaMwari, sezvakaita senguwani, mavhesi, maepuroni, kana shangu. Nguwo yedziviriro inobatsira kutidzivirira sei muhondo? Kurukurai pamusoro pedzimwe dzerunziro dzehuipi dzinosangana nemhuri yenyu uye zvinhu zvamunokwanisa kuita kuti mupfeke nguwo yedziviriro yemweya.  

Dzidziso neZvibvumirano 28:2–7.Chii chatinodzidza kubva pandima idzi pamusoro pechinzvimbo chemuporofita? Zvimwe nhengo dzemhuri dzingakwanise kuwongorora mashoko akare akapuwa nemuporofita wedu anorarama uye vogovera kuti rairo yake inotibatsira sei kutevera Jesu Kristu.

Dzidziso neZvibvumirano 28:11Kana tichida kupa mumwe munhu gadzirisano, sei zvakakosha kuzviita “pakati pake newe muri mega”?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rwiyo rwakapihwa: “Tinokutendai Mwari neMuporofita,” Hwaro hweVhangeri peji 296.

Kunatsa Kunzvera Kwako Wega

Nzvera mashoko evaporofita nevaapositora vemazuva ekupedzisira. Verenga izvo zvakadzidziswa nevaporofita nevaapositora vemazuva ekupedzisira pamusoro pemisimboti yaunowana mumagwaro matsvene. Funga kuwongorora munongedzo wemusoro wenyaya wemusangano mukuru paconference.ChurchofJesusChrist.org kana paapp yeRaibhurari yeVhangeri.

Dhinda